Tsamba Yechipiri kuvaKorinde 3:1-18

  • Tsamba dzekurumbidza (1-3)

  • Vashumiri vesungano itsva (4-6)

  • Sungano itsva inobwinya kupfuura yekare (7-18)

3  Totanga zvakare kukuratidzai kuti tiri vanaani here? Kana kuti isuwo, kungofanana nevamwe vanhu, tinofanira kukutumirai tsamba dzinotirumbidza kana kuti tinofanira kuwana dzinobva kwamuri here?  Imi ndimi tsamba yedu,+ yakanyorwa mumwoyo medu, inozivikanwa uye inoverengwa nevanhu vese.  Nekuti zviri pachena kuti muri tsamba yaKristu yakanyorwa nesu sevashumiri,+ isina kunyorwa neingi asi nemweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa ematombo,+ asi pamahwendefa enyama, pamwoyo.+  Tine chivimbo ichi muna Mwari kuburikidza naKristu.  Kwete kuti isu tinonyatsokodzera zvekuti tinofunga kuti zvinhu zvese zvinobva kwatiri, asi kunyatsokodzera kwedu kunobva kuna Mwari,+  uyo akaita kuti tive vakanyatsokodzera kuva vashumiri vesungano itsva+ yemweya, kwete yebumbiro remutemo rakanyorwa;+ nekuti bumbiro remutemo rakanyorwa rinotongera rufu,+ asi mweya unoraramisa.+  Zvino kana bumbiro remutemo rinokonzera rufu, iro rakanga rakanyorwa richiita zvekutemerwa pamatombo+ rakavapo nekubwinya, zvekuti vanakomana vaIsraeri vaisagona kuramba vakatarisa chiso chaMozisi nemhaka yekubwinya kwaiita chiso chake,+ iko kubwinya kwaizopera,  mabasa emweya+ haafaniri kuva nekubwinya kwakatokura here?+  Nekuti kana bumbiro remutemo raipa mhosva+ raibwinya,+ ushumiri hunobatsira vanhu kuva vakarurama huchava nekubwinya kwakatokura!+ 10  Ndingatoti kunyange chiya chakamboitwa kuti chibwinye chakabvisirwa kubwinya kwacho nekumwe kubwinya kunochipfuura.+ 11  Nekuti kana chiya chaizogumiswa chakaunzwa nekubwinya,+ chiya chicharamba chiripo chinotofanira kunge chichiva nekubwinya kwakatokura!+ 12  Sezvo tiine tariro yakadai,+ tinotaura takanyatsosununguka, 13  tisingaiti zvaiitwa naMozisi paaizvifukidza chiso chake nejira+ kuti vanakomana vaIsraeri varege kuramba vakatarisa kuguma kwezvaizogumiswa. 14  Asi pfungwa dzavo dzakagomara.+ Nekuti nanhasi vakafukidzwa pfungwa dzavo panoverengwa sungano yekare,+ nekuti jira racho rinongobviswa chete naKristu.+ 15  Ndingati nanhasi, pese panoverengwa zvakanyorwa naMozisi,+ vanenge vakafukidzwa mwoyo yavo.+ 16  Asi munhu paanotendeukira kuna Jehovha,* chakamufukidza chacho chinobviswa.+ 17  Jehovha* Mweya,+ uye pane mweya waJehovha,* pane rusununguko.+ 18  Uye isu tese, patinopenya semagirazi tichiratidza kubwinya kwaJehovha* tiine zviso zvisina kufukidzwa, tinoshandurwa mumufananidzo mumwe chete tichiwedzera kubwinya kwedu,* kungofanana nezvinoitwa naJehovha,* uyo ari Mweya.*+

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “kubva pakubwinya kuenda pakubwinya.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nezvinoitwa nemweya waJehovha.”