Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tarisira Kuna Jehovha, uye Shinga

Tarisira Kuna Jehovha, uye Shinga

Tarisira Kuna Jehovha, uye Shinga

“Tarisira kuna Jehovha; shinga uye mwoyo wako ngausimbe. Chokwadi, tarisira kuna Jehovha.”—PISAREMA 27:14.

1. Tariro inokosha zvakadini, uye shoko racho rinoshandiswa sei muMagwaro?

TARIRO yechokwadi yakafanana nechiedza chakajeka. Inotibatsira kuona zviri mberi kwemiedzo yatinotarisana nayo iye zvino uye kutarisana neramangwana noushingi nomufaro. Jehovha chete ndiye angatipa tariro yechokwadi, achishandisa Shoko rake rakafuridzirwa. (2 Timoti 3:16) Kutaura zvazviri, mashoko okuti “tariro,” “tarisira,” uye “tarira” anooneka kanopfuura ka160 muBhaibheri uye anoreva kutarisira nomwoyo wose uye nechokwadi chinhu chakanaka uye anorevawo chinhu chacho chinenge chichitarisirwa. * Tariro yakadaro inopfuura chidowo zvacho, chingava chisina chikonzero kana kuti chisingatarisirwi kuti chichazadzika.

2. Tariro yakabatsira sei Jesu muupenyu hwake?

2 Paakatarisana nemiedzo nenhamo, Jesu haana kungofunga zvaiitika panguva iyoyo asi akatarisira kuna Jehovha. “Iye akatsungirira padanda rokutambudzikira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, asina hanya nokunyadziswa, uye akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” (VaHebheru 12:2) Nokuti ainyanya kufunga nezvetarisiro yokureverera uchangamire hwaJehovha uye kutsvenesa zita Rake, Jesu haana kumbotsauka panzira yake yokuteerera Mwari, pasinei nezvaaifanira kutsungirira.

3. Tariro inoshandei muupenyu hwevashumiri vaMwari?

3 Mambo Dhavhidhi anotaura nezvokubatana kwakaita tariro noushingi, achiti: “Tarisira kuna Jehovha; shinga uye mwoyo wako ngausimbe. Chokwadi, tarisira kuna Jehovha.” (Pisarema 27:14) Kana tichida kuti mwoyo yedu ive yakasimba, hatimbofaniri kuita kuti tariro yedu ive isina kujeka asi nguva dzose inofanira kuramba yakajeka mupfungwa dzedu uye tichiikoshesa. Kuita izvozvo kuchatibatsira kutevedzera Jesu pakuratidza ushingi uye kushingaira sezvatinoita basa raakarayira vadzidzi vake kuti vaite. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Chokwadi, tariro inotaurwa pamwe chete nokutenda norudo ichinzi unhu hunokosha, husingaperi hunoratidzwa nevashumiri vaMwari muupenyu hwavo.—1 VaKorinde 13:13.

‘Tariro Yako Inowedzera’ Here?

4. VaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo “mamwe makwai” vanotarisirei nomwoyo wose?

4 Vanhu vaMwari vari kutarisira ramangwana rakanaka chaizvo. VaKristu vakazodzwa vanomirira nomwoyo wose kunoshumira naKristu kudenga, asi “mamwe makwai” anotarisira ‘kusunungurwawo muuranda hwokuora ova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari’ vepasi pano. (Johani 10:16; VaRoma 8:19-21; VaFiripi 3:20) “Rusununguko runobwinya” irworwo runosanganisira kununurwa muchivi nemigumisiro yacho yakaipa. Zvechokwadi, Jehovha—Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana”—anopa vakavimbika vake zvipo zvakanakisisa bedzi.—Jakobho 1:17; Isaya 25:8.

