Zvirevo 20:1-30

  • Waini inotsvinya (1)

  • Simbe hairimi kana kuchitonhora (4)

  • Pfungwa dzemunhu dzakaita semvura yakadzika (5)

  • Kusamhanyirira kupika (25)

  • Kukudzwa kwemajaya kuri musimba rawo (29)

20  Waini inotsvinya,+ doro harizvibati;+Munhu wese anotsauswa nazvo haana kuchenjera.+  2  Kutyisa kwamambo kwakafanana nekuhon’a kweshumba;*+Munhu wese anomushatirisa anoisa upenyu hwake pangozi.+  3  Munhu asingapindi mukukakavadzana anokudzwa,+Asi benzi rinoita kunyura mugakava.+  4  Simbe hairimi nekuti kuri kutonhora,Saka inozopemha munguva yekukohwa painenge isisina chinhu.*+  5  Pfungwa dziri mumwoyo* memunhu dzakaita semvura yakadzika,Asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.  6  Vanhu vakawanda vanozviti vakavimbika,*Asi ndiani angawana munhu akatendeka?  7  Munhu akarurama anofamba mukururama kwake.+ Vana* vake vanomutevera vanofara.+  8  Kana mambo agara pachigaro chake kuti atonge,+Anourutsa zvakaipa zvese nemaziso ake.+  9  Ndiani angati: “Ndakachenesa mwoyo wangu;+Ndakachena pachivi changu”?+ 10  Zvekuyeresa zvinobiridzira uye chikero chenhema,*Zvese zvinosemesa Jehovha.+ 11  Kunyange mwana* anozivikanwa nemabasa ake,Kuti tsika dzake dzakachena uye dzakarurama.+ 12  Nzeve inonzwa neziso rinoona,Zvese zviri zviviri zvakasikwa naJehovha.+ 13  Usada hope, kuti urege kuva murombo.+ Svinura, kuti ugute nezvekudya.+ 14  “Hachina kunaka, hachina kunaka!” anodaro mutengi;Anobva aenda otanga kuzvirumbidza.+ 15  Kune goridhe, uye kune matombo ekorari* akawanda,Asi miromo ine ruzivo inokosha.+ 16  Tora chipfeko chemunhu kana akaita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake;+Mutorere chekusara wakabata kana akazviitira mukadzi wekune imwe nyika.*+ 17  Zvekudya zvinowanikwa nekunyengera zvinonakira munhu,Asi mukanwa make muchazara jecha.+ 18  Kana muchipanana mazano, zvirongwa zvichabudirira,*+Uye irwai hondo yenyu nekutungamirira kweunyanzvi.*+ 19  Munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe anofamba achifumura nyaya dzavo;+Usashamwaridzana nemunhu anofarira makuhwa.* 20  Munhu wese anotuka baba vake naamai vake,Rambi rake richadzimwa kana kwava nerima.+ 21  Nhaka inotanga kuwanikwa nemakaroHaizokomborerwi pakuguma kwayo.+ 22  Usati: “Ndichatsiva chakaipa!”+ Isa tariro muna Jehovha,+ uye achakuponesa.+ 23  Zvekuyeresa zvinobiridzira zvinosemesa* Jehovha,Uye chikero chinonyengera hachina kunaka. 24  Nhanho dzemunhu dzinotungamirirwa naJehovha;+Munhu anganzwisisa seiko nzira yake? 25  Iwo musungo kana munhu akashevedzera asina kufunga, achiti, “Chitsvene!”+Ozotanga kufunga zvaanenge apika pava paya.+ 26  Mambo akachenjera anourutsa vakaipa+Ofambisa pamusoro pavo vhiri rinoshandiswa pakupura.+ 27  Mhepo inofemwa nemunhu irambi raJehovha,Rinonyatsoongorora zvaari nechemukati. 28  Rudo rusingachinji nekutendeka zvinochengetedza mambo;+Rudo rusingachinji runotsigira chigaro chake cheumambo.+ 29  Kukudzwa kwemajaya ndiro simba rawo,+Uye kubwinya kwevakwegura ndiro bvudzi ravo rachena.+ 30  Kusvuuka nemaronda zvinobvisa* uipi,+Uye kurohwa kunochenesa munhu nechemukati.

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “kweshumba yava nezenze.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ichatsvaga munguva yekukohwa asi hapana chaichawana.”
^ ChiHeb., “Zano riri mumwoyo.”
^ Kana kuti “vanozviti vane rudo rusingachinji.”
^ ChiHeb., “Vanakomana.”
^ Kana kuti “Matombo maviri ekuyeresa akasiyana nezvekupimira zviviri zvakasiyana.”
^ Kana kuti “mukomana.”
^ Kana kuti “mutorwa.”
^ Kana kuti “zvichasimbiswa.”
^ Kana kuti “kweuchenjeri.”
^ Kana kuti “anokwezva nemiromo yake.”
^ Kana kuti “Matombo maviri ekuyeresa akasiyana anosemesa.”
^ Kana kuti “zvinokwesha.”