Dheuteronomi 10:1-22
10 “Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, ‘Veza mahwendefa maviri ematombo akaita seekutanga,+ ukwire kwandiri mugomo; unofanirawo kuzvigadzirira areka yemuti.
2 Uye ndichanyora pamahwendefa acho mashoko aiva pamahwendefa ekutanga, awakaputsa, uye unofanira kuaisa muareka.’
3 Saka ndakagadzira areka nemuti wemubayamhondoro, ndikaveza mahwendefa maviri ematombo akaita seekutanga, ndikakwira mugomo ndiine mahwendefa acho maviri mumaoko angu.+
4 Akabva anyora pamahwendefa acho mirayiro yaakanga ambonyora,+ Mirayiro Gumi,*+ yakanga yataurwa naJehovha kwamuri mugomo ari mumoto+ pazuva regungano;*+ uye Jehovha akandipa mahwendefa acho.
5 Ndakabva ndatendeuka, ndikaburuka mugomo,+ ndikaisa mahwendefa acho muareka yandakanga ndagadzira, umo maachiri, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha.
6 “VaIsraeri vakabva vasimuka kuBheeroti Bhene-jaakani vakaenda kuMosera. Aroni akafira ikoko akavigwa,+ uye mwanakomana wake Eriyezari akatanga kushumira semupristi panzvimbo pake.+
7 Vakatama ikoko vachienda kuGudhigodha, uye vakabva kuGudhigodha vakaenda kuJotbhata,+ nyika inoyerera hova dzemvura.
8 “Panguva iyoyo Jehovha akatsaura dzinza raRevhi+ kuti ritakure areka yesungano+ yaJehovha, kuti rimire pamberi paJehovha, richimushumira uye kuti rikomborere vanhu muzita rake+ sezvavari kuita nanhasi.
9 Ndokusaka Revhi asina mugove kana nhaka pamwe chete nehama dzake. Jehovha ndiye nhaka yake, sezvakataurwa naJehovha Mwari wako kwaari.+
10 Ini pachangu ndakagara mugomo sezvandakanga ndamboita, kwemazuva 40 neusiku 40,+ uye Jehovha akanditeerera zvakare musi iwoyo.+ Jehovha haana kuda kukuparadzai.
11 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Tungamirira vanhu, vagadzirire kusimuka, kuti vapinde vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndichavapa.’+
12 “Saka iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodei kwauri?+ Anongoda izvi: kuti utye Jehovha Mwari wako,+ ufambe munzira dzake dzese,+ umude, ushumire Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese,+
13 uye kuti uchengete mirayiro nemirau yaJehovha yandiri kukurayira nhasi kuti zvikunakire.+
14 Ona, matenga, matenga ekumatenga,* uye nyika nezvese zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako.+
15 Asi Jehovha akaswedera pedyo nemadzibaba enyu chete uye akaratidza kuti anoada, akakusarudzai imi vana vawo,+ pamarudzi ese, sezvamuri nhasi.
16 Iye zvino munofanira kuchenesa mwoyo*+ yenyu, uye regai kuramba makaoma musoro.*+
17 Nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavanamwari naShe wemadzishe,+ Mwari mukuru, ane simba, uye anoshamisa, asina waanosarura+ uye asingabvumi chiokomuhomwe.
18 Anotonga zvakarurama nyaya dzenherera nechirikadzi+ uye anoda mutorwa,+ achimupa zvekudya nezvekupfeka.
19 Imiwo munofanira kuda mutorwa, nekuti maiva vatorwa munyika yeIjipiti.+
20 “Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, uchimushumira,+ unamatire kwaari, uye unofanira kupika nezita rake.
21 Ndiye waunofanira kurumbidza.+ Ndiye Mwari wako, akakuitira zvinhu zvese izvi zvikuru uye zvinoshamisa zvawakaona nemaziso ako.+
22 Madzitateguru ako akaenda nevanhu* 70 kuIjipiti,+ asi iye zvino Jehovha Mwari wako aita kuti muwande senyeredzi dzekudenga.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Mashoko Gumi.”
^ Kana kuti “reungano.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “matenga ekumusorosoro.”
^ ChiHeb., “kuchecheudza chikanda chepamberi chemwoyo.”
^ ChiHeb., “makaomesa mutsipa.”
^ Kana kuti “nemweya.”