Tsamba Yekutanga Kuna Timoti 4:1-16
4 Asi shoko rakafemerwa rinonyatsotaura* zvakajeka kuti munguva inouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafemerwa kunotsausa*+ nedzidziso dzemadhimoni,
2 neunyengeri hwevanhu vanonyepa,+ vane hana dzinoita sedzakapiswa nesimbi inoisa mucherechedzo.
3 Vanorambidza vanhu kuroorana+ uye vanorambidza vanhu zvekudya+ zvakasikwa naMwari kuti zvidyiwe+ nekuonga nevaya vane kutenda+ uye vanoziva chokwadi zvakarurama.
4 Nekuti zvisikwa zvese zvaMwari zvakanaka,+ uye hapana chinofanira kurambwa+ kana chichigamuchirwa nekuonga,
5 nekuti chinoitwa kuti chive chitsvene neshoko raMwari nekuchinyengeterera.
6 Kana ukapa hama mazano aya, uchava mushumiri waKristu Jesu akanaka, akarerwa nemashoko ekutenda needzidziso yakanaka yawakanyatsotevera.+
7 Asi ramba ngano+ dzekumhura sedziya dzinotaurwa nechembere. Asi iva nechinangwa chekuzvidzidzisa kuzvipira kuna Mwari.
8 Nekuti kusimbisa muviri kunobatsira zvishoma, asi kuzvipira kuna Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, sezvo kuine vimbiso yeupenyu huno neupenyu huchauya.+
9 Mashoko iwayo ndeechokwadi uye anofanira kubvumwa zvakakwana.
10 Ndokusaka tiri kushanda nesimba, tichirwisa,+ nekuti takaisa tariro yedu pana Mwari mupenyu, anova ndiye Muponesi+ wevanhu vese,+ kunyanya wevakatendeka.
11 Ramba uchirayira nekudzidzisa vanhu zvinhu izvi.
12 Usarega munhu achikutarisira pasi nekuti uri mudiki. Asi iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pakuzvibata, parudo, pakutenda, patsika dzakachena.*
13 Ramba uchishingairira kuverenga paruzhinji,+ kukurudzira, uye kudzidzisa, kusvikira ndauya.
14 Usarega kushandisa chipo chiri mauri chawakapiwa kuburikidza neuprofita, pakaiswa maoko pauri nedare revakuru.+
15 Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kunyatsoonekwa nevanhu vese.
16 Ramba uchizvichenjerera iwe pachako, nekudzidzisa kwako.+ Ramba wakashinga pakuita zvinhu izvi, nekuti kana ukadaro uchazviponesa iwe pachako, nevaya vanokuteerera.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mweya unonyatsotaura.”
^ ChiGir., “mweya inotsausa.”
^ Kana kuti “pakuva akachena.”