Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku, Muri Kugadzirira Remangwana Here?

Vechiduku, Muri Kugadzirira Remangwana Here?

Vechiduku, Muri Kugadzirira Remangwana Here?

“Ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu . . . ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.”—JEREMIA 29:11.

1, 2. Makore ouduku angaonekwa munzira dzipi dzakasiyana?

VAKURU vakawanda vanofunga uduku senguva yakaisvonaka youpenyu. Vanoyeuka simba ravaiva naro uye kufarira kuita zvinhu kwavaiita pavaiva vaduku. Vanoyemura nguva yavakanga vaine mitoro mishomanana zvikuru, nguva yavainakidzwa chaizvo noupenyu uye mikana youpenyu hune zvizhinji zvokuita iri mberi kwavo.

2 Imi vechiduku zvimwe munoona zvinhu nenzira yakasiyana. Munganetseka nokuchinja kwemanzwiro amunoita uye kwomuviri. Kuchikoro, mungamanikidzwa kuti muedze kufanana nevezera renyu. Mungatofanira kutsunga kuramba kushandisa zvinodhaka, doro, nounzenza. Vakawanda venyu vanotarisanawo nenyaya yokusava nokwavakarerekera kana kuti dzimwe nyaya dzine chokuita nokutenda kwenyu. Chokwadi, nguva youduku inogona kuva yakaoma. Kunyange zvakadaro, nguva youduku inguva ine mikana yakawanda. Mubvunzo ndewokuti, Uchashandisa sei mikana iyoyo?

Nakidzwa Nouduku Hwako

3. Soromoni akapa zano ripi uye nyevero ipi kune vechiduku?

3 Vanhu vakura vachakuudza kuti uduku hahugari kwenguva yakareba, uye ichokwadi. Mumakore mashomanana bedzi, uchange usisiri muduku. Saka nakidzwa nouduku hwacho uchiri nahwo! Ndizvo zvakataura Mambo Soromoni, uyo akanyora kuti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako.” Zvisinei, Soromoni akanyevera vechiduku kuti: “Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako.” Akatizve: “Uduku noujaya hazvina maturo.”—Muparidzi 11:9, 10.

4, 5. Nei kuri kuchenjera kuti vechiduku vagadzirire remangwana? Enzanisira.

4 Unonzwisisa zvairehwa naSoromoni here? Kuenzanisira, funga nezvewechiduku anopiwa chipo chikuru, zvichida nhaka. Achaitei nayo? Anogona kuipedza yose achizvifadza—sezvakangoita mwanakomana anopambadza womumufananidzo waJesu. (Ruka 15:11-23) Asi chii chichaitika kana mari yacho yapera? Zvechokwadi achazvidemba kuti akaita nokusafunga! Kana kuti ngatitii anoshandisa chipo chacho kugadzirira remangwana, zvichida kubhenga yakawanda yayo nokuchenjera. Pakupedzisira, paanenge achibatsirwa neyaakabhenga, unofunga kuti achazvidemba here kuti haana kupedza mari yake yose achinakidzwa ari muduku? Chokwadi kwete!

5 Funga makore ako ouduku sechipo chinobva kuna Mwari, ndizvo zvaari. Uchaashandisa sei? Unogona kupambadza simba iroro rose uye kufarira kuita zvinhu uchizvigutsa, uchingotevera zvemafaro chete usingambofungi remangwana. Zvisinei, kana ukaita izvozvo, “uduku noujaya” zvechokwadi zvichava ‘zvisina maturo’ kwauri. Zviri nani zvikuru kushandisa uduku hwako kugadzirira remangwana!

6. (a) Izano ripi raSoromoni rinopa vechiduku nhungamiro? (b) Jehovha anoda kuitira chii vechiduku, uye munhu muduku angabatsirwa sei neizvi?

6 Soromoni akanyora nhungamiro inogona kukubatsira kushandisa uduku hwako zvakanakisisa. Akati: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.” (Muparidzi 12:1) Ndicho chinhu chinokosha kuti ubudirire—teerera Jehovha woita zvaanoda. Jehovha akataurira vaIsraeri vekare zvaaida kuvaitira achiti: “Ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu . . . ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.” (Jeremia 29:11) Jehovha anoda kukupawo “mugumo une tariro.” Kana ukamuyeuka mune zvaunoita, zvaunofunga, uye zvaunosarudza, remangwana iroro uye tariro iyoyo zvichava zvakanaka.—Zvakazarurwa 7:16, 17; 21:3, 4.

