Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ngaaite Kuti Urongwa Hwako Hwose Hubudirire’

‘Ngaaite Kuti Urongwa Hwako Hwose Hubudirire’

“Farirawo Jehovha kwazvo, iye achakupa zvinokumbirwa nomwoyo wako.”​—PIS. 37:4.

NZIYO: 135, 81

1. Wechidiki anofanira kusarudzei nezveramangwana, asi nei pasina chikonzero chekunyanya kuzvidya mwoyo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

IMI vechidiki munogona kubvumirana nazvo kuti hautangi rwendo usati waronga kwauri kuda kuenda. Upenyu hwakafanana nerwendo, uye paunenge uchiri mudiki ndipo paunofanira kuronga kwaunoda kuzoenda. Asi kuronga kunogona kuoma. Mumwe musikana anonzi Heather anoti: “Zvinotyisa. Unofanira kusarudza zvauchaita neupenyu hwako.” Asi usatya. Jehovha anoudza vanhu vake kuti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.”​—Isa. 41:10.

2. Unoziva sei kuti Jehovha anoda kuti uronge kuti uzova neramangwana rinofadza?

2 Jehovha anokukurudzira kuti uronge ramangwana rako nekuchenjera. (Mup. 12:1; Mat. 6:20) Anoda kuti ufare. Izvi zvinobuda pachena paunoona, paunonzwa uye paunoravidza zvinhu zvaakasika. Fungawo nezvemazano aanotipa uye kutidzidzisa kwaanoita mararamiro akanaka. Jehovha anoudza vaya vanoramba mazano ake kuti: “Makasarudza chinhu chandisina kufarira. . . . Tarirai! Vashumiri vangu vachafara, asi imi muchanyara. Tarirai! Vashumiri vangu vachashevedzera vachifara nokuda kwokufara kwomwoyo.” (Isa. 65:12-14) Jehovha anokudzwa vanhu vake pavanosarudza nekuchenjera muupenyu.​—Zvir. 27:11.

URONGWA HUCHAITA KUTI UFARE

3. Jehovha anoda kuti uitei?

3 Jehovha anoda kuti uve neurongwa hwakaita sei? Akasika vanhu kuti vawane mufaro unobva pakumuziva uye kumushumira vakatendeka. (Pis. 128:1; Mat. 5:3) Izvi zvakasiyana chaizvo nezvinoita mhuka dzaakasika, idzo dzinongogutsikana nekudya, kunwa uye kubereka vana. Mwari anoda kuti ufare kuburikidza nekuronga kuitawo zvimwe zvinhu kwete kungogumira pakuronga kuita zvinhu zvinogutsa mhuka. Musiki wako ‘ndiMwari worudo,’ “Mwari anofara,” uyo akasika vanhu “nomufananidzo wake.” (2 VaK. 13:11; 1 Tim. 1:11; Gen. 1:27) Uchafara paunotevedzera Mwari wedu ane rudo. Rugwaro urwu rwakamboshandawo here kwauri runoti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira”? (Mab. 20:35) Ichocho ichokwadi chinokosha muupenyu hwevanhu. Saka Jehovha anoda kuti zvaunoronga zvibve pakuda kwaunoita Mwari uye vamwe.​—Verenga Mateu 22:36-39.

4, 5. Chii chaiita kuti Jesu afare?

4 Jesu Kristu akakusiyirai muenzaniso wakanaka zvikuru imi vechidiki. Hapana mubvunzo kuti paaiva mudiki ainakidzwa nekutamba nevamwe. Shoko raMwari rinoti pane ‘nguva yekuseka nenguva yekutamba.’ (Mup. 3:4) Jesu akaswederawo pedyo naJehovha kuburikidza nekudzidza Magwaro. Paaiva nemakore 12, vadzidzisi vaiva patemberi vakashamiswa “nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake” panyaya dzine chekuita nekunamata.​—Ruka 2:42, 46, 47.

5 Paainge akura, Jesu aiva munhu anofara. Chii chaiita kuti afare? Aiziva kuti Mwari aida kuti ‘azivise mashoko akanaka kuvarombo nekuita kuti mapofu aone.’ (Ruka 4:18) Kuita zvaainge atumwa naMwari kwaiita kuti Jesu afare. Pisarema 40:8 inoratidza manzwiro aaiita. Inoti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu.” Jesu ainakidzwa nekudzidzisa vanhu nezvaBaba vake vekudenga. (Verenga Ruka 10:21.) Rimwe zuva pashure pekudzidzisa mumwe mukadzi nezvekunamata kwechokwadi, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Joh. 4:31-34) Kuda Mwari uye kuda vanhu kwaiita kuti Jesu afare. Izvozvo zvinogona kuitawo kuti ufare.

