Tsamba Yechipiri Kuna Timoti 4:1-22

  • “Ita ushumiri hwako zvizere” (1-5)

    • Paridza shoko uchiita zvekukurumidza (2)

  • “Ndarwa kurwa kwakanaka” (6-8)

  • Mashoko ekupedzisira (9-18)

  • Kwaziso yekupedzisira (19-22)

4  Pamberi paMwari naKristu Jesu, uyo achatonga+ vapenyu nevakafa+ paachazviratidza pachena+ uye paachauya muUmambo hwake,+ ndinokuudza zvakasimba kuti: 2  Paridza shoko;+ paridza uchiita zvekukurumidza panguva dzakanaka nedzakaoma; tsiura,+ rayira, kurudzira nemwoyo murefu neunyanzvi hwekudzidzisa.+ 3  Nekuti pachava nenguva yavasingazoteereri kudzidzisa kwakanaka,*+ asi maererano nezvido zvavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.*+ 4  Vacharamba kuteerera chokwadi vachida kunzwa ngano. 5  Asi iwe, ngwarira zvinhu zvese, tsungirira matambudziko,+ ita basa remuevhangeri,* ita ushumiri hwako zvizere.+ 6  Nekuti ndava kutodururwa semupiro wechinwiwa,+ uye nguva yangu yekusunungurwa+ yava pedyo. 7  Ndarwa kurwa kwakanaka,+ ndamhanya kusvika kumagumo,+ ndachengeta kutenda. 8  Kubvira iye zvino, ndakachengeterwa korona yekururama,+ iyo Ishe, mutongi akarurama,+ achandipa semubayiro pazuva iroro,+ asi kwete ini ndega, asiwo vamwe vese vakada kuratidzwa kwake pachena. 9  Ita zvese zvaunogona kuti ukurumidze kuuya kwandiri. 10  Nekuti Dhemasi+ akandisiya nekuti akada nyika ino,* uye akaenda kuTesaronika, Kresenzi akaenda kuGaratiya, Tito kuDharimatiya. 11  Ruka chete ndiye wandasara naye. Muuye mese naMako, nekuti anondibatsira muushumiri. 12  Asi ndatuma Tikiko+ kuEfeso. 13  Paunouya, uuye nejasi randakasiya riina Kapo kuTroasi, nemabhuku,* kunyanya aya ematehwe. 14  Arekizanda mupfuri wemhangura akandiitira zvakaipa chaizvo. Jehovha* achamutsiva zvinoenderana nezvaakaita.+ 15  Newewo unofanira kumungwarira, nekuti akapikisa mashoko edu zvakasimba. 16  Pandakatongwa kekutanga hapana akanditsigira, asi vese vakandisiya; ngavarege havo kupiwa mhosva. 17  Asi Ishe akamira pedyo neni akandipa simba, kuti kuburikidza neni kuparidza kunyatsoitwa uye kunzwike nemarudzi ese;+ uye ndakanunurwa pamuromo weshumba.+ 18  Ishe achandinunura pamabasa ese akaipa uye achandiponesa nekuda kweUmambo hwake hwekudenga.+ Ngaakudzwe nariini nariini. Ameni. 19  Ndikwazisirewo Priska naAkwira+ neimba yaOnesiforasi.+ 20  Erasto+ akasara kuKorinde, asi ndakasiya Trofimo+ kuMireto achirwara. 21  Edza nepaunogona napo kusvika chando chisati chatanga. Uri kukwaziswa naYubhuro, naPudhenzi, naRino, naKraudhiya, nehama dzese. 22  Ishe ngaave nemafungiro aunoratidza. Nyasha dzake ngadzive nemi.

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “kunopa utano; kunobatsira.”
^ Kana kuti “vavaudze zvavanoda kunzwa.”
^ Kana kuti “ramba uchiparidza mashoko akanaka.”
^ Kana kuti “mamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nemagwaro.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gwaro.”