“Swederai Pedyo naMwari”

7, 8. Wechiduku angaswedera sei pedyo naMwari?

7 Jakobho akatikurudzira kuti tiyeuke Jehovha paakati: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Jehovha ndiye Musiki, Changamire wokudenga, akafanirwa nokunamatwa kwose uye nokurumbidzwa. (Zvakazarurwa 4:11) Asi kana tikaswedera pedyo naye, iye achaswedera pedyo nesu. Kufarira kworudo kwakadaro hakufadzi mwoyo wako here?—Mateu 22:37.

8 Tinoswedera pedyo naJehovha munzira dzakawanda. Somuenzaniso, muapostora Pauro anoti: “Rambai muchinyengetera, muchiramba makamuka pakuri nokuonga.” (VaKorose 4:2) Nemamwe mashoko, kudziridza tsika yokunyengetera. Usangogutsikana nokungotaura kuti ameni pashure pokunge baba vako kana kuti mumwe muKristu womuungano akumiririra mumunyengetero. Wakambodururira mwoyo wako pana Jehovha uchimuudza zvaunofunga, zvaunotya, uye zvinetso zvaunotarisana nazvo here? Wakambomuudza zvinhu zvawaizonyara kukurukura nomunhu chero upi here? Minyengetero yokutendeseka, yemwoyo wose inounza pfungwa yorugare. (VaFiripi 4:6, 7) Inotibatsira kuswedera pedyo naJehovha uye kunzwa kuti iye ari kuswedera pedyo nesu.

9. Wechiduku angateerera Jehovha sei?

9 Tinoona imwe nzira yokuswedera nayo pedyo naJehovha mumashoko aya akafuridzirwa anoti: “Teerera kana uchirayirirwa, unzwe kana uchidzidziswa, kuti pashure ugova wakachenjera.” (Zvirevo 19:20) Chokwadi, kana ukateerera Jehovha, unenge uchigadzirira remangwana. Ungaratidza sei kuti unoteerera Jehovha? Hapana mubvunzo kuti unopinda misangano yechiKristu nguva dzose uye unoteerera hurukuro dzepurogiramu yacho. Uyewo, uno“kudza baba vako naamai vako” nokuvapo pamunodzidza Bhaibheri semhuri. (VaEfeso 6:1, 2; VaHebheru 10:24, 25) Izvozvo zvakanaka. Zvisinei, kuwedzera kune izvozvo, uno‘tenga nguva’ here yokugadzirira misangano, yokuverenga Bhaibheri nguva dzose, uye yokutsvakurudza? Unoedza kushandisa zvaunoverenga here, kuitira kuti uzofamba so‘munhu akachenjera’? (VaEfeso 5:15-17; Pisarema 1:1-3) Kana uchidaro, uri kuswedera pedyo naJehovha.

10, 11. Vechiduku vanobatsirwa chaizvo nechii pavanoteerera Jehovha?

10 Mumashoko okutanga ebhuku raZvirevo, munyori akafuridzirwa anotsanangura chinangwa chebhuku iroro reBhaibheri. Anoti, ndechokuti, “vanhu vazive uchenjeri nokurayirirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; varayirirwe nzira yokungwara, neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; vasina mano vapiwe kungwara, jaya ripiwe zivo nokuchenjera.” (Zvirevo 1:1-4) Saka, sezvaunoverenga nokushandisa mashoko aZvirevo—uyewo mamwe mashoko ose asara eBhaibheri—uchakudziridza kururama nokutendeka, uye Jehovha achafara kuti uswedere pedyo naye. (Pisarema 15:1-5) Ukakudziridza kururamisa, kungwara, zivo, uye mano okufunga, zvaunosarudza zvichava nani.

