Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 5:1-13

  • Nyaya yeupombwe (1-5)

  • Mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese (6-8)

  • Munhu akaipa anofanira kubviswa (9-13)

5  Zviri kutonzi pakati penyu pari kuitwa upombwe,*+ uye upombwe* hwakadaro hautombowanikwi kunyange pakati pemamwe marudzi, hwekuti mumwe murume ari kugara nemudzimai wababa vake.+  Muri kutodada nazvo here? Maisafanira kuchema here,+ kuti murume akaita zvakadai abviswe pakati penyu?+  Kunyange zvazvo ndisiko panyama, ndiriko mumweya, uye ndatotonga murume wacho akaita izvi, sekunge kuti ndinotova nemi.  Kana makaungana pamwe chete muzita raShe wedu Jesu, uye muchiziva kuti ndinemi mumweya pamwe nesimba raShe wedu Jesu,  munofanira kuisa munhu akadaro kuna Satani+ kuti nyama iparadzwe, maonero eungano azochengetedzwa* pazuva raShe.+  Kuzvirumbidza kwamuri kuita hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese?+  Bvisai mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvo imi muri vanhu vasina kuviriswa. Nekuti Kristu, gwayana redu rePaseka,+ akabayirwa.+  Saka ngatichengete mutambo,+ kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yeuipi nechivi, asi nechingwa chisina mbiriso chekutendeka nechokwadi.  Mutsamba yangu ndakakunyorerai kuti murege kufambidzana nemhombwe,* 10  ndisingarevi kuti murege zvachose kufambidzana nemhombwe* dziri munyika ino+ kana vanhu vanokara kana makororo kana vanonamata zvidhori. Dai zvakadaro maitozofanira kubva panyika.+ 11  Asi iye zvino ndiri kukunyorerai kuti murege kufambidzana+ nemunhu wese anonzi hama iye ari mhombwe* kana munhu anokara+ kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa+ kana gororo.+ Murege kunyange kudya nemunhu akadaro. 12  Nekuti ndinei nekutonga vari kunze? Imi hamutongi vari mukati here, 13  Mwari achitonga vari kunze?+ “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”+

Mashoko Emuzasi

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiGir., “mweya uponeswe.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”