Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri

Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri

Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri

KUNYANZVI dzakawanda nevatsoropodzi, Mosesi anongova munhu wengano. Vanoramba nhoroondo yeBhaibheri, vachipa uchapupu hunogona kushandiswawo kuratidza kuti kunyange vanhu vakaita saPlato naSocrates vaiva vanhu vengano.

Zvisinei, sezvataona, hapana chikonzero chinonzwika chokuramba nhoroondo dzeBhaibheri dzaMosesi. Mukupesana, kuvanhu vokutenda, kune uchapupu hwakawanda zvikuru hwokuti Bhaibheri rose i“shoko raMwari.” * (1 VaTesaronika 2:13; VaHebheru 11:1) Kuvanhu vakadaro, kudzidza upenyu hwaMosesi hakusi kungodzidza mabhuku chete, asi inzira yokuvaka nayo kutenda.

Mosesi Chaiye

Vanogadzira mafirimu vanowanzosimbisa ugamba hwaMosesi uye kushinga kwake—unhu hunofarirwa nevanhu. Ichokwadi kuti Mosesi aiva akashinga. (Eksodho 2:16-19) Asi chikuru ndechokuti murume wokutenda. Mosesi aiona Mwari somunhu chaiye—aiva chaiyeiye kwaari zvokuti muapostora Pauro akataura kuti Mosesi aiva munhu “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.”—VaHebheru 11:24-28.

Saka Mosesi anotidzidzisa kuti zvinokosha kuva noukama naMwari. Muupenyu hwedu hwezuva nezuva, isuwo tinogona kuita sokunge tiri kuona Mwari! Kana tikadaro, hatizomboiti zvinomugumbura. Cherechedzawo kuti kutenda kwaMosesi kwakarovererwa maari paaiva mucheche. Kutenda kwake kwaiva kwakadzika zvokuti kwakaramba kwakasimba kunyange paakadzidza “uchenjeri hwose hwevaIjipiti.” (Mabasa 7:22) Izvi zvinokurudzira kwazvo vabereki kuti vatange kudzidzisa vana vavo nezvaMwari kubvira paucheche!—Zvirevo 22:6; 2 Timoti 3:15.

Chimwe chaikoshawo kwaiva kuzvininipisa kwaMosesi. Aiva “munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Ndicho chikonzero nei Mosesi aiva asingarambi zvikanganiso zvake. Anonyora nezvokuregeredza kwake kwaakaita paakakundikana kudzingisa mwanakomana wake. (Eksodho 4:24-26) Anorondedzera zvakajeka kukundikana kwake kupa mbiri kuna Mwari pane imwe nguva uye chirango chakakomba chaakapiwa naMwari. (Numeri 20:2-12; Dheuteronomio 1:37) Uyezve, Mosesi aigamuchira mazano evamwe. (Eksodho 18:13-24) Varume, madzibaba, nevamwe varume vane chiremera havangabatsirwi here nokutevedzera Mosesi?

Chokwadi, vamwe vatsoropodzi vanoramba kuti Mosesi aiva munyoro zvechokwadi, vachitaura nezvokushandisa simba kwaaiita. (Eksodho 32:26-28) Mumwe munyori anonzi Jonathan Kirsch anoti: “Mosesi womuBhaibheri haawanzozvininipisa uye haamboratidzi unyoro, uye zviito zvake hazvigoni kunzi zvakanga zvakarurama nguva dzose. Pane dzimwe nguva dzinotyisa, . . . Mosesi anoratidzwa achizvikudza, achifarira kuteura ropa, uye ane utsinye.” Kutsoropodza kwakadaro kunongova kusatarira mativi ose enhau. Hakutarisi chokwadi chokuti zviito zvaMosesi zvakanga zvichikonzerwa, kwete noutsinye, asi nokuda kururamisira zvikuru uye kusada uipi. Mumazuva ano apo vanhu vakawanda vari kurerutsa mararamire ounzenza, Mosesi chiyeuchidzo chokuti hatifaniri kurerutsa tsika dzakanaka.—Pisarema 97:10.

Nhaka Yatakanyorerwa naMosesi

Mosesi akasiya mabhuku akawanda kwazvo. Iwaya anosanganisira nhetembo (Jobho, Pisarema 90), mashoko enhoroondo dzezvakaitika (Genesi, Eksodho, Numeri,) mitsara yedzinza (Genesi, zvitsauko 5, 11, 19, 22, 25), uye bumbiro remitemo rinoshamisa rinonzi Mutemo waMosesi (Eksodho, zvitsauko 20-40; Revhitiko; Numeri; Dheuteronomio). Mutemo wakafuridzirwa naMwari uyu waiva nepfungwa, mitemo, uye nhungamiro zvaipfuura nokure zvehurumende dzose dzomunguva iyoyo.

