Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 3:1-23

  • VaKorinde vachiri venyama (1-4)

  • Mwari anoita kuti zvikure (5-9)

    • Tinoshanda pamwe naMwari (9)

  • Vaka nezvinhu zvisingatsvi (10-15)

  • Muri temberi yaMwari (16, 17)

  • Uchenjeri hwenyika upenzi kuna Mwari (18-23)

3  Saka hama, ndakanga ndisingakwanisi kutaura nemi sendiri kutaura nevanhu vemweya,+ asi nevanhu venyama, vacheche+ muna Kristu.  Ndakakupai mukaka, kwete zvekudya chaizvo, nekuti makanga musati manyatsosimba. Kunyange nanhasi hamusati manyatsosimba,+  nekuti muchiri venyama.+ Sezvo pakati penyu paine godo nekukakavadzana, hamusi venyama here+ uye hamusi kufamba sezvinoita vanhu here?  Nekuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwewo achiti, “Ini ndiri waAporo,”+ hamusi kuita zvinongoitwa nevanhu here?  Saka Aporo chii? Ko iye Pauro chii? Vanongovawo vashumiri+ vakaita kuti muve vatendi, sekupiwa kwakaitwa mumwe nemumwe naShe.  Ini ndakadyara,+ Aporo akadiridza,+ asi Mwari akaita kuti zvikure,  saka anodyara kana anodiridza haasi chinhu, asi Mwari anoita kuti zvikure.+  Munhu anodyara neanodiridza vamwe chete,* asi mumwe nemumwe achawana mubayiro unoenderana nebasa rake.+  Nekuti tinoshanda pamwe chete naMwari. Imi muri munda waMwari uri kurimwa, muri chivakwa chaMwari.+ 10  Maererano nenyasha dzaMwari dzandakaratidzwa, ndakaisa faundesheni+ semuvaki ane unyanzvi,* asi mumwe munhu ari kuvakira pairi. Asi mumwe nemumwe ngaarambe achingwarira mavakiro aari kuita pairi. 11  Nekuti hapana munhu anogona kuisa imwe faundesheni kunze kweyakatoiswa, inova ndiyo Jesu Kristu.+ 12  Kana munhu achivaka pafaundesheni yacho negoridhe, nesirivha, nematombo anokosha, nematanda, neuswa, kana mashanga, 13  basa remumwe nemumwe richabudiswa pachena zvariri, nekuti zuva racho richariratidza, nekuti richaratidzwa nemoto,+ uye moto ucharatidza kuti basa rakavakwa nemumwe nemumwe ndererudzii. 14  Kana basa remunhu raakavaka pairi rikaramba riripo, iye achawana mubayiro; 15  kana basa remunhu rikatsva, acharasikirwa, asi iye achaponeswa; asi kana zvikadaro, zvichaita sekunge apfuura nemumoto. 16  Hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari+ uye kuti mweya waMwari unogara mamuri?+ 17  Kana munhu akaparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nekuti temberi yaMwari itsvene, uye imi ndimi temberi yacho.+ 18  Ngaparege kuva nemunhu anozvinyepera: Kana pakati penyu paine munhu anofunga kuti akachenjera munyika ino, ngaave benzi, kuti ave akachenjera. 19  Nekuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari, nekuti zvakanyorwa kuti: “Anobata vakachenjera mukunyengera kwavo.”+ 20  Uyezve: “Jehovha* anoziva kuti kufunga kwevanhu vakachenjera hakuna zvakunobatsira.”+ 21  Saka ngaparege kuva neanozvirumbidza nevanhu; nekuti zvinhu zvese ndezvenyu, 22  angava Pauro kana Aporo kana Kefasi*+ kana nyika kana upenyu kana rufu kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya, zvinhu zvese ndezvenyu; 23  nemiwo muri vanhu vaKristu;+ uye Kristuwo, ndewaMwari.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “chinangwa chavo chimwe chete.”
Kana kuti “semutungamiriri webasa akachenjera.”
Anonziwo Petro.