Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Simbisanai

Simbisanai

Simbisanai

“Ivava vakava yamuro inosimbisa kwandiri.”—VAKOROSE 4:11.

1, 2. Pasinei nengozi dzaivapo, nei shamwari dzaPauro dzakamushanyira mujeri?

ZVINGAVA nengozi kuva shamwari yomunhu anenge achiyaura ari mujeri—kunyange kana shamwari yaiswa mujeri isina mhosva. Vakuru vakuru vejeri vangakufungira, vachitarisisa zvose zvaunoita kuti vave nechokwadi chokuti hauna mhosva yaunopara. Naizvozvo, zvinoda ushingi kuti urambe uchitaura naye uye uchimushanyira mujeri macho.

2 Asi, izvi ndizvo chaizvo zvakaitwa nedzimwe shamwari dzomuapostora Pauro makore anenge 1 900 apfuura. Hadzina kuzeza kushanyira Pauro paaiva muzvisungo zvake zvomujeri kuti dzimunyaradze nokumukurudzira uye kumusimbisa mune zvokunamata. Shamwari dzakavimbika idzi dzaiva vanaani? Uye tingadzidzei paushingi hwavo, kuvimbika, uye ushamwari?—Zvirevo 17:17.

“Yamuro Inosimbisa”

3, 4. (a) Shamwari dzaPauro shanu ndivanaani, uye vakavei kwaari? (b) “Yamuro inosimbisa” chii?

3 Ngatidzokerei shure munenge muna 60 C.E. Muapostora Pauro ari mujeri muRoma achipomerwa mhosva yokumukira. (Mabasa 24:5; 25:11, 12) Pauro anosarudza kutaura nezvevaKristu vashanu vakamutsigira, vanoti: Tikiko, nhume yake yaibva kuruwa rweAsia uye ‘muranda pamwe naye munaShe’; Onesimo, ‘hama yakatendeka uye inodiwa’ yaibva kuKorose; Arisitako, wokuMakedhoniya yeTesaronika uye aimbova “musungwa pamwe” naPauro; Mako, hama yaBhanabhasi aifamba naPauro mubasa roumishinari nomunyori weEvhangeri ine zita rake; uye Justo, mumwe wevaishanda nomuapostora wacho “nokuda kwoumambo hwaMwari.” Pauro anoti nezvevashanu vacho: “Ivava vakava yamuro inosimbisa kwandiri.”—VaKorose 4:7-11.

4 Pauro akataura zvakasimba pamusoro pokubatsirwa kwaakaitwa neshamwari dzake dzakavimbika. Akashandisa shoko rechiGiriki (pa·re·go·riʹa) rinoshandurwa kuti “yamuro inosimbisa,” rinongowanikwa mundima iyi chete muBhaibheri. Shoko iri rine zvakawanda zvarinoreva uye rainyanya kushandiswa panenge pachitaurwa nezvokurapa. * Rinogona kushandurwa kuti ‘nyaradza, pomhodza, nyevenutsa, kana kuti zorodza.’ Pauro aida kusimbiswa zvakadaro, uye varume vashanu ava ndozvavakaita.

Nei Pauro Aida “Yamuro Inosimbisa”

5. Pasinei nokuti aiva muapostora, Pauro aidei, uye tose tinodei nguva nenguva?

5 Zvingashamisa vamwe kufunga kuti Pauro, muapostora aidawo kusimbiswa. Asi ndizvo zvazviri. Chokwadi, Pauro akanga aine kutenda kwakasimba, uye akashingirira kutambudzwa panyama, “kurohwa kakawanda zvikuru,” “kuva pedyo norufu kakawanda,” nemamwe marwadzo. (2 VaKorinde 11:23-27) Kunyange zvakadaro, aiva munhu, uye vanhu vose pane imwe nguva vanoda kunyaradzwa uye kusimbiswa kutenda kwavo vachibatsirwa nevamwe. Kunyange Jesu aidawo izvi. Pausiku hwake hwokupedzisira, ngirozi yakazviratidza kwaari muGetsemani “ikamusimbisa.”—Ruka 22:43.

