Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rudo Rwako Rwakakura Sei?

Rudo Rwako Rwakakura Sei?

Rudo Rwako Rwakakura Sei?

“Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.”—MATEU 22:39.

1. Kana tichida Jehovha, nei tichifanira kudawo muvakidzani wedu?

JESU paakabvunzwa kuti murayiro mukuru kupfuura yose ndoupi, akapindura kuti: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” Ipapo, akataura mumwe murayiro wechipiri wakafanana newokutanga: “Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:37, 39) Hungu, kuda muvakidzani chiratidzo chomuKristu. Zvechokwadi, kana tichida Jehovha, tinofanira kuda muvakidzani wedu. Nei? Nokuti tinoratidza kuda kwatinoita Mwari nokuteerera Shoko rake, uye Shoko rake rinotirayira kuda muvakidzani wedu. Nokudaro, kana tikasada hama dzedu nehanzvadzi, kuda kwedu Mwari hakungavi kwechokwadi.—VaRoma 13:8; 1 Johani 2:5; 4:20, 21.

2. Tinofanira kuda muvakidzani wedu norudo rwakaita sei?

2 Jesu paakati tinofanira kuda muvakidzani wedu, aitaura zvinopfuura ushamwari chete. Uye akanga ari kutaura nezvorudo rwakasiyana norwuya rwagara rwuripo mumhuri kana kuti pakati pomurume nomukadzi. Akanga achitaura nezvorudzi rworudo urwo Jehovha anarwo kuvashumiri vake vakazvitsaurira uye rwavanarwo kwaari. (Johani 17:26; 1 Johani 4:11, 19) Munyori wechiJudha—uyo, sokuziva kwaJesu, akanga achitaura nouchenjeri—akabvumirana naJesu kuti kuda Mwari kunofanira kuitwa “nemwoyo wako wose nokunzwisisa kwako kwose nesimba rako rose.” (Mako 12:28-34) Akanga akarurama. Rudo runokudziridzwa nomuKristu kuna Mwari nokumuvakidzani runosanganisira kunzwa kwedu uye pfungwa dzedu. Runonzwika mumwoyo uye runodzorwa nepfungwa.

3. (a) Jesu akadzidzisa sei “murume aiziva Mutemo zvikuru” kuti anofanira kuva nemaonero akakura okuti muvakidzani wake ndiani? (b) Muenzaniso waJesu unoshanda sei kuvaKristu nhasi?

3 Sezvakashumwa naRuka, Jesu paakati tinofanira kuda muvakidzani wedu, “mumwe murume aiziva Mutemo zvikuru” akabvunza kuti: “Chaizvoizvo muvakidzani wangu ndiani?” Jesu akapindura nomufananidzo. Mumwe murume akarohwa, akabirwa, akasiyiwa ave kuda kufa ari parutivi penzira. Kutanga, mupristi uye ipapo muRevhi, vakapfuura nepo. Vose vakamusiya. Pakupedzisira, muSamariya akauya, akaona murume akanga akuvadzwa, uye akamubata nomutsa mukuru kwazvo. Ndoupi pavatatu ava aiva muvakidzani womurume akanga akuvara? Mhinduro yakanga iri pachena. (Ruka 10:25-37) Murume wacho aiziva Mutemo zvikuru angadaro akashamiswa nokunzwa Jesu achitaura kuti muSamariya aigona kuva muvakidzani akanaka kupfuura mupristi kana muRevhi. Zviri pachena kuti Jesu akanga achibatsira murume iyeye kuti ade muvakidzani wake kusvika kumwero mukuru. VaKristu vanoda nenzira yakadarowo. Chimbofunga vose vavanoda.

