Zvirevo 13:1-25

  • Vaya vanotsvaga mazano vakachenjera (10)

  • Zviri kutarisirwa zvikanonoka zvinoita kuti mwoyo unetseke (12)

  • Nhume yakatendeka inoporesa (17)

  • Kufamba nevakachenjera kunoita kuti munhu ave akachenjera (20)

  • Kurayirwa kunoratidza kuti unodiwa (24)

13  Mwanakomana akachenjera anobvuma kurayirwa* nababa vake,+Asi museki haateereri kana achitsiurwa.*+   Munhu achadya zvibereko zvakanaka zvinobva pakutaura kwake,*+Asi chido chevanyengeri ndechekungoita zvemhirizhonga.   Munhu anobata muromo wake* anochengetedza upenyu hwake,*+Asi munhu anoshama muromo wake asingaudzore achaparadzwa.+   Simbe ine zvainopanga, asi haina* chinhu,+Asi munhu anoshanda nesimba achagutswa.*+   Vakarurama vanovenga manyepo,+Asi vakaipa vanoita zvinonyadzisa uye zvinoshoresa.   Kururama kunochengetedza munhu anofamba asina mhosva,+Asi uipi hunowisira pasi mutadzi.   Kune munhu anonyepedzera kuva mupfumi, asi iye asina chaainacho;+Kune mumwe anonyepedzera kuva murombo, asi iye aine pfuma yakawanda.   Upfumi ndihwo rudzikinuro rweupenyu hwemunhu,*+Asi varombo havana kana anotombovanetsa.*+   Chiedza chevakarurama chinopenya zvakajeka,*+Asi rambi revakaipa richadzimwa.+ 10  Kuzvikudza kunongoita kuti papedzisire pava nekukakavadzana,+Asi uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.*+ 11  Upfumi hunowanikwa nekukurumidza* huchakurumidza kupera,+Asi upfumi hwemunhu anounganidza zvishoma nezvishoma* huchawedzera. 12  Kana zviri kutarisirwa zvikanonoka, mwoyo unonetseka,+Asi kana chishuwo chikazadziswa, iwoyo muti weupenyu.+ 13  Munhu wese anoshora zvaanenge achidzidziswa* achakohwa izvozvo,+Asi uya anoremekedza murayiro achapiwa mubayiro.+ 14  Zvinodzidziswa nemunhu* akachenjera zvinopa upenyu*+Zvichibvisa munhu pamisungo yerufu. 15  Munhu anonzwisisa zvakadzama anonzwirwa nyasha,Asi nzira yevanyengeri yakaoma kufamba. 16  Munhu akangwara anoita zvinhu zvinoratidza ruzivo,+Asi benzi rinobudisa upenzi hwaro.+ 17  Mutumwa akaipa anowira mudambudziko,+Asi nhume yakatendeka inoporesa.+ 18  Munhu wese anoramba kurayirwa* anova murombo uye anonyadziswa,Asi uya anobvuma kururamiswa* achakudzwa.+ 19  Kana chishuwo chazadziswa, munhu anofara,*+Asi benzi rinovenga kusiya zvakaipa.+ 20  Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera,+Asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.+ 21  Dambudziko rinotevera vatadzi,+Asi vakarurama vanowana mubayiro wekubudirira.+ 22  Munhu akanaka anosiyira vazukuru vake nhaka,Asi pfuma yemutadzi ichachengeterwa munhu akarurama.+ 23  Munda wakarimwa wemurombo unobereka zvekudya zvakawanda,Asi pakasatongwa zvakarurama unogona kuparadzwa.* 24  Munhu asingashandisi shamhu yake* anovenga mwanakomana wake,+Asi anomuda anogara achimurayira.*+ 25  Munhu akarurama anodya kusvikira aguta,*+Asi matumbu evakaipa haana chinhu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “achiruramiswa.”
Kana kuti “kurangwa.”
ChiHeb., “pamuromo pake.”
Kana kuti “anongwarira zvaanotaura.”
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “mweya wayo hauna.”
ChiHeb., “achakodzwa.”
Kana kuti “rwemweya wemunhu.”
ChiHeb., “havatombotukwi.”
ChiHeb., “chinofara.”
Kana kuti “vanorangana.”
Kana kuti “zvisina kururama.”
ChiHeb., “anounganidza nemaoko.”
Kana kuti “anoshora shoko.”
Kana kuti “Mutemo wemunhu.”
Kana kuti “itsime reupenyu.”
Kana kuti “kurangwa.”
Kana kuti “kutsiurwa.”
Kana kuti “mweya unofara.”
Kana kuti “anogona kuparadzwa.”
Kana kuti “asingarayiri; asingarangi.”
Kana kuti “anomuda anomuranga.” Dzimwe shanduro dzinoti, “anomurayira pakarepo.”
Kana kuti “mweya wake waguta.”