Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 3:1-36

  • Jesu naNikodhimo (1-21)

    • Kuberekwazve (3-8)

    • Mwari akada nyika (16)

  • Uchapupu hwaJohani hwekupedzisira nezvaJesu (22-30)

  • Uya anobva kumusoro (31-36)

3  Kwaiva nemumwe murume muFarisi, ainzi Nikodhimo,+ mutongi wevaJudha.  Iyeyu akauya kwaari usiku,+ akati: “Rabhi,+ tinoziva kuti imi makabva kuna Mwari semudzidzisi, nekuti hapana anokwanisa kuita zviratidzo izvi+ zvamunoita kunze kwekunge Mwari ainaye.”+  Jesu akamupindura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, kana munhu asina kuberekwazve,*+ haagoni kuona Umambo hwaMwari.”+  Nikodhimo akati kwaari: “Munhu angaberekwa sei iye akura? Zvingaita here kuti apinde mudumbu raamai vake kechipiri oberekwazve?”  Jesu akapindura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, kana munhu asina kuberekwa nemvura+ nemweya,+ haagoni kupinda muUmambo hwaMwari.  Chakaberekwa nenyama, inyama, uye chakaberekwa nemweya, mweya.  Usashamiswa nekuti ndakuudza kuti: Imi munofanira kuberekwazve.  Mhepo inovhuvhutira kwainoda, uye unonzwa kuvhuvhuta kwayo, asi hauzivi kwainobva nekwairi kuenda. Ndizvo zvakaita munhu wese akaberekwa nemweya.”+  Nikodhimo akamupindura achiti: “Zvingaitika sei izvozvo?” 10  Jesu akapindura kuti: “Uri mudzidzisi waIsraeri here usingazivi zvinhu izvi? 11  Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi imi hamugamuchiri uchapupu hwatinopa. 12  Kana ndakuudza zvinhu zvepanyika asi usingatendi, uchatenda sei kana ndikakuudza zvinhu zvekudenga? 13  Zvakare, hapana munhu akakwira kudenga+ kunze kweuya akaburuka achibva kudenga,+ iye Mwanakomana wemunhu. 14  Uye sekusimudza kwakaita Mozisi nyoka murenje,+ Mwanakomana wemunhu anofanirawo kusimudzwa,+ 15  kuti munhu wese anotenda maari ave neupenyu husingaperi.+ 16  “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.+ 17  Nekuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.+ 18  Munhu wese anotenda maari haafaniri kutongwa.+ Munhu wese asingatendi atotongwa, nekuti haana kutenda muzita reMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.+ 19  Kutongwa kuchabva pane izvi: kuti chiedza chakauya munyika,+ asi vanhu vakada rima panzvimbo pechiedza, nekuti mabasa avo akanga akaipa. 20  Nekuti munhu wese anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauyi kuchiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.* 21  Asi munhu wese ari pachokwadi anouya kuchiedza,+ kuti mabasa ake aratidzwe pachena kuti aitwa maererano nekuda kwaMwari.” 22  Pashure peizvi Jesu nevadzidzi vake vakaenda munharaunda yeJudhiya, uye akamboti garei navo uye aibhabhatidza.+ 23  Asi Johani akanga achibhabhatidzawo ari paAinoni pedyo neSarimu, nekuti ipapo pakanga paine mvura yakawanda chaizvo.+ Vanhu vairamba vachiuya, vachibhabhatidzwa;+ 24  nekuti panguva iyoyo Johani akanga asati akandwa mujeri.+ 25  Vadzidzi vaJohani vakaitisana nharo nemumwe muJudha nezvenyaya yekunatswa. 26  Saka vakauya kuna Johani, vakati kwaari: “Rabhi, onai murume uya wamakapupura nezvake wamakanga muinaye mhiri kwaJodhani,+ ari kubhabhatidza, uye vese vari kuenda kwaari.” 27  Johani akapindura achiti: “Hapana munhu anogamuchira chinhu kunze kwekunge achipiwa chichibva kudenga. 28  Imi pachenyu makandinzwa ndichiti, ‘Handisi ini Kristu,+ asi ndakafanotumwa asati auya.’+ 29  Munhu wese ane mwenga ndiye murume ari kuchata.+ Asi shamwari yemurume ari kuchata painosimuka yomunzwa, inofara chaizvo nekuti inenge yanzwa inzwi rake. Saka mufaro wangu wazadziswa. 30  Iyeye anofanira kuramba achiwedzera, asi ini ndinofanira kuramba ndichiderera.” 31  Uya anobva kumusoro+ ari pamusoro pevamwe vese. Wepanyika ndewepanyika uye anotaura zvinhu zvepanyika. Uya anobva kudenga ari pamusoro pevamwe vese.+ 32  Anopupura zvaakaona nezvaakanzwa,+ asi hapana munhu ari kugamuchira uchapupu hwake.+ 33  Munhu wese akagamuchira uchapupu hwake, ari kubvuma* kuti Mwari ndewechokwadi.+ 34  Nekuti uya akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari,+ nekuti haapi* mweya zvekunyima.* 35  Baba vanoda Mwanakomana+ uye vakaisa zvinhu zvese muruoko rwake.+ 36  Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi;+ asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu,+ asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuberekwa achibva kumusoro.”
ChiGir., “kutsiurwa.”
ChiGir., “ari kuisa chisimbiso.”
Kureva, Mwari.
Kana kuti “achiita zvekuyera.”