Mabasa Evaapostora 10:1-48

  • Chiratidzo chakaonekwa naKoniriyasi (1-8)

  • Chiratidzo chakaonekwa naPetro chemhuka dzakacheneswa (9-16)

  • Petro anoshanyira Koniriyasi (17-33)

  • Petro anozivisa mamwe marudzi mashoko akanaka (34-43)

    • “Mwari haasaruri” (34, 35)

  • Mamwe marudzi anogamuchira mweya mutsvene uye anobhabhatidzwa (44-48)

10  MuKesariya maiva nemumwe murume ainzi Koniriyasi, mukuru weuto* wechikwata chainzi cheItari.*  Aiva murume akazvipira pakunamata uye aitya Mwari pamwe chete nemhuri yake yese, uye aipa zvipo zvakawanda zvekubatsira varombo* uye aigara achinyengetera kuna Mwari.  Mumwe musi paawa yechi9,*+ akanyatsoona zvakajeka muchiratidzo ngirozi yaMwari ichiuya kwaari, ichiti: “Koniriyasi!”  Koniriyasi akaramba akaitarisa, achitya, ndokubvunza kuti: “Chii, Ishe?” Iyo ikati kwaari: “Minyengetero yako nezvipo zvako zvekubatsira varombo zvakwira sechiyeuchidzo pamberi paMwari.+  Saka iye zvino chituma vanhu kuJopa vanoshevedza mumwe murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.  Murume uyu muenzi kumba kwaSimoni, musukuti wematehwe ane imba iri pedyo negungwa.”  Pakangoenda ngirozi yakataura naye, akashevedza pakati pevashandi vake varanda vaviri nemurwi akanga akazvipira kuna Mwari,  akavarondedzera zvese zvakanga zvaitika, akavatuma kuJopa.  Mangwana acho vari parwendo rwavo uye vava kusvika muguta racho, Petro akakwira pamusoro pemba paawa yechi6* kuti anyengetere. 10  Asi nzara yakamubata kwazvo, akatanga kufunga zvekudya. Pavakanga vachibika zvekudya, akatanga kuona chiratidzo,+ 11  ndokuona denga richizaruka uye chimwe chinhu chichiburuka chakaita sejira guru riri kudzikiswa panyika nemativi aro mana; 12  uye machiri makanga muine mhuka dzemarudzi ese dzine makumbo mana nezvinhu zvinokambaira zvepanyika neshiri dzekudenga. 13  Akabva anzwa inzwi richiti: “Petro, simuka uuraye, udye!” 14  Asi Petro akati: “Hazviiti Ishe, nekuti handina kumbobvira ndadya chinhu chakasviba, chisina kuchena.”+ 15  Inzwi racho rakataurazve naye kechipiri richiti: “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” 16  Izvi zvakaitika kechitatu, uye chakabva* chakwidzwa kudenga. 17  Petro achiri kuvhiringidzika pamusoro pekuti zvaakanga aratidzwa zvairevei, varume vakatumwa naKoniriyasi vakabva vasvika vachibvunza pamba paSimoni uye vakamira pagedhi racho.+ 18  Vakashevedzera vachibvunza kana pari ipo paigara Simoni, ainziwo Petro. 19  Petro paakanga achiri kufunga nezvechiratidzo chacho, mweya+ wakati: “Ona! Pane varume vatatu vari kukutsvaga. 20  Saka simuka, udzike pasi uende navo; usazeza nekuti ndini ndavatuma.” 21  Petro akabva adzika kuvarume vacho, akati: “Ndini wamuri kutsvaga. Muri kudei?” 22  Ivo vakati: “Mumwe mukuru weuto anonzi Koniriyasi,+ murume akarurama, anotya Mwari, anopupurirwa zvakanaka nerudzi rwese rwevaJudha, akatumirwa ngirozi tsvene naMwari ikamuudza kuti akushevedzei kuti muuye kumba kwake, onzwa zvamuchataura.” 23  Saka akavati vapinde mumba, vakarara ipapo. Mangwana acho akasimuka, akaenda navo, uye dzimwe hama dzaibva kuJopa dzakabatana naye. 24  Zuva rakazotevera, akapinda muKesariya. Koniriyasi akanga achitovatarisira uye akanga aunganidza hama dzake neshamwari dzake dzepedyo. 25  Petro paakapinda, Koniriyasi akamutambira, akawira pasi patsoka dzake, akamupfugamira. 26  Asi Petro akamusimudza, achiti: “Simuka; ndiri munhuwo sewe.”