Tsamba Yechipiri kuvaKorinde 10:1-18

  • Pauro anoratidza kuti muapostora wechokwadi (1-18)

    • Zvombo zvedu hazvisi zvenyama (4, 5)

10  Ini Pauro ndinokutetererai neunyoro nemutsa zvaKristu,+ kunyange ndiri munhu akaderera pakati penyu kana takanyatsotarisana,+ asi ndakashinga kwamuri kana ndisipo.+  Ndinokumbira kuti pandinenge ndava ikoko, ndirege kuzova neushingi ndotora matanho akasimba andinofanira kutorera vamwe vanotiona setinofamba maererano nenyama.  Nekuti kunyange tichifamba munyama, hatirwi maererano nezvatiri panyama.  Nekuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama,+ asi Mwari anoita kuti zvive nesimba+ rekuparadza zvinhu zvakadzika midzi.  Nekuti tinoparadza kufunga kwese uye zvinhu zvese zvakakwirira zvinopesana nekuziva Mwari,+ uye tinotapa kufunga kwese kuti kuteerere Kristu;  uye kana mangoratidza kuti mava kuteerera zvakakwana,+ takagadzirira kuranga munhu wese asingateereri.  Munotarisa zvinhu maererano nekuoneka kwazvinoita kunze. Kana munhu aine chivimbo chekuti iye ndewaKristu, ngaayeuke izvi: Kana iye ari waKristu, isuwo ndizvo zvatiri.  Nekuti kunyange kana ndikanyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba ratakapiwa naShe kuti tikuvakei kwete kuti tikuputsei,+ handingambonzi ndiri kuzvirumbidza pasina.  Nekuti handidi kuti ndiite sendiri kuedza kukutyisidzirai netsamba dzangu. 10  Nekuti ivo vanoti: “Tsamba dzake dzine uremu uye dzine simba, asi kana avapo haana simba uye matauriro ake anoshoreka.” 11  Munhu akadaro anofanira kuziva kuti zvatinotaura mutsamba dzedu kana tisipo ndizvo zvatichaitawo patinenge tavapo.+ 12  Nekuti hatingambozviisi muboka revamwe vanozvirumbidza kana kuzvienzanisa navo.+ Asi pavanozviyera naivo pachavo uye pavanozvienzanisa naivo pachavo, vanenge vakarasika.+ 13  Zvisinei, hatizozvirumbidzi tichipfuura miganhu yedu yatakaisirwa, asi tinozvirumbidza tiri mukati memuganhu watakayererwa naMwari, achiita kuti kunyange imi muvewo mumuganhu wacho.+ 14  Chokwadi ndechekuti hatisi kupfuura pataifanira kusvika sekunge kuti imi hamusi mumiganhu yedu, nekuti ndisu takatanga kuuya kwamuri nemashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 15  Hatisi kuzvirumbidza tichipfuura miganhu yedu nezvebasa rakaitwa nemumwe munhu, asi tinotarisira kuti kutenda kwenyu pakuri kuramba kuchiwedzera, zvatakaita zvingaitwa kuti zviwedzere, mumuganhu wedu. Tichabva taramba tichiwedzera, 16  kuti tizivise mashoko akanaka kunyika dziri kure nemi, kuti tisazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvakatoitwa munharaunda yemumwe. 17  “Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”*+ 18  Nekuti munhu anozvirumbidza haasi iye anofarirwa,+ asi munhu anorumbidzwa naJehovha* ndiye anofarirwa.+