Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 2:1-16
2 Saka pandakauya kwamuri hama, ndichikuzivisai chakavanzika chitsvene*+ chaMwari, handina kuuya ndichishandisa mashoko+ kana uchenjeri zvekushamisira.
2 Nekuti ndakasarudza kusaziva chimwe chinhu pakati penyu kunze kwaJesu Kristu, akarovererwa.+
3 Uye ndakauya kwamuri ndisina simba, ndichitya uye ndichidedera zvikuru;
4 uye zvandaitaura nezvandaiparidza zvakanga zvisina mashoko ekunyengetedza euchenjeri asi kuti zvairatidza mweya nesimba,+
5 kuti kutenda kwenyu kuve musimba raMwari, kwete muuchenjeri hwevanhu.
6 Tinotaura uchenjeri pakati pevaya vakura,+ kwete uchenjeri hwenyika ino kana hwevatongi venyika ino, vari kufanira kuparara.+
7 Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari muchakavanzika chitsvene,+ uchenjeri hwakavanzwa, hwakagara hwaitwa kuti huvepo naMwari nyika ino yakaipa isati yavapo, kuti isu tikudzwe.
8 Uhwu ndihwo uchenjeri hwakatadza kuzivikanwa+ kana nemumwe wevatongi venyika ino, nekuti dai vakanga vahuziva vangadai vasina kuroverera Ishe anokudzwa.
9 Asi sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ziso harina kuona, nenzeve haina kunzwa, uye mwoyo wemunhu hauna kufunga nezvezvinhu zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”+
10 Nekuti isu ndisu takazvizarurirwa+ naMwari achishandisa mweya wake,+ nekuti mweya unoongorora zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.+
11 Nekuti pakati pevanhu ndiani anoziva zvinhu zvemunhu, kunze kwemweya* wemunhu uri maari? Sakawo, hapana akasvika pakuziva zvinhu zvaMwari, kunze kwemweya waMwari.
12 Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika asi mweya unobva kuna Mwari,+ kuti tizive zvinhu zvatakapiwa naMwari nemutsa wake.
13 Tinotaurawo zvinhu izvi, kwete nemashoko anodzidziswa neuchenjeri hwevanhu,+ asi neaya anodzidziswa nemweya,+ tichitsanangura zvinhu zvemweya tichishandisa mashoko emweya.
14 Asi munhu wenyama haabvumi zvinhu zvemweya waMwari, nekuti upenzi kwaari; uye haagoni kusvika pakuzviziva, nekuti zvinoongororwa mumweya.
15 Asi munhu wemweya anoongorora zvinhu zvese,+ asi iye haaongororwi nemunhu.
16 Nekuti “ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha,* zvekuti angamurayiridza?”+ Asi isu tine pfungwa dzaKristu.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.