6, 7. (a) MuRoma, Pauro akaodzwa mwoyo naani, uye ndiani akamukurudzira? (b) Hama dzaPauro dzechiKristu dzakamuitira mabasa api muRoma, dzichiratidza kuva “yamuro inosimbisa”?

6 Pauro aidawo kusimbiswa. Paakasvika muRoma ari musungwa, haana kutambirwa zvakanaka nevanhu vorudzi rwake. VaJudha ava vakanga vasingatombogamuchiri shoko roUmambo. Pashure pokunge vakuru vakuru vevaJudha vashanyira Pauro kwaaichengetwa, nhoroondo iri muna Mabasa inoti: “Vamwe vakatanga kutenda zvinhu zvakataurwa; vamwe vakanga vasingatendi. Nokudaro, nokuti vakanga vasingabvumirani, vakatanga kuenda.” (Mabasa 28:17, 24, 25) Pauro anofanira kunge akarwadziwa chaizvo nokutadza kwavo kuonga mutsa usina kufanirwa waJehovha! Manzwiro ake akasimba panhau iyi anonyatsooneka mutsamba yaakanga ambonyorera ungano yeRoma makore mashomanana akanga apfuura, yaiti: “Ndine shungu kwazvo uye ndine marwadzo asingaperi mumwoyo mangu. Nokuti ndingada kuti dai ini ndakanga ndakaparadzaniswa seakatukwa kubva kuna Kristu nokuda kwehama dzangu [vaJudha], hama dzangu panyama.” (VaRoma 9:2, 3) Zvisinei, muRoma akawana shamwari dzakavimbika, dzechokwadi dzaiva noushingi uye norudo zvakanyaradza mwoyo wake. Vaiva hama dzake chaidzo dzaainamata nadzo.

7 Hama idzodzo shanu dzakava sei yamuro inosimbisa? Hadzina kunyara nezvisungo zvaPauro zvomujeri. Pane kudaro, dzakamubatsira pane zvaaida nomwoyo wose uye norudo, dzichiita mabasa aaisakwanisa kuita nokuti aiva akasungwa. Somuenzaniso, vakava nhume uye vakaendesa tsamba dzaPauro nemirayiridzo yaaiti vanoudza ungano dzakasiyana-siyana; vaiuya nemashoko anokurudzira kuna Pauro nezvemagariro ehama dzaiva muRoma nedzimwewo nzvimbo. Vanofanira kunge vakamuunzirawo zvinhu zvaaida, zvakaita sembatya dzechando, mipumburu, nezvinhu zvaaishandisa kunyoresa. (VaEfeso 6:21, 22; 2 Timoti 4:11-13) Zviito zvose zvakadaro zvinobatsira zvakasimbisa uye zvakakurudzira muapostora uyu aiva mujeri, zvokuti iyewo aigona kuva “yamuro inosimbisa” kune vamwe, kusanganisira ungano dzose.—VaRoma 1:11, 12.

Nzira Yokuva “Yamuro Inosimbisa”

8. Tingadzidzei kubva pakubvuma kwokuzvininipisa kwaPauro kwokuti aida “yamuro inosimbisa”?

8 Tingadzidzei panhoroondo iyi yaPauro nevamwe vake vashanu vaaishanda navo? Ngatinyatsoongorora chidzidzo chimwe chete: Zvinoda kushinga uye kuzvipira kubatsira vamwe pavanenge vachitambudzika. Uyezve, zvinoda kuzvininipisa kubvuma kuti tingada kubatsirwa munguva dzatinenge tichinetseka. Pauro haana kungobvuma kuti aida kubatsirwa asi akagamuchira kubatsirwa kwacho achionga uye akarumbidza vaya vakamubatsira. Haana kuona kubvuma kubatsirwa nevamwe sechiratidzo chokuti akanga asina simba kana kuti sokuzvidzwa, uye isuwo hatifaniri kudaro. Kana tikataura kuti hatimbodi yamuro inosimbisa tinenge tichireva kuti tine simba rinopfuura revanhu. Yeuka kuti muenzaniso waJesu unoratidza kuti kunyange munhu akakwana pane dzimwe nguva angada kukumbira kubatsirwa.—VaHebheru 5:7.

