Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinoita Here Kukunda Tsika Dzakaipa?

Zvinoita Here Kukunda Tsika Dzakaipa?

Zvinotaura Bhaibheri

Zvinoita Here Kukunda Tsika Dzakaipa?

MUMWE munyori anonzi Mark Twain akambotaura nechibhende achiti: “Kurega kuputa ndicho chinhu chiri nyore pane zvose munyika. Ndinozviziva nokuti ndakazviita kasingaverengeki.” Hapana mubvunzo kuti vanhu vakawanda vanonzwisisa zvakataurwa naTwain achiratidza shungu dzomwoyo. Kunyange zvazvo vangabvuma chaizvo kuti dzimwe tsika dzakaipa uye kuti dzinotokuvadza, vanozivawo kuti kudzirega nokudzikunda kwakaoma. Tsika dzinogona kudzika midzi nokufamba kwenguva uye dzinogona kuramba dziripo chero munhu akaedza sei kudzichinja. Kuedza kudzora zvishuvo zvakadaro kunogona kunetesa uye kunyange kurwadza.

Dr. Anthony Daniels, mumwe chiremba anoshanda pane rimwe jeri, anoti vasungwa vanowanzotaura kuti havagoni kukurira manzwiro avo anovhiringidza nezvishuvo zvavo zvisina kunaka. Vanoti kana munhu angojairira chimwe chinhu chete, “anenge ava kungomanikidzwa kuchiita, asina simba rokuramba.” Dai mafungiro iwayo aiva echokwadi, taisazombova nemhosva yokuita zvinhu zvatinonzwa miviri yedu ichitimanikidza kuita. Asi ichokwadi here kuti hatigoni kurega kuita zvinhu zvatinonzwa tichimanikidzwa nemiviri yedu nezvishuvo? Kana kuti tsika dzakaipa dzinogona kukundwa chaizvoizvo here? Kuti tiwane mhinduro yakavimbika, ngationei zvinotaura Bhaibheri.

Kusiyana Kwakaita Chishuvo Nechiito

Bhaibheri rinojekesa kuti Mwari anoita kuti tizvidavirire nokuda kwezviito zvedu. (VaRoma 14:12) Uyewo, anoda kuti tirarame maererano nezvaanoda zvakarurama. (1 Petro 1:15) Sezvo ari Musiki wedu, anoziva zvakatinakira, uye nhungamiro dzake dzinoshora tsika dzakawanda dzinoitwa chaizvo munyika ino. (1 VaKorinde 6:9, 10; VaGaratiya 5:19-21) Zvisinei, anoona zvinhu sezvazviri uye ane tsitsi pane zvaanotarisira kuvanhu vasina kukwana.—Pisarema 78:38; 103:13, 14.

Saka munyori wepisarema akati: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?” (Pisarema 130:3) Chokwadi, Jehovha anonyatsoziva kuti “kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake.” (Genesi 8:21) Zvatakatodza kuvabereki vedu, utera hwatakaberekwa nahwo, uye zvatakasangana nazvo muupenyu zvinoita kuti tisakwanisa kudzivisa pfungwa dzose dzakaipa nezvishuvo. Saka, norudo, Jehovha haarayiri kuti tive vakakwana.—Dheuteronomio 10:12; 1 Johani 5:3.

Zvisinei, kunzwisisa kwaMwari uku hakutisununguri pamutoro wedu wokudzora zvishuvo zvakaipa. Kunyange zvazvo achibvuma kuti iye pachake akarwa zvakasimba nezvishuvo zvakaipa, muapostora Pauro haana kukanda mapfumo pasi. (VaRoma 7:21-24) Iye akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiutungamirira somuranda.” Nechinangwa chei? Kuti, “Ini ndirege kuva asingatenderwi munzira yakati.” (1 VaKorinde 9:27) Chokwadi, kuzvidzora kunokosha kuti tirwise mafungiro netsika dzedu dzakaipa uye pakupedzisira kudzikunda zvachose.

