Isaya 25:1-12

  • Kukomborerwa kukuru kwevanhu vaMwari (1-12)

    • Mabiko aJehovha ewaini yakanaka kwazvo (6)

    • Rufu runobviswa (8)

25  Haiwa Jehovha, muri Mwari wangu. Ndinokukudzai, ndinorumbidza zita renyu,Nekuti makaita zvinhu zvinoshamisa;+Makasarudza zvinhu izvi kare,+Mukutendeka+ nemukuvimbika.   Nekuti makaita kuti guta rive murwi wematombo,Uye kuti guta rakakomberedzwa nemasvingo rive matongo. Shongwe yemunhu wekune imwe nyika haisisiri guta;Haichazombovakwizve.   Ndokusaka muchakudzwa nerudzi rune simba;Guta remarudzi anodzvinyirira richakutyai.+   Nekuti mava nhare* kune akaderera,Nhare kumurombo pakutambudzika kwake,+Pekuhwanda mvura ine simba,Nemumvuri pakupisa.+ Dutu revanodzvinyirira parinenge rakaita semvura inonaya ichirovera pamadziro nesimba,   Parinenge rakaita sekupisa kunenge kuri munyika yakaoma,Imi munokunda ruzha rwevatorwa. Sekukurirwa kunoita kupisa nemumvuri wegore,Rwiyo rwevanodzvinyirira runonyaradzwa.   Mugomo iri,+ Jehovha wemauto achaitira marudzi eseMabiko emachikichori ezvekudya,+Mabiko ewaini yakanaka kwazvo,*Emachikichori azere nemwongo,Ewaini yakanaka kwazvo, yakasvinwa.   Mugomo iri achaparadza* chifukidziro chakafukidza marudzi ese,Nejira rakarukirirwa richivhara marudzi ese.   Achaparadza rufu zvachose,+Uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvese.+ Achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yese,Nekuti Jehovha pachake azvitaura.   Pazuva iroro vachati: “Onai! Uyu ndiye Mwari wedu!+ Takatarisira kwaari,+Uye iye achatiponesa.+ Uyu ndiye Jehovha! Takatarisira kwaari. Ngatifarei, tifarire ruponeso rwake chaizvo.”+ 10  Nekuti ruoko rwaJehovha ruchauya rwogara pagomo iri,+Uye Moabhi ichatsikwa-tsikwa munzvimbo yayo+Semashanga anotsikwa-tsikwa kusvikira ava murwi wemupfudze. 11  Achatambanudza maoko ake achiapinza mairiSekutambanudza maoko kunoitwa neanoshambira kuti ashambire,Uye achaderedza kuzvikudza kwayo+Paachafambisa maoko ake neunyanzvi. 12  Uye guta rakakomberedzwa nemasvingo, rine masvingo akakwirira ekudzivirira,Acharidonhedza;Achariwisira pasi, muguruva chaimo.

Mashoko Emuzasi

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “ewaini yakasiyiwa iri mumasese.”
ChiHeb., “achamedza.”