6. Nei zvakanaka kukurukura zvirongwa zvako zveramangwana nevaKristu vakasimba pakunamata?

6 VaKristu vakawanda vakawana mufaro pavaiva vadiki kuburikidza nekushumira semapiyona. Wadii wakurukura nevamwe vavo zvauri kuronga? “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri, asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.” (Zvir. 15:22) Vanhu vakadaro vakasimba pakunamata vangakuudza kuti kuita basa renguva yakazara kunokudzidzisa zvinhu zvinokubatsira kweupenyu hwako hwese. Pashure pekunge adzidziswa naBaba vake ari kudenga, Jesu akaenderera mberi nekudzidza paaiita ushumiri hwake pasi pano. Semuenzaniso, akawana mufaro paaiudza vamwe mashoko akanaka uye paairamba akavimbika kuna Mwari pasinei nematambudziko. (Verenga Isaya 50:4; VaH. 5:8; 12:2) Ngatimboonai mamwe mabasa emunguva yakazara anogona kuita kuti ufare zvikuru.

NEI BASA REKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI RICHIUNZA MUFARO?

7. Nei vechidiki vakawanda vachinakidzwa nebasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi?

7 Jesu akati: “Endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi . . . muchivadzidzisa.” (Mat. 28:19, 20) Kana ukaronga kuita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi, unenge wasarudza basa rinogutsa zvikuru, uye rinoita kuti Jehovha akudzwe. Kungofanana nemamwe mabasa, unoda nguva yekuti uve neunyanzvi. Munguva pfupi yapfuura, imwe hama inonzi Timothy iyo yakatanga kupayona iine makore 19 yakati: “Ndinofarira kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara nekuti ndiwo maratidziro andinoita kuti ndinomuda. Pandakatanga kupayona handina kukwanisa kuitisa kunyange chidzidzo cheBhaibheri chimwe chete, asi ndakazoenda kune imwe ndima uye ndakakwanisa kutanga zvidzidzo zvakati wandei mumwedzi mumwe chete. Mumwe wandaidzidza naye akatanga kuuya kuImba yoUmambo. Pashure pekunge ndapinda Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora, * icho chaiitwa kwemwedzi miviri, ndakanzi ndinoshanda kune imwe ndima kwandava nezvidzidzo zvina. Ndinoda kudzidzisa vanhu, sezvo ndichiona kuti mweya mutsvene uri kuchinja upenyu hwavo.”​—1 VaT. 2:19.

8. Vamwe vaKristu vechidiki vakaitei kuti vakwanise kuparidzira vanhu vakawanda?

8 Vamwe vaKristu vechidiki vakadzidza mumwe mutauro. Semuenzaniso, Jacob wekuNorth America akanyora kuti: “Pandaiva nemakore 7, vanhu vakawanda vandaidzidza navo vaibva kuVietnam. Ndaida kuvaudza nezvaJehovha, saka papera kanguva ndakaronga kuti ndidzidze mutauro wavo. Kakawanda kacho ndaidzidza ndichiita zvekuenzanisa Nharireyomurindi yeChirungu neyechiVietnamese. Ndakatangawo kushamwaridzana nehama dzaiva muungano yemutauro wechiVietnamese yaiva pedyo. Pandakanga ndava nemakore 18, ndakatanga kupayona. Pava paya ndakapinda Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora. Chikoro ichi chiri kundibatsira sezvo ndiri kushumira ndingori mukuru mumwe chete mune rimwe boka remutauro wechiVietnamese. Vanhu vakawanda vechiVietnamese vanoshamiswa kuti ndakadzidza mutauro wavo. Vanondipinza mumba uye kazhinji ndinotanga kudzidza Bhaibheri navo. Vamwe vavo vakatobhabhatidzwa.”​—Enzanisa naMabasa 2:7, 8.

9. Basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rinotidzidzisei?

9 Basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rinokudzidzisa kushanda zvakanaka, kutaura nevanhu, kuva nechivimbo uye kungwarira zvaunotaura. (Zvir. 21:5; 2 Tim. 2:24) Asi basa iri rinonyanya kuunza mufaro nekuti rinoita kuti unyatsoziva Magwaro anotsigira zvaunotenda. Rinokudzidzisawo kushanda pamwe chete naJehovha.​—1 VaK. 3:9.

10. Ungavawo sei nemufaro wekuita kuti vanhu vave vadzidzi kunyange mundima yakaoma?

10 Unogona kunakidzwa nekuita kuti vanhu vave vadzidzi kunyange ndima yenyu iine vanhu vashoma vanobvuma kudzidza Bhaibheri. Basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rakafanana nemushandirapamwe. Ungano yese inotsvaga vanoda chokwadi. Kunyange zvazvo hama kana hanzvadzi imwe chete ingawana munhu anozova mudzidzi, vese vanenge vashanda pakutsvaga munhu akadaro uye vese vanofara. Semuenzaniso, Brandon akaita makore 9 achipayona mundima yaiva nevanhu vasingadi kudzidza Bhaibheri. Anoti: “Ndinofarira kuparidza mashoko akanaka nokuti ndizvo zvatinoudzwa naJehovha kuti tiite. Ndakatanga kupayona ndichangopedza chikoro. Ndinonakidzwa nekukurudzira hama dzechidiki muungano uye kudziona dzichifambira mberi pakunamata. Pashure pekunge ndapinda Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora, ndakanzi ndinopayona kune imwe ndima. Handisati hangu ndambowana munhu anosvika pakubhabhatidzwa, asi vamwe vakavawana. Ndinofara kuti ndakaronga kuita zvakawanda mubasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi.”​—Mup. 11:6.

ZVIRONGWA ZVAKO ZVINGAKUSVITSA KUPI?

11. Vechidiki vakawanda vari kuita basa ripi dzvene?

11 Pane mikana yakawanda yekushumira Jehovha. Semuenzaniso, vechidiki vakawanda vanozvipira kuita basa rekuvaka. Pari kudiwa mazana eDzimba dzeUmambo. Kuvaka dzimba idzi ibasa dzvene rinoita kuti Jehovha akudzwe uye rinogona kuita kuti ufare. Unogonawo kuva nemufaro wekushanda nehama nehanzvadzi dzako. Basa rekuvaka zvivako zvekunamatira rinokudzidzisa kungwarira njodzi, kushanda nesimba uye kushanda pamwe nevatariri vako.

Vanopinda mubasa renguva yakazara vanowana makomborero akawanda (Ona ndima 11-13)

12. Kupayona kungaita sei kuti munhu awane nemimwe mikana yekushumira Jehovha?

12 Imwe hama inonzi Kevin inoti: “Kubva ndichiri kakomana, ndaida kuzoshumira Jehovha mubasa renguva yakazara. Ndakazotanga kupayona ndava nemakore 19. Kuti ndikwanise kuzviriritira ndaipota ndichishandira imwe hama yaiita zvekuvaka. Ndakadzidza kuturika matenga edzimba uye kuisa mahwindo nemadhoo. Pava paya, ndakaita makore maviri ndichishanda neboka raibatsira vainge vawirwa nenjodzi, tichigadzirisa Dzimba dzeUmambo nedzimba dzehama. Pandakanzwa kuti kuSouth Africa kwaidiwa vanhu vanobatsira pakuvaka, ndakanyorera uye ndakashevedzwa. Muno muAfrica, tinopedza kuvaka Imba yeUmambo mumavhiki mashomanana toenda kunovaka imwe. Boka redu rekuvaka rakaita semhuri. Tinogara pamwe chete, tinodzidza Bhaibheri pamwe chete uye tinoshanda pamwe chete. Ndinonakidzwawo nekuparidzira nehama dzemuungano vhiki yega yega. Zvirongwa zvandakaita ndichiri kakomana zviri kuita kuti ndifare zvandaisatarisira.”

