Mabasa Evaapostora 8:1-40

  • Sauro mutambudzi (1-3)

  • Ushumiri hwaFiripi muSamariya hunova nezvibereko (4-13)

  • Petro naJohani vanotumwa kuSamariya (14-17)

  • Simoni anoedza kutenga mweya mutsvene (18-25)

  • Mukuru mukuru wekuItiopiya (26-40)

8  Sauro aivapowo achibvumirana nekupondwa kwake.+ Musi iwoyo ungano yemuJerusarema yakatanga kutambudzwa zvikuru; vanhu vese vakapararira neJudhiya yese neSamariya, kukasara vaapostora chete.+  Asi varume vaitya Mwari vakatakura Stefani vakanomuviga, uye vakamuchema kwazvo.  Asi Sauro akatanga kuparadza ungano. Aitevedza dzimba dzese achipinda nechisimba, ozvuzvurudza varume nevakadzi, achiita kuti vaiswe mujeri.+  Asi vaya vakapararira vakaenda nenyika yese vachizivisa mashoko akanaka eshoko raMwari.+  Firipi akadzika kuguta reSamariya,*+ akatanga kuvaparidzira nezvaKristu.  Vanhu vaiteerera nemwoyo mumwe zvavainzwa Firipi achitaura uye vaiona zviratidzo zvaaiita.  Nekuti vakawanda vaiva nemweya isina kuchena, uye yaishevedzera nenzwi guru yobva yabuda.+ Uye vakawanda vakanga vakaoma mutezo nevakaremara vakarapwa.  Saka muguta iroro makava nemufaro mukuru.  Muguta racho maiva nemumwe murume ainzi Simoni aimboita zvemashiripiti, achishamisa vaSamariya, achizviti akanga ari munhu anokosha. 10  Vanhu vese, vakakwirira nevakaderera, vaimuteerera vachiti: “Murume uyu ndiye Simba Guru raMwari.” 11  Saka vaimuteerera nekuti akanga ava nenguva refu achivashamisa nemashiripiti ake. 12  Asi pavakatenda zvaitaurwa naFiripi, uyo aizivisa mashoko akanaka pamusoro peUmambo hwaMwari+ uye pamusoro pezita raJesu Kristu, vese varume nevakadzi vakabhabhatidzwa.+ 13  Simoni pachake akavawo mutendi, uye paakabhabhatidzwa akaramba aina Firipi;+ aishamiswa paaiona zviratidzo nemabasa esimba makuru achiitika. 14  Vaapostora vaiva muJerusarema pavakanzwa kuti Samariya yakanga yagamuchira shoko raMwari,+ vakavatumira Petro naJohani, 15  vakadzika ikoko, ndokuvanyengeterera kuti vawane mweya mutsvene.+ 16  Nekuti wakanga usati wauya pana ani naani wavo, asi vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu.+ 17  Vakabva vaisa maoko avo pavari,+ vakatanga kugamuchira mweya mutsvene. 18  Simoni paakaona kuti mweya mutsvene waipiwa nekuiswa kwemaoko evaapostora, akada kuvapa mari, 19  achiti: “Ndipeiwo simba iri, kuti munhu wese wandinoisa maoko angu paari agamuchire mweya mutsvene.” 20  Asi Petro akati kwaari: “Sirivha yako ngaiparare newe, nekuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari chepachena uchishandisa mari.+ 21  Hauna chauchawana kana mugove mubasa iri, nekuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. 22  Saka pfidza uipi hwako uhwu, uteterere Jehovha* kuti, kana zvichiita, ukanganwirwe pfungwa dzakaipa dziri mumwoyo mako; 23  nekuti ndiri kuona kuti uri muchetura unovava* uye uri muranda wezvinhu zvisina kururama.” 24  Simoni akavapindura achiti: “Ndinyengeterereiwo kuna Jehovha* kuti zvinhu zvese zvamataura zvirege kuitika kwandiri.” 25  Saka pavakanga vapupura kwazvo uye vataura shoko raJehovha,* vakapinda munzira vachidzokera kuJerusarema, vachizivisa mashoko akanaka mumisha mizhinji yevaSamariya.+ 26  Asi ngirozi yaJehovha*+ yakataura naFiripi, ichiti: “Simuka uende kumaodzanyemba kumugwagwa unobva kuJerusarema uchidzika kuGaza.” (Uyu mugwagwa wemugwenga.) 27  Akabva asimuka, akaenda, ndokuona mumwe mukuru mukuru wekuItiopiya, murume aiva nechinzvimbo pasi paKandase mambokadzi wevaItiopiya, aichengeta pfuma yake yese. Akanga aenda kuJerusarema kunonamata,+ 28  saka akanga ava kudzokera uye akanga agere mungoro yake, achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya. 29  Saka mweya wakati kuna Firipi: “Enda uko uswedere pedyo nengoro iyo.” 30  Firipi akamhanya ari parutivi payo, akamunzwa achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya, akati: “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” 31  Iye akati: “Ndinganzwisisa sei pasina ari kunditsanangurirawo?” Saka akakumbira Firipi kuti akwire azogara naye. 32  Ndima yemuMagwaro yaaiverenga inoti: “Akaunzwa segwai kuzourayiwa, uye segwayana rakanyarara pamberi pemuveuri waro, saka haashami muromo wake.+ 33  Paainyadziswa, kutongwa zvakarurama kwakabviswa kwaari.+ Ndiani achataura mashoko nezvedzinza rake? Nekuti upenyu hwake hwabviswa panyika.”+ 34  Mukuru mukuru wacho akabva ati kuna Firipi: “Mungandiudzawo here kuti muprofita ari kutaura izvi pamusoro paani? Pamusoro pake pachake here kana kuti pamusoro pemumwe munhu?” 35  Firipi akatanga kutaura, uye akatangira parugwaro urwu, ndokumuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu. 36  Pavaifamba mumugwagwa kudaro, vakasvika paiva nemvura zhinji, mukuru mukuru wacho akati: “Onai pano pane mvura! Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?” 37 * —— 38  Akabva aita kuti ngoro imiswe, uye vese, Firipi nemukuru mukuru wacho, vakapinda mumvura akamubhabhatidza. 39  Pavakabuda mumvura, mweya waJehovha* wakakurumidza kubvisa Firipi ipapo, uye mukuru mukuru wacho haana kuzomuona, asi iye akapfuurira nerwendo rwake achifara. 40  Asi Firipi akazoona ava kuAshdhodhi, uye akapfuura nemunharaunda yacho, achingozivisa mashoko akanaka kumaguta ese kusvikira asvika kuKesariya.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kune rimwe guta riri muSamariya.”
ChiGir., “nduru inovava.”