Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 9:1-41
9 Paakanga achipfuura, akaona mumwe murume akaberekwa ari bofu.
2 Vadzidzi vake vakamubvunza kuti: “Rabhi,+ ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”
3 Jesu akapindura kuti: “Munhu uyu nevabereki vake hapana akatadza, asi zvakaitika kuti mabasa aMwari aratidzwe pachena paari.+
4 Tinofanira kuita mabasa aiye akandituma, achiri masikati;+ usiku huri kuuya zvekuti panenge pasisina munhu angaita basa.
5 Kana ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”+
6 Paakanga ataura izvi, akasvipira mate pasi, akakanya ivhu nawo, uye akazora dhaka racho pamaziso emunhu wacho,+
7 akati kwaari: “Enda unogeza mudziva reSiroami” (zvinoreva kuti “Kutumwa”). Saka akaenda akanogeza, akadzoka ava kuona.+
8 Vavakidzani nevamwe vaiwanzomuona achipemha vakatanga kuti: “Uyu haasi iye here murume aiwanzogara pasi achipemha?”
9 Vamwe vaiti: “Ndiye.” Vamwe vachiti: “Aiwa, asi vakada kufanana.” Murume wacho aingoti: “Ndini.”
10 Saka vakamubvunza kuti: “Saka maziso ako asvinudzwa sei?”
11 Akapindura kuti: “Murume anonzi Jesu akanya dhaka, akarizora pamaziso angu, akati kwandiri, ‘Enda kuSiroami unogeza.’+ Saka ndaenda ndikanogeza, ndikatanga kuona.”
12 Vakabva vati kwaari: “Ari kupi murume iyeye?” Iye akati: “Handizivi.”
13 Vakaenda nemurume wacho anga ari bofu kuvaFarisi.
14 Zvakangoitikawo kuti Jesu paakakanya dhaka akasvinudza maziso ake,+ raiva Sabata.+
15 Saka iye zvino vaFarisi vakatangawo kubvunza murume wacho kuti zvafamba sei kuti aone. Iye akati kwavari: “Aisa dhaka pamaziso angu, uye ndageza ndikatanga kuona.”
16 Vamwe vaFarisi vakabva vatanga kuti: “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nekuti haachengeti Sabata.”+ Vamwe vachiti: “Mutadzi angagona sei kuita zviratidzo zvakadai?”+ Saka pakanga pava nekupesana pakati pavo.+
17 Vakatizve kumurume uya bofu: “Ko iwe unotii nezvake, sezvo uri iwe wasvinudzwa maziso?” Murume wacho akati: “Ndinoti muprofita.”
18 Asi vaJudha havana kubvuma kuti aimbova bofu uye kuti akanga ava kuona, kusvikira vashevedza vabereki vemurume wacho akanga ava kuona.
19 Uye vakavabvunza kuti: “Uyu ndiye mwanakomana wenyu wamunoti akaberekwa ari bofu here? Saka iye zvino sei ava kuona?”
20 Vabereki vake vakapindura kuti: “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu uye kuti akaberekwa ari bofu.
21 Asi kuti zvafamba sei kuti aone, hatizivi; kuti ndiani amusvinudza, hatizivi. Mubvunzei. Ava munhu mukuru. Anofanira kuzvitaurira.”
22 Vabereki vake vakataura zvinhu izvi nekuti vaitya vaJudha,+ nekuti vaJudha vakanga vatobvumirana kuti munhu wese anoti uyu ndiye Kristu, anofanira kudzingwa musinagogi.+
23 Ndokusaka vabereki vake vakati: “Ava munhu mukuru. Mubvunzei.”
24 Saka vakashevedzazve murume uya aimbova bofu, vakati kwaari: “Kudza Mwari; tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.”
25 Akapindura kuti: “Zvekuti mutadzi, ini handizvizivi. Chandinongoziva ndechekuti ndanga ndiri bofu, asi iye zvino ndava kuona.”
26 Vakabva vati kwaari: “Akuita sei? Asvinudza sei maziso ako?”
27 Iye akavapindura kuti: “Ndambokuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mava kudawo kuva vadzidzi vake?”
28 Vakabva vamunyomba vachiti: “Iwe ndiwe mudzidzi wake; isu tiri vadzidzi vaMozisi.
29 Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi murume uyu hatizivi kwaakabva.”
30 Murume wacho akavapindura kuti: “Inga zvinoshamisa! Kuti hamuzivi kwaanobva, asi iye asvinudza maziso angu.
31 Tinoziva kuti Mwari haateereri vatadzi,+ asi kana munhu achitya Mwari uye achiita kuda kwake, anomuteerera.+
32 Kubvira kare nakare hazvina kumbonzwika kuti kune munhu akasvinudza maziso emunhu akaberekwa ari bofu.
33 Kudai munhu uyu aisabva kuna Mwari, hapana chinhu chaaimbogona kuita.”+
34 Vakamupindura vachiti: “Iyewe wakaberekerwa muzvivi, ungatidzidzisei?” Vakabva vamudzingira kunze!+
35 Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye paakamuwana, akati: “Unotenda muMwanakomana wemunhu here?”
36 Murume wacho akapindura kuti: “Ishe, ndiani iyeye nditendewo maari?”
37 Jesu akati kwaari: “Wamuona, uye ndiye ari kutotaura newe.”
38 Akati: “Ndinotenda maari, Ishe.” Uye akamupfugamira.
39 Jesu akabva ati: “Ndakauya munyika ino nekuda kwemutongo uyu, kuti vaya vasingaoni vaone+ uye vaya vanoona vave mapofu.”+
40 VaFarisi vakanga vainaye vakanzwa zvaaitaura, vakati kwaari: “Tiri mapofuwo here isu?”
41 Jesu akati kwavari: “Kudai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi munoti, ‘Tinoona.’ Chivi chenyu chinoramba chiripo.”+