Revhitiko 16:1-34

  • Zuva Rekuyananisira (1-34)

16  Jehovha akataura naMozisi pashure pekufa kwevanakomana vaviri vaAroni avo vakafa nekuti vakanga vaswedera kuna Jehovha.+  Jehovha akati kuna Mozisi: “Udza Aroni mukoma wako kuti haafaniri kupinda chero paadira munzvimbo tsvene+ mukati meketeni,+ pamberi pechekukwidibirisa chiri paAreka, kuti arege kufa,+ nekuti ndichazviratidza pamusoro pechekukwidibirisa+ ndiri mugore.+  “Izvi ndizvo zvinofanira kuuya naAroni paanopinda munzvimbo tsvene: mukono wemombe mudiki wechibayiro chechivi+ negondohwe rechibayiro chinopiswa.+  Anofanira kupfeka nguo refu tsvene yejira,+ uye chikabudura* chejira+ chinofanira kuvhara muviri wake,* uye anofanira kusunga bhandi rejira,+ opfeka ngowani yejira.+ Izvo zvipfeko zvitsvene.+ Anofanira kugeza muviri wake nemvura+ ozvipfeka.  “Anofanira kutora kuungano yevaIsraeri+ mbudzana hono mbiri kuti dzive chibayiro chechivi negondohwe rimwe kuti rive chibayiro chinopiswa.  “Aroni anofanira kubva auya nemukono wake wemombe wechibayiro chechivi, uye achazviyananisira iye+ neimba yake.  “Achabva atora mbudzi mbiri, odzimisa pamberi paJehovha pasuo retende rekusanganira.  Aroni achakanda mijenya pamusoro pembudzi dzacho mbiri, mumwe mujenya uri waJehovha uye mumwe mujenya uri weAzazeri.*  Aroni achauya nembudzi inenge yabatwa nemujenya+ waJehovha, oipa kuti ive chibayiro chechivi. 10  Asi mbudzi inenge yabatwa nemujenya weAzazeri inofanira kumiswa pamberi paJehovha iri mhenyu kuti ayananisire pamusoro payo, yonosiyiwa kurenje+ iri yeAzazeri. 11  “Aroni anofanira kubva auya nemukono wake wemombe wechibayiro chechivi, uye achazviyananisira iye neimba yake; kana adaro achauraya mukono wake wechibayiro chechivi.+ 12  “Achabva atora paatari iri pamberi paJehovha mazimbe oazadza mumudziyo wekuisira moto,+ onokora kaviri rusenzi yakatsetseka inonhuhwirira,+ uye achauya nazvo mukati meketeni.+ 13  Achaisawo rusenzi yacho pamoto uri pamberi paJehovha,+ uye utsi hwerusenzi huchapfungaira huchivhara chekukwidibirisa cheAreka,+ chiri pamusoro peChipupuriro,+ kuti iye arege kufa. 14  “Achatora rimwe ropa remukono wacho+ orisasa nemunwe wake pedyo nechekukwidibirisa kurutivi rwekumabvazuva, osasa rimwe ropa nemunwe wake kanomwe pamberi pechekukwidibirisa.+ 15  “Achabva auraya mbudzi yechibayiro chevanhu chechivi,+ ouya neropa rayo mukati meketeni,+ oita neropa rayo+ zvaanenge aita neropa remukono wemombe; anofanira kurisasa pedyo nechekukwidibirisa uye pamberi pechekukwidibirisa. 16  “Anofanira kuyananisira nzvimbo tsvene pamabasa evaIsraeri ekusachena uye pakutadza kwavo nepazvivi zvavo,+ uye izvozvo ndizvo zvaanofanira kuitira tende rekusanganira, iro riri kugara pakati pavo vachiita mabasa avo ekusachena. 17  “Hapana mumwe munhu anofanira kunge ari mutende rekusanganira kubvira paanopinda kuti ayananisire ari munzvimbo tsvene kusvikira abuda. Achazviyananisira iye pamwe neimba yake+ neungano yese yaIsraeri.