Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 1:1-31
1 Pauro, akadanwa kuti ave muapostora+ waKristu Jesu nekuda kwaMwari, uye Sositenesi hama yedu,
2 kuungano yaMwari iri muKorinde,+ imi makatsveneswa muri pamwe naKristu Jesu,+ makadanwa kuti muve vatsvene, pamwe nevanhu vese vari kwese kwese vari kudana pazita raShe wedu Jesu Kristu,+ Ishe wavo newedu:
3 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.
4 Ndinogara ndichitenda Mwari wangu pamusoro penyu, pandinofunga nezvenyasha dzamakaratidzwa naMwari nekuna Kristu Jesu;
5 nekuti makapfumiswa maari pazvinhu zvese, pakukwanisa kunyatsotaura uye pakuva neruzivo rwakazara,+
6 sekusimbiswa kwakaitwa uchapupu pamusoro paKristu+ pakati penyu,
7 kuti musava nechipo chamunoshayiwa pamunenge muchimirira nemwoyo wese kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu.+
8 Iye achakusimbisaiwo kusvikira pamugumo, kuti musava nechamunopomerwa pazuva raShe wedu Jesu Kristu.+
9 Mwari akatendeka,+ uye ndiye akakudanai kuti mubatane* neMwanakomana wake Jesu Kristu, Ishe wedu.
10 Saka ndinokukurudzirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mese munofanira kutaura muchibvumirana uye kuti hamufaniri kupesana pakati penyu,+ asi munofanira kunyatsobatana pamafungiro enyu uye pamaonero amunoita zvinhu.+
11 Nekuti vamwe vekwaKroe vakandizivisa nezvenyu, hama dzangu, kuti muri kunetsana pakati penyu.
12 Zvandiri kureva ndezvekuti, mumwe nemumwe wenyu anoti: “Ini ndiri waPauro,” “Ini ndiri waAporo,”+ “Ini ndiri waKefasi,”* “Ini ndiri waKristu.”
13 Kristu akakamurwa-kamurwa here? Ko Pauro akakufirai padanda here? Kana kuti makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
14 Ndinotenda Mwari kuti hapana mumwe wenyu wandakabhabhatidza kunze kwaKrispo+ naGayo,+
15 saka hapana angati akabhabhatidzwa muzita rangu.
16 Ichokwadi kuti ndakabhabhatidzawo imba yaStefanasi.+ Asi vamwe vese handizivi kana paine mumwezve wandakabhabhatidza.
17 Nekuti Kristu haana kundituma kunobhabhatidza asi kunozivisa mashoko akanaka,+ kwete nekutaura kweuchenjeri, kuti danda rekutambudzirwa* raKristu rirege kuzoonekwa serisingabatsiri.
18 Nekuti kutaura nezvedanda rekutambudzirwa* upenzi kune vaya vari kuparara,+ asi kwatiri vari kuponeswa, isimba raMwari.+
19 Nekuti zvakanyorwa kuti: “Ndichaita kuti uchenjeri hwevanhu vakachenjera huparare, uye ndicharamba ungwaru hwevanhu vane pfungwa dzakapinza.”+
20 Munhu akachenjera ari kupi? Munyori* ari kupi? Munhu ane nharo wenyika ino ari kupi? Mwari haana kuita kuti uchenjeri hwenyika ino huve upenzi here?
21 Nekuti kunyange zvazvo nyika yakatadza kusvika pakuziva Mwari+ neuchenjeri hwayo,+ Mwari neuchenjeri hwake akaona zvakanaka kuti ashandise upenzi+ hunoparidzwa kuti aponese vaya vanotenda.
22 Nekuti vaJudha vanokumbira zviratidzo+ uye vaGiriki vanotsvaga uchenjeri;
23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa padanda, uye vaJudha vanogumburwa nazvo, mamwe marudzi achizviona seupenzi.+
24 Asi Kristu isimba raMwari neuchenjeri hwaMwari+ kuvaya vakadanwa, vangava vaJudha kana vaGiriki.
25 Nekuti chinhu chaMwari chinonzi ndecheupenzi chakachenjera kupfuura vanhu, uye chinhu chaMwari chinonzi hachina simba chakasimba kupfuura vanhu.+
26 Nekuti hama, muri kuona pakukudanai kwaakaita, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama,+ havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji veimba huru,*+
27 asi Mwari akasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika kuti anyadzise vanhu vakachenjera; uye Mwari akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika kuti anyadzise zvinhu zvakasimba;+
28 uye Mwari akasarudza zvinhu zvisingakoshi zvenyika nezvinhu zvinotarisirwa pasi, zvinhu zvisipo, kuti aparadze zvinhu zviripo,+
29 kuti parege kuva nemunhu angazvirumbidza pamberi paMwari.
30 Asi ndiye akaita kuti muve pamwe naKristu Jesu, uyo azova kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, uyewo kururama+ neutsvene+ nekusunungurwa nerudzikinuro,+
31 kuti zvive sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “muwadzane.”
^ Anonziwo Petro.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kureva, nyanzvi yeMutemo.
^ Kana kuti “vanobva mumhuri dzinokudzwa.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.