5. Tinosvika sei ‘pakuwedzera tariro yedu’?

5 Tariro yechiKristu inofanira kushanda zvakadini muupenyu hwedu? Pana VaRoma 15:13, tinoverenga kuti: “Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare rwose nokuda kwokutenda kwenyu, kuti tariro yenyu iwedzere nesimba romudzimu mutsvene.” Chokwadi, tariro haingafananidzwi nekenduru iri murima, asi nezuva rakajeka rinopenya mangwanani, ichiita kuti upenyu hwomunhu huve norugare, mufaro, chinangwa, uye ushingi. Ona kuti ‘tariro yedu inowedzera’ patinodavira Shoko raMwari rakanyorwa togamuchira mudzimu wake mutsvene. VaRoma 15:4 inoti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Saka zvibvunze kuti: ‘Ndinoita kuti tariro yangu irambe yakajeka nokuva mudzidzi akanaka weBhaibheri, ndichiriverenga zuva nezuva here? Ndinowanzonyengeterera mudzimu waMwari here?’—Ruka 11:13.

6. Kuti tariro yedu irambe yakajeka, chii chatisingafaniri kurega chichiitika?

6 Jesu, Muenzaniso wedu, akasimbiswa neShoko raMwari. Kana tikafungisisa nezvake, ‘hatizoneti nokupera simba pamweya yedu.’ (VaHebheru 12:3) Zvine musoro kutaura kuti kana tariro yedu yatakapiwa naMwari ikadzima mupfungwa dzedu nemwoyo yedu kana tikatsauswa nezvimwe zvinhu—zvingava zvinhu zvokunyama kana kuti zvinangwa zvenyika—tingakurumidza kuneta pakunamata, zvichiita kuti tigume tisisina simba rokuramba tiine tsika dzakanaka noushingi. Kana tiine maonero iwayo, ‘kutenda kwedu kungatoparara.’ (1 Timoti 1:19) Asiwo, tariro yechokwadi inosimbisa kutenda kwedu.

Tariro—Inokosha Kana Tichizova Nokutenda

7. Tariro inokosha zvakadini kana tichizova nokutenda?

7 “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa,” rinodaro Bhaibheri. (VaHebheru 11:1) Naizvozvo, tariro haisi chinhu chingangodiwawo zvacho pakutenda; asi chikamu chinotokosha chokutenda. Funga nezvaAbrahamu. Semaonero evanhu, iye nomudzimai wake Sara vakanga vapfuura zera rokubereka, Jehovha paakavavimbisa mugari wenhaka. (Genesisi 17:15-17) Abrahamu akati chii? “Kunyange zvazvo akanga asisina tariro, asi aiva nokutenda kwakavakirwa patariro, kuti ave baba vemarudzi mazhinji.” (VaRoma 4:18) Chokwadi, tariro yaAbrahamu yaakanga apiwa naMwari yakasimbisa kutenda kwake kwokuti aizova nomwana. Kutenda kwake kwakasimbisa tariro yake uye kwakaitawo kuti ijeke. Chokwadi, Abrahamu naSara vakatoshinga kusiya musha wavo nehama dzavo vachinorarama upenyu hwavo hwose mumatende kune imwe nyika!

8. Kutsungirira takatendeka kunotsigira sei tariro?

8 Abrahamu akaita kuti tariro yake irambe yakasimba nokuteerera Jehovha pane zvose, kunyange pazvakanga zvakaoma. (Genesisi 22:2, 12) Saizvozvowo, kana tikateerera uye tikatsungirira mubasa raJehovha, tinogona kuva nechivimbo chokuti tichapiwa mubayiro. Pauro akanyora kuti, “kutsungirira” kunobereka “kutenderwa,” uko kunozoberekawo tariro, “uye tariro haiiti kuti pave nokuora mwoyo.” (VaRoma 5:4, 5) Ndokusaka Pauro akanyorawo kuti: “Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze kubishaira kwakafanana naikoko kuti muve nechivimbo chizere chetariro kusvikira kumugumo.” (VaHebheru 6:11) Maonero akanaka akadaro, anobva pakuva noukama hwapedyo naJehovha, anogona kutibatsira kutarisana nedambudziko chero ripi zvaro noushingi uye nomufaro.