11 Hazvina musoro here kutarisira wechiduku kuti aite nokuchenjera munzira iyi? Aiwa, nokuti vaKristu vechiduku vakawanda vanozviita. Vamwe vanoguma vavaremekedza uye ‘havazvidzi uduku hwavo.’ (1 Timoti 4:12) Vabereki vavo vane chikonzero chokudada navo, uye Jehovha anoti vanofadza mwoyo wake. (Zvirevo 27:11) Kunyange zvazvo vari vaduku, vanogona kuva nechokwadi chokuti mashoko aya akafuridzirwa anoshanda kwavari anoti: “Cherekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama; nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.”—Pisarema 37:37.

Sarudza Zvakanaka

12. Ndechipi chimwe chinokosha chinosarudzwa nevechiduku, uye nei chinosarudzwa ichocho chiine migumisiro yenguva refu?

12 Uduku inguva yokusarudza, zvimwe zvinosarudzwa zvine migumisiro yechigarire. Zvimwe zvaunosarudza iye zvino zvine zvazvichaita pauri kwemakore akawanda ari mberi. Kusarudza nokuchenjera kunoita kuti uve noupenyu hunofadza, uye hunobudirira. Kusasarudza nokuchenjera kunogona kukanganisa upenyu hwako hwose. Chimbofunga kuti izvozvo ndezvechokwadi sei pazvinhu zviviri zvaunofanira kusarudza. Chokutanga: Ndiani waunosarudza kushamwaridzana naye? Nei izvozvo zvichikosha? Chirevo chakafuridzirwa chinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Nemamwe mashoko, pakupedzisira tinosvika pakuva sevaya vatinoshamwaridzana navo—kuva vakangwara kana kuti mapenzi. Ndezvipi zvaungada?

13, 14. (a) Kunze kwokungoshamwaridzana nevanhu, ushamwari hunosanganisira chii? (b) Ndechipi chikanganiso chisingafaniri kuitwa nevechiduku?

13 Paunofunga nezveshamwari, zvimwe unofunga nezvokuva nevanhu. Ndizvozvo, asi zvinosanganisira zvakawanda. Paunoona purogiramu yeterevhizheni, paunoteerera mimhanzi, paunoverenga novhero, paunoenda kufirimu, kana kuti paunovhura mapeji epaIndaneti, unenge uchishamwaridzana nomumwe munhu. Kana shamwari iyoyo ichikukurudzira zvechisimba nounzenza kana kuti kukukurudzira kushandisa zvinodhaka, kudhakwa nedoro, kana kuti chinhu chipi nechipi chinopesana nenhungamiro dzeBhaibheri, unenge uri kushamwaridzana ne“benzi,” rinoita sokuti Jehovha haapo.—Pisarema 14:1.

14 Zvichida unofunga kuti sezvo uchipinda misangano yechiKristu uye uchishingaira muungano, wakasimba zvakakwana zvokusakanganiswa nefirimu rechisimba kana kuti nearubhamu yemimhanzi inonakidza asi mashoko ayo achimutsa mibvunzo. Zvimwe unofunga kuti hapana chakaipa chinoguma chaitika kana ukangoona zvishomanana zvinonyadzisira paNzvimbo yokubudisira mashoko paIndaneti. Muapostora Pauro anokuudza kuti wakarasika! Anoti: “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Zvinosuruvarisa kuti vaKristu vechiduku vakawanda vaitaridzika kuti vachaita zvakanaka vakashatisa tsika dzavo dzakanaka neshamwari dzisina kuchenjera. Saka tsunga kuramba shamwari dzakadaro. Kana ukadaro, uchatevera zano raPauro rokuti: “Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.”—VaRoma 12:2.

15. Ndechipi chechipiri chinofanira kusarudzwa nevechiduku, uye dzimwe nguva zvinetso zvipi zvavanotarisana nazvo munhau iyi?

15 Hechino chechipiri chaunofanira kusarudza. Nguva ichasvika pauchafanira kusarudza zvaunoda kuita kana wapedza chikoro. Kana uchigara munyika inonetsa kuwana basa, unganzwa uchida kugamuchira basa rakanakisisa. Kana uchigara munyika yakabudirira, mungava nemabasa akawanda okusarudza, mamwe acho anokwezva zvikuru. Vadzidzisi vako kana kuti vabereki vako vangakukurudzira kutsvaka basa rinokuita kuti unzwe wakachengeteka mune zvemari, zvichida kutopfuma, asi vachidaro nomwoyo wose. Zvisinei, kudzidzira basa iroro kungaderedza zvikuru nguva yaunogona kupedza uchishumira Jehovha.