9, 10. Chii chakanaka chingabuda kana munhu akabvuma kuti anoda kubatsirwa, uye izvi zvingabatsira sei vamwe mumhuri nomuungano?

9 Migumisiro yakanaka ingavapo kana hama dziri kutungamirira dzikabvuma kuti dzine zvadzisingakwanisi uye kuti dzinovimba nokutsigirwa nevamwe. (Jakobho 3:2) Kubvuma kwakadaro kunosimbisa chisungo chiri pakati pevaya vane simba nevaya vari pasi pesimba rakadaro, zvichikurudzira kutaurirana kwoushamwari uye vanhu vakasununguka. Kuzvininipisa kwevaya vanobvuma kubatsirwa kunoshanda somuenzaniso kune vamwe vari mumamiriro ezvinhu akafanana. Zvinoratidza kuti vaya vanotungamirira vanhuwo uye vanotaurika navo.—Muparidzi 7:20.

10 Somuenzaniso, zvingava nyore kuvana kuti vabvume kubatsirwa nevabereki vavo pakubata nezvinetso nemiedzo kana vakaziva kuti vabereki vavo vakambotarisanawo nezvinetso zvakafanana pavaiva vana. (VaKorose 3:21) Kukurukurirana kwakanaka kunogona kutanga pakati pomubereki nomwana. Vangagona kutaurirana mhinduro dzomuMagwaro uye dzingagamuchirwa zviri nyore. (VaEfeso 6:4) Saizvozvowo, nhengo dzeungano dzichanzwa dzichida kugamuchira rubatsiro kubva kuvakuru kana dzikaziva kuti vakuru vanobatawo nezvinetso, kutya, uye kuvhiringidzika. (VaRoma 12:3; 1 Petro 5:3) Uyezve, pangazova nokukurukurirana kwakanaka, muchitaurirana zano romuMagwaro, uye zvoguma nokusimbisana kutenda. Yeuka kuti iye zvino hama nehanzvadzi dzedu ndipo padzava kutoda kunyanya kusimbiswa.—2 Timoti 3:1.

11. Nei vakawanda kwazvo nhasi vachida “yamuro inosimbisa”?

11 Hazvinei nokwatinogara, kuti tiri vanaani, kana kuti takura zvakadini, tose pane dzimwe nguva tichatarisana nezvinonetsa muupenyu. Nyika ino ndozvairi. (Zvakazarurwa 12:12) Mamiriro ezvinhu akadaro anovhiringidza mumuviri kana kuti mupfungwa angaedza zvakaita kutenda kwedu. Mamiriro ezvinhu anoedza angamuka kubasa, kuchikoro, mumhuri, kana kuti muungano. Izvi zvingakonzerwa nechirwere chakakomba kana kuti zvakamboitika zvinotyisa. Kana wawakaroorana naye, mukuru, kana kuti shamwari ikakukurudzira nomutsa nemashoko akanyatsofungwa uye nezviito zvinobatsira—izvozvo zvingava zvinozorodza chaizvo! Chokwadi, zvakaita semafuta anozorwa panenge pakuzvuka! Saka, kana ukaona imwe yehama dzako iri mumamiriro ezvinhu akadaro, iva yamuro yake inosimbisa. Kana kuti kana uri kushungurudzwa nechinetso chakakomba, kumbira kuti vaya vakakura mumudzimu vakubatsire.—Jakobho 5:14, 15.

