Zvirevo 1:1-33
1 Zvirevo zvaSoromoni,+ mwanakomana waDhavhidhi,+ mambo weIsraeri:+
2 Zvekudzidza* uchenjeri+ uye kurayirwa;Zvekunzwisisa mashoko euchenjeri;
3 Zvinorayira munhu kuti awane njere,+Kururama,+ akwanise kunzwisisa nyaya,+ uye ave akatendeka;
4 Kuti zvipe ungwaru+ kune vasina ruzivo;Zviite kuti jaya rive neruzivo uye rikwanise kunyatsofunga.+
5 Munhu akachenjera anoteerera uye anoramba achidzidza;+Munhu anonzwisisa anowana mazano euchenjeri+
6 Kuti anzwisise zvirevo nemadimikira,*Mashoko evakachenjera nezvirahwe zvavo.+
7 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweruzivo.+
Mapenzi chete ndiwo anozvidza uchenjeri uye kurayirwa.*+
8 Mwanakomana wangu, teerera kurayira kwababa vako,+Uye usaramba kudzidzisa kwaamai* vako.+
9 Iko kwakaita sekorona inoyevedza iri mumusoro wako+Uye chishongo chakanaka chemuhuro mako.+
10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vakaedza kukufurira, usabvuma.+
11 Kana vakati: “Handei tese.
Ngatihwandirei kuti tideure ropa.
Tichahwanda takamirira vanhu vasina mhosva.
12 Tichavamedza vari vapenyu sezvinoita Guva,*Vari zvavari, sevaya vanodzika kugomba.
13 Ngatitorei pfuma yavo yese inokosha;Tichazadza dzimba dzedu nezvatinenge tapamba.
14 Unofanira kubatana nesu,*Togovana tese zvakaenzana zvinhu zvatinenge taba.”*
15 Mwanakomana wangu, usavatevera.
Usaita kuti tsoka dzako dzipinde munzira yavo,+
16 Nekuti tsoka dzavo dzinomhanyira kunoita zvakaipa;Dzinomhanyira kunodeura ropa.+
17 Zvechokwadi kupedza nguva kuteya mambure shiri dzichiona.
18 Ndokusaka ava vachihwandira kuti vadeure ropa;Vanohwanda kuti vapfuudze upenyu hwevamwe.*
19 Idzi ndidzo nzira dzevaya vanotsvaga pfuma yekubiridzira,Iyo inourayisa vaya vanoiwana.+
20 Uchenjeri hwechokwadi+ hunoshevedzera huri mumugwagwa.+
Hunoramba huchikwidza inzwi huri mumisika.+
21 Hunoshevedzera huri pakona pemigwagwa yakazara vanhu.
Hunotaura huri pamagedhi eguta huchiti:+
22 “Kusvikira riini imi vasina ruzivo muchiramba ruzivo?
Kusvikira riini imi vaseki muchingofadzwa nekuseka?
Uye kusvikira riini imi mapenzi muchingovenga ruzivo?+
23 Teererai* pandinokutsiurai.+
Ndichabva ndakudururirai mweya wangu;Ndichaita kuti muzive mashoko angu.+
24 Nekuti ndaishevedzera asi maingoramba,Ndaitambanudza ruoko rwangu asi hapana aizviona,+
25 Makaramba muchisiya mazano angu eseUye muchiramba kutsiurwa neni,
26 Ini ndichasekawo pamuchawirwa nenjodzi;Ndichakunyombai pachasvika zvamunotya,+
27 Pachasvika zvamunotya sekusvika kunoita dutu,Uye njodzi yenyu paichasvika sechamupupuri,Pamunosvikirwa nenhamo nematambudziko.
28 Panguva iyoyo vacharamba vachindishevedza, asi handizopinduri;Vachanditsvaga nemaziso matsvuku, asi havazondiwani,+
29 Nekuti vakavenga ruzivo,+Uye havana kusarudza kutya Jehovha.+
30 Vakaramba zano rangu;Havana kundiremekedza pese pandaivatsiura.
31 Saka vachawana zvinokodzerana nenzira yavo,*+Uye vachazvimbirwa nemazano avo.*
32 Nekuti kutsauka kwevasina ruzivo kuchavauraya,Uye kushayiwa hanya kwemapenzi kuchaaparadza.
33 Asi munhu anonditeerera achagara akachengeteka+Uye haazonetseki achitya dambudziko.”+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Zvekuziva.”
^ Kana kuti “nemifananidzo.”
^ Kana kuti “kurangwa.”
^ Kana kuti “mutemo waamai.”
^ Kana kuti “Sheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Toisa zvinhu zvedu muhomwe imwe chete.”
^ Kana kuti “Kanda mujenya wako pamwe chete nesu.”
^ Kana kuti “mweya yevamwe.”
^ Kana kuti “Tendeukai.”
^ ChiHeb., “vachadya zvibereko zvenzira yavo.”
^ Kana kuti “nezvirongwa zvavo.”