“Farai Patariro”

9. Chii chatingagara tichiita chingatibatsira kuti ‘tifare patariro’?

9 Tariro yedu yatakapiwa naMwari inopfuura nokure chero chinhu chipi zvacho chatingapiwa nenyika. Pisarema 37:34 inoti: “Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake, iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika. Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.” Chokwadi, tinofanira ‘kufara patariro.’ (VaRoma 12:12) Zvisinei, kuti tifare patariro, tinofanira kugara tichifunga nezvetariro yedu. Unogara uchifunga nezvetariro yako yawakapiwa naMwari here? Unombozvifungidzirawo uri muParadhiso, uine utano hwakanaka, usingazvidyi mwoyo, uine vanhu vaunoda, uye uchiita basa rinogutsa zvechokwadi here? Unombofungisisa nezvemifananidzo yeParadhiso iri mumabhuku edu here? Kugara uchifunga zvakadaro kungafananidzwa nokupukuta hwindo rinoita kuti uone zvinhu zvakanaka. Kana tikasapukuta girazi racho, munguva pfupi tsvina ingaita kuti tisanyatsoona nzvimbo yacho zvakajeka uye tisaifarira. Tingabva takwezvwawo nezvimwewo zvinhu. Ngatisamborega izvozvo zvichiitika!

10. Nei kutarisira mubayiro kuchiratidza kuti tine ukama hwakanaka naJehovha?

10 Chokwadi, chikonzero chedu chikuru chokushumira Jehovha ndechokuti tinomuda. (Mako 12:30) Kunyange zvakadaro, tinofanira kutarisira mubayiro wedu nomwoyo wose. Kutaura zvazviri, Jehovha anotarisira kuti tidaro! VaHebheru 11:6 inoti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Nei Jehovha achida kuti tione kuti ndiye Anopa mubayiro? Nokuti patinomuona saizvozvo, tinoratidza kuti tinonyatsoziva Baba vedu vokudenga. Vane rupo uye vanoda vana vavo. Funga kuti taisazofara uye zvaizova nyore kuti tiodzwe mwoyo zvakadini kudai takanga tisina “nguva yemberi netariro.”—Jeremiya 29:11.

11. Tariro yake yaakapiwa naMwari yakabatsira sei Mosesi kusarudza nokuchenjera?

11 Muenzaniso unoshamisa womumwe akaramba achifunga nezvetariro yake yaakapiwa naMwari ndiMosesi. Zvaaiva “mwanakomana womwanasikana waFarao,” Mosesi aiva nesimba, chinzvimbo, uye pfuma yeIjipiti. Aizotsvaka zvinhu izvi here, kana kuti aizoshumira Jehovha? Noushingi Mosesi akasarudza kushumira Jehovha. Nei? Nokuti “akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro.” (VaHebheru 11:24-26) Chokwadi, Mosesi aiva nechokwadi nezvetariro iyo Jehovha akanga ati aizomupa.

12. Nei tariro yechiKristu yakaita sengowani?

12 Muapostora Pauro akaenzanisa tariro nengowani. Ngowani yedu yokufananidzira inodzivirira simba redu rokufunga, ichiita kuti tikwanise kusarudza nokuchenjera, kukoshesa zvinofanira kuiswa pakutanga, uye kuramba takatendeseka. (1 VaTesaronika 5:8) Unogara wakapfeka ngowani yako yokufananidzira here? Kana zvakadaro, sezvakaita Mosesi naPauro, hauzoisi ‘tariro yako papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.’ Chokwadi, zvinoda ushingi kuti urege kuita zviri kuitwa nevamwe vose uye kuramba kuita zvinhu zvoudyire, asi unenge watamburira zviripo! Kutaura zvazviri, ungabvumirei chinhu chisiri “upenyu chaihwo,” uhwo hwakamirira vaya vanotarisira kuna Jehovha uye vanomuda?—1 Timoti 6:17, 19.

