Jobho 2:1-13

  • Satani anotaura zvakare kuti Jobho haatyi Mwari zvechokwadi (1-5)

  • Satani anobvumirwa kurova muviri waJobho (6-8)

  • Mudzimai waJobho: “Tuka Mwari ufe!” (9, 10)

  • Shamwari nhatu dzaJobho dzinosvika (11-13)

2  Pashure paizvozvo, zuva rakasvika pakapinda vanakomana vaMwari*+ wechokwadi kuti vamire pamberi paJehovha,+ uye Satani akapindawo pakati pavo kuti amire pamberi paJehovha.+  Jehovha akabva ati kuna Satani: “Uri kubva kupi?” Satani akapindura Jehovha achiti: “Kunopota-pota nenyika nekufamba-famba pairi.”+  Uye Jehovha akati kuna Satani: “Waona mushumiri* wangu Jobho here? Hakuna akafanana naye panyika. Murume akarurama uye asina chaanopomerwa,*+ anotya Mwari uye anosiyana nezvakaipa. Achakaperera+ kwandiri kunyange zvazvo uchiedza kundikurudzira kuti ndimuparadze+ pasina chikonzero.”  Asi Satani akapindura Jehovha achiti: “Ganda rinotsiviwa neganda. Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.*  Asi chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, murove pfupa rake nenyama yake, uye achakutukai chete, pamberi penyu chaipo.”+  Jehovha akabva ati kuna Satani: “Ona! Ari mumaoko ako! Asi usamuuraya!”*  Saka Satani akabva pamberi paJehovha, akanorova Jobho nemamota* anorwadza+ kubvira pasi petsoka kusvikira panhongonya.  Uye Jobho akatora chaenga* kuti azvikwenye nacho, uye akanga agere mumadota.+  Mudzimai wake akapedzisira ati kwaari: “Uchiri kungoramba wakaperera here? Tuka Mwari ufe!” 10  Asi iye akati kwaari: “Uri kutaura semukadzi anopenga. Tingangogamuchira zvakanaka chete kubva kuna Mwari wechokwadi tisingagamuchiriwo zvakaipa here?”+ Pazvinhu zvese izvi, Jobho haana kutadza nemuromo wake.+ 11  Shamwari nhatu dzaJobho dzakanzwa nezvematambudziko ese akanga amuwira, uye mumwe nemumwe akauya achibva kumusha kwake. Dzaiva, Erifazi+ muTemani, Bhiridhadhi+ muShuhi,+ naZofari+ muNaama. Saka vakaronga kuti vasangane, kuti vaende kunochema naJobho nekumunyaradza. 12  Pavakamuona vachiri kure vakatadza kumuziva. Vakatanga kuridza mhere, vachibvarura nguo dzavo, uye vakamwaya guruva mudenga nemumisoro yavo.+ 13  Vakabva vagara pasi naye kwemazuva manomwe neusiku hunomwe. Hapana akamutaudza, nekuti vakaona kuti airwadziwa zvakanyanya.+

Mashoko Emuzasi

Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.
ChiHeb., “Waisa mwoyo wako pamushumiri.”
Kana kuti “akaperera kuna Mwari.”
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “usauraya mweya wake.”
Kana kuti “nemaronda akaipa.”
Ichi chimedu chemudziyo wevhu unenge waputsika.