Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani 9:1-41

  • Jesu anoporesa murume akaberekwa ari bofu (1-12)

  • Murume aporeswa anobvunzwa nevaFarisi (13-34)

  • Upofu hwevaFarisi (35-41)

9  Paakanga achipfuura, akaona mumwe murume akaberekwa ari bofu.  Vadzidzi vake vakamubvunza kuti: “Rabhi,+ ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”  Jesu akapindura kuti: “Munhu uyu nevabereki vake hapana akatadza, asi zvakaitika kuti mabasa aMwari aratidzwe pachena paari.+  Tinofanira kuita mabasa aiye akandituma, achiri masikati;+ usiku huri kuuya zvekuti panenge pasisina munhu angaita basa.  Kana ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”+  Paakanga ataura izvi, akasvipira mate pasi, akakanya ivhu nawo, uye akazora dhaka racho pamaziso emunhu wacho,+  akati kwaari: “Enda unogeza mudziva reSiroami” (zvinoreva kuti “Kutumwa”). Saka akaenda akanogeza, akadzoka ava kuona.+  Vavakidzani nevamwe vaiwanzomuona achipemha vakatanga kuti: “Uyu haasi iye here murume aiwanzogara pasi achipemha?”  Vamwe vaiti: “Ndiye.” Vamwe vachiti: “Aiwa, asi vakada kufanana.” Murume wacho aingoti: “Ndini.” 10  Saka vakamubvunza kuti: “Saka maziso ako asvinudzwa sei?” 11  Akapindura kuti: “Murume anonzi Jesu akanya dhaka, akarizora pamaziso angu, akati kwandiri, ‘Enda kuSiroami unogeza.’+ Saka ndaenda ndikanogeza, ndikatanga kuona.” 12  Vakabva vati kwaari: “Ari kupi murume iyeye?” Iye akati: “Handizivi.” 13  Vakaenda nemurume wacho anga ari bofu kuvaFarisi. 14  Zvakangoitikawo kuti Jesu paakakanya dhaka akasvinudza maziso ake,+ raiva Sabata.+ 15  Saka iye zvino vaFarisi vakatangawo kubvunza murume wacho kuti zvafamba sei kuti aone. Iye akati kwavari: “Aisa dhaka pamaziso angu, uye ndageza ndikatanga kuona.” 16  Vamwe vaFarisi vakabva vatanga kuti: “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nekuti haachengeti Sabata.”+ Vamwe vachiti: “Mutadzi angagona sei kuita zviratidzo zvakadai?”+ Saka pakanga pava nekupesana pakati pavo.+ 17  Vakatizve kumurume uya bofu: “Ko iwe unotii nezvake, sezvo uri iwe wasvinudzwa maziso?” Murume wacho akati: “Ndinoti muprofita.” 18  Asi vaJudha havana kubvuma kuti aimbova bofu uye kuti akanga ava kuona, kusvikira vashevedza vabereki vemurume wacho akanga ava kuona. 19  Uye vakavabvunza kuti: “Uyu ndiye mwanakomana wenyu wamunoti akaberekwa ari bofu here? Saka iye zvino sei ava kuona?” 20  Vabereki vake vakapindura kuti: “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu uye kuti akaberekwa ari bofu. 21  Asi kuti zvafamba sei kuti aone, hatizivi; kuti ndiani amusvinudza, hatizivi. Mubvunzei. Ava munhu mukuru. Anofanira kuzvitaurira.” 22  Vabereki vake vakataura zvinhu izvi nekuti vaitya vaJudha,+ nekuti vaJudha vakanga vatobvumirana kuti munhu wese anoti uyu ndiye Kristu, anofanira kudzingwa musinagogi.+ 23  Ndokusaka vabereki vake vakati: “Ava munhu mukuru. Mubvunzei.” 24  Saka vakashevedzazve murume uya aimbova bofu, vakati kwaari: “Kudza Mwari; tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” 25  Akapindura kuti: “Zvekuti mutadzi, ini handizvizivi. Chandinongoziva ndechekuti ndanga ndiri bofu, asi iye zvino ndava kuona.” 26  Vakabva vati kwaari: “Akuita sei? Asvinudza sei maziso ako?” 27  Iye akavapindura kuti: “Ndambokuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mava kudawo kuva vadzidzi vake?” 28  Vakabva vamunyomba vachiti: “Iwe ndiwe mudzidzi wake; isu tiri vadzidzi vaMozisi. 29  Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi murume uyu hatizivi kwaakabva.” 30  Murume wacho akavapindura kuti: “Inga zvinoshamisa! Kuti hamuzivi kwaanobva, asi iye asvinudza maziso angu. 31  Tinoziva kuti Mwari haateereri vatadzi,+ asi kana munhu achitya Mwari uye achiita kuda kwake, anomuteerera.+ 32  Kubvira kare nakare hazvina kumbonzwika kuti kune munhu akasvinudza maziso emunhu akaberekwa ari bofu. 33  Kudai munhu uyu aisabva kuna Mwari, hapana chinhu chaaimbogona kuita.”+ 34  Vakamupindura vachiti: “Iyewe wakaberekerwa muzvivi, ungatidzidzisei?” Vakabva vamudzingira kunze!+ 35  Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye paakamuwana, akati: “Unotenda muMwanakomana wemunhu here?” 36  Murume wacho akapindura kuti: “Ishe, ndiani iyeye nditendewo maari?” 37  Jesu akati kwaari: “Wamuona, uye ndiye ari kutotaura newe.” 38  Akati: “Ndinotenda maari, Ishe.” Uye akamupfugamira. 39  Jesu akabva ati: “Ndakauya munyika ino nekuda kwemutongo uyu, kuti vaya vasingaoni vaone+ uye vaya vanoona vave mapofu.”+ 40  VaFarisi vakanga vainaye vakanzwa zvaaitaura, vakati kwaari: “Tiri mapofuwo here isu?” 41  Jesu akati kwavari: “Kudai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi munoti, ‘Tinoona.’ Chivi chenyu chinoramba chiripo.”+

Mashoko Emuzasi