Rudo Mumhuri

4. MuKristu anotanga kuratidza rudo kupi?

4 VaKristu vanoda vomumhuri mavo—vakadzi vanoda varume vavo, varume vanoda vakadzi vavo, vabereki vanoda vana vavo. (Muparidzi 9:9; VaEfeso 5:33; Tito 2:4) Chokwadi, zvisungo zvorudo rwokuberekwa narwo zviripo mumhuri dzakawanda. Zvisinei, mishumo yemichato yakadimburwa, kubatana zvisina kufanira kwevakaroorana, uye vana vanoregeredzwa kana vanobatwa zvisina kufanira inoratidza kuti mhuri iri kunetseka nhasi, uye kuda vanhu vomumhuri kwokuzvarwa nakwo kunogona kunge kusina kukwana kuti irambe yakabatana. (2 Timoti 3:1-3) Kuti upenyu hwavo hwemhuri hunyatsobudirira, vaKristu vanofanira kuratidza rudzi rworudo runa Jehovha naJesu.—VaEfeso 5:21-27.

5. Vabereki vanotarira kunaani kuti vabatsirwe kurera vana vavo, uye zvave zvichiguma sei kune vakawanda?

5 Vabereki vechiKristu vanoona vana vavo sechinhu chinokosha chinobva kuna Jehovha, uye vanotarira kwaari kuti avabatsire pakuvarera. (Pisarema 127:3-5; Zvirevo 22:6) Nokuita kudaro vanokudziridza rudo rwechiKristu, runovabatsira kuti vachengetedze vana vavo kubva pazvinhu zvinoshatisa izvo vechiduku vanogona kuwira mazviri. Somugumisiro, vabereki vechiKristu vakawanda vakava nomufaro wakafanana newevamwe amai vari muNetherlands. Vaona kubhabhatidzwa kwomwanakomana wavo—mumwe wevanhu 575 vakabhabhatidzwa muNetherlands gore rakapera—vakanyora zvinotevera: “Panguva ino, zvandakaita kwemakore anopfuura 20 pakupedzisira zvakabudirira. Nguva yose nesimba—kusanganisirawo marwadzo, kuedza, uye kusuruvara—ndazvikanganwa zvino.” Vanofara zvikuru sei kuti mwanakomana wavo akazvisarudzira kushumira Jehovha. Nhamba yepamusoro yevaparidzi 31 089 vakashuma muNetherlands gore rakapera inosanganisira vakawanda vakadzidza kuda Jehovha kubva kuvabereki vavo.

6. Rudo rwechiKristu runogona sei kubatsira kusimbisa zvisungo zvemichato?

6 Pauro akati rudo “chisungo chakakwana chokubatana,” uye runogona kuchengetedza muchato kunyange munguva dzezvinetso. (VaKorose 3:14, 18, 19; 1 Petro 3:1-7) Apo mumwe murume muRurutu, chitsuwa chiduku chiri makiromita 700 kubva muTahiti, akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, mukadzi wake akanga asingatombodi kunzwa nezvazvo. Pakupedzisira, akatora vana, akasiya murume wake, uye akaenda kunogara muTahiti. Kunyange zvakadaro, murume wacho akaratidza rudo rwake nokutumira mukadzi wacho mari nguva nenguva uye kumuridzira runhare kuti abvunze kana pakanga pane chimwe chaaida kana chaidiwa nevana. Nokudaro akaita nepaaigona napo kuti azadzise mitoro yake yechiKristu. (1 Timoti 5:8) Ainyengetera nguva nenguva kuti mhuri yake ibatanidzwezve, uye pakupedzisira mukadzi wake akadzoka. Paakadzoka, aimubata no“rudo, kutsungirira, unyoro.” (1 Timoti 6:11) Muna 1998, akabhabhatidzwa uye akazofara zvikuru apo mudzimai wake akabvuma kudzidza Bhaibheri. Akanga ari mumwe we1 351 vakaitiswa zvidzidzo zveBhaibheri mundima inotarisirwa nebazi reTahiti gore rakapera.

7. Maererano nomumwe murume womuGermany, chii chakasimbisa muchato wake?

7 MuGermany mumwe murume aishora kufarira chokwadi cheBhaibheri kwomudzimai wake uye aiva nechokwadi chokuti Zvapupu zvaJehovha zvaida kumunyengera. Zvisinei, gare gare akanyorera Chapupu chakatanga kutaura nomudzimai wake kuti: “Wakaita zvako nokuzivisa mukadzi wangu kuZvapupu zvaJehovha. Pakutanga, zvaindinetsa nemhaka yokuti ndakanga ndanzwa zvinhu zvakawanda zvakashata pamusoro pazvo. Asi zvino, zvandakapinda misangano yacho nomudzimai wangu, ndinoona kurasika kwandakanga ndakaita. Ndinoziva kuti ndiri kunzwa chokwadi, uye chakaita kuti muchato wedu usimbe kwazvo.” Zvapupu zvaJehovha zvinokwana 162 932 zviri muGermany—uye 1 773 zviri muzvitsuwa zvinotarisirwa nebazi reTahiti—zvinosanganisira mhuri dzakawanda dzakabatanidzwa norudo rwaMwari.

