Tsamba Yechipiri kuvaKorinde 3:1-18
3 Totanga zvakare kukuratidzai kuti tiri vanaani here? Kana kuti isuwo, kungofanana nevamwe vanhu, tinofanira kukutumirai tsamba dzinotirumbidza kana kuti tinofanira kuwana dzinobva kwamuri here?
2 Imi ndimi tsamba yedu,+ yakanyorwa mumwoyo medu, inozivikanwa uye inoverengwa nevanhu vese.
3 Nekuti zviri pachena kuti muri tsamba yaKristu yakanyorwa nesu sevashumiri,+ isina kunyorwa neingi asi nemweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa ematombo,+ asi pamahwendefa enyama, pamwoyo.+
4 Tine chivimbo ichi muna Mwari kuburikidza naKristu.
5 Kwete kuti isu tinonyatsokodzera zvekuti tinofunga kuti zvinhu zvese zvinobva kwatiri, asi kunyatsokodzera kwedu kunobva kuna Mwari,+
6 uyo akaita kuti tive vakanyatsokodzera kuva vashumiri vesungano itsva+ yemweya, kwete yebumbiro remutemo rakanyorwa;+ nekuti bumbiro remutemo rakanyorwa rinotongera rufu,+ asi mweya unoraramisa.+
7 Zvino kana bumbiro remutemo rinokonzera rufu, iro rakanga rakanyorwa richiita zvekutemerwa pamatombo+ rakavapo nekubwinya, zvekuti vanakomana vaIsraeri vaisagona kuramba vakatarisa chiso chaMozisi nemhaka yekubwinya kwaiita chiso chake,+ iko kubwinya kwaizopera,
8 mabasa emweya+ haafaniri kuva nekubwinya kwakatokura here?+
9 Nekuti kana bumbiro remutemo raipa mhosva+ raibwinya,+ ushumiri hunobatsira vanhu kuva vakarurama huchava nekubwinya kwakatokura!+
10 Ndingatoti kunyange chiya chakamboitwa kuti chibwinye chakabvisirwa kubwinya kwacho nekumwe kubwinya kunochipfuura.+
11 Nekuti kana chiya chaizogumiswa chakaunzwa nekubwinya,+ chiya chicharamba chiripo chinotofanira kunge chichiva nekubwinya kwakatokura!+
12 Sezvo tiine tariro yakadai,+ tinotaura takanyatsosununguka,
13 tisingaiti zvaiitwa naMozisi paaizvifukidza chiso chake nejira+ kuti vanakomana vaIsraeri varege kuramba vakatarisa kuguma kwezvaizogumiswa.
14 Asi pfungwa dzavo dzakagomara.+ Nekuti nanhasi vakafukidzwa pfungwa dzavo panoverengwa sungano yekare,+ nekuti jira racho rinongobviswa chete naKristu.+
15 Ndingati nanhasi, pese panoverengwa zvakanyorwa naMozisi,+ vanenge vakafukidzwa mwoyo yavo.+
16 Asi munhu paanotendeukira kuna Jehovha,* chakamufukidza chacho chinobviswa.+
17 Jehovha* Mweya,+ uye pane mweya waJehovha,* pane rusununguko.+
18 Uye isu tese, patinopenya semagirazi tichiratidza kubwinya kwaJehovha* tiine zviso zvisina kufukidzwa, tinoshandurwa mumufananidzo mumwe chete tichiwedzera kubwinya kwedu,* kungofanana nezvinoitwa naJehovha,* uyo ari Mweya.*+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ ChiGir., “kubva pakubwinya kuenda pakubwinya.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nezvinoitwa nemweya waJehovha.”