Munyika umo mutungamiriri weHurumende anenge ariwo mutungamiriri weChechi, zvinowanzoguma nokusabvumira zvimwe zvitendero, kudzvinyirira zvimwe zvitendero, uye kushandisa simba zvisina kufanira. Mutemo waMosesi waiva nenhungamiro yokuti Chechi neHurumende zvinge zvakaparadzana. Mambo akanga asingatenderwi kuita mabasa oupristi.—2 Makoronike 26:16-18.

Mutemo waMosesi waidzidzisawo nezvoutsanana uye nzira dzokudzivirira zvirwere, zvakadai sokugarisa vanhu vairwara kwavo voga uye kurasa tsvina yevanhu, izvo zvinowirirana nesayenzi yemazuva ano. (Revhitiko 13:1-59; 14:38, 46; Dheuteronomio 23:13) Izvi zvinoshamisa tichifunga kuti mishonga yakawanda yevaIjipiti muzuva raMosesi yaiva misanganiswa ine ngozi yaigadzirwa nevanhu vasiri nyanzvi uye vezvemashiripiti. Munyika dzichiri kusimukira nhasi, mamiriyoni angadai asingabatwi nezvirwere uye kufa dai mitemo youtsanana yakadzidziswa naMosesi yaishandiswa.

VaKristu havasungirwi kutevedzera Mutemo waMosesi. (VaKorose 2:13, 14) Asi kuudzidza kuchiri kukosha zvikuru. Mutemo iwoyo waikurudzira vaIsraeri kuti vazvipire kuna Mwari bedzi uye kusanamata zvifananidzo. (Eksodho 20:4; Dheuteronomio 5:9) Wairayira vana kukudza vabereki vavo. (Eksodho 20:12) Mutemo wacho wairambidzawo kuponda, upombwe, kuba, kunyepa, uye kuchochora. (Eksodho 20:13-17) Nhungamiro idzodzo dzinokosheswa nevaKristu nhasi.

Muprofita Akafanana naMosesi

Tiri kurarama munguva dzinotambudza. Zvechokwadi vanhu vanotoda mutungamiriri akaita saMosesi—munhu asina simba nechiremera chete asiwo akavimbika, akashinga, ane tsitsi, uye anoda ruramisiro nomwoyo wose. Mosesi paakafa, vaIsraeri vanofanira kuva vakanetseka vachizvibvunza kuti, ‘Kuti nyika ichazombova nomumwe akafanana naye zvekare here?’ Mosesi pachake akapindura mubvunzo iwoyo.

Mabhuku akanyorwa naMosesi anotsanangura kuti urwere norufu zvakatanga sei uye kuti nei Mwari akabvumira uipi kuenderera mberi. (Genesi 3:1-19; Jobho, chitsauko 1, 2) Pana Genesi 3:15, uprofita hwokutanga chaihwo hwakanyorwa—chipikirwa chokuti uipi huchaparadzwa pakupedzisira! Sei? Uprofita hwacho hwakaratidza kuti mumwe munhu aizoberekwa uyo aizounza ruponeso. Chipikirwa ichi chakaita kuti pave netariro yokuti Mesiya aizomuka onunura vanhu. Asi ndiani aizova Mesiya? Mosesi anotibatsira kunyatsomuziva.

Paakanga ava pedyo nokuda kufa, Mosesi akataura mashoko aya ouprofita anoti: “Jehovha Mwari wako uchakumutsira muprofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuteerera iye.” (Dheuteronomio 18:15) Muapostora Petro akazoratidza kuti mashoko iwayo anoshanda zvakananga kuna Jesu.—Mabasa 3:20-26.

Vatsinhiri vechiJudha vazhinji vanoramba zvakasimba kuti Mosesi naJesu vafananidzwe. Vanoti mashoko orugwaro urwu anoshanda kumuprofita wose wechokwadi akazouya pashure paMosesi. Zvisinei, maererano neTanakh—The Holy Scriptures, rakanyorwa nePublication Society, Dheuteronomio 34:10 inoti: “MuIsraeri hamuna kuzombomukazve muprofita akafanana naMosesi—uyo ISHE akasarudza, zviso zvakatarisana.”

Hungu, vaprofita vazhinji vakatendeka, vakadai saIsaya naJeremia, vakazouya pashure paMosesi. Asi hapana chero mumwe wavo akava noukama naJehovha hwakafanana nohwaiva naMosesi—hwokutaurirana naye “zviso zvakatarisana.” Chipikirwa chaMosesi chomuprofita ‘akafanana naye’ naizvozvo chinofanira kushanda kumunhu mumwe chete—Mesiya! Zvinokosha kucherechedza kuti chiKristu chisati chavapo—uye vatendi vasati vatanga kutambudzwa nevaKristu venhema—nyanzvi dzechiJudha dzaionawo saizvozvo. Mashoko anoratidza izvi anogona kuonekwa mumabhuku echiJudha, akadai seMidrash Rabbah, iyo inorondedzera Mosesi saiye akatangira “Mudzikinuri akazouya,” kana kuti Mesiya.