Kuda Hama Dzedu dzechiKristu

8, 9. (a) Ndiani anotidzidzisa kuda hama dzedu, uye rudo runotikurudzira kuitei? (b) Ipa muenzaniso wokuti rudo runogona kubatsira sei hama kuti dzitsigirane.

8 Pauro akati kuvaKristu vomuTesaronika: “Imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane.” (1 VaTesaronika 4:9) Hungu, vaya vano“dzidziswa naJehovha” vanodanana. (Isaya 54:13) Rudo rwavo runoratidzwa nechiito, sezvakaratidzwa naPauro paakati: “Norudo shandiranai.” (VaGaratiya 5:13; 1 Johani 3:18) Somuenzaniso, vanoita izvi pavanoshanyira hama nehanzvadzi dzinorwara, pavanokurudzira vakaora mwoyo, uye pavanotsigira vakaneta. (1 VaTesaronika 5:14) Rudo rwedu rwechiKristu rwechokwadi runobatsira pakukura kweparadhiso yedu yomudzimu.

9 MuUngano yeAncón—imwe yeungano 544 dziri muEcuador—hama dzakaratidza rudo rwadzo nezviito. Kushayikwa kwemari kwakavasiya vasina basa kana mari, nokudaro vaparidzi vacho vakasarudza kuunganidza mari nokutengesa zvokudya kuvabati vehove vemo apo vaidzoka kumba vapedza kubata hove usiku. Munhu wose akabvuma kudaro, kusanganisira vana. Vaifanira kutanga na1:00 mangwanani kuitira kuti zvokudya zvinge zvagadzirwa paizosvika 4:00 mangwanani apo vabati vehove vaidzoka. Mari yaiunganidzwa nehama yaigovanwa pakati pehama maererano nokushayiwa kwadzo. Kubatsirana kwakadaro kwakaratidza rudo rwechiKristu rwechokwadi.

10, 11. Tingada sei hama dzatisingazivi pachedu?

10 Zvisinei, rudo rwedu hatingoruratidzi kuvaKristu vatinoziva chete. Muapostora Petro akati: “Idai sangano rose rehama.” (1 Petro 2:17) Tinoda hama dzedu nehanzvadzi dzose nokuti tinonamata Jehovha Mwari pamwe nadzo. Nguva dzenhamo dzinogona kutipa mukana wokuratidza rudo urwu. Somuenzaniso, mugore rebasa ra2000, mafashamo makuru akatsvaira Mozambique, uye hondo yomunyika yeAngola inopfuurira yakasiya vakawanda vava varombo. Hama dzakawanda dzinosvika 31 725 muMozambique uye 41 222 dziri muAngola dzakawirwa nezviitiko izvi. Nokudaro, Zvapupu zviri muSouth Africa iri pedyo nadzo zvakatumira zvinhu zvakawanda kuti nhamo yehama dziri munzvimbo idzodzo ive nani. Kuda kwazvo kugovera “muraudzo” wazvo kuhama dzazvo kwakaratidza rudo rwazvo.—2 VaKorinde 8:8, 13-15, 24.

