Zvirevo 19:1-29
19 Zviri nani kuva murombo uchifamba wakaperera+Pane kuva benzi uchitaura manyepo.+
2 Munhu asina ruzivo haana kunaka,+Uye munhu anoita zvinhu achikurumidzira* ari kutadza.
3 Upenzi hwemunhu ndihwo hunokanganisa nzira yake,Mwoyo wake wozotsamwira Jehovha.
4 Pfuma inokwezva shamwari dzakawanda,Asi murombo achasiyiwa kunyange neshamwari yake.+
5 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,+Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete haazopukunyuki.+
6 Vakawanda vanotsvaga kufarirwa nemunhu anokudzwa,*Uye munhu wese ishamwari yemunhu anopa zvipo.
7 Hama dzese dzemurombo dzinomuvenga;+Kuzoti shamwari dzake, dzinotomuramba!+
Anodzitevera nezvikumbiro, asi hapana anomupindura.
8 Munhu wese anowana njere anoda upenyu hwake.*+
Munhu wese anokoshesa ungwaru achabudirira.*+
9 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete achaparara.+
10 Kana benzi risingakodzeri kurarama zveumbozha,Mushandi haangambotongi machinda!+
11 Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake,+Uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.+
12 Hasha dzamambo dzakafanana nekuhon’a kweshumba,*+Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa nemiti.
13 Mwanakomana benzi anounza nhamo pana baba vake,+Uye mukadzi anogara achipopota* akaita sedenga remba risingamiri kudonha mvura.+
14 Imba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba,Asi mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha.+
15 Usimbe hunoita kuti munhu anyanye kunzwa hope,Uye munhu ane usimbe achaziya* nenzara.+
16 Munhu anochengeta mirayiro anochengeta upenyu hwake;*+Munhu asina basa nenzira dzake achafa.+
17 Anonzwira tsitsi munhu akaderera anenge achikweretesa Jehovha,+Uye iye achamuripa zvaanoita.*+
18 Rayira* mwanakomana wako pachiine tariro,+Uye usava nemhosva yekufa* kwake.+
19 Munhu ane hasha dzakanyanya zvichamuwana;Kana ukaedza kumununura, uchafanira kuramba uchingozviita.+
20 Teerera zano uye bvuma kurayirwa,*+Kuti uve akachenjera mune ramangwana.+
21 Zvirongwa zviri mumwoyo memunhu zvizhinji,Asi zano raJehovha ndiro richabudirira.*+
22 Chinodiwa pamunhu ndirwo rudo rwake rusingachinji;+Uye zviri nani kuva murombo pane kuva munhu anonyepa.
23 Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu;+Munhu anomutya achanyatsodekara, asina chinomuwana.+
24 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro,Asi haina kana basa nekurudzosa pamuromo wayo.+
25 Rova museki,+ kuti asina ruzivo ave nenjere,+Uye tsiura anonzwisisa, kuti awedzere ruzivo.+
26 Munhu anoitira baba vake utsinye neanodzinga amai vakeMwanakomana anonyadzisa uye anoshoresa.+
27 Mwanakomana wangu, kana ukarega kuteerera uchirayirwa,Ucharasika kubva pamashoko euchenjeri.
28 Chapupu chisingabatsiri chinonyomba kutonga kwakarurama,+Uye muromo wemunhu akaipa unomedza zvinhu zvakaipa.+
29 Mutongo wakamirira vaseki,+Uye kurohwa kwakamirira misana yemapenzi.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “anokurumidza netsoka dzake.”
^ Kana kuti “asinganyime.”
^ ChiHeb., “achawana zvakanaka.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “kweshumba yava nezenze.”
^ Kana kuti “anonetsa.”
^ Kana kuti “mweya une usimbe uchaziya.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “achamupa mubayiro wezvaanoita.”
^ Kana kuti “Ranga.”
^ Kana kuti “usafarira kufa.”
^ Kana kuti “kurangwa.”
^ Kana kuti “chinangwa chaJehovha ndicho chichabudirira.”