Revhitiko 24:1-23

  • Mafuta emumarambi etebhenekeri (1-4)

  • Zvingwa zvekuratidza (5-9)

  • Munhu akamhura zita raMwari anourayiwa (10-23)

24  Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti:  “Udza vaIsraeri kuti vakuunzire mafuta akachena, akasvinwa mumaorivhi, ekuisa mumarambi kuti agare achibvira.+  Kunze kweketeni reChipupuriro mutende rekusanganira, Aroni anofanira kuita kuti marambi agare achibvira kubva manheru kusvikira mangwanani pamberi paJehovha. Uyu murau uchagara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese.  Anofanira kuronga marambi acho pachigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa pamberi paJehovha nguva dzese.  “Unofanira kutora furawa yakatsetseka, wobika zvingwa 12 zveraundi.* Chingwa chimwe nechimwe chinofanira kubikwa nezvegumi zviviri zveefa.*  Uronge zvingwa zvacho zvakaturikidzana patafura yegoridhe pamberi paJehovha,+ zvitanhatu zvakaturikidzana pazvo zvega,+ zvimwe zvitanhatu zvakaturikidzana zvega.  Unofanira kutora zvinonhuhwirira zvichena wozviisa pamusoro pezvingwa zvacho zvakaturikidzana, uye zvinonhuhwirira izvi zvichapisirwa Jehovha nemoto zvichimiririra chingwa chabviswa semupiro.*+  PaSabata rega rega, anofanira kugara achichironga pamberi paJehovha.+ Iyi isungano ichagara iripo kuvaIsraeri.  Chichava chaAroni nevanakomana vake,+ uye vachachidya munzvimbo tsvene,+ nekuti chinhu chitsvenetsvene kwaari chinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto. Uyu murau uchagara uripo.” 10  PavaIsraeri paiva nemumwe mwanakomana wemukadzi wechiIsraeri, baba vake vari vechiIjipiti,+ uye mwana wacho akatanga kurwa nemurume wechiIsraeri vari mumusasa. 11  Mwana wemukadzi wacho wechiIsraeri akatanga kumhura Zita* achirituka.+ Saka vakauya naye kuna Mozisi.+ Amai vake vainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibri wedzinza raDhani. 12  Vakamuisa* muusungwa kusvikira vava kuziva zvakanga zvasarudzwa+ naJehovha. 13  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 14  “Budisa uya amhura kunze kwemusasa, uye vanhu vese vamunzwa ngavaise maoko avo pamusoro wake, uye ungano yese inofanira kubva yamutema nematombo.+ 15  Uye unofanira kuudza vaIsraeri kuti, ‘Munhu wese anotuka Mwari wake, achazvidavirira chivi chake. 16  Saka munhu anomhura zita raJehovha anotofanira kuurayiwa.+ Ungano yese inotofanira kumutema nematombo. Mutorwa anofanira kuurayiwa sezvinongoitwa munhu wemunyika yacho kana amhura Zita. 17  “‘Kana munhu akauraya munhu,* iye anotofanira kuurayiwawo.+ 18  Munhu anorova chipfuwo ochiuraya,* anofanira kuchiripa, upenyu huchatsiva upenyu.* 19  Kana munhu akakuvadza mumwe wake, zvaanenge aita ndizvo zvaanofanira kuitirwawo.+ 20  Kutyoka kuchatsiviwa nekutyoka, ziso neziso, zino nezino, kukuvadza kwaanenge aita munhu ndiko kwaanofanira kuitwawo.+ 21  Munhu anorova mhuka oiuraya anofanira kuiripa,+ asi anorova munhu omuuraya anofanira kuurayiwawo.+ 22  “‘Mutongo mumwe chete uchashanda kwamuri, kungava kumutorwa kana kumunhu wemunyika yenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’” 23  Mozisi akabva ataura nevaIsraeri, vakabudisa uya akanga atuka kunze kwemusasa, vakamutema nematombo.+ Saka vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Mashoko Emuzasi

Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.
Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “zvichiyeuchidza nezvechingwa chabviswa semupiro.”
Kureva, zita rekuti Jehovha, sezvinoratidzwa muvhesi 15 ne16.
Kureva, mukomana wacho.
Kana kuti “akauraya mweya wemunhu.”
Kana kuti “Uye munhu anorova mweya wemhuka ouuraya.”
Kana kuti “mweya uchatsiva mweya.”