Kubatsira Kungaita Ungano

12. Muungano, mumwe nomumwe angaitei kuti asimbise hama dzake?

12 Vose vari muungano, kusanganisira vechiduku, vane zvavangaita kuti vasimbise vamwe. Somuenzaniso, kugara uchipinda misangano uye uchiita basa romumunda kunoita zvakawanda pakusimbisa kutenda kwevamwe. (VaHebheru 10:24, 25) Kuva akatsiga mubasa dzvene uchapupu hwokuvimbika kwako kuna Jehovha uye kunoratidza kuti uri kuramba wakamuka mune zvokunamata pasinei nezvinetso zvaungave uri kutarisana nazvo. (VaEfeso 6:18) Kutsiga ikoko kunogona kusimbisa vamwe.—Jakobho 2:18.

13. Nei vamwe vangarega kuita basa, uye chii chingaitwa kuti vabatsirwe?

13 Dzimwe nguva, matambudziko oupenyu kana kuti zvimwe zvinetso zvingaita kuti vamwe vaderere pane zvavaisimboita kana kuti varege kuita basa romumunda. (Mako 4:18, 19) Tingasaona vaya vasingachaiti basa pamisangano yeungano. Asi pamwe vachiri kuda Mwari mumwoyo yavo. Chii chingaitwa kusimbisa kutenda kwavo? Vakuru vangabatsira nomutsa nokuvashanyira. (Mabasa 20:35) Vamwe vari muungano vangakumbirwa kuti vabatsirewo. Kushanya kwakadaro kunoratidza rudo kungaita somushonga chaiwo wokumutsiridza vaya vasisina simba mukutenda.

14, 15. Pauro anopa zano ripi pamusoro pokusimbisa vamwe? Ipa muenzaniso weimwe ungano yakashandisa zano rake.

14 Bhaibheri rinotikurudzira kuti “taurai nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza, tsigirai vasina simba.” (1 VaTesaronika 5:14) Zvichida “mweya yakaora” iyoyo inoona kuti haisisina ushingi uye kuti haigoni kukunda zvinetso zvainotarisana nazvo isina inoibatsira. Ungabatsira here? Mashoko okuti “tsigirai vasina simba” akashandurwa kuti “batisisai” kana kuti ku“namatira” kuvasina simba. Jehovha anokoshesa uye anoda makwai ake ose. Haaaoni seasingakoshi, uye haadi kuti pave neanorasika. Ungabatsira ungano ‘kuti ibatisise’ vasina simba mune zvokunamata kusvikira vasimba here?—VaHebheru 2:1.

15 Mumwe mukuru akashanyira vakaroorana vakanga vasingachaiti basa kwemakore matanhatu. Mukuru wacho anonyora kuti: “Mutsa nokuva nehanya zvavakaratidzwa neungano yose zvayo zvakavakurudzira zvikuru kuti vadzokere kuboka.” Hanzvadzi yaimbova isingachaiti basa yakanzwa sei nezvokushanyirwa nevanhu vomuungano? Iye zvino inoti: “Chakatibatsira kuitazve basa chaiva chokuti hama dzaitishanyira nehanzvadzi dzaivaperekedza hadzina kumbotitonga kana kutitsoropodza. Asi dzainzwisisa uye dzaitikurudzira neMagwaro.”

16. Ndiani anogara akagadzirira kubatsira vaya vanenge vachida kusimbiswa?

16 Saka, muKristu wechokwadi anofarira kuva yamuro inosimbisa kune vamwe. Mamiriro ezvinhu zvaanochinja muupenyu hwedu, isuwo tingazoda kusimbiswa nehama dzedu. Kunyange zvakadaro, chokwadi ndechokuti panguva yatinoda kubatsirwa, pangasava neangatibatsira. Zvisinei, pane Anopa simba anogara aripo, anoda kutibatsira nguva dzose—Jehovha Mwari.—Pisarema 27:10.

Kuna Jehovha—Ndiko Kunobva Simba

17, 18. Jehovha akasimbisa sei Mwanakomana wake, Jesu Kristu?