Kuti Jesu akanga akafanana naMosesi munzira dzakawanda hakugoni kurambwa. (Ona bhokisi rinoti “Jesu—Muprofita Akafanana naMosesi.”) Jesu ane simba nechiremera. (Mateu 28:19) Jesu “munyoro uye anozvininipisa mumwoyo.” (Mateu 11:29) Jesu anovenga kusateerera mutemo nokusaruramisira. (VaHebheru 1:9) Naizvozvo, anogona kutipa utungamiriri hunodikanwa zvikuru! Ndiye achabvisa uipi nokukurumidza oita kuti pasi rive Paradhiso sezvinorondedzerwa neBhaibheri. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 20 Kana uchida kudzidza zvakawanda nezvechipikirwa cheBhaibheri pamusoro peparadhiso yepasi pano mukutonga kwoUmambo hwaKristu, tapota taura neZvapupu zvaJehovha. Zvichafara kudzidza newe Bhaibheri pachena.

[Bhokisi riri papeji 28]

Mosesi—Chokwadi Chichienzaniswa Nezvokufungidzira

Zvinoratidzwa mumafirimu nezvaMosesi zvakafambisira mberi ngano dzinoverengeka uye zvinhu zvisina kururama. Pano pane mienzaniso mishomanana bedzi:

Ngano: Mosesi akanga asingazivi kuti akanga ari muJudha.

Chokwadi: Mosesi akachengetwa namai vake vaiva muJudha, sezviri pachena kwemakore anoverengeka. Mabasa 7:23-25 inoratidza kuti Mosesi aiona varanda vechiJudha se“hama dzake.”

Ngano: Mosesi akanga achikwikwidzira chigaro choumambo hweIjipiti.

Chokwadi: Bhaibheri haritauri zvinhu zvakadaro. Daily Bible Illustrations rakanyorwa naJohn Kitto, rinotaura kuti hapana chikonzero chokudavira kuti Mosesi nokurerwa nevakanga vasiri vabereki vake akava mugari wenhaka youmambo . . . Hazviratidzi sokuti pangangodaro paiva nokushayikwa kwevarume vaizotora chigaro choumambo.”

Ngano: Mosesi akadzokera kuIjipiti kuti anorwa nomuvengi wake.

Chokwadi: Bhaibheri rinotaura kuti vavengi vake vose vakanga vafa paakadzokera.—Eksodho 4:19.

Ngano: Mwari akatanga kutaura Mirayiro Gumi pashure pokunge Mosesi akwira muGomo reSinai.

Chokwadi: Mirayiro Gumi yakataurwa naMwari, kurudzi rwose rwaIsraeri, achishandisa ngirozi yake. Pashure paizvozvo, vaIsraeri vakanga vabatwa nokutya vakakumbira Mosesi kuti akwire anovataurira.—Eksodho 19:20–20:19; 24:12-14; Mabasa 7:53; VaHebheru 12:18, 19.

Ngano: Farao akapona pakaparadzwa uto rake paGungwa Dzvuku.

Chokwadi: “Farao nehondo yake” vakatsakatikira muGungwa Dzvuku.—Eksodho 14:28; Pisarema 136:15.

[Bhokisi riri papeji 29]

Jesu—Muprofita Akafanana naMosesi

Hedzino dzimwe nzira idzo Jesu akaratidza nadzo kuti aiva akafanana naMosesi:

▲ Mosesi naJesu vakapukunyuka kupondwa kwevacheche vechirume vakawanda sezvakanga zvarayirwa nomutongi wenguva yavo.—Eksodho 1:22; 2:1-10; Mateu 2:13-18.

▲ Mosesi akadanwa kuti abude muIjipiti ne“dangwe” raJehovha, rudzi rwaIsraeri. Jesu akadanwa kubuda muIjipiti seMwanakomana waMwari wedangwe.—Eksodho 4:22, 23; Hosea 11:1; Mateu 2:15, 19-21.

▲ Mosesi naJesu vakatsanya kwemazuva 40 murenje.—Eksodho 34:28; Mateu 4:1, 2.

▲ Mosesi naJesu vaiva vanyoro uye vachizvininipisa kwazvo.—Numeri 12:3; Mateu 11:28-30.

▲ Mosesi naJesu vakaita zvishamiso.—Eksodho 14:21-31; Pisarema 78:12-54; Mateu 11:5; Mako 5:38-43; Ruka 7:11-15, 18-23.

▲ Mosesi naJesu vakashanda sevarevereri vesungano pakati paMwari nevanhu vake.—Eksodho 24:3-8; 1 Timoti 2:5, 6; VaHebheru 8:10-13; 12:24.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Jesu chete ndiye aiva muprofita akanga akafanana naMosesi zvechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 28]

Mitemo youtsanana inodzidziswa muMutemo waMosesi inogona kubatsira kudzivirira zvirwere