Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chemai Nevanhu Vanochema”

“Chemai Nevanhu Vanochema”

“Rambai muchinyaradzana nokuvakana.”​—1 VAT. 5:11.

NZIYO: 90, 111

1, 2. Nei zvichikosha kuti tikurukure kuti tingabatsira sei vaya vakafirwa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

“PATAKAFIRWA nemwanakomana wedu takaita rinenge gore tichirwadziwa zvikuru,” akadaro Susi. Mumwe muKristu akataura kuti mudzimai wake paakangoerekana afa, ‘akarwadziwa zvisingatsananguriki.’ Zvinosuwisa kuti vamwe vakawanda chaizvo vanorwadziwawo saizvozvo. Vakawanda muungano yechiKristu vangangodaro vaisatarisira kufirwa nemunhu wepedyo Amagedhoni isati yauya. Ungave wakafirwa kana kuti uchiziva mumwe munhu akafirwa, ungabvunza kuti, ‘Vaya vakafirwa vangabatsirwa sei kutsungirira kurwadziwa kwavanenge vachiita?’

2 Zvimwe wakambonzwa zvichinzi nguva ndiwo mushonga mukuru. Asi zvinoreva here kuti kufamba kunenge kuchiita nguva ndiko kwega kunoita kuti mwoyo uri kurwadziwa upore? Imwe chirikadzi yakati, “Ndakaona kuti zvakanyanya kururama ndezvekutaura kuti munhu zvaanoita nenguva yake ndizvo zvinomubatsira kupora.” Kufanana neronda chairo, kurwadza kweronda remumwoyo kungaderera nekufamba kwenguva kana rikabatwa zvakanaka. Chii chinogona kubatsira vakafirwa kuti vapore pakurwadziwa mumwoyo?

JEHOVHA​—“MWARI WOKUNYARADZA KWOSE”

3, 4. Nei tingava nechokwadi chekuti Jehovha anonzwisisa kuti munhu akafirwa anoda kunyaradzwa?

3 Hapana mubvunzo kuti Baba vedu vekudenga vane tsitsi Jehovha, ndivo vanotinyaradza zvikuru. (Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.) Jehovha, muenzaniso mukuru pakunzwira vamwe tsitsi, akavimbisa vanhu vake kuti: “Ini​—ndini ndiri kukunyaradzai.”​—Isa. 51:12; Pis. 119:50, 52, 76.

4 Baba vedu vengoni huru vakafirwa nevanhu vavaida, vakadai saAbrahamu, Isaka, Jakobho, Mosesi uye Mambo Dhavhidhi. (Num. 12:6-8; Mat. 22:31, 32; Mab. 13:22) Shoko raMwari rinotivimbisa kuti Jehovha ari kutarisira chaizvo zuva raachavamutsa. (Job. 14:14, 15) Vachange vachifara vaine utano hwakanaka. Jehovha akafirwawo neMwanakomana wake wedangwe. Bhaibheri rinoti Jesu aiva “munhu waaida kwazvo.” (Zvir. 8:22, 30) Hapana mashoko anogona kutsanangura kuti Jehovha akarwadziwa zvakadini.​—Joh. 5:20; 10:17.

5, 6. Tinganyaradzwa sei naJehovha?

5 Tinogona kuva nechivimbo chakasimba chekuti Jehovha achatibatsira. Saka hatifaniri kuzeza kunyengetera kwaari tichinyatsomuudza zvinenge zvichitirwadza. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha anonzwisisa kurwadziwa kwatiri kuita uye kuti anotipa nyaradzo yatinoda. Asi anozviita sei?

6 Mwari anotibatsira achishandisa ‘kunyaradza kwemweya mutsvene.’ (Mab. 9:31) Mweya mutsvene waMwari une simba rekutinyaradza. Jesu akavimbisa kuti Baba vari kudenga ‘vaizopa mweya mutsvene vaya vanovakumbira.’ Susi ambotaurwa nezvake anoti: “Kakawanda taigwadama toteterera kuna Jehovha kuti atinyaradze. Nguva imwe neimwe rugare rwaMwari rwairinda mwoyo nepfungwa dzedu.”​—Verenga VaFiripi 4:6, 7.

JESU​—MUPRISTI MUKURU ANE TSITSI

7, 8. Nei tichigona kuva nechivimbo chekuti Jesu achatinyaradza?

7 Ngoni dzaJehovha dzakanyatsoratidzwa nemashoko nezviito zveMwanakomana wake ane tsitsi, Jesu, paaiva panyika. (Joh. 5:19) Jesu akatumwa kuti anyaradze “vakaora mwoyo” uye “vose vanochema.” (Isa. 61:1, 2; Ruka 4:17-21) Saka Jesu aiva netsitsi zvikuru. Aiziva kuti vanhu vaitambura uye aida chaizvo kuvarerutsira.​—VaH. 2:17.

8 Hapana mubvunzo kuti paakanga achiri mudiki, Jesu akafirwa neshamwari uye hama dzepedyo. Zvinoita sekuti Josefa, baba vake vekurera, vakafa Jesu paakanga achiri jaya. * Jesu, uyo angangodaro aiva nemakore 20 kana kuti ari pasi zvishoma panguva iyoyo, akatsungirira kurwadziwa kwake. Akatsungirirawo paaiona amai vake, vanin’ina vake nehanzvadzi dzake vachirwadziwa.

9. Jesu akaratidza sei tsitsi pakafa Razaro?

9 Jesu paaiita ushumiri hwake akaratidza kuti ainyatsonzwisisa vanhu uye aivanzwira tsitsi. Funga nezvepaya pakafa Razaro, shamwari yake yaaida. Kunyange zvazvo Jesu aiziva kuti aizomutsa Razaro, akarwadziwa nekushunguridzika kwaMariya naMarita. Izvozvo zvakaita kuti asvimhe misodzi.​—Joh. 11:33-36.

10. Nei tichigona kuva nechivimbo chekuti Jesu anotinzwira tsitsi mazuva ano?

10 Zvakaitwa naJesu achinzwira vamwe tsitsi uye achivanyaradza zvinotibatsira sei mazuva ano? Magwaro anotaura zvakajeka kuti “Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi, uye nokusingaperi.” (VaH. 13:8) Sezvo “Mumiririri Mukuru woupenyu” achinzwisisa chinonzi kurwadziwa, “anokwanisawo kuyamura vaya vari kuedzwa.” (Mab. 3:15; VaH. 2:10, 18) Saka tinogona kuva nechivimbo chekuti Kristu achiri kurwadziwa nekushungurudzika kunoita vamwe, anonzwisisa kurwadziwa kwavo, uye anovanyaradza “panguva yakakodzera.”​—Verenga VaHebheru 4:15, 16.

“KUNYARADZA KUNOBVA MUMAGWARO”

11. Ndeapi magwaro aunoona achikunyaradza zvikuru?

11 Rugwaro runotaura nezvekuchema kwakaita Jesu pakafa Razaro nderumwe rwemagwaro akawanda anonyaradza ari muShoko raMwari. Uye izvozvo hazvishamisi “nokuti zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaR. 15:4) Kana uri kurwadziwa, unogonawo kunyaradzwa nemagwaro anotevera:

  • “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”​—Pis. 34:18, 19.

  • “Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza kwenyu [Jehovha] kwakarezva mweya wangu.”​—Pis. 94:19.

  • “Ishe wedu Jesu Kristu naMwari Baba vedu, vakatida isu, vakatipa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka nomutsa usina kukodzera kuwanwa, ngavanyaradze mwoyo yenyu nokukusimbisai.”​—2 VaT. 2:16, 17. *

UNGANO INOTINYARADZA ZVIKURU

12. Tinganyaradza sei vamwe?

12 Vaya vari kurwadziwa vanogona kunyaradzwawo neungano yechiKristu. (Verenga 1 VaTesaronika 5:11.) Ungasimbisa uye unganyaradza sei vaya vari “kushushikana”? (Zvir. 17:22) Yeuka kuti pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Mup. 3:7) Imwe chirikadzi inonzi Dalene inotaura kuti: “Vanhu vanenge vafirwa vanoda kutaura mafungiro avo nemanzwiro avo. Saka chinhu chinonyanya kukosha chaungaita ndechekuteerera, usingavadimburire kana vachitaura.” Junia, uyo ane hanzvadzi yakazviuraya, anotiwo: “Kunyange zvazvo ungasanyatsonzwisisa marwadzo avo, chinokosha ndechekuti unoda kunzwisisa manzwiro avo.”

13. Chii chatinofanira kuyeuka panyaya yekurwadziwa?

13 Yeukawo kuti tingasarwadziwa zvakafanana uye tingasaratidza kurwadziwa zvakafanana. Dzimwe nguva, mwoyo wemunhu ndiwo unongonzwisisa kurwadziwa kwake, uye zvinogona kumuomera kuti ataure manzwiro ake. Shoko raMwari rinoti: “Mwoyo unoziva kurwadziwa kwomweya womunhu, uye hapana mumwe munhuwo zvake angapindira pakufara kwawo.” (Zvir. 14:10) Kunyange mumwe akataura manzwiro ake, hazvisi nyore nguva dzese kuti vamwe vanzwisise zvaanenge achiedza kutaura.

14. Mashoko api atingataura kuti tinyaradze vanenge vafirwa?

14 Saka zvinonzwisisika kuti hazvisi nyore kuziva zvekutaura kumunhu anenge achirwadziwa zvikuru. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti “rurimi rwevakachenjera runoporesa.” (Zvir. 12:18) Vakawanda vakawana mashoko anonyaradza ekuudza vamwe kubva mubhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. * Asi kazhinji chinonyanya kubatsira chaunogona kuita ‘kuchema nevanhu vanochema.’ (VaR. 12:15) “Kuchema ndiko kunondibatsira kubudisa manzwiro andinenge ndichiita,” anodaro Gaby, uyo akafirwa nemurume. “Ndicho chikonzero nei ndichinyaradzwa shamwari padzinochema neni. Panguva iyoyo handinzwi sendiri ndega pakurwadziwa kwangu.”

15. Tinganyaradza sei vamwe kana zvichitiomera kutaura navo tichionana? (Onawo bhokisi rakanzi “ Mashoko Anonyaradza.”)

15 Kana zvichikuomera kutaura chimwe chinhu muchionana, zvingava nyore kunyaradza munhu anenge afirwa kuburikidza nekunyora kadhi, e-mail, meseji kana tsamba. Unogona kunyora rugwaro runonyaradza, kutaura nezveunhu hwakanaka hwemufi kana chimwe chinhu chinofadza chaunoyeuka nezvake. “Kugamuchira meseji inokurudzira kana kukokwa kuti ndimbotandara nemumwe muKristu zvinondibatsira chaizvo,” anodaro Junia. “Izvozvo zvinoita kuti ndione kuti ndinodiwa uye vamwe vane hanya neni.”

16. Ndeipi nzira inonyatsobudirira yekunyaradza vamwe?

16 Usatarisira pasi kukosha kwekunyengeterera muKristu akafirwa uye kunyengetera kwaunoita naye. Kunyange zvazvo zvakaoma kutaura manzwiro ako mumunyengetero panguva dzakadaro, kumunyengeterera zvichibva pamwoyo, kunyange uchisvimha misodzi uye neinzwi risina kugadzikana, kunogona kumubatsira kuti asanyanya kushungurudzika. Dalene anoti, “Dzimwe nguva, panouya hanzvadzi kuzondinyaradza ndinodzikumbira kuti kana dzichida dzindinyengeterere. Vanotanga kunyengetera, dzimwe nguva vachitamburira kubudisa mashoko pakutanga, asi nguva dzese, pashure pemashoko mashoma izwi ravo rinogadzikana uye vanonyengetera zvichibva pamwoyo. Kutenda kwavo kwakasimba uye rudo rwavo zvinosimbisa kutenda kwangu chaizvo.”

RAMBA UCHINYARADZA VAMWE

17-19. Nei zvichiri kukosha kuti tirambe tichinyaradza vamwe?

17 Kurwadziwa kunoita vanhu kunogona kusiyana chaizvo zvichienderana nemunhu. Saka pota uchishanyira anenge afirwa wacho, kwete kwemazuva mashomanana chete, hama neshamwari dzakawanda padzinenge dzichiripo, asiwo kwemwedzi inotevera vamwe vese pavanenge vadzokera. “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvir. 17:17) Vamwe vaKristu vanogona kunyaradza mumwe munhu pasinei nekuti zvingada nguva yakareba sei kuti apore.​—Verenga 1 VaTesaronika 3:7.

18 Yeuka kuti vakafirwa vanogona kutanga kurwadziwa zvichikonzerwa nezvinhu zvakadai sezvimwe zviitiko, mimwe mimhanzi, mifananidzo, kunyange mumwe munhuhwi, ruzha kana mwaka wegore. Munhu akafirwa anogona kurwadziwa chaizvo paanotanga kuita ega zvinhu zvakadai sekupinda gungano kana Chirangaridzo. Imwe hama yakati: “Ndaitarisira kuti ndaizorwadziwa zvikuru paizosvika zuva randakachata nemudzimai wangu, uyo akanga ashaya. Asi hama nehanzvadzi shomanana dzakaronga kuti tiungane pamwe chete neshamwari dzangu dzepedyo kuitira kuti ndisava ndega musi wacho.”

19 Asi yeuka kuti vanhu vanenge vafirwa vanoda kukurudzirwa kwete pazviitiko zvinokosha chete. “Kazhinji zvinobatsira chaizvo vanhu vakataura kuti vanoda kukubatsira kana kuva newe panguva isiri yechiitiko chinokosha,” anodaro Junia. “Nguva dzakadaro dzinokosha chaizvo uye dzinonyaradza zvikuru.” Ichokwadi kuti hatigoni kubvisa marwadzo ese kana kuvhara vende rinenge rasiyiwa nemufi, asi tinogona kunyaradza vanenge vafirwa nekuita zvinhu zvinovabatsira. (1 Joh. 3:18) Gaby anoti: “Ndinotenda zvikuru Jehovha nemhaka yevakuru vane rudo vakandibatsira pandainge ndakaomerwa. Vakaita kuti ndinzwe sekuti Jehovha ainge akandimbundira.”

20. Nei zvakavimbiswa naJehovha zvichinyaradza zvikuru?

20 Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha, Mwari wokunyaradza kwose, achabvisa marwadzo ese uye achanyaradza vanhu zvachose panguva iyo “vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raKristu], vobuda.” (Joh. 5:28, 29) Mwari anovimbisa kuti “achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” (Isa. 25:8) Zvadaro, panzvimbo ‘pekuchema nevanhu vanochema,’ vese vanenge vari panyika ‘vachafara nevanhu vanofara.’​—VaR. 12:15.

^ ndima 8 Josefa anopedzisira kutaurwa nezvake Jesu paaiva nemakore 12. Jesu paakaita chishamiso chake chekutanga, chekuchinja mvura kuva waini, Josefa haataurwi nezvake ipapo uye hapana pamwe paanozotaurwa nezvake. Paakanga ari padanda rekutambudzikira Jesu akaita kuti Mariya azochengetwa naJohani. Kudai Josefa aiva mupenyu, Jesu angangodaro asina kumboita izvozvo.​—Joh. 19:26, 27.

^ ndima 14 Onawo nyaya inoti, “Nyaradza Vakafirwa Sezvakaitwa naJesu,” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2010.