Jobho 2:1-13
2 Pashure paizvozvo, zuva rakasvika pakapinda vanakomana vaMwari*+ wechokwadi kuti vamire pamberi paJehovha,+ uye Satani akapindawo pakati pavo kuti amire pamberi paJehovha.+
2 Jehovha akabva ati kuna Satani: “Uri kubva kupi?” Satani akapindura Jehovha achiti: “Kunopota-pota nenyika nekufamba-famba pairi.”+
3 Uye Jehovha akati kuna Satani: “Waona mushumiri* wangu Jobho here? Hakuna akafanana naye panyika. Murume akarurama uye asina chaanopomerwa,*+ anotya Mwari uye anosiyana nezvakaipa. Achakaperera+ kwandiri kunyange zvazvo uchiedza kundikurudzira kuti ndimuparadze+ pasina chikonzero.”
4 Asi Satani akapindura Jehovha achiti: “Ganda rinotsiviwa neganda. Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.*
5 Asi chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, murove pfupa rake nenyama yake, uye achakutukai chete, pamberi penyu chaipo.”+
6 Jehovha akabva ati kuna Satani: “Ona! Ari mumaoko ako! Asi usamuuraya!”*
7 Saka Satani akabva pamberi paJehovha, akanorova Jobho nemamota* anorwadza+ kubvira pasi petsoka kusvikira panhongonya.
8 Uye Jobho akatora chaenga* kuti azvikwenye nacho, uye akanga agere mumadota.+
9 Mudzimai wake akapedzisira ati kwaari: “Uchiri kungoramba wakaperera here? Tuka Mwari ufe!”
10 Asi iye akati kwaari: “Uri kutaura semukadzi anopenga. Tingangogamuchira zvakanaka chete kubva kuna Mwari wechokwadi tisingagamuchiriwo zvakaipa here?”+ Pazvinhu zvese izvi, Jobho haana kutadza nemuromo wake.+
11 Shamwari nhatu dzaJobho dzakanzwa nezvematambudziko ese akanga amuwira, uye mumwe nemumwe akauya achibva kumusha kwake. Dzaiva, Erifazi+ muTemani, Bhiridhadhi+ muShuhi,+ naZofari+ muNaama. Saka vakaronga kuti vasangane, kuti vaende kunochema naJobho nekumunyaradza.
12 Pavakamuona vachiri kure vakatadza kumuziva. Vakatanga kuridza mhere, vachibvarura nguo dzavo, uye vakamwaya guruva mudenga nemumisoro yavo.+
13 Vakabva vagara pasi naye kwemazuva manomwe neusiku hunomwe. Hapana akamutaudza, nekuti vakaona kuti airwadziwa zvakanyanya.+
Mashoko Emuzasi
^ Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.
^ ChiHeb., “Waisa mwoyo wako pamushumiri.”
^ Kana kuti “akaperera kuna Mwari.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “usauraya mweya wake.”
^ Kana kuti “nemaronda akaipa.”
^ Ichi chimedu chemudziyo wevhu unenge waputsika.