Tsamba Yekutanga yaJohani 2:1-29
2 Vana vangu, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine mubatsiri* ari kuna Baba, iye Jesu Kristu,+ akarurama.+
2 Iye chibayiro chekufukidza*+ zvivi zvedu,+ kwete zvedu chete asiwo zvenyika yese.+
3 Kana tikaramba tichichengeta mirayiro yake, tinoziva kuti tinenge tasvika pakumuziva.
4 Uya anoti, “Ndasvika pakumuziva,” asi asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, uye haana chokwadi mumwoyo make.
5 Asi munhu wese anochengeta shoko rake, anenge ava kunyatsoda Mwari zvakakwana.+ Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti tiri pamwe naye.+
6 Uya anoti anoramba ari pamwe naye anofanira kuramba achifamba sekufamba kwaakaitawo.+
7 Vadiwa, handisi kukunyorerai murayiro mutsva, asi murayiro wekare wamanga muinawo kubvira pakutanga.+ Murayiro iwoyo wekare ndiro shoko ramakanzwa.
8 Ndiri kukunyoreraiwo murayiro mutsva, waakazadzisa uye wamakazadzisawo, nekuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutopenya.+
9 Uyo anoti ari muchiedza asi achivenga+ hama yake achiri murima.+
10 Anoda hama yake anoramba ari muchiedza,+ uye haana chinomugumbura.
11 Asi munhu anovenga hama yake ari murima uye ari kufamba murima,+ uye haazivi kwaari kuenda+ nekuti rima rapofumadza maziso ake.
12 Vana vangu, ndiri kukunyorerai nekuti makaregererwa zvivi zvenyu nekuda kwezita rake.+
13 Imi vanababa, ndiri kukunyorerai nekuti masvika pakuziva iye agara aripo kubvira pakutanga. Imi majaya, ndiri kukunyorerai nekuti makakunda akaipa.+ Imi vana vadiki, ndinokunyorerai nekuti masvika pakuziva Baba.+
14 Imi vanababa, ndinokunyorerai nekuti masvika pakuziva iye agara aripo kubvira pakutanga. Imi majaya, ndinokunyorerai nekuti makasimba+ uye shoko raMwari riri kuramba riri mamuri+ uye makakunda akaipa.+
15 Musada nyika kana zvinhu zviri munyika.+ Kana munhu achida nyika, haadi Baba;+
16 nekuti zvinhu zvese zviri munyika zvinoti, kuchiva kwenyama,+ nekuchiva kwemaziso+ nekushamisira* nezvinhu zvauinazvo, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.
17 Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nekuchiva kwayo,+ asi munhu anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nekusingaperi.+
18 Vana vadiki, ino iawa yekupedzisira, uye sekunzwa kwamakaita kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya,+ kunyange iye zvino patova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji,+ uye izvozvo zvinotiratidza kuti ino iawa yekupedzisira.
19 Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu;*+ nekuti kudai vaiva vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pamwe chete nesu. Asi vakabva kwatiri kuti zvionekwe kuti havasi vese vari pamwe chete nesu.+
20 Mune kuzodzwa kunobva kuna iye mutsvene,+ uye mese zvenyu mune ruzivo.
21 Kukunyorerai kwandiri kuita hakurevi kuti hamuzivi chokwadi,+ asi ndiri kukunyorerai nekuti munochiziva uye nekuti hapana nhema dzinobva muchokwadi.+
22 Ndiani anoreva nhema kunze kweuya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu?+ Uya anoramba Baba neMwanakomana ndiye munhu anopesana naKristu.+
23 Munhu wese anoramba Mwanakomana haasi pamwe naBaba.+ Asi munhu wese anobvuma Mwanakomana+ ari pamwe naBaba.+
24 Kana muri imi, zvamakanzwa kubvira pakutanga ngazvirambe zviri mamuri.+ Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri, mucharambawo muri pamwe neMwanakomana uye muri pamwe naBaba.
25 Uyezve, iye pachake akativimbisa upenyu husingaperi.+
26 Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi nekuti pane vamwe vari kuedza kukutsausai.
27 Kana muri imi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari+ kunoramba kuri mamuri, uye hamufaniri henyu kudzidziswa nemumwe munhu; asi muri kudzidziswa pamusoro pezvinhu zvese nekuzodza kwake+ uye kuzodza kwacho hakusi kwenhema asi ndekwechokwadi. Semadzidzisirwo amakaitwa nekuzodzwa kwacho, rambai muri pamwe naye.+
28 Saka imi vana vangu, rambai muri pamwe naye, kuti paanoratidzwa pachena tive nerusununguko rwekutaura+ uye kuti tirege kuzomutiza nekunyara pakuvapo kwake.
29 Kana muchiziva kuti iye akarurama, munozivawo kuti munhu wese anoita zvakarurama akaberekwa naye.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mumiririri.”
^ Kana kuti “chekuti tiyananisirwe.”
^ Kana kuti “nekuzvikudza.”
^ Kana kuti “vakanga vakasiyana nesu.”