Zvirevo 19:1-29

  • Njere dzinodzora kutsamwa kwemunhu (11)

  • Mukadzi anogara achipopota akaita sedenga rinodonha mvura (13)

  • Mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha (14)

  • Rayira mwana pachiine tariro (18)

  • Zvakanakira kuteerera zano (20)

19  Zviri nani kuva murombo uchifamba wakaperera+Pane kuva benzi uchitaura manyepo.+   Munhu asina ruzivo haana kunaka,+Uye munhu anoita zvinhu achikurumidzira* ari kutadza.   Upenzi hwemunhu ndihwo hunokanganisa nzira yake,Mwoyo wake wozotsamwira Jehovha.   Pfuma inokwezva shamwari dzakawanda,Asi murombo achasiyiwa kunyange neshamwari yake.+   Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,+Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete haazopukunyuki.+   Vakawanda vanotsvaga kufarirwa nemunhu anokudzwa,*Uye munhu wese ishamwari yemunhu anopa zvipo.   Hama dzese dzemurombo dzinomuvenga;+Kuzoti shamwari dzake, dzinotomuramba!+ Anodzitevera nezvikumbiro, asi hapana anomupindura.   Munhu wese anowana njere anoda upenyu hwake.*+ Munhu wese anokoshesa ungwaru achabudirira.*+   Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete achaparara.+ 10  Kana benzi risingakodzeri kurarama zveumbozha,Mushandi haangambotongi machinda!+ 11  Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake,+Uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.+ 12  Hasha dzamambo dzakafanana nekuhon’a kweshumba,*+Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa nemiti. 13  Mwanakomana benzi anounza nhamo pana baba vake,+Uye mukadzi anogara achipopota* akaita sedenga remba risingamiri kudonha mvura.+ 14  Imba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba,Asi mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha.+ 15  Usimbe hunoita kuti munhu anyanye kunzwa hope,Uye munhu ane usimbe achaziya* nenzara.+ 16  Munhu anochengeta mirayiro anochengeta upenyu hwake;*+Munhu asina basa nenzira dzake achafa.+ 17  Anonzwira tsitsi munhu akaderera anenge achikweretesa Jehovha,+Uye iye achamuripa zvaanoita.*+ 18  Rayira* mwanakomana wako pachiine tariro,+Uye usava nemhosva yekufa* kwake.+ 19  Munhu ane hasha dzakanyanya zvichamuwana;Kana ukaedza kumununura, uchafanira kuramba uchingozviita.+ 20  Teerera zano uye bvuma kurayirwa,*+Kuti uve akachenjera mune ramangwana.+ 21  Zvirongwa zviri mumwoyo memunhu zvizhinji,Asi zano raJehovha ndiro richabudirira.*+ 22  Chinodiwa pamunhu ndirwo rudo rwake rusingachinji;+Uye zviri nani kuva murombo pane kuva munhu anonyepa. 23  Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu;+Munhu anomutya achanyatsodekara, asina chinomuwana.+ 24  Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro,Asi haina kana basa nekurudzosa pamuromo wayo.+ 25  Rova museki,+ kuti asina ruzivo ave nenjere,+Uye tsiura anonzwisisa, kuti awedzere ruzivo.+ 26  Munhu anoitira baba vake utsinye neanodzinga amai vakeMwanakomana anonyadzisa uye anoshoresa.+ 27  Mwanakomana wangu, kana ukarega kuteerera uchirayirwa,Ucharasika kubva pamashoko euchenjeri. 28  Chapupu chisingabatsiri chinonyomba kutonga kwakarurama,+Uye muromo wemunhu akaipa unomedza zvinhu zvakaipa.+ 29  Mutongo wakamirira vaseki,+Uye kurohwa kwakamirira misana yemapenzi.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “anokurumidza netsoka dzake.”
Kana kuti “asinganyime.”
ChiHeb., “achawana zvakanaka.”
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “kweshumba yava nezenze.”
Kana kuti “anonetsa.”
Kana kuti “mweya une usimbe uchaziya.”
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “achamupa mubayiro wezvaanoita.”
Kana kuti “Ranga.”
Kana kuti “usafarira kufa.”
Kana kuti “kurangwa.”
Kana kuti “chinangwa chaJehovha ndicho chichabudirira.”