17 Paaiva akarovererwa padanda, Jesu akashevedzera kuti: “Baba, ndinoisa mudzimu wangu mumaoko enyu.” (Ruka 23:46) Akabva afa. Maawa mashomanana izvi zvisati zvaitika, akanga asungwa uye shamwari dzake dzepedyo dzakanga dzamusiya uye dzatiza nokutya. (Mateu 26:56) Jesu akasiyiwa ari oga—Achingowana simba rake kuna Baba vake vokudenga bedzi. Kunyange zvakadaro, kuvimba kwake naJehovha kwakanga kusiri pasina. Kuvimbika kwaJesu kuna Baba vake kwakakomborerwa nokuti Jehovha akamutsigira nokuvimbika.—Pisarema 18:25; VaHebheru 7:26.

18 Muushumiri hwaJesu hwepasi pano hwose, Jehovha akapa Mwanakomana wake zvaaida kuti arambe akavimbika kusvikira pakufa kwake. Somuenzaniso, Jesu achangobva kubhabhatidzwa, zvichiratidza kutanga kwoushumiri hwake, akanzwa inzwi raBaba vake richataura kutendera uye kusimbisa kumuda Kwavo. Jesu paaida kutsigirwa, Jehovha akatumira ngirozi kuti dzimusimbise. Jesu paakatarisana nomuedzo wake mukuru kudarika yose pakuguma kwoupenyu hwake hwepasi pano, Jehovha akanzwa kukumbira nokuteterera kwake. Zvechokwadi zvose izvi zvaiva yamuro inosimbisa kuna Jesu.—Mako 1:11, 13; Ruka 22:43.

19, 20. Tingava sei nechokwadi chokuti Jehovha achatisimbisa munguva yedu yokushayiwa?

19 Jehovha anodawo kuti simba redu Ribve kwaari. (2 Makoronike 16:9) Mupi wechokwadi wesimba rose guru anogona kuva yamuro inosimbisa kwatiri munguva yedu yokushayiwa. (Isaya 40:26) Hondo, urombo, urwere, rufu, kana kuti kusakwana kwedu zvingatitambudza zvikuru. Kana miedzo youpenyu ikaita seinotikurira so‘muvengi ane simba,’ Jehovha anogona kuva simba redu nokusimba kwedu. (Pisarema 18:17; Eksodho 15:2) Ane chokutiyamura nacho chine simba kwazvo—mudzimu wake mutsvene. Achishandisa mudzimu wake, Jehovha anogona kupa ‘simba munhu akaneta’ kuti akwanise ku“bhururuka namapapiro samakondo.”—Isaya 40:29, 31.

20 Mudzimu waMwari ndiwo simba guru zvikuru pane zvose zvakasikwa. Pauro akati: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.” Chokwadi, Baba vedu vane rudo vokudenga vanogona kutipa “simba rinopfuura romuzvarirwo” kuti tigone kutsungirira zvinetso zvose zvinorwadza kusvikira vaita kuti “zvinhu zvose zvive zvitsva” muParadhiso yavo yakapikirwa yava pedyo zvikuru.—VaFiripi 4:13; 2 VaKorinde 4:7; Zvakazarurwa 21:4, 5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Vine’s Complete Expository Dictionary of Old and New Testament Words, raW. E. Vine, rinoti: “Shoko rokuti [pa·re·go·riʹa] rinoreva mishonga inoderedza marwadzo.”

Unoyeuka Here?

• Hama dzokuRoma dzakaratidza sei kuva “yamuro inosimbisa” kuna Pauro?

• Tingava “yamuro inosimbisa” munzira dzipi muungano?

• Sei kuna Jehovha kuriko Kunobva simba redu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Hama dzakava “yamuro inosimbisa” kuna Pauro nokumutsigira nokuvimbika, nokumukurudzira, uye nokumuitira mabasa

[Mufananidzo uri papeji 21]

Vakuru vanotungamirira mukusimbisa boka