Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vanoedza Kutsvaka Upenyu Husingaperi

Vanhu Vanoedza Kutsvaka Upenyu Husingaperi

Vanhu Vanoedza Kutsvaka Upenyu Husingaperi

KUBVIRA kare kare, vanhu vave vachida kurarama nokusingaperi. Asi chido ichocho hachisi kuzadzikiswa—hapana ati awana nzira yokukunda nayo rufu. Zvisinei, munguva pfupi yapfuura, kutsvakurudza mune zvoutano kwakamutsiridza tariro yokuti zvingangoita kuti vanhu vawedzere zvinoshamisa makore avanorarama. Funga nezvezvakasiyana-siyana zviri kuongororwa nesayenzi.

Nyanzvi dzezvinhu zvipenyu dzine zvadziri kuedza kuita neenzayemu inonzi telomerase dzichiedza kuita kuti masero arambe achingoberekana. Vasayendisiti vanoziva kuti masero akura, anenge asakara anobviswa otsiviwa nematsva. Kutaura zvazviri, masero akawanda mumuviri anotsiviwa nematsva kanoverengeka panguva inenge ichirarama munhu. Vanotsvakurudza vanoti kudai masero achiramba achizviita matsva, “muviri womunhu waigona kuramba uchizviita mutsva kwenguva yakareba zvikuru—kunyange nokusingaperi.”

Kurapa nokugadzira chinenge chichidiwa kubva pasero, kunyange zvazvo izvi zvagara zviine makakatanwa, kungaita kuti varwere vave nenhengo itsva dzinopindirana nedzagara dziripo dzakadai sezviropa, itsvo, kana kuti mwoyo. Nhengo dzomuviri dzakadaro dzaizogadzirwa pachishandiswa masero omurwere wacho anogona kuumba chero sero rinenge richidiwa.

Vanotsvakurudza nezvoruzivo rwokugadzira zvinhu zviduku-duku vanotarisira kuti pane nguva apo vanachiremba vachagadzira marobhoti akaenzana nemasero avachaisa muropa kuti atsvake uye aparadze masero ekenza neebhakitiriya anokuvadza. Vamwe vanodavira kuti sayenzi iyi, pamwe chete nokurapa nemagene, zvichaguma zvaita kuti muviri womunhu urambe uchizviita mutsva nokusingaperi.

Vanotsigira kuomesa zvitunha, vanozviomesa nechando. Vanenge vachida kuzvichengeta kusvikira kubudirira mune zvokurapa kwaita kuti vanachiremba varape zvirwere, vaite kuti vanhu vasakwegura, uye vamutse vakafa nokuita kuti vave noutano hwakanaka. Magazini inonzi American Journal of Geriatric Psychiatry inoti izvi zvakada “kungofanana nezvaiitwa nevaIjipiti vekare zvokuomesa zvitunha.”

Kuedza kusingaperi kuri kuitwa nevanhu kuti vasafa kunoratidza kuti zvakaoma sei kugamuchira pfungwa yokuti munhu haasisipo. Chokwadi zvinoita here kuti vanhu vawane upenyu husingaperi? Bhaibheri rinoti chii panyaya iyi? Nyaya inotevera ichapindura.