Zvirevo 13:1-25
13 Mwanakomana akachenjera anobvuma kurayirwa* nababa vake,+Asi museki haateereri kana achitsiurwa.*+
2 Munhu achadya zvibereko zvakanaka zvinobva pakutaura kwake,*+Asi chido chevanyengeri ndechekungoita zvemhirizhonga.
3 Munhu anobata muromo wake* anochengetedza upenyu hwake,*+Asi munhu anoshama muromo wake asingaudzore achaparadzwa.+
4 Simbe ine zvainopanga, asi haina* chinhu,+Asi munhu anoshanda nesimba achagutswa.*+
5 Vakarurama vanovenga manyepo,+Asi vakaipa vanoita zvinonyadzisa uye zvinoshoresa.
6 Kururama kunochengetedza munhu anofamba asina mhosva,+Asi uipi hunowisira pasi mutadzi.
7 Kune munhu anonyepedzera kuva mupfumi, asi iye asina chaainacho;+Kune mumwe anonyepedzera kuva murombo, asi iye aine pfuma yakawanda.
8 Upfumi ndihwo rudzikinuro rweupenyu hwemunhu,*+Asi varombo havana kana anotombovanetsa.*+
9 Chiedza chevakarurama chinopenya zvakajeka,*+Asi rambi revakaipa richadzimwa.+
10 Kuzvikudza kunongoita kuti papedzisire pava nekukakavadzana,+Asi uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.*+
11 Upfumi hunowanikwa nekukurumidza* huchakurumidza kupera,+Asi upfumi hwemunhu anounganidza zvishoma nezvishoma* huchawedzera.
12 Kana zviri kutarisirwa zvikanonoka, mwoyo unonetseka,+Asi kana chishuwo chikazadziswa, iwoyo muti weupenyu.+
13 Munhu wese anoshora zvaanenge achidzidziswa* achakohwa izvozvo,+Asi uya anoremekedza murayiro achapiwa mubayiro.+
14 Zvinodzidziswa nemunhu* akachenjera zvinopa upenyu*+Zvichibvisa munhu pamisungo yerufu.
15 Munhu anonzwisisa zvakadzama anonzwirwa nyasha,Asi nzira yevanyengeri yakaoma kufamba.
16 Munhu akangwara anoita zvinhu zvinoratidza ruzivo,+Asi benzi rinobudisa upenzi hwaro.+
17 Mutumwa akaipa anowira mudambudziko,+Asi nhume yakatendeka inoporesa.+
18 Munhu wese anoramba kurayirwa* anova murombo uye anonyadziswa,Asi uya anobvuma kururamiswa* achakudzwa.+
19 Kana chishuwo chazadziswa, munhu anofara,*+Asi benzi rinovenga kusiya zvakaipa.+
20 Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera,+Asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.+
21 Dambudziko rinotevera vatadzi,+Asi vakarurama vanowana mubayiro wekubudirira.+
22 Munhu akanaka anosiyira vazukuru vake nhaka,Asi pfuma yemutadzi ichachengeterwa munhu akarurama.+
23 Munda wakarimwa wemurombo unobereka zvekudya zvakawanda,Asi pakasatongwa zvakarurama unogona kuparadzwa.*
24 Munhu asingashandisi shamhu yake* anovenga mwanakomana wake,+Asi anomuda anogara achimurayira.*+
25 Munhu akarurama anodya kusvikira aguta,*+Asi matumbu evakaipa haana chinhu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “achiruramiswa.”
^ Kana kuti “kurangwa.”
^ ChiHeb., “pamuromo pake.”
^ Kana kuti “anongwarira zvaanotaura.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “mweya wayo hauna.”
^ ChiHeb., “achakodzwa.”
^ Kana kuti “rwemweya wemunhu.”
^ ChiHeb., “havatombotukwi.”
^ ChiHeb., “chinofara.”
^ Kana kuti “vanorangana.”
^ Kana kuti “zvisina kururama.”
^ ChiHeb., “anounganidza nemaoko.”
^ Kana kuti “anoshora shoko.”
^ Kana kuti “Mutemo wemunhu.”
^ Kana kuti “itsime reupenyu.”
^ Kana kuti “kurangwa.”
^ Kana kuti “kutsiurwa.”
^ Kana kuti “mweya unofara.”
^ Kana kuti “anogona kuparadzwa.”
^ Kana kuti “asingarayiri; asingarangi.”
^ Kana kuti “anomuda anomuranga.” Dzimwe shanduro dzinoti, “anomurayira pakarepo.”
^ Kana kuti “mweya wake waguta.”