Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 3:1-23
3 Saka hama, ndakanga ndisingakwanisi kutaura nemi sendiri kutaura nevanhu vemweya,+ asi nevanhu venyama, vacheche+ muna Kristu.
2 Ndakakupai mukaka, kwete zvekudya chaizvo, nekuti makanga musati manyatsosimba. Kunyange nanhasi hamusati manyatsosimba,+
3 nekuti muchiri venyama.+ Sezvo pakati penyu paine godo nekukakavadzana, hamusi venyama here+ uye hamusi kufamba sezvinoita vanhu here?
4 Nekuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwewo achiti, “Ini ndiri waAporo,”+ hamusi kuita zvinongoitwa nevanhu here?
5 Saka Aporo chii? Ko iye Pauro chii? Vanongovawo vashumiri+ vakaita kuti muve vatendi, sekupiwa kwakaitwa mumwe nemumwe naShe.
6 Ini ndakadyara,+ Aporo akadiridza,+ asi Mwari akaita kuti zvikure,
7 saka anodyara kana anodiridza haasi chinhu, asi Mwari anoita kuti zvikure.+
8 Munhu anodyara neanodiridza vamwe chete,* asi mumwe nemumwe achawana mubayiro unoenderana nebasa rake.+
9 Nekuti tinoshanda pamwe chete naMwari. Imi muri munda waMwari uri kurimwa, muri chivakwa chaMwari.+
10 Maererano nenyasha dzaMwari dzandakaratidzwa, ndakaisa faundesheni+ semuvaki ane unyanzvi,* asi mumwe munhu ari kuvakira pairi. Asi mumwe nemumwe ngaarambe achingwarira mavakiro aari kuita pairi.
11 Nekuti hapana munhu anogona kuisa imwe faundesheni kunze kweyakatoiswa, inova ndiyo Jesu Kristu.+
12 Kana munhu achivaka pafaundesheni yacho negoridhe, nesirivha, nematombo anokosha, nematanda, neuswa, kana mashanga,
13 basa remumwe nemumwe richabudiswa pachena zvariri, nekuti zuva racho richariratidza, nekuti richaratidzwa nemoto,+ uye moto ucharatidza kuti basa rakavakwa nemumwe nemumwe ndererudzii.
14 Kana basa remunhu raakavaka pairi rikaramba riripo, iye achawana mubayiro;
15 kana basa remunhu rikatsva, acharasikirwa, asi iye achaponeswa; asi kana zvikadaro, zvichaita sekunge apfuura nemumoto.
16 Hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari+ uye kuti mweya waMwari unogara mamuri?+
17 Kana munhu akaparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nekuti temberi yaMwari itsvene, uye imi ndimi temberi yacho.+
18 Ngaparege kuva nemunhu anozvinyepera: Kana pakati penyu paine munhu anofunga kuti akachenjera munyika ino, ngaave benzi, kuti ave akachenjera.
19 Nekuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari, nekuti zvakanyorwa kuti: “Anobata vakachenjera mukunyengera kwavo.”+
20 Uyezve: “Jehovha* anoziva kuti kufunga kwevanhu vakachenjera hakuna zvakunobatsira.”+
21 Saka ngaparege kuva neanozvirumbidza nevanhu; nekuti zvinhu zvese ndezvenyu,
22 angava Pauro kana Aporo kana Kefasi*+ kana nyika kana upenyu kana rufu kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya, zvinhu zvese ndezvenyu;
23 nemiwo muri vanhu vaKristu;+ uye Kristuwo, ndewaMwari.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “chinangwa chavo chimwe chete.”
^ Kana kuti “semutungamiriri webasa akachenjera.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Anonziwo Petro.