Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 13:1-13

  • Rudo—nzira inopfuura dzese (1-13)

13  Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzengirozi asi ndisina rudo, ndinenge ndangova sebhero riri kurira kana kuti sezviridzwa zvesimbi zviri kurovaniswa.  Uye kana ndiine chipo chekuprofita uye chekunzwisisa zvakavanzika zvitsvene* zvese neruzivo rwese,+ uye kana ndiine kutenda kwakakura zvekuti ndinofambisa makomo, asi ndisina rudo, hapana zvandiri.*+  Uye kana ndikapa zvinhu zvangu zvese kuti ndiwanise vamwe zvekudya,+ uye kana ndikapa muviri wangu sechibayiro kuti ndizvirumbidze, asi ndisina rudo,+ hapana kana chazvinondibatsira.  Rudo+ rune mwoyo murefu+ uye rune mutsa.+ Rudo haruna godo.+ Haruzvikudzi, haruzvitutumadzi,+  haruzvibati zvisina kufanira,+ harutsvagi zvakarunakira,+ harutsamwiswi.+ Haruchengeti chigumbu.*+  Harufariri zvisina kururama,+ asi runofara nechokwadi.  Runoshingirira zvinhu zvese,+ runotenda zvinhu zvese,+ rune tariro pazvinhu zvese,+ runotsungirira zvinhu zvese.+  Rudo harumboperi.* Asi kana paine zvipo zvekuprofita, zvichabviswa; kana paine ndimi,* dzichaguma; kana ruri ruzivo ruchabviswa.  Nekuti tine ruzivo rusina kukwana+ uye tinoprofita zvisina kukwana, 10  asi kana zvakakwana zvavapo, zvisina kukwana zvichabviswa. 11  Pandaiva mwana, ndaitaura semwana, ndaifunga semwana, ndaiona zvinhu semwana; asi sezvo iye zvino ndava murume, ndakasiya zvinoitwa nemwana. 12  Nekuti iye zvino tinoona zvisina kunyatsojeka negirazi resimbi, asi panguva iyoyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisina kukwana, asi panguva iyoyo ndichanyatsoziva sekunyatsozivikanwa kwandinoitwa ini. 13  Asi zvitatu izvi zvinoramba zviripo: kutenda, tariro, rudo; asi chikuru pane zvese rudo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “handibatsiri.”
Kana kuti “zvarwatadzirwa.”
Kana kuti “harumbokundikani.”
Kureva, zvishamiso zvekukwanisa kutaura mimwe mitauro.