Tsamba Yechipiri kuvaTesaronika 3:1-18
3 Hama dzangu, regai ndipedzise ndichiti, rambai muchitinyengeterera+ kuti shoko raJehovha* rirambe richipararira nekukurumidza+ uye richikudzwa, sezvariri kuitwa pakati penyu,
2 uye kuti tinunurwe pavanhu vanotikanganisa uye vakaipa,+ nekuti havasi vanhu vese vane kutenda.+
3 Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai, okudzivirirai pane akaipa.
4 Zvakare, tinovimba nemi munaShe, kuti muri kuita zvinhu zvatakakurayirai uye mucharamba muchizviita.
5 Ishe ngaarambe achitungamirira mwoyo yenyu zvakanaka, kuti mude Mwari+ uye kuti mutsungirire+ nekuda kwaKristu.
6 Iye zvino hama, tiri kukupai mirayiro muzita raShe wedu Jesu Kristu, kuti musiyane nehama inofamba zvisina kukodzera+ uye zvisingaenderani nemirayiro* yamakagamuchira* kwatiri.+
7 Nekuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutitevedzera sei,+ nekuti hatina kuzvibata zvisina kukodzera pakati penyu,
8 uyewo hatina kudya zvekudya zvemumwe munhu tisingabhadhari.+ Asi taishanda, tichifondoka siku nesikati, kuti pasava nemumwe wenyu watinoremedza.+
9 Hakusi kuti hatibvumirwi kuwana zvinhu kwamuri,+ asi taida kuti mutevedzere muenzaniso wedu.+
10 Ndingatoti pataiva nemi, taigara tichikuudzai kuti: “Kana munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.”+
11 Nekuti tiri kunzwa kuti kune vamwe vari kufamba zvisina kukodzera pakati penyu,+ vasingamboshandi asi vachipindira munyaya dzisinei navo.+
12 Vanhu vakadaro tiri kuvaudza uye tiri kuvakurudzira munaShe Jesu Kristu, kuti vanofanira kushanda vakanyarara vachidya zvekudya zvavanoshandira.+
13 Asi imi hama, musaneta pakuita zvakanaka.
14 Asi kana paine asingateereri mashoko edu ari mutsamba ino, rambai makamuisa mucherechedzo uye musawadzana naye,+ kuti anyare.
15 Asi panzvimbo pekumuona semuvengi, rambai muchimurayira+ sehama.
16 Ishe werugare ngaakupei rugare nguva dzese pazvinhu zvese.+ Ishe ngaave nemi mese.
17 Iyi ndiyo kwaziso yangu ini Pauro, yandanyora neruoko rwangu,+ chiratidzo chetsamba dzangu dzese; aya ndiwo manyorero andinoita.
18 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mese.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “netsika.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “yavakagamuchira.”

