Jeremiya 17:1-27

  • Chivi chaJudha chakadzika midzi (1-4)

  • Kuvimba naJehovha kunounza makomborero (5-8)

  • Mwoyo unonyengera (9-11)

  • Jehovha ndiye tariro yaIsraeri (12, 13)

  • Munyengetero waJeremiya (14-18)

  • Kuchengeta zuva reSabata riri dzvene (19-27)

17  “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi. Chakatemerwa nechinyoreso chine muromo wedhaimondi pahwendefa remwoyo yavoUye panyanga dzeatari dzavo,  2  Uyewo vanakomana vavo vari kuyeuka atari dzavo nemapango avo anoyera*+Pedyo nemuti wakasvibirira, muzvikomo zvakakwirira,+  3  Nemumakomo ari kumaruwa. Ndichaita kuti pfuma yako, zvinhu zvako zvese zvinokosha zvipambwe+Idzo nzvimbo dzako dzakakwirira nekuda kwechivi chiri munharaunda dzako dzese.+  4  Uchasiya wega nhaka yako yandakakupa.+ Uye ndichaita kuti ushandire vavengi vako munyika yausingazivi,+Nekuti mabatidza kutsamwa kwangu semoto.*+ Kucharamba kuchibvira.”  5  Zvanzi naJehovha: “Munhu* anovimba nemumwewo munhu ngaatukwe,+Anovimba nesimba revanhu,*+Uye ane mwoyo unotsauka pana Jehovha.  6  Achaita semuti uri wega mugwenga. Haazooni zvakanaka pazvinouya,Asi achagara munzvimbo dzakaoma murenje,Munyika ine munyu isingagariki.  7  Akakomborerwa munhu* anovimba naJehovha,Uyo anoisa tariro yake* muna Jehovha.+  8  Achaita semuti wakadyarwa pedyo nemvura,Unoendesa midzi yawo kurukova. Haazozvioni kuti kwava kupisa,Asi mashizha ake achagara akasvibirira.+ Uye haazonetseki gore rakusinganayi mvura,Uyewo haazoregi kubereka zvibereko.  9  Mwoyo unonyengera* kupfuura zvinhu zvese uye wakaipa kwazvo.*+ Ndiani angauziva? 10  Ini, Jehovha, ndiri kunzvera mwoyo,+Ndiri kuongorora pfungwa dzakadzama,*Kuti ndipe mumwe nemumwe zvinoenderana nenzira dzake,Zvinoenderana nezvibereko zvemabasa ake.+ 11  Sechikwari chinounganidza zvachisina kukandira,Ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma achibiridzira.*+ Pfuma yacho ichamusiya pakati peupenyu hwake,Uye upenzi hwake huchabuda pachena.” 12  Chigaro cheumambo chakakwidziridzwa kubvira pakutangaNdicho nzvimbo yedu tsvene.+ 13  Haiwa Jehovha, tariro yaIsraeri,Vaya vese vanokusiyai vachanyadziswa. Vaya vanotsauka vachibva kwamuri* vachanyorwa muvhu,+Nekuti vakasiya Jehovha, tsime remvura mhenyu.+ 14  Haiwa Jehovha, ndiporesei uye ndichapora. Ndiponesei, uye ndichaponeswa,+Nekuti ndimi wandinorumbidza. 15  Inzwai! Kune vaya vari kuti kwandiri: “Shoko raJehovha riri kupi?+ Tapota ngariuye!” 16  Asi ini handina kutiza ndichirega kukuteverai semufudzi,Uye handina kumboti dai zuva redambudziko rauya zvaro. Munonyatsoziva zvese zvakataurwa nemuromo wangu;Zvese zvakaitika pamberi pechiso chenyu! 17  Musandityisa. Ndimi nzvimbo yangu yekupotera pazuva redambudziko. 18  Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,+Asi ini musandirega ndichinyadziswa. Itai kuti vavhundutswe,Asi ini musandirega ndichivhundutswa. Unzai zuva redambudziko pavari,+Muvapwanye nekuvaparadza zvachose.* 19  Jehovha akati kwandiri: “Enda unomira pagedhi revanakomana vevanhu vacho iro rinoshandiswa nemadzimambo eJudha pakupinda nekubuda, uye pamagedhi ese eJerusarema.+ 20  Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha, vanhu vese veJudha, nevagari vese vemuJerusarema, imi munopinda nepamagedhi aya. 21  Zvanzi naJehovha: “Chenjererai zvamunoita* uye musatakura chero mutoro upi zvawo pazuva reSabata kana kuupinza nepamagedhi eJerusarema.+ 22  Hapana chinhu chamunofanira kutakura muchibudisa mudzimba dzenyu pazuva reSabata; uye hamutombofaniri kuita basa.+ Chengetai zuva reSabata riri dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.+ 23  Asi ivo havana kuteerera kana kurereka nzeve yavo, uye vakaomesa misoro* yavo vachiramba kuteerera uye kurangwa.”’+ 24  “‘“Asi kana mukanyatsonditeerera,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “porega kuva nemutoro wamunopinza nepamagedhi eguta rino pazuva reSabata uye mochengeta zuva reSabata riri dzvene kuburikidza nekurega kuita basa chero ripi zvaro pariri,+ 25  madzimambo nemachinda anogara pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ achapindawo nepamagedhi eguta rino ari mungoro uye pamabhiza, iwo nemachinda awo, varume veJudha nevagari vemuJerusarema;+ uye guta rino richaramba richigarwa. 26  Uye vanhu vachauya vachibva kumaguta eJudha, munzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, munyika yaBhenjamini,+ munyika yakadzikira,+ munzvimbo ine makomo, nekuNegebhu,* vachiuya muimba yaJehovha nemipiro inopiswa,+ zvibayiro,+ mipiro yezviyo,*+ nezvinonhuhwirira zvichena nezvibayiro zvekuonga.+ 27  “‘“Asi kana mukasanditeerera muchirega kuchengeta zuva reSabata riri dzvene uye muchitakura mitoro nekupinda nayo nepamagedhi eJerusarema pazuva reSabata, ndichapisa magedhi aro uye moto wacho uchapisa shongwe dzakasimba dzeJerusarema+ uye hauzodzimwi.”’”+

Mashoko Emuzasi

^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Nekuti mabatidzwa semoto mukutsamwa kwangu.”
^ Kana kuti “Munhu ane simba.”
^ ChiHeb., “Anoita kuti nyama ive ruoko rwake.”
^ Kana kuti “chivimbo chake.”
^ Kana kuti “munhu ane simba.”
^ Kana kuti “unofurira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “haurapiki.”
^ ChiHeb., “itsvo.”
^ Kana kuti “nenzira isina kururama.”
^ ChiHeb., “kwandiri,” zvinoratidza sekuti pari kureva Jehovha.
^ Kana kuti “nekuvaparadza kakapetwa kaviri.”
^ Kana kuti “mweya yenyu.”
^ ChiHeb., “mitsipa.”
^ Kana kuti “nekumaodzanyemba.”
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.