Eksodho 2:1-25
2 Mumazuva iwayo, mumwe murume weimba yaRevhi akaroora mwanasikana wedzinza raRevhi.+
2 Uye mukadzi wacho akava nepamuviri, akabereka mwanakomana. Paakaona kunaka kwaakanga akaita, akamuvanza kwemwedzi mitatu.+
3 Paakanga asingachakwanisi kumuvanza,+ akatora tswanda* yenhokwe, akainama netara,* uye akaisa mwana wacho mukati, akaiisa pakati petsanga dzaiva kumahombekombe kweRwizi rwaNire.
4 Asi hanzvadzi yake+ yakamira nechekure kuti ione zvaizoitika kwaari.
5 Mwanasikana waFarao paakadzika kuna Nire kunogeza, vashandikadzi vake vaifamba vachitevedza Nire. Akaona tswanda yacho iri pakati petsanga. Akabva atuma murandasikana wake kuti aitore.+
6 Paakaivhura, akaona muine mwana mukomana, uye mwana wacho aichema. Akasiririswa naye, asi akati: “Mwana wevaHebheru uyu.”
7 Hanzvadzi yake yakabva yati kumwanasikana waFarao: “Ndiende ndinokushevedzerai mukadzi wechiHebheru anoyamwisa kuti akurererei mwana wacho here?”
8 Mwanasikana waFarao akati kwaari: “Enda!” Musikana wacho akabva aenda akanoshevedza amai vemwana wacho.+
9 Mwanasikana waFarao akabva ati kwavari: “Enda nemwana uyu undirerere, uye ndichakubhadhara.” Saka mukadzi wacho akatora mwana wacho, akanomurera.
10 Mwana wacho paakanga akura, mukadzi wacho akaenda naye kumwanasikana waFarao, uye akava mwanakomana wake.+ Akamutumidza kuti Mozisi* uye akati: “Nekuti ndakamunyurura mumvura.”+
11 Rimwe zuva Mozisi paakanga ava munhu mukuru,* akabuda kuti anoona basa rinorema raiitwa nehama dzake,+ ndokuona mumwe muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.
12 Saka akatarisa-tarisa uye paakaona kusina munhu, akauraya muIjipiti wacho, ndokumuviga mujecha.+
13 Asi mangwana acho akabudazve, akaona varume vaviri vechiHebheru vachirwa. Saka akati kune akanga akanganisa: “Uri kuroverei mumwe wako?”+
14 Iye akabva ati: “Ndiani akakugadza kuti uve muchinda uye mutongi wedu? Uri kuda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya here?”+ Mozisi akatanga kutya akati: “Chokwadi nyaya iya yazivikanwa!”
15 Farao akabva azvinzwa, uye akaedza kuuraya Mozisi; asi Mozisi akatiza Farao akaenda kunyika yeMidhiyani,+ uye akasvikogara pasi pedyo netsime.
16 Zvino mupristi weMidhiyani+ akanga aine vanasikana vanomwe, uye vakauya kuzochera mvura nekuzadza zvinwiro kuti vanwise makwai ababa vavo.
17 Asi vafudzi vakauya vakavadzinga sezvavaigara vachiita. Mozisi akabva asimuka akabatsira* vakadzi vacho, uye akanwisa makwai avo.
18 Pavakadzoka kumba, baba vavo Reueri*+ vakati: “Sei nhasi makurumidza kudzoka?”
19 Vakapindura kuti: “Mumwe murume wechiIjipiti+ atinunura pavafudzi, uye atoticherera mvura nekunwisa makwai.”
20 Akati kuvanasikana vake: “Saka ari kupi? Mamusiyirei? Mushevedzei tidye naye.”
21 Pashure paizvozvo Mozisi akabvuma kugara nemurume wacho, uye murume wacho akamupa mwanasikana wake Zipora+ kuti ave mudzimai wake.
22 Akazobereka mwanakomana, akamutumidza kuti Geshomu,*+ nekuti akati, “Ndava kugara mune imwe nyika ndiri mutorwa.”+
23 Pashure penguva yakareba* mambo weIjipiti akazofa,+ asi vaIsraeri vakaramba vachigomera nemhaka yeuranda uye vachinyunyuta, uye kuchema kwavo nemhaka yeuranda kwakaramba kuchikwira kuna Mwari wechokwadi.+
24 Mwari akazonzwa kugomera kwavo,+ uye Mwari akayeuka sungano yake naAbrahamu, Isaka, naJakobho.+
25 Saka Mwari akatarisa vaIsraeri; uye Mwari akavarangarira.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “areka.”
^ Kana kuti “nebhitumini.”
^ Kureva kuti “Akanyururwa,” zvichireva kuti akaponeswa kubva mumvura.
^ Kana kuti “paakanga achiva munhu ane simba.”
^ Kana kuti “akanunura.”
^ Kureva, Jetro.
^ Kureva kuti “Mutorwa Ikoko.”
^ ChiHeb., “pemazuva akawanda.”