Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 1:1-31

  • Kwaziso (1-3)

  • Pauro anotenda Mwari nekuda kwevaKorinde (4-9)

  • Kukurudzirwa kubatana (10-17)

  • Kristu, simba uye uchenjeri hwaMwari (18-25)

  • Kuzvirumbidza muna Jehovha chete (26-31)

1  Pauro, akadanwa kuti ave muapostora+ waKristu Jesu nekuda kwaMwari, uye Sositenesi hama yedu,  kuungano yaMwari iri muKorinde,+ imi makatsveneswa muri pamwe naKristu Jesu,+ makadanwa kuti muve vatsvene, pamwe nevanhu vese vari kwese kwese vari kudana pazita raShe wedu Jesu Kristu,+ Ishe wavo newedu:  Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.  Ndinogara ndichitenda Mwari wangu pamusoro penyu, pandinofunga nezvenyasha dzamakaratidzwa naMwari nekuna Kristu Jesu;  nekuti makapfumiswa maari pazvinhu zvese, pakukwanisa kunyatsotaura uye pakuva neruzivo rwakazara,+  sekusimbiswa kwakaitwa uchapupu pamusoro paKristu+ pakati penyu,  kuti musava nechipo chamunoshayiwa pamunenge muchimirira nemwoyo wese kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu.+  Iye achakusimbisaiwo kusvikira pamugumo, kuti musava nechamunopomerwa pazuva raShe wedu Jesu Kristu.+  Mwari akatendeka,+ uye ndiye akakudanai kuti mubatane* neMwanakomana wake Jesu Kristu, Ishe wedu. 10  Saka ndinokukurudzirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mese munofanira kutaura muchibvumirana uye kuti hamufaniri kupesana pakati penyu,+ asi munofanira kunyatsobatana pamafungiro enyu uye pamaonero amunoita zvinhu.+ 11  Nekuti vamwe vekwaKroe vakandizivisa nezvenyu, hama dzangu, kuti muri kunetsana pakati penyu. 12  Zvandiri kureva ndezvekuti, mumwe nemumwe wenyu anoti: “Ini ndiri waPauro,” “Ini ndiri waAporo,”+ “Ini ndiri waKefasi,”* “Ini ndiri waKristu.” 13  Kristu akakamurwa-kamurwa here? Ko Pauro akakufirai padanda here? Kana kuti makabhabhatidzwa muzita raPauro here? 14  Ndinotenda Mwari kuti hapana mumwe wenyu wandakabhabhatidza kunze kwaKrispo+ naGayo,+ 15  saka hapana angati akabhabhatidzwa muzita rangu. 16  Ichokwadi kuti ndakabhabhatidzawo imba yaStefanasi.+ Asi vamwe vese handizivi kana paine mumwezve wandakabhabhatidza. 17  Nekuti Kristu haana kundituma kunobhabhatidza asi kunozivisa mashoko akanaka,+ kwete nekutaura kweuchenjeri, kuti danda rekutambudzirwa* raKristu rirege kuzoonekwa serisingabatsiri. 18  Nekuti kutaura nezvedanda rekutambudzirwa* upenzi kune vaya vari kuparara,+ asi kwatiri vari kuponeswa, isimba raMwari.+ 19  Nekuti zvakanyorwa kuti: “Ndichaita kuti uchenjeri hwevanhu vakachenjera huparare, uye ndicharamba ungwaru hwevanhu vane pfungwa dzakapinza.”+ 20  Munhu akachenjera ari kupi? Munyori* ari kupi? Munhu ane nharo wenyika ino ari kupi? Mwari haana kuita kuti uchenjeri hwenyika ino huve upenzi here? 21  Nekuti kunyange zvazvo nyika yakatadza kusvika pakuziva Mwari+ neuchenjeri hwayo,+ Mwari neuchenjeri hwake akaona zvakanaka kuti ashandise upenzi+ hunoparidzwa kuti aponese vaya vanotenda. 22  Nekuti vaJudha vanokumbira zviratidzo+ uye vaGiriki vanotsvaga uchenjeri; 23  asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa padanda, uye vaJudha vanogumburwa nazvo, mamwe marudzi achizviona seupenzi.+ 24  Asi Kristu isimba raMwari neuchenjeri hwaMwari+ kuvaya vakadanwa, vangava vaJudha kana vaGiriki. 25  Nekuti chinhu chaMwari chinonzi ndecheupenzi chakachenjera kupfuura vanhu, uye chinhu chaMwari chinonzi hachina simba chakasimba kupfuura vanhu.+ 26  Nekuti hama, muri kuona pakukudanai kwaakaita, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama,+ havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji veimba huru,*+ 27  asi Mwari akasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika kuti anyadzise vanhu vakachenjera; uye Mwari akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika kuti anyadzise zvinhu zvakasimba;+ 28  uye Mwari akasarudza zvinhu zvisingakoshi zvenyika nezvinhu zvinotarisirwa pasi, zvinhu zvisipo, kuti aparadze zvinhu zviripo,+ 29  kuti parege kuva nemunhu angazvirumbidza pamberi paMwari. 30  Asi ndiye akaita kuti muve pamwe naKristu Jesu, uyo azova kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, uyewo kururama+ neutsvene+ nekusunungurwa nerudzikinuro,+ 31  kuti zvive sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “muwadzane.”
Anonziwo Petro.
Kureva, nyanzvi yeMutemo.
Kana kuti “vanobva mumhuri dzinokudzwa.”