16, 17. Tsanangura kuti magwaro akasiyana-siyana angabatsira sei wechiduku kuona basa rokunyika zviri pakati nepakati.

16 Yeuka kutsvaka zano muBhaibheri usati wasarudza. Bhaibheri rinotikurudzira kushandira chokurarama nacho, richiratidza kuti tine mutoro wokuzvitsigira. (2 VaTesaronika 3:10-12) Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvinobatanidzwa. Tinokukurudzira kuverenga magwaro anotevera wofunga nezvokuti angabatsira sei wechiduku kuva pakati nepakati pakusarudza basa: Zvirevo 30:8, 9; Muparidzi 7:11, 12; Mateu 6:33; 1 VaKorinde 7:31; 1 Timoti 6:9, 10. Waverenga ndima idzodzo, unoona mafungiro aJehovha here panhau yacho?

17 Basa rokunyika harimbofaniri kukosha zvokuti rinova panzvimbo yokutanga yebasa redu rinoitirwa Jehovha. Kana uchikwanisa kuwana basa riri nani nedzidzo yesekondari chete, izvozvo zvakanaka. Kana uchida kuwedzera kudzidza wapedza chikoro chesekondari, ichocho ndechimwe chinhu chokuti ukurukure nevabereki vako. Zvisinei, usambotadza kuona “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe”—zvinhu zvine chokuita nokunamata. (VaFiripi 1:9, 10) Usaita chikanganiso chakaitwa naBharuki, munyori waJeremia. Akatadza kukoshesa ropafadzo yake yebasa achibva ‘azvitsvakira zvinhu zvikuru.’ (Jeremia 45:5) Kwenguva yakati, akakanganwa kuti hapana ‘chinhu chikuru’ chomunyika ino chaizomuita kuti ave pedyo naJehovha kana kuti kumubatsira kuti apukunyuke kuparadzwa kweJerusarema. Zvakadaro zvingataurwawo nezvedu nhasi.

Koshesa Zvinhu Zvokunamata

18, 19. (a) Vakawanda vevavakidzani vako vari kutambura nei, uye unofanira kunzwa sei nezvavo? (b) Nei vanhu vakawanda vasinganzwi nzara mune zvokunamata?

18 Wakamboona mifananidzo yevana vari munyika dzine nzara mune zvinobudisa nhau here? Kana wakamboiona, chokwadi wakavanzwira tsitsi. Unonzwirawo tsitsi vanhu vomunharaunda yako here? Nei uchifanira kudaro? Nokuti vakawanda vavo vari kuziyawo nenzara. Vari kunzwa nzara yakaprofitwa nezvayo naAmosi, achiti: “Mazuva anouya—ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha—andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.”—Amosi 8:11.

19 Chokwadi, vakawanda vevaya vari kuziya nenzara iyi yezvokunamata hava‘zivi zvinodiwa zvavo zvomudzimu.’ (Mateu 5:3) Vakawanda havanzwi nzara yezvokunamata. Vamwe vangatonzwa kuti vakaguta. Asi kana vakaguta, imhaka yokuti vari kudya “uchenjeri hwenyika” husina zvahunobatsira, hunosanganisira kunyanya kuda zvenyika, kufungidzira mune zvesayenzi, maonero anoitwa zvetsika, nezvimwe zvinhu zvakadaro. Vamwe vanofunga kuti “uchenjeri” hwemazuva ano hunoita kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvive zvechinyakare. Zvisinei, ‘nyika nouchenjeri hwayo haina kusvika pakuziva Mwari.’ Uchenjeri hwenyika hauzokubatsiri kuswedera pedyo naMwari. Hunongova “upenzi kuna Mwari.”—1 VaKorinde 1:20, 21; 3:19.