13. Kushumira paBheteri kunoita sei kuti vechidiki vafare?

13 Vamwe vakaita maererano nezvavakanga varonga zvekushumira mubasa renguva yakazara vava kushumira vari paBheteri. Kushumira paBheteri kunounza mufaro nekuti zvese zvaunoita ipapo unozviitira Jehovha. Mhuri yeBheteri inobatsira pakupa zvekudya zvekunamata. Imwe hama inoshanda paBheteri inonzi Dustin yakati: “Pandakanga ndiine makore 9 ndipo pandakaronga kuzoita basa renguva yakazara uye ndakatanga kupayona ndichangopedza chikoro. Pashure pegore nehafu, ndakashevedzwa kuBheteri, kwandakadzidza kushandisa michina yekuprinda uye kwandakazodzidzawo kugadzira mapurogiramu emakombiyuta. PaBheteri, ndinonakidzwa nekutanga kunzwa nezvekufambira mberi kuri kuita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi pasi rese. Ndinoda kushumira pano nekuti zvatinoita zvinobatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naJehovha.”

UCHARONGA KUITEI MUNE RAMANGWANA?

14. Ungaronga sei kuzoita ushumiri hwenguva yakazara?

14 Ungaronga sei kuti uzova mushumiri wenguva yakazara? Kupfuura zvimwe zvese, unhu hwechiKristu huchakubatsira kuti ubudirire pakushumira Jehovha zvizere. Saka shingaira pakudzidza kwaunoita Shoko raMwari, fungisisa zvarinotaura uye tsvaga nzira dzekutaura zvaunotenda pamisangano yeungano. Paunenge uchiri kuenda kuchikoro, unogona kuwedzera unyanzvi hwekuparidza mashoko akanaka. Dzidza kufarira vanhu kuburikidza nekuvabvunza zvavanofunga uye kuteerera mhinduro dzavo asi uchizviita nekungwarira. Unogonawo kuzvipira kuita zvimwe zvinhu muungano zvakadai sekubatsira kuchenesa uye kugadziridza Imba yeUmambo. Jehovha anofarira kushandisa vaya vanozvininipisa uye vanozvipira. (Verenga Pisarema 110:3; Mab. 6:1-3) Muapostora Pauro akashevedza Timoti kuti aite basa reumishinari nekuti “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama.”​—Mab. 16:1-5.

15. Ungagadzirira sei kuzowana cheuviri?

15 Vashumiri venguva yakazara vakawanda vanofanira kushanda kuti vawane cheuviri. (Mab. 18:2, 3) Zvimwe ukaita kosi pfupi unogona kuzowana basa rekuti unoshanda mazuva mashoma pavhiki. Paunenge uchironga zvekuita, taura nemutariri wenyu wedunhu nemapiyona ari mudunhu menyu. Vabvunze kuti mabasa api anonyatsoita kumapiyona. Uye sezvinotaurwa neBhaibheri, “Isa mabasa ako kuna Jehovha uye zvirongwa zvako zvichasimbiswa kwazvo.”​—Zvir. 16:3; 20:18.

16. Kuita basa renguva yakazara paunenge uchiri mudiki kunokubatsira sei kugadzirira ramangwana?

16 Unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoda kuti ‘ubatisise’ ramangwana rinofadza. (Verenga 1 Timoti 6:18, 19.) Basa renguva yakazara rinoita kuti uzivane nevamwe vashumiri venguva yakazara uye rinokubatsira kukura pakunamata. Vakawanda vakaona kuti kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara vachiri vadiki kwakavabatsira kuti vabudirire muwanano. Kakawanda kacho, vaya vakapayona vasati vapinda muwanano vakakwanisa kuramba vachipayona pamwe chete semurume nemudzimai.​—VaR. 16:3, 4.

17, 18. Mwoyo wako unobatanidzwa sei pane zvaunoronga?

17 Mwoyo wako unobatanidzwa pane zvaunoronga. Pisarema 20:4 inoti nezvaJehovha: “Ngaakupei zvinoenderana nomwoyo wenyu, ngaaite zvose zvamakaronga.” Saka funga zvaunoda kuita neupenyu hwako. Funga zviri kuitwa naJehovha iye zvino uye kuti zvii zvaungaitawo mubasa rake. Zvadaro, ibva waronga kuita zvinomufadza.

18 Kushumira Jehovha zvizere kuchaita kuti ugutsikane zvikuru nekuti kunoita kuti Mwari akudzwe. Saka ‘farirawo Jehovha kwazvo uye iye achakupa zvinokumbirwa nomwoyo wako.’​—Pis. 37:4.

^ ndima 7 Chakatsiviwa neChikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo.