Tsamba Yekutanga yaPetro 5:1-14
5 Saka ini semumwe wevakuru uye chapupu chekutambura kwaKristu uye semunhu achawanawo kubwinya kucharatidzwa,+ ndinokumbira* vakuru vari pakati penyu kuti:
2 Fudzai boka raMwari+ riri mumaoko enyu, muchishanda sevatariri,* musingaiti zvekumanikidzwa asi zvichibva pamwoyo sezvinodiwa naMwari;+ musingazviiti nekuda pfuma,+ asi nemwoyo wese;
3 musingazviiti madzishe evaya vari nhaka yaMwari,+ asi muchiva mienzaniso kuboka.+
4 Uye mufudzi mukuru+ paachange aratidzwa pachena, muchapiwa korona yekubwinya isingasvavi.+
5 Saizvozvowo, imi varume vadiki, zviisei pasi pevarume vakuru.*+ Asi mese zvenyu pfekai kuzvininipisa pane zvamunoitirana, nekuti Mwari anopesana nevanozvikudza, asi ane nyasha kune vanozvininipisa.+
6 Saka zvininipisei pasi peruoko rwaMwari rune simba, kuti akukwidziridzei panguva yakakodzera,+
7 muchikanda zvese zvinokudyai mwoyo*+ paari, nekuti iye ane hanya nemi.+
8 Ngwarirai uye chenjererai.+ Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaga wekudya.+
9 Asi murwisei makasimba pakutenda,+ muchiziva kuti matambudziko amuri kusangana nawo ari kusanganawo nehama dzenyu dzese dziri munyika.*+
10 Asi pashure pekunge matambura kwenguva diki, Mwari wenyasha dzese, uyo akakudanai kuti mupinde mukubwinya kwake kusingaperi+ pamwe naKristu, iye pachake achapedzisa kukudzidzisai. Achakutsigisai,+ achakusimbisai,+ uye achaita kuti mumire makasimba.
11 Iye ngaave nesimba nekusingaperi. Ameni.
12 Ndakunyorerai nemashoko mashoma ndichishandisa Sirivhano,*+ uyo wandinoona sehama yakatendeka, kuti ndikukurudzirei uye ndipupure nemwoyo wese kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari. Mirai zvakasimba madziri.
13 Mukadzi ari muBhabhironi, uyo akasarudzwa semi, ari kukukwazisai, uye Mako+ mwanakomana wangu ari kukukwazisaiwo.
14 Kwazisanai muchiratidza rudo rwenyu nekutsvodana.*
Imi mese zvenyu vari pamwe naKristu ivai nerugare.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “ndinokurudzira.”
^ Kana kuti “muchinyatsorichengetedza.”
^ Kana kuti “pevakuru.”
^ Kana kuti “zvese zvinokunetsai.”
^ Kana kuti “nesangano rese rehama dzenyu munyika.”
^ Anonziwo Sirasi.
^ ChiGir., “nekutsvoda kwerudo.”