Esteri 8:1-17

  • Modhekai anokwidziridzwa (1, 2)

  • Esteri anoteterera mambo (3-6)

  • Mambo anopa murayiro unochinja wekutanga (7-14)

  • VaJudha vanozorodzwa uye vanova nemufaro mukuru (15-17)

8  Zuva iroro Mambo Ahashivheroshi akapa Mambokadzi Esteri imba yaHamani,+ uyo aivenga vaJudha;+ uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nekuti Esteri akanga ataura kuti Modhekai ndiani wake.+  Mambo akabva abvisa rin’i yake ine chidhindo+ yaakanga atorera Hamani, akaipa Modhekai. Uye Esteri akaisa imba yaHamani mumaoko aModhekai.+  Esteri akataurazve namambo. Akapfugama patsoka dzake, akachema, akamuteterera kuti abvise dambudziko rakanga raunzwa naHamani muAgagi nezvakaipa zvaakanga arongera vaJudha.+  Mambo akatambanudzira Esteri+ tsvimbo yeumambo yegoridhe, Esteri achibva asimuka akamira pamberi pamambo.  Akati: “Kana zvakanaka kuna mambo, uye kana achindinzwira nyasha, uye kana zvakakodzera kuna mambo uye kana ndichifarirwa namambo, ngapanyorwe murayiro kuti uchinje magwaro akanyorwa naHamani+ uya wekuruka mazano, mwanakomana waHamedhata muAgagi,+ aakanyora kuti aparadze vaJudha vari mumatunhu ese amambo.  Nekuti ndingagona sei kutarisa dambudziko richawira vanhu vekwangu, uye ndingagona sei kutarisa hama dzangu dzichiparadzwa?”  Saka Mambo Ahashivheroshi akati kuna Mambokadzi Esteri naModhekai muJudha: “Onai! Ndapa Esteri+ imba yaHamani, uye ndaita kuti iye aturikwe padanda+ nemhaka yezano rake rekuda kurwisa vaJudha.*  Iye zvino munogona kunyora muzita ramambo chero zvamunofunga kuti zvakanaka muchiitira vaJudha, mozvidhinda nerin’i yamambo ine chidhindo, nekuti murayiro unenge wanyorwa muzita ramambo wodhindwa nerin’i yamambo ine chidhindo haugoni kubviswa.”+  Saka vanyori vamambo vakashevedzwa panguva iyoyo mumwedzi wechitatu, kureva mwedzi waSivhani,* pazuva rechi23, uye vakanyora zvese zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, uye kumachinda,+ magavhuna, nemachinda ematunhu+ kubva kuIndiya kusvika kuItiopiya, matunhu 127, kudunhu rimwe nerimwe mumanyorero aro uye kurudzi rumwe nerumwe mumutauro warwo, nekuvaJudha mumanyorero avo uye mumutauro wavo. 10  Akazvinyora muzita raMambo Ahashivheroshi, akaisa chidhindo nerin’i yamambo ine chidhindo,+ akatumira magwaro acho neruoko rwenhume dzaitasva mabhiza; nhume dzacho dzakatasva mabhiza anomhanya aishandiswa kuendesa tsamba, ayo aichengeterwa basa ramambo. 11  Mumagwaro aya mambo akabvumira vaJudha vaiva mumaguta ese akasiyana-siyana kuti vaungane uye varwire upenyu hwavo,* kuti vatsakatise, vauraye, uye vaparadze chero uto raizovarwisa revanhu chero vapi zvavo kana dunhu, kusanganisira vakadzi nevana, uye kuti vavatorere zvinhu zvavo.+ 12  Izvi zvaifanira kuitika pazuva rimwe chete mumatunhu ese aMambo Ahashivheroshi, pazuva rechi13 remwedzi wechi12, kureva mwedzi waAdhari.*+ 13  Mashoko egwaro racho aifanira kuitwa mutemo mumatunhu ese. Aifanira kuziviswa marudzi ese, kuti vaJudha vange vakagadzirira pazuva racho kuti vatsive vavengi vavo.+ 14  Nhume dzacho, idzo dzainge dzakatasva mabhiza aishandiswa kuendesa tsamba mubasa ramambo, dzakabva dzangokurumidza kuenda dzichimhanya sezvakanga zvarayirwa namambo. Mutemo wacho wakapiwawo munhare* inonzi* Shushani.*+ 15  Zvino Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka zvipfeko zveumambo zvejira rebhuruu nejira jena, akapfeka korona huru yegoridhe, nejira rakanaka chaizvo reshinda yepepuru.+ Uye guta reShushani* rakashevedzera nemufaro. 16  VaJudha vakazorodzwa* uye vakava nemufaro mukuru nekupembera, nekukudzwa. 17  Uye mumatunhu ese nemaguta ese akasvika murayiro wamambo nemutemo wake, vaJudha vaifara chaizvo uye vaipembera nemufaro, vachiita mabiko nemhemberero. Vanhu vazhinji vemarudzi enyika yacho vakanga vava kuzviti vaJudha,+ nekuti vakanga vava kutya vaJudha zvikuru.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nekuti akatambanudza ruoko rwake kuvaJudha.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “mumuzinda unonzi.”
Kana kuti “Susa.”
Kana kuti “reSusa.”
ChiHeb., “vakava nechiedza.”