“Handingambokuregerei”

13. Jehovha anovimbisei vashumiri vake vakavimbika?

13 Vanhu vanoisa tariro yavo mumamiriro ezvinhu epanguva ino vanofanira kufunga nezveramangwana vachifunga nezvezvinhu zvakaipa zvavari kutarisana nazvo iye zvino sezvo “marwadzo enhamo” ari kuramba achiwedzera munyika. (Mateu 24:8) Asi vaya vane tariro muna Jehovha havatyi zvakadaro. Vacharamba ‘vachigara vakachengeteka, vasinganetseki nokutya dambudziko.’ (Zvirevo 1:33) Nokuti havana tariro mumamiriro ezvinhu epanguva ino, vanoteerera nomufaro zano raPauro rokuti: “Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti iye akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’”—VaHebheru 13:5.

14. Nei vaKristu vasingafaniri kunyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvavanoda zvokunyama?

14 Mashoko aya akasimba okuti ‘handingambo” uye “kana kumbo” anoratidza zvakajeka kuti Mwari achatitarisira. Jesu akativimbisawo kuti Mwari ane hanya nesu uye anotida, achiti: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose [zvinhu zvokunyama zvatinoda muupenyu] zvichawedzerwa kwamuri. Naizvozvo, musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro.” (Mateu 6:33, 34) Jehovha anoziva kuti zvakaoma kuti tishingairire Umambo hwake uku tiine mutoro wakazara wokutarisira zvatinoda zvokunyama. Saka ngativei nechivimbo chokuti anogona uye anoda kutarisira zvatinoda.—Mateu 6:25-32; 11:28-30.

15. VaKristu vanoramba sei vaine ‘ziso rakanaka’?

15 Tinoratidza kuti tinovimba naJehovha patinoramba tiine ‘ziso rakanaka.’ (Mateu 6:22, 23) Ziso rakanaka rinoita zvinhu nomwoyo wose, rine vavariro yakachena, harina makaro uye udyire. Kuva neziso rakanaka hakurevi kuti torarama muurombo hwakanyanya kana kuti torega zvatinofanira kutarisira sevaKristu. Asi kunoreva kuratidza “pfungwa dzakanaka” sezvatinoita kuti basa raJehovha rirambe riri panzvimbo yokutanga.—2 Timoti 1:7.

16. Nei zvichida kutenda uye ushingi kuti tirambe tiine ziso rakanaka?

16 Kuramba tiine ziso rakanaka kunoda kutenda noushingi. Somuenzaniso, kana munhu waunoshandira akaramba achiti ugare uchishanda panguva yemisangano yechiKristu, noushingi uchaomerera kuita kuti zvinhu zvokunamata zvirambe zviri panzvimbo yokutanga here? Kana munhu asina chokwadi kuti Jehovha achazadzikisa vimbiso Yake yokutarisira vashumiri Vake, Satani anobva aramba achingowedzera zvinetso uye munhu akadaro angatozoguma arega kupinda misangano zvachose. Chokwadi, kushaya kwedu kutenda kungaita kuti Satani atidzore kuitira kuti iye, kwete Jehovha, atirongere zvatinoisa pakutanga. Chokwadi iyoyo yaizova njodzi huru!—2 VaKorinde 13:5.

“Tarisira Kuna Jehovha”

17. Vaya vanovimba naJehovha vanokomborerwa sei kunyange iye zvino?

17 Magwaro anoratidza aratidzazve kuti vaya vanotarisira kuna Jehovha havazombokundikani. (Zvirevo 3:5, 6; Jeremiya 17:7) Chokwadi, dzimwe nguva vangafanira kugutsikana nezvishoma, asi vanoona izvi sokuzvipira kuduku kana vachienzanisa nezvikomborero zvakavamirira. Saka vanoratidza kuti vano“tarisira kuna Jehovha” uye vane chivimbo chokuti pakupedzisira achapa vakavimbika vake zvose zvakarurama zvinodiwa nemwoyo yavo. (Pisarema 37:4, 34) Chokwadi, kunyange iye zvino vari kufara. “Vakarurama vanomirira vachifara, asi tariro yevakaipa ichaparara.”—Zvirevo 10:28.

