Zvirevo 1:1-33

  • Chinangwa chezvirevo (1-7)

  • Zvakaipira shamwari dzakaipa (8-19)

  • Uchenjeri hwechokwadi hunoshevedzera kuvanhu vese (20-33)

1  Zvirevo zvaSoromoni,+ mwanakomana waDhavhidhi,+ mambo weIsraeri:+   Zvekudzidza* uchenjeri+ uye kurayirwa;Zvekunzwisisa mashoko euchenjeri;   Zvinorayira munhu kuti awane njere,+Kururama,+ akwanise kunzwisisa nyaya,+ uye ave akatendeka;   Kuti zvipe ungwaru+ kune vasina ruzivo;Zviite kuti jaya rive neruzivo uye rikwanise kunyatsofunga.+   Munhu akachenjera anoteerera uye anoramba achidzidza;+Munhu anonzwisisa anowana mazano euchenjeri+   Kuti anzwisise zvirevo nemadimikira,*Mashoko evakachenjera nezvirahwe zvavo.+   Kutya Jehovha ndiko kutanga kweruzivo.+ Mapenzi chete ndiwo anozvidza uchenjeri uye kurayirwa.*+   Mwanakomana wangu, teerera kurayira kwababa vako,+Uye usaramba kudzidzisa kwaamai* vako.+   Iko kwakaita sekorona inoyevedza iri mumusoro wako+Uye chishongo chakanaka chemuhuro mako.+ 10  Mwanakomana wangu, kana vatadzi vakaedza kukufurira, usabvuma.+ 11  Kana vakati: “Handei tese. Ngatihwandirei kuti tideure ropa. Tichahwanda takamirira vanhu vasina mhosva. 12  Tichavamedza vari vapenyu sezvinoita Guva,*Vari zvavari, sevaya vanodzika kugomba. 13  Ngatitorei pfuma yavo yese inokosha;Tichazadza dzimba dzedu nezvatinenge tapamba. 14  Unofanira kubatana nesu,*Togovana tese zvakaenzana zvinhu zvatinenge taba.”* 15  Mwanakomana wangu, usavatevera. Usaita kuti tsoka dzako dzipinde munzira yavo,+ 16  Nekuti tsoka dzavo dzinomhanyira kunoita zvakaipa;Dzinomhanyira kunodeura ropa.+ 17  Zvechokwadi kupedza nguva kuteya mambure shiri dzichiona. 18  Ndokusaka ava vachihwandira kuti vadeure ropa;Vanohwanda kuti vapfuudze upenyu hwevamwe.* 19  Idzi ndidzo nzira dzevaya vanotsvaga pfuma yekubiridzira,Iyo inourayisa vaya vanoiwana.+ 20  Uchenjeri hwechokwadi+ hunoshevedzera huri mumugwagwa.+ Hunoramba huchikwidza inzwi huri mumisika.+ 21  Hunoshevedzera huri pakona pemigwagwa yakazara vanhu. Hunotaura huri pamagedhi eguta huchiti:+ 22  “Kusvikira riini imi vasina ruzivo muchiramba ruzivo? Kusvikira riini imi vaseki muchingofadzwa nekuseka? Uye kusvikira riini imi mapenzi muchingovenga ruzivo?+ 23  Teererai* pandinokutsiurai.+ Ndichabva ndakudururirai mweya wangu;Ndichaita kuti muzive mashoko angu.+ 24  Nekuti ndaishevedzera asi maingoramba,Ndaitambanudza ruoko rwangu asi hapana aizviona,+ 25  Makaramba muchisiya mazano angu eseUye muchiramba kutsiurwa neni, 26  Ini ndichasekawo pamuchawirwa nenjodzi;Ndichakunyombai pachasvika zvamunotya,+ 27  Pachasvika zvamunotya sekusvika kunoita dutu,Uye njodzi yenyu paichasvika sechamupupuri,Pamunosvikirwa nenhamo nematambudziko. 28  Panguva iyoyo vacharamba vachindishevedza, asi handizopinduri;Vachanditsvaga nemaziso matsvuku, asi havazondiwani,+ 29  Nekuti vakavenga ruzivo,+Uye havana kusarudza kutya Jehovha.+ 30  Vakaramba zano rangu;Havana kundiremekedza pese pandaivatsiura. 31  Saka vachawana zvinokodzerana nenzira yavo,*+Uye vachazvimbirwa nemazano avo.* 32  Nekuti kutsauka kwevasina ruzivo kuchavauraya,Uye kushayiwa hanya kwemapenzi kuchaaparadza. 33  Asi munhu anonditeerera achagara akachengeteka+Uye haazonetseki achitya dambudziko.”+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Zvekuziva.”
Kana kuti “nemifananidzo.”
Kana kuti “kurangwa.”
Kana kuti “mutemo waamai.”
Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Toisa zvinhu zvedu muhomwe imwe chete.”
Kana kuti “Kanda mujenya wako pamwe chete nesu.”
Kana kuti “mweya yevamwe.”
Kana kuti “Tendeukai.”
ChiHeb., “vachadya zvibereko zvenzira yavo.”
Kana kuti “nezvirongwa zvavo.”