11 Rudo runoonekawo apo hama dziri munyika dzakawanda dzinopa mipiro kuti Horo dzoUmambo neHoro dzemaGungano dzivakwe munyika dzine urombo. Mumwe muenzaniso ndewokuSolomon Islands. Pasinei nokusagadzikana kwezvinhu kwakawanda, zvitsuwa zveSolomon Islands zvakava nokuwedzera kwe6 muzana muvaparidzi gore rakapera, nenhamba itsva yepamusoro ye1 697. Vakaronga kuvaka Horo yemaGungano. Kunyange zvazvo vagari vepazvitsuwa zvacho vakawanda vakanga vachitiza nyika yacho, vazvipiri vakauya kubva kuAstralia kuti vazobatsira pakuvaka. Pakupedzisira, vazvipiri vacho vaifanira kuenda, asi kwete vasati varovedza hama dzeimomo kuti dzipedzise nheyo yacho. Simbi dzakarukwa nechekare dzaizoshandiswa pahoro yacho dzakatakurwa kubva kuAustralia, uye kupedziswa kweichi chivako chakanaka chokunamatira—panguva apo nzvimbo dzokuvaka dzakawanda dzakangosiyiwa dzakadaro—kuchava uchapupu hwakanaka kuzita raJehovha uye kurudo rwehama.

Kufanana naMwari, Tinoda Nyika

12. Tinotevedzera Jehovha sei mumaitiro edu kune vaya vasiri vokutenda kwedu?

12 Tinongoratidza rudo rwedu kumhuri yedu nokuhama dzatinonamata nadzo here? Kwete, hazvingadaro kana tiri “vatevedzeri vaMwari.” Jesu akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (VaEfeso 5:1; Johani 3:16) Kufanana naJehovha Mwari, tinoda vose—kusanganisira vaya vasiri vokutenda kwedu. (Ruka 6:35, 36; VaGaratiya 6:10) Maererano neizvi, tinoparidza mashoko akanaka oUmambo ndokuudza vamwe nezvechiito chaMwari chikuru chorudo kwavari. Izvi zvinogona kuguma noruponeso kunaani naani anoteerera.—Mako 13:10; 1 Timoti 4:16.

13, 14. Ndezvipi zvimwe zviitiko zvehama dzakaratidza rudo kune vanhu vasiri Zvapupu, kunyange pazvakanga zvisiri nyore zvikuru kwadziri?

13 Chimbofunga nezvevashumiri vana vari mapiyona chaiwo muNepal. Ivava vakaendeswa kune rimwe guta riri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwenyika yacho, uye kwemakore mashanu adarika, vakaratidza rudo rwavo nokupupura nokushivirira muguta nemimwe misha yakapoteredza. Kuti vapedze ndima yavo, kakawanda vanofamba kwemaawa akawanda pamabhasikoro mumamiriro okunze anopisa kudarika 40°C. Rudo rwavo no“kutsungirira mubasa rakanaka” zvakaunza migumisiro yakanaka apo boka rechidzidzo chebhuku rakaumbwa mune mumwe wemisha yacho. (VaRoma 2:7) Muna March 2000, vanhu 32 vakauya kuzonzwa hurukuro yavose yaipiwa nomutariri wedunhu aishanya. Nepal yakava nenhamba yepamusoro yevaparidzi 430 gore rakapera—kuwedzera kwe9 muzana. Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera kushingaira norudo rwehama dziri munyika iyoyo.

14 MuColumbia mapiyona chaiwo aizoshanda kwenguva duku akaenda kunoparidza kuvaIndia vechiWayuu. Kuti aite izvi aitofanira kudzidza mumwe mutauro mutsva, asi kufarira kwawo norudo kwakawana mubayiro apo vanhu 27 vakapinda hurukuro yavose, pasinei zvapo nokunaya kwemvura yakawanda. Rudo rwokushingaira rwakafanana nerwakaratidzwa nemapiyona aya rwakabatsira pakuva nokuwedzera kwe5 muzana muColombia uye nhamba yepamusoro yevaparidzi 107 613. MuDenmark imwe hanzvadzi yakura yaida kuudza vamwe mashoko akanaka asi yakanga yakaremara. Isingaodzwi mwoyo, yakakurukura nevanhu vaifarira ichiita zvokunyora tsamba. Iye zvino inonyorerana nevanhu 42 uye inoitisa vanhu 11 zvidzidzo zveBhaibheri. Ndeimwe yevari munhamba yepamusoro yevaparidzi 14 885 vakashuma muDenmark gore rakapera.

