Eksodho 15:1-27
15 Panguva iyoyo Mozisi nevaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu:+
“Regai ndiimbire Jehovha, nekuti ava kukudzwa kwazvo.+
Akanda bhiza nemutasvi waro mugungwa.+
2 Jah* ndiye simba rangu nemudziviriri wangu, nekuti ava ruponeso rwangu.+
Uyu ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza;+ Mwari wababa vangu,+ uye ndichamukudza.+
3 Jehovha murwi ane simba.+ Jehovha ndiro zita rake.+
4 Akanda ngoro dzaFarao nemauto ake mugungwa,+Uye varwi vake vakanyatsosarudzwa vanyura muGungwa Dzvuku.+
5 Mvura ine masaisai yavafukidza; vanyura sedombo mumvura yakadzika.+
6 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwerudyi rune simba kwazvo;+Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwerudyi runogona kuparadza muvengi.
7 Neukuru hwenyu munogona kuwisira pasi vaya vanokupandukirai;+Munotuma hasha dzenyu dzinopisa, dzovaparadza semashanga.
8 Mvura yakaunganidzwa nekufema kwemhino dzenyu;Yakamira semadziro, ikabata masaisai;Mvura ine masaisai yakagwamba mumwoyo megungwa.
9 Muvengi akati: ‘Ndichavatevera! Ndichavabata!
Ndichagova zvandinenge ndapamba kusvikira ndagutswa!*
Ndichavhomora bakatwa rangu! Ruoko rwangu ruchavakurira!’+
10 Mafuridza nekufema kwenyu, gungwa rikavafukidza;+Vanyura semutobvu mumvura ine simba.
11 Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari?+
Ndiani akafanana nemi, ari kuratidza kuti mukuru pautsvene?+
Imi munofanira kutyiwa nenziyo dzekurumbidza, imi munoita zvishamiso.+
12 Matambanudza ruoko rwenyu rwerudyi, nyika ikavamedza.+
13 Matungamirira vanhu vamakadzikinura nerudo rwenyu rusingachinji;+Muchavatungamirira nesimba renyu kunzvimbo yenyu tsvene yekugara.
14 Marudzi anofanira kunzwa;+ achadedera;Vagari vemuFiristiya vachashushikana.*
15 Panguva iyoyo madzishe eEdhomu achavhunduka,Uye vatongi veMoabhi vane simba* vachadedera.+
Vagari vese vemuKenani vachaora mwoyo.+
16 Vachabatwa nekutya nekuvhunduka.+
Nemhaka yeukuru hweruoko rwenyu vachaita sedombo risingatsudugukiKusvikira vanhu venyu vapfuura, haiwa Jehovha,Kusvikira vanhu venyu vamakazviwanira+ vapfuura.+
17 Muchavaunza movadyara mugomo renhaka yenyu,+Nzvimbo isingachinji yamakazvigadzirira kuti mugare, haiwa Jehovha,Nzvimbo tsvene, haiwa Jehovha, yamakaita kuti ivepo nemaoko enyu.
18 Jehovha achatonga samambo nariini nariini.+
19 Mabhiza aFarao paapinda mugungwa pamwe chete nengoro dzake dzehondo nevarwi vake vakatasva mabhiza,+Jehovha abva adzorera mvura yegungwa pavari,+Asi vaIsraeri vafamba panyika yakaoma nepakati pegungwa.”+
20 Miriyemu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akabva atora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vese vakamutevera vaine matambureni vachitamba.
21 Miriyemu aidavira varume achiti:
“Imbirai Jehovha, nekuti ava kukudzwa kwazvo.+
Akanda bhiza nemutasvi waro mugungwa.”+
22 Mozisi akazotungamirira vaIsraeri vachibva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, uye vakaramba vachifamba kwemazuva matatu murenje, asi havana kuwana mvura.
23 Vakasvika kuMara,*+ asi vakatadza kunwa mvura yekuMara nekuti yaivava. Ndokusaka akatumidza nzvimbo yacho kuti Mara.
24 Saka vanhu vakatanga kugunun’unira Mozisi,+ vachiti: “Tichanwei?”
25 Akachemera Jehovha,+ uye Jehovha akamuratidza muti. Paakaukanda mumvura, mvura yacho yakatanga kunaka.
Mwari akaita kuti ichi chive chidzidzo kuti vazive matongero aaizoita, uye akavaedza kuti aone kana vaizoteerera.+
26 Iye akati: “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu, uye mukaita zvakarurama pamberi pake, uye mukateerera mirayiro yake nekuchengeta mirau yake yese,+ handizounzi pamuri chirwere kana chimwe chete pane zvandakaunza pavaIjipiti,+ nekuti ini Jehovha, ndiri kukuporesai.”+
27 Vakazosvika kuErimu, kwaiva nezvitubu 12 nemichindwe 70. Saka vakadzika musasa ipapo pedyo nemvura.

