Tsamba Yekutanga yaPetro 5:1-14

  • “Fudzai boka raMwari” (1-4)

  • Zvininipisei uye chenjerai (5-11)

    • Kandai zvese zvinokudyai mwoyo kuna Mwari (7)

    • Dhiyabhorosi akaita seshumba inodzvova (8)

  • Mhedziso (12-14)

5  Saka ini semumwe wevakuru uye chapupu chekutambura kwaKristu uye semunhu achawanawo kubwinya kucharatidzwa,+ ndinokumbira* vakuru vari pakati penyu kuti:  Fudzai boka raMwari+ riri mumaoko enyu, muchishanda sevatariri,* musingaiti zvekumanikidzwa asi zvichibva pamwoyo sezvinodiwa naMwari;+ musingazviiti nekuda pfuma,+ asi nemwoyo wese;  musingazviiti madzishe evaya vari nhaka yaMwari,+ asi muchiva mienzaniso kuboka.+  Uye mufudzi mukuru+ paachange aratidzwa pachena, muchapiwa korona yekubwinya isingasvavi.+  Saizvozvowo, imi varume vadiki, zviisei pasi pevarume vakuru.*+ Asi mese zvenyu pfekai kuzvininipisa pane zvamunoitirana, nekuti Mwari anopesana nevanozvikudza, asi ane nyasha kune vanozvininipisa.+  Saka zvininipisei pasi peruoko rwaMwari rune simba, kuti akukwidziridzei panguva yakakodzera,+  muchikanda zvese zvinokudyai mwoyo*+ paari, nekuti iye ane hanya nemi.+  Ngwarirai uye chenjererai.+ Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaga wekudya.+  Asi murwisei makasimba pakutenda,+ muchiziva kuti matambudziko amuri kusangana nawo ari kusanganawo nehama dzenyu dzese dziri munyika.*+ 10  Asi pashure pekunge matambura kwenguva diki, Mwari wenyasha dzese, uyo akakudanai kuti mupinde mukubwinya kwake kusingaperi+ pamwe naKristu, iye pachake achapedzisa kukudzidzisai. Achakutsigisai,+ achakusimbisai,+ uye achaita kuti mumire makasimba. 11  Iye ngaave nesimba nekusingaperi. Ameni. 12  Ndakunyorerai nemashoko mashoma ndichishandisa Sirivhano,*+ uyo wandinoona sehama yakatendeka, kuti ndikukurudzirei uye ndipupure nemwoyo wese kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari. Mirai zvakasimba madziri. 13  Mukadzi ari muBhabhironi, uyo akasarudzwa semi, ari kukukwazisai, uye Mako+ mwanakomana wangu ari kukukwazisaiwo. 14  Kwazisanai muchiratidza rudo rwenyu nekutsvodana.* Imi mese zvenyu vari pamwe naKristu ivai nerugare.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “ndinokurudzira.”
Kana kuti “muchinyatsorichengetedza.”
Kana kuti “pevakuru.”
Kana kuti “zvese zvinokunetsai.”
Kana kuti “nesangano rese rehama dzenyu munyika.”
Anonziwo Sirasi.
ChiGir., “nekutsvoda kwerudo.”