Ida Vavengi Vako

15, 16. (a) Jesu akati rudo rwedu runofanira kusvika papi? (b) Hama dzine mutoro dzakabata sei norudo nomumwe munhu akapomera zvenhema Zvapupu zvaJehovha?

15 Jesu akaudza murume aiziva Mutemo zvikuru kuti muSamariya aigona kuonekwa somuvakidzani. MuMharidzo yake paGomo, Jesu akatoenderera mberi paakati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako uvenge muvengi wako.’ Zvisinei, ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu uye kunyengeterera vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:43-45) Kunyange apo mumwe anotipikisa, tinoedza ku“ramba [ti]chikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:19-21) Kana zvichiita, tinogovana naye chinhu chedu chatinacho chinokosha zvikuru, chokwadi.

16 MuUkraine imwe nyaya yaiva mupepanhau reKremenchuk Herald yakataura nezveZvapupu zvaJehovha sekapoka kechitendero kane ngozi. Izvi zvakanga zvakakomba nokuti muEurope vamwe vanotaura nezveZvapupu zvaJehovha munzira iyi kuitira kuti vanyengetedze vanhu kudavira kuti mabasa eZvapupu zvaJehovha anofanira kudzorwa kana kuti kurambidzwa. Nokudaro, mupepeti wacho akashanyirwa ndokukumbirwa kubudisa imwe nyaya mupepanhau achiruramisa nyaya yacho. Akabvuma, asi paakaibudisa, akanyora mashoko aiti nyaya yokutanga yakanga yakavakirwa pachokwadi. Nokudaro hama dzakanga dzine mutoro dzakamushanyirazve dzine mashoko akawanda. Pakupedzisira, mupepeti wacho akaona kuti nyaya yokutanga yakanga iri yenhema, uye akabudisa imwe yokururamisa. Kubata naye zvakananga uye nomutsa ndiyo yakanga iri nzira yorudo yokugadzirisa mamiriro ezvinhu aya, uye zvakaita kuti zvigume zvakanaka.

Tingakudziridza sei Rudo?

17. Chii chinoratidza kuti zvingasava nyore nguva dzose kuti tiratidze rudo kune vamwe?

17 Mwana paanozvarwa, vabereki vake vanokurumidza kutanga kumuda. Kubata norudo nevakura hakuwanzoitika nomuzvarirwo zvakadaro. Zvichida ndicho chikonzero nei Bhaibheri richitiudza kakawanda kuti tidanane—chimwe chinhu chatinofanira kushandira. (1 Petro 1:22; 4:8; 1 Johani 3:11) Jesu aiziva kuti rudo rwedu rwaizoedzwa paakati tinofanira kukanganwira hama dzedu “kusvikira kane makumi manomwe nekanomwe.” (Mateu 18:21, 22) Pauro akatikurudzira ‘kuramba tichishivirirana.’ (VaKorose 3:12, 13) Ndicho chikonzero nei tichiudzwa kuti: “Teverai rudo”! (1 VaKorinde 14:1) Tingaita sei izvozvo?

18. Chii chichatibatsira kuti tikudziridze kuda vamwe?

18 Kutanga, nguva dzose tinogona kuramba tichifunga kuda kwatinoita Jehovha Mwari. Rudo urwu chinhu chine simba chinotiita kuti tide muvakidzani wedu. Nei? Nokuti patinoita kudaro, izvi zvinoratidza zvakanaka nezvaBaba vedu vokudenga uye zvinounza mbiri nerumbidzo kwavari. (Johani 15:8-10; VaFiripi 1:9-11) Chechipiri, tingaedza kuona zvinhu sezvinoita Jehovha. Nguva dzose patinotadza, tinotadzira Jehovha; asi, nguva nenguva anotikanganwira uye anoramba achitida. (Pisarema 86:5; 103:2, 3; 1 Johani 1:9; 4:18) Kana tikakudziridza maonero anoita Jehovha, tichanzwa tichida kuratidza rudo kuvamwe nokukanganwira kutitadzira kwavo. (Mateu 6:12) Chechitatu, tinogona kubata nevamwe sezvatinoda kuti vabate nesu. (Mateu 7:12) Nokusakwana kwatakaita, kakawanda tinoda kukanganwirwa. Somuenzaniso, patinotaura zvinhu zvinorwadza vamwe, tine tariro yokuti vachayeuka kuti munhu wose anotadza norurimi nguva nenguva. (Jakobho 3:2) Kana tichida vamwe kuti vabate nesu nenzira yorudo, tinofanira kubata navo nenzira yorudo.