+ 27  Paaitaura naye, akapinda mukati akawana vanhu vakawanda vakaungana. 28  Akati kwavari: “Munonyatsoziva kuti Mutemo haubvumiri kuti muJudha adyidzane nemunhu werumwe rudzi+ kana kuti aende kwaari, asi Mwari akandiratidza kuti hapana munhu wandinofanira kuti akasviba kana kuti haana kuchena.+ 29  Saka pandakatumirwa vanhu handina kumboramba; ndakabvuma kuuya. Chindiudzai zvenyu zvamandishevedzera.” 30  Koniriyasi akabva ati: “Mazuva mana apfuura kana tichiverenga kubva panguva ino, ndakanga ndichinyengetera ndiri mumba mangu paawa yechi9;* ndakabva ndaona mumwe murume akanga akapfeka zvipfeko zvinopenya akamira pamberi pangu, 31  akati: ‘Koniriyasi, Mwari anzwa munyengetero wako uye ayeuka zvipo zvako zvekubatsira varombo. 32  Saka tuma vanhu kuJopa vanoshevedza Simoni anonzi Petro. Murume uyu muenzi mumba maSimoni, musukuti wematehwe anogara pedyo negungwa.’+ 33  Ndakabva ndakutumira vanhu ipapo, uye waita zvakanaka nekuuya. Saka iye zvino tese tiri pamberi paMwari kuti tinzwe zvese zvawakarayirwa naJehovha* kuti utaure.” 34  Petro akabva atanga kutaura achiti: “Iye zvino ndava kunyatsonzwisisa kuti Mwari haasaruri,+ 35  asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.+ 36  Akatumira shoko kuvanakomana vaIsraeri kuti avazivise mashoko akanaka ekuva nerugare+ naye kuburikidza naJesu Kristu, Ishe wevanhu vese.+ 37  Munoziva nyaya yaitaurwa nezvayo muJudhiya yese, kutangira kuGarireya+ pashure perubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani yekuti: 38  Jesu wekuNazareta, akazodzwa naMwari nemweya mutsvene+ nesimba, akatenderera nenyika yacho yese achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi,+ nekuti Mwari akanga ainaye.+ 39  Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvese zvaakaita munyika yevaJudha nemuJerusarema; asi ivo vakamuuraya vachiita zvekumuturika padanda.* 40  Mwari akamumutsa pazuva rechitatu+ akaita kuti aonekwe, 41  kwete nevanhu vese, asi nezvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, isu vacho, vakadya nekunwa naye pashure pekumutswa kwake kuvakafa.+ 42  Akatirayirawo kuti tiparidzire vanhu uye tipupure kwazvo+ kuti uyu ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wevapenyu nevakafa.+ 43  Vaprofita vese vanomupupurira+ kuti munhu wese anotenda maari anoregererwa zvivi muzita rake.”+ 44  Petro achiri kutaura nyaya iyi, mweya mutsvene wakauya pavanhu vese vainzwa shoko.+ 45  Uye vatendi* vakachecheudzwa vakanga vauya naPetro vakashamiswa, nekuti chipo chepachena chemweya mutsvene chakanga chichidururirwawo pavanhu vemamwe marudzi. 46  Nekuti vakavanzwa vachitaura nemitauro isiri yavo* vachikudza Mwari.+ Petro akabva ati: 47  “Pane munhu angarambidza kuti ava vagamuchira mweya mutsvene sezvatakangoitawo isu vasabhabhatidzwa mumvura here?”+ 48  Saka akati vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu.+ Vakabva vamukumbira kuti agare navo mamwe mazuva.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mutungamiriri wevarwi 100.”
Ichi chaiva chikwata cheuto reRoma chaiva nevarwi 600.
Kana kuti “zvipo zvengoni zvakawanda.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kureva, kuma12:00 dzemasikati.
Kureva, chinhu chiya chakaita sejira.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kana kuti “pamuti.”
Kana kuti “vakatendeka.”
ChiGir., “nendimi.”