Kuchinja Kunobvira

Masayendisiti anodzidza nezvemaitiro evanhu anotaura kuti tsika dzakaipa, kufanana nedzakanaka, dzinodzidzwa uye dzinokura nokufamba kwenguva. Kana izvozvo zvakarurama, tsika dzakaipa dzinogonawo kuchinjwa! Sei? “Funga nezvokuti kurega tsika yacho yekare kunobatsirei,” vanodaro vanyori vebhuku rine mashoko okuderedza kuzvidya mwoyo. Wadaro, “nyora pasi kuti kuchinja unhu hwako kungavandudza sei upenyu hwako.” Chokwadi, kufunga zvinhu zvakanakira kuchinja unhu hwedu hwakaipa kunogona kutikurudzira kuchinja.

Funga nezvezano ratinopiwa nomuapostora Pauro rokuti ‘tiitwe vatsva musimba rinosunda pfungwa dzedu.’ (VaEfeso 4:22, 23) Simba iroro rinoreva kwakanyanya kurerekera pfungwa dzedu. Unochinja simba iroro nokuswedera pedyo naMwari uye kudzidzira kuonga mitemo yake. Kuziva kuti uri kufadza Jehovha kunobatsira kuti unzwe uchida kuchinja sezvinodiwa.—Pisarema 69:30-33; Zvirevo 27:11; VaKorose 1:9, 10.

Zvechokwadi, zvichaoma kubvisa tsika dzakaipa dzingadaro dzakadzora upenyu hwedu kwemakore. Hatifaniri kurerutsa hondo iri mberi kwedu. Chokwadi tichambodzokera shure uye tichambokundikana. Asi iva nechokwadi chokuti zvinhu zvinowanzoita nyore nokufamba kwenguva. Ukashanda nesimba kuti uve nounhu utsva, huchaguma hwangoita sounhu hwako.

Munhu anoda Mwari anogonawo kuva nechokwadi chokuti iye achamubatsira uye achamukomborera. Pauro anovimbisa kuti, “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi . . . achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:13) Nokukurumidza, Jehovha Mwari achaparadza nyika ino yakaipa nemiedzo yayo, zvido, uye zvishuvo zvayo zvakaipa. (2 Petro 3:9-13; 1 Johani 2:16, 17) Vanhu vose vasina kukwana vachapona pachiitiko ichi nokufamba kwenguva vanogona kuporeswa zvakakwana uye nokusingaperi marwadzo ose—omuviri uye epfungwa. Mwari anopikira kuti: “Zvinhu zvekare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” (Isaya 65:17) Hapana mubvunzo kuti pakati pe“zvinhu zvekare” izvi pachange pasisina zvishuvo nezvido zvinonetsa. Ichi hachisi chikonzero chikuru here chokuti tiite zvose zvatinokwanisa nhasi kuti tirege uye tirwise tsika dzakaipa?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 31]

KUREGA TSIKA DZAKAIPA

1. Ziva uye bvuma kuti une tsika dzakaipa. Zvibvunze kuti, ‘Tsika iyi yakaipa inondibatsira chaizvoizvo here? Inogumbura vamwe here? Inokanganisa utano hwangu, mari, mhuri, kana kuti rugare rwangu rwepfungwa here? Dai ndaizoirega upenyu hwangu hwaizova nani zvakadini?’

2. Tsiva tsika dzakaipa nechimwe chinhu chakanaka. Somuenzaniso, unopedza nguva yakawandisa uri paIndaneti, zvichida uchitarisa zvinhu zvakaipa here? Kana zvakadaro ronga kuverenga, kudzidza zvakanaka kana kurovedza muviri panguva iyoyo.

3. Ramba uchitarira kuti uri kufambira mberi zvakadini. Zuva roga roga funga kwemaminitsi mashomanana kuti uri kufambira mberi zvakadini. Kana ukambodzokera shure, funga kuti chii chaita kuti pave nechinetso chacho.

4. Kukumbira kuti vamwe vakubatsire. Taurira shamwari nemhuri kuti uri kuedza kurega tsika iyi, uye vakumbire kukuyeuchidza paunoratidza kuda kudzokera shure. Taura nevamwe vakakunda tsika yacho.—Zvirevo 11:14.

5. Usanyanyisa uye ona zvinhu sezvazviri. Usatarisira kungobudirira pakarepo. Dzimwe tsika dzinenge dzagara kwemakore akawanda dzingatora nguva kuti dzibve.

6. Nyengetera kuna Mwari. Uchibatsirwa naMwari unogona kurega chero tsika ipi zvayo yakaipa.—Pisarema 55:22; Ruka 18:27.