19. Tingatsvaka sei kubatsirwa nomudzimu mutsvene pakukudziridza rudo?

19 Chechina, tinogona kutsvaka kubatsira kwomudzimu mutsvene nokuti rudo rutivi rwechibereko chomudzimu. (VaGaratiya 5:22, 23.) Ushamwari, kuda vanhu vomumhuri, uye rudo rwomudiwa kakawanda zvinhu zvomuzvarirwo. Asi tinoda rubatsiro rwomudzimu waJehovha kuti tikudziridze rudo rwuna Jehovha, rudo rwuri chisungo chakakwana chokubatana. Tinogona kutsvaka kubatsira kwomudzimu mutsvene nokuverenga Bhaibheri rakafuridzirwa. Somuenzaniso, kana tikadzidza upenyu hwaJesu, tinogona kuona kuti akabata sei nevanhu, uye tinogona kudzidza kumutevedzera. (Johani 13:34, 35; 15:12) Uyezve, tinogona kukumbira Jehovha kuti atipe mudzimu mutsvene, zvikurukuru mumamiriro ezvinhu anoita kuti zvitiomere kuita nenzira yorudo. (Ruka 11:13) Pakupedzisira, tinogona kutsvaka rudo nokuramba tiri pedyo neungano yechiKristu. Kuva nehama nehanzvadzi dzine rudo kunotibatsira kukudziridza rudo.—Zvirevo 13:20.

20, 21. Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza rudo munzira inoorora sei mugore rebasa ra2000?

20 Gore rakapera, pakanga pane nhamba yepamusoro yevaparidzi vemashoko akanaka 6 035 564 kupota pasi rose. Zvapupu zvaJehovha zvakapedzera maawa anokwana 1 171 270 425 zvichitsvaka vanhu kuti zvivaudze nezvemashoko akanaka. Rudo ndirwo rwakaita kuti zvitsungirire kupisa, mvura inonaya, nokutonhora sezvazvakanga zvichiita basa iri. Rudo ndirwo rwakazviita kuti zvitaure nevazvinodzidza navo uye vazvinoshanda navo uye kutaura nevanhu vazvisingambozivi mumigwagwa nepadzimwe nzvimbo. Vakawanda vakashanyirwa neZvapupu vakanga vasina hanya, vashoma vakanga vasingambodi. Zvisinei, vamwe vakaratidza kufarira, zvokuti vanhu vanokwana 433 454 049 vakashanyirwazve, uye zvidzidzo zveBhaibheri 4 766 631 zvakaitiswa. *

21 Kwose uku kwaiva kuratidzirwa kwakadini kworudo rune Zvapupu zvaJehovha kuna Mwari wazvo uye kuvavakidzani vazvo! Rudo irworwo haruzombotonhori. Tine chivimbo chokuti gore rebasa ra2001 richava nevanhu vakawanda kwazvo vachapupurirwa. Zvikomborero zvaJehovha ngazvirambe zvine vanamati vake vakavimbika uye vanoshingaira sezvavanoita kuti ‘zvinhu zvavo zvose zviitike norudo’!—1 VaKorinde 16:14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Kuti uwane mashoko akazara nokuda kwoMushumo weGore reBasa ra2000, ona chati iri pamapeji 18-21.

Ungatsanangura Here?

• Ndiani watinotevedzera patinoda muvakidzani wedu?

• Rudo rwedu runofanira kusvika papi?

• Ndezvipi zvimwe zviitiko zvinoratidza rudo rwechiKristu?

• Tingakudziridza sei rudo rwechiKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 18-21]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA2000 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

[Mifananidzo iri papeji 15]

Rudo rwechiKristu runogona kubatanidza mhuri pamwe

[Mifananidzo iri papeji 17]

Rudo runotiita kuti tigovane tariro yedu nevamwe