Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 2:1-16

  • Kuparidza kwaPauro muKorinde (1-5)

  • Kukwirira kwakaita uchenjeri hwaMwari (6-10)

  • Kusiyana kwakaita munhu wemweya nemunhu wenyama (11-16)

2  Saka pandakauya kwamuri hama, ndichikuzivisai chakavanzika chitsvene*+ chaMwari, handina kuuya ndichishandisa mashoko+ kana uchenjeri zvekushamisira.  Nekuti ndakasarudza kusaziva chimwe chinhu pakati penyu kunze kwaJesu Kristu, akarovererwa.+  Uye ndakauya kwamuri ndisina simba, ndichitya uye ndichidedera zvikuru;  uye zvandaitaura nezvandaiparidza zvakanga zvisina mashoko ekunyengetedza euchenjeri asi kuti zvairatidza mweya nesimba,+  kuti kutenda kwenyu kuve musimba raMwari, kwete muuchenjeri hwevanhu.  Tinotaura uchenjeri pakati pevaya vakura,+ kwete uchenjeri hwenyika ino kana hwevatongi venyika ino, vari kufanira kuparara.+  Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari muchakavanzika chitsvene,+ uchenjeri hwakavanzwa, hwakagara hwaitwa kuti huvepo naMwari nyika ino yakaipa isati yavapo, kuti isu tikudzwe.  Uhwu ndihwo uchenjeri hwakatadza kuzivikanwa+ kana nemumwe wevatongi venyika ino, nekuti dai vakanga vahuziva vangadai vasina kuroverera Ishe anokudzwa.  Asi sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ziso harina kuona, nenzeve haina kunzwa, uye mwoyo wemunhu hauna kufunga nezvezvinhu zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”+ 10  Nekuti isu ndisu takazvizarurirwa+ naMwari achishandisa mweya wake,+ nekuti mweya unoongorora zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.+ 11  Nekuti pakati pevanhu ndiani anoziva zvinhu zvemunhu, kunze kwemweya* wemunhu uri maari? Sakawo, hapana akasvika pakuziva zvinhu zvaMwari, kunze kwemweya waMwari. 12  Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika asi mweya unobva kuna Mwari,+ kuti tizive zvinhu zvatakapiwa naMwari nemutsa wake. 13  Tinotaurawo zvinhu izvi, kwete nemashoko anodzidziswa neuchenjeri hwevanhu,+ asi neaya anodzidziswa nemweya,+ tichitsanangura zvinhu zvemweya tichishandisa mashoko emweya. 14  Asi munhu wenyama haabvumi zvinhu zvemweya waMwari, nekuti upenzi kwaari; uye haagoni kusvika pakuzviziva, nekuti zvinoongororwa mumweya. 15  Asi munhu wemweya anoongorora zvinhu zvese,+ asi iye haaongororwi nemunhu. 16  Nekuti “ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha,* zvekuti angamurayiridza?”+ Asi isu tine pfungwa dzaKristu.+

Mashoko Emuzasi

Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.