+ 18  “Achabva abuda oenda paatari+ iri pamberi paJehovha, oiyananisira, uye achabva atora rimwe ropa remukono wemombe nerimwe ropa rembudzi, oriisa panyanga dzeatari kumativi ese. 19  Achasasawo nemunwe wake rimwe ropa pamusoro payo kanomwe oichenesa pamabasa ekusachena evaIsraeri, kuti ive tsvene. 20  “Kana apedza kuyananisira+ nzvimbo tsvene netende rekusanganira neatari,+ achauyawo nembudzi mhenyu.+ 21  Aroni achaisa maoko ake ese pamusoro wembudzi yacho mhenyu, oreurura pamusoro payo kukanganisa kwese kwevaIsraeri nekutadza kwavo kwese nezvivi zvavo zvese, uye achazviisa pamusoro wembudzi yacho,+ oita kuti iendwe nayo kurenje nemunhu akasarudzwa onoisiya ikoko. 22  Mbudzi yacho ichatakura kukanganisa kwavo kwese+ ichienda kugwenga,+ uye iye achaisiya kurenje.+ 23  “Aroni achabva apinda mutende rekusanganira, obvisa nguo dzaanga akapfeka paapinda munzvimbo tsvene, odziisa pasi imomo. 24  Anofanira kugeza muviri wake nemvura+ munzvimbo tsvene, opfeka nguo dzake;+ achabva abuda opa chibayiro chake chinopiswa+ nechibayiro chinopiswa chevanhu,+ ozviyananisira iye nevanhu vacho.+ 25  Achaita kuti mafuta echibayiro chechivi apfungaire paatari. 26  “Munhu uya anenge anosiya mbudzi yeAzazeri+ kurenje anofanira kugeza zvipfeko zvake, ogeza muviri wake nemvura, uye kana adaro anogona hake kupinda mumusasa. 27  “Uye mukono wemombe wechibayiro chechivi nembudzi yechibayiro chechivi, zvine ropa rakapindwa naro munzvimbo tsvene pakuyananisira, zvichabudiswa kunze kwemusasa, uye matehwe azvo, nenyama yazvo nendove yazvo zvichapiswa nemoto.+ 28  Anenge azvipisa anofanira kugeza zvipfeko zvake, uye anofanira kugeza muviri wake nemvura, uye kana adaro anogona hake kupinda mumusasa. 29  “Uchava murau kwamuri uchagara uripo: Mumwedzi wechinomwe pazuva rechigumi remwedzi wacho, munofanira kuzvirwadzisa,* uye hapana munhu anofanira kuita chero basa,+ angava wemunyika yenyu kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu. 30  Pazuva iri muchayananisirwa,+ kuti munzi makachena. Muchava vakachena pazvivi zvenyu zvese pamberi paJehovha.+ 31  Iro isabata rekuti muzorore zvakakwana, uye munofanira kuzvirwadzisa.*+ Uyu murau uchagara uripo. 32  “Mupristi anozodzwa+ uye anogadzwa* kuti ashumire semupristi+ achitsiva baba vake,+ ndiye achayananisira zvivi uye achapfeka nguo dzejira,+ idzo nguo tsvene.+ 33  Achayananisira nzvimbo tsvenetsvene,+ tende rekusanganira,+ neatari;+ uye achayananisira vapristi nevanhu vese veungano.+ 34  Uyu uchava murau kwamuri uchagara uripo,+ kuti muyananisire vaIsraeri zvivi zvavo zvese kamwe chete pagore.”+ Saka akaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “chipfeko chemukati.”
Kana kuti “kuvhara nyama yake iri pachena.”
Zvingava zvichireva kuti “Mbudzi Inonyangarika.”
Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.” “Kuzvirwadzisa” kunowanzonzwisiswa sekunoreva nzira dzakasiyana-siyana dzekuzvinyima zvimwe zvinhu, kusanganisira kutsanya.
Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.”
ChiHeb., “anozadzwa ruoko.”