20. Nei zvisina musoro kuda kutevedzera vanhu vasinganamati Jehovha?

20 Paunotarira mifananidzo yevana vaya vane nzara, unomboda kufanana navo here? Chokwadi kwete! Asi vamwe vechiduku vari mumhuri dzechiKristu vakaratidza kuda kufanana nevanhu vaya vari kuziya mune zvokunamata vakavapoteredza. Kakawanda, vechiduku vakadaro vanofunga kuti pwere dziri munyika dzine rusunguko, uye dzinonakidzwa noupenyu. Vanokanganwa kuti vechiduku vakadaro vakaparadzana naJehovha. (VaEfeso 4:17, 18) Vanokanganwawo migumisiro yakaipa yokuziya mune zvokunamata. Mimwe yacho ndeyepamuviri pasingadiwi pevachiri kuyaruka uye migumisiro younzenza yomumuviri nomupfungwa, kusvuta, kudhakwa nedoro, uye kushandisa zvinodhaka. Kuziya mune zvokunamata kunoita kuti munhu apandukire, asava netariro, uye asaziva zvokuita muupenyu.

21. Tingazvidzivirira sei kuti tisava nemaitiro akaipa evaya vasinganamati Jehovha?

21 Naizvozvo, paunenge uri kuchikoro uine vausinganamati navo Jehovha, usadzorwa nezvavanoita. (2 VaKorinde 4:18) Vamwe vachataura vachishora zvinhu zvine chokuita nokunamata. Uyezve, zvinobudisa nhau zvichaparadzira mashoko emanomano, zvichipa pfungwa yokuti hapana chakaipa nokuita unzenza, kudhakwa, kana kuti kushandisa mutauro wakaipa. Ramba kufurirwa. Ramba uchishamwaridzana nevanhu vane “kutenda nehana yakanaka.” Gara uine “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 Timoti 1:19; 1 VaKorinde 15:58) Ramba wakabatikana paImba yoUmambo uye mubasa romumunda. Mumakore aunenge uri kuchikoro, nguva nenguva itawo upiyona hwebetsero. Simbisa maonero aunoita zvokunamata munzira iyi, uye ucharamba wakatsiga.—2 Timoti 4:5.

22, 23. (a) Nei muKristu wechiduku achiwanzosarudza nenzira isinganzwisiswi nevamwe? (b) Vechiduku vanokurudzirwa kuitei?

22 Maonero aunoita zvinhu zvokunamata pamwe achaita kuti usarudze nenzira isingazonzwisiswi nevamwe. Somuenzaniso, mumwe muKristu wechiduku aiva nechipo chokuimba uye aigona chaizvo zvidzidzo zvose kuchikoro. Paakapedza kudzidza, akanoshanda nababa vake vachigeza mahwindo kuitira kuti aite basa raakanga asarudza rokuva mushumiri wenguva yakazara, kana kuti piyona. Vadzidzisi vake havana kumbonzwisisa zvakaita kuti asarudze izvozvo, asi kana ukaswedera pedyo naJehovha, tine chokwadi chokuti unozvinzwisisa.

23 Sezvaunofunga mashandisiro aungaita zvinhu zvaunazvo zvinokosha muuduku hwako, ‘zvichengetere nheyo yakanaka kwazvo nokuda kweremangwana, kuti ubatisise upenyu chaihwo.’ (1 Timoti 6:19) Tsunga ku‘rangarira musiki wako Mukuru’ muuduku hwako—uye muupenyu hwako hwose. Ndiyo nzira bedzi yokugadzirira remangwana rinobudirira, remangwana risingazomboperi.

Unoti Chii?

• Izano ripi rakafuridzirwa rinobatsira vechiduku kuronga remangwana ravo?

• Ndedzipi dzimwe nzira idzo wechiduku anga‘swedera nadzo pedyo naMwari’?

• Ndezvipi zvimwe zvinosarudzwa newechiduku zvichava nechokuita neremangwana rake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Uchabvumira zvirongwa zvako zvaunoda kuita kuti zvikutorere simba rako rose rouduku uye kufarira kwako kuita zvinhu here?

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

VaKristu vechiduku vakachenjera vanoita kuti kuona kwavo zvinhu zvokunamata kurambe kwakajeka