18, 19. (a) Jehovha anotivimbisa chii nenzira yorudo? (b) Tinoita sei kuti Jehovha arambe ari ‘kuruoko rwedu rworudyi’?

18 Mukomana muduku paanofamba akabatwa ruoko nababa vake, anonzwa akachengeteka. Ndiwo manzwiro atinoitawo sezvatinofamba naBaba vedu vokudenga. “Usatya,” akadaro Jehovha kuna Israeri, “nokuti ndinewe. . . . Chokwadi ndichakubatsira. . . . Nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”—Isaya 41:10, 13.

19 Izvozvo zvinoratidza rudo rwakadini—Jehovha akabata ruoko rwomunhu! “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose,” akanyora kudaro Dhavhidhi. “Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.” (Pisarema 16:8) Tinoita sei kuti Jehovha arambe ari ‘kuruoko rwedu rworudyi’? Tinozviita munzira dzinenge mbiri. Yokutanga, tinoita kuti Shoko rake rititungamirire muupenyu hwedu hwose; uye yechipiri, tinoramba takatarira mubayiro unokudzwa watakavimbiswa naJehovha. Munyori wepisarema Asafi akaimba kuti: “Ndinemi nguva dzose; makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchanditungamirira nezano renyu, uye pashure paizvozvo muchandiendesa kukubwinya.” (Pisarema 73:23, 24) Tichivimbiswa zvakadaro, tinogona kunyatsotarisira ramangwana nechivimbo.

“Kununurwa Kwenyu Kuri Kuswedera Pedyo”

20, 21. Vaya vanotarisira kuna Jehovha vachava neramangwana rakaita sei?

20 Panopera zuva rimwe nerimwe, zvinoramba zvichitowedzera kukosha kuita kuti Jehovha arambe ari kuruoko rwedu rworudyi. Munguva pfupi iri kuuya, kutanga nokuparadzwa kwechitendero chenhema, nyika yaSatani ichawirwa nedambudziko raisati yamboona. (Mateu 24:21) Vanhu vasina kutenda vachatya kwazvo. Asi panguva iyoyo zvinhu pazvinenge zvakaita manyama amire nerongo, vashumiri vaJehovha vakashinga vachafara patariro yavo! “Panotanga kuitika zvinhu izvi,” akadaro Jesu, “mirai muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”—Ruka 21:28.

21 Naizvozvo ngatifarei mutariro yedu yatakapiwa naMwari uye tisanyengedzwa kana kuedzwa nouchenjeri hunotsausa hwaSatani. Asiwo, ngatishandei nesimba kuti tikudziridze kutenda, rudo, uye kutya Mwari. Tikadaro, tichava noushingi hwokuteerera Jehovha mumamiriro ose ezvinhu uye hwokushora Dhiyabhorosi. (Jakobho 4:7, 8) Chokwadi, “shingai, mwoyo yenyu ngaisimbe, imi mose muri kumirira Jehovha.”—Pisarema 31:24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Kunyange zvazvo muMagwaro echiKristu echiGiriki shoko rokuti “tariro” richinyanya kureva mubayiro wokuenda kudenga wevaKristu vakazodzwa, munyaya ino, shoko rokuti tariro riri kushandiswa sezvarinoreva nguva dzose.

Ungapindura Here?

• Tariro yaiva naJesu yakamubatsira sei kuti ave noushingi?

• Kutenda netariro zvakabatana sei?

• Tariro pamwe chete nokutenda zvingapa sei muKristu ushingi hwokuziva zvinokosha muupenyu?

• Nei vaya vano“tarisira kuna Jehovha” vachigona kutarisira ramangwana nechivimbo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ungava uri muduku kana mukuru, unombozvifungidzirawo uri muParadhiso here?