Tsamba Yekutanga yaJohani 2:1-29

  • Jesu chibayiro chekufukidza zvivi (1, 2)

  • Kuchengeta mirayiro yake (3-11)

    • Murayiro mutsva newekare (7, 8)

  • Zvikonzero zvekuvanyorera (12-14)

  • “Musada nyika” (15-17)

  • Kunyeverwa nezvemunhu anopesana naKristu (18-29)

2  Vana vangu, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine mubatsiri* ari kuna Baba, iye Jesu Kristu,+ akarurama.+  Iye chibayiro chekufukidza*+ zvivi zvedu,+ kwete zvedu chete asiwo zvenyika yese.+  Kana tikaramba tichichengeta mirayiro yake, tinoziva kuti tinenge tasvika pakumuziva.  Uya anoti, “Ndasvika pakumuziva,” asi asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, uye haana chokwadi mumwoyo make.  Asi munhu wese anochengeta shoko rake, anenge ava kunyatsoda Mwari zvakakwana.+ Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti tiri pamwe naye.+  Uya anoti anoramba ari pamwe naye anofanira kuramba achifamba sekufamba kwaakaitawo.+  Vadiwa, handisi kukunyorerai murayiro mutsva, asi murayiro wekare wamanga muinawo kubvira pakutanga.+ Murayiro iwoyo wekare ndiro shoko ramakanzwa.  Ndiri kukunyoreraiwo murayiro mutsva, waakazadzisa uye wamakazadzisawo, nekuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutopenya.+  Uyo anoti ari muchiedza asi achivenga+ hama yake achiri murima.+ 10  Anoda hama yake anoramba ari muchiedza,+ uye haana chinomugumbura. 11  Asi munhu anovenga hama yake ari murima uye ari kufamba murima,+ uye haazivi kwaari kuenda+ nekuti rima rapofumadza maziso ake. 12  Vana vangu, ndiri kukunyorerai nekuti makaregererwa zvivi zvenyu nekuda kwezita rake.+ 13  Imi vanababa, ndiri kukunyorerai nekuti masvika pakuziva iye agara aripo kubvira pakutanga. Imi majaya, ndiri kukunyorerai nekuti makakunda akaipa.+ Imi vana vadiki, ndinokunyorerai nekuti masvika pakuziva Baba.+ 14  Imi vanababa, ndinokunyorerai nekuti masvika pakuziva iye agara aripo kubvira pakutanga. Imi majaya, ndinokunyorerai nekuti makasimba+ uye shoko raMwari riri kuramba riri mamuri+ uye makakunda akaipa.+ 15  Musada nyika kana zvinhu zviri munyika.+ Kana munhu achida nyika, haadi Baba;+ 16  nekuti zvinhu zvese zviri munyika zvinoti, kuchiva kwenyama,+ nekuchiva kwemaziso+ nekushamisira* nezvinhu zvauinazvo, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. 17  Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nekuchiva kwayo,+ asi munhu anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nekusingaperi.+ 18  Vana vadiki, ino iawa yekupedzisira, uye sekunzwa kwamakaita kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya,+ kunyange iye zvino patova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji,+ uye izvozvo zvinotiratidza kuti ino iawa yekupedzisira. 19  Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu;*+ nekuti kudai vaiva vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pamwe chete nesu. Asi vakabva kwatiri kuti zvionekwe kuti havasi vese vari pamwe chete nesu.+ 20  Mune kuzodzwa kunobva kuna iye mutsvene,+ uye mese zvenyu mune ruzivo. 21  Kukunyorerai kwandiri kuita hakurevi kuti hamuzivi chokwadi,+ asi ndiri kukunyorerai nekuti munochiziva uye nekuti hapana nhema dzinobva muchokwadi.+ 22  Ndiani anoreva nhema kunze kweuya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu?+ Uya anoramba Baba neMwanakomana ndiye munhu anopesana naKristu.+ 23  Munhu wese anoramba Mwanakomana haasi pamwe naBaba.+ Asi munhu wese anobvuma Mwanakomana+ ari pamwe naBaba.+ 24  Kana muri imi, zvamakanzwa kubvira pakutanga ngazvirambe zviri mamuri.+ Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri, mucharambawo muri pamwe neMwanakomana uye muri pamwe naBaba. 25  Uyezve, iye pachake akativimbisa upenyu husingaperi.+ 26  Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi nekuti pane vamwe vari kuedza kukutsausai. 27  Kana muri imi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari+ kunoramba kuri mamuri, uye hamufaniri henyu kudzidziswa nemumwe munhu; asi muri kudzidziswa pamusoro pezvinhu zvese nekuzodza kwake+ uye kuzodza kwacho hakusi kwenhema asi ndekwechokwadi. Semadzidzisirwo amakaitwa nekuzodzwa kwacho, rambai muri pamwe naye.+ 28  Saka imi vana vangu, rambai muri pamwe naye, kuti paanoratidzwa pachena tive nerusununguko rwekutaura+ uye kuti tirege kuzomutiza nekunyara pakuvapo kwake. 29  Kana muchiziva kuti iye akarurama, munozivawo kuti munhu wese anoita zvakarurama akaberekwa naye.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mumiririri.”
Kana kuti “chekuti tiyananisirwe.”
Kana kuti “nekuzvikudza.”
Kana kuti “vakanga vakasiyana nesu.”