Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Regumi

Apo Mumwe Mutezo Wemhuri Unenge Uchirwara

Apo Mumwe Mutezo Wemhuri Unenge Uchirwara

1, 2. Satani akashandisa sei ngwavaira nechirwere kuti aedze kupunza perero yaJobho?

MURUME Jobho anofanira zvirokwazvo kurangarirwa pakati paavo vakafarikanya upenyu hwemhuri hunofadza. Bhaibheri rinomudana kuti “mukuru pakati pavana vamabvazuva.” Iye aiva navanakomana vanomwe navanasikana vatatu, vana gumi pamwe chete. Iye akanga anewo pfuma yokugovera mhuri yake zvakanaka. Chinokosha zvikurusa, aitungamirira mumibato yomudzimu uye aiitira hanya chimiro chavana vake pamberi paJehovha. Kwose ikoku kwakaguma nezvisungo zvakasimba nezvinofadza zvemhuri.—Jobho 1:1-5.

2 Mamirire ezvinhu aJobho akacherekedzwa naSatani, muvengi mukuru waJehovha Mwari. Satani, uyo nguva dzose anotsvaka nzira dzokupunza nadzo perero yavabatiri vaMwari, akadenha Jobho kupfurikidza nokuparadza mhuri yake inofara. Ipapo, iye “akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.” Nokudaro Satani akakarira kushandisa ngwavaira nechirwere kuti apunze perero yaJobho.—Jobho 2:6, 7.

3. Ndezvipi zvakanga zviri zviratidzo zvechirwere chaJobho?

3 Bhaibheri haripi zita iro vanachiremba vakatumidza hosha yaJobho. Iro, kunyange zvakadaro, rinotiudza zviratidzo. Nyama yake yakanga yakafukidzwa nehonye, uye ganda rake raifunuka ndokuora. Mweya waJobho waisemesa, uye muviri wake wainyangadza. Airwadziwa zvikuru. (Jobho 7:5; 19:17; 30:17, 30) Mumarwadzo Jobho aigara pakati pamadota ndokuzvikwenya amene nechaenga. (Jobho 2:8) Zvirokwazvo chaiva chiono chinosiririsa!

4. Ndichinoitikai icho mhuri iri yose inova nacho panguva nenguva?

4 Waizoita sei kudai ukarwadziwa nehosha yakakomba yakadaro? Nhasi, Satani haarovi vabatiri vaMwari nechirwere sezvaakaita Jobho. Zvisinei, nemhaka yokusakwana kwavanhu, dzvinyiriro dzoupenyu hwezuva nezuva, uye mhoteredzo inoshatsa yatinorarama mairi, kunongofanira bedzi kukarirwa kuti panguva nenguva, mitezo yemhuri icharwara. Pasinei zvapo nezvokudzivirira nazvo zvatingashandisa, tose zvedu tinotapurwa nechirwere, kunyange zvazvo vashomanene vachatambura kusvika kutambanuko iyo Jobho akaita. Apo chirwere chinovhozhokera mhuri yedu, kunogona zvirokwazvo kuva denho. Naizvozvo ngationei kuti Bhaibheri rinotibetsera sei kugonana nouyu muvengi aripo nguva dzose worudzi rwomunhu.—Muparidzi 9:11; 2 Timotio 3:16.

UNONZWA SEI PAMUSORO PAKO?

5. Mitezo yemhuri inowanzoita sei muzviitiko zvechirwere chechinguvana?

5 Kudzongonyedzwa kwomuraramire wenguva dzose, pasinei zvapo nechisakiso, kwakaoma nguva dzose, uye ikoku ndokwechokwadi zvikuru kana kudzongonyedza kwacho kuchiparirwa nechirwere chenguva refu. Kunyange chirwere chenguva pfupi chinoda gadziridzo, kutera, uye kurega zvimwe zvinhu. Mitezo yemhuri yakagwinya ingafanira kuramba yakanyarara kuti ibvumire anorwara kuzorora. Ingafanira kurega mimwe mibato. Zvisinei, mumhuri dzakawanda zvikurusa kunyange vana vaduku vanonzwira tsitsi mumwe mwana anorwara kana kuti mubereki, kunyange zvazvo panhambo nenhambo vangafanira kuyeuchidzwa kuva vanorangarira. (VaKorose 3:12) Kana chiri chirwere chechinguvana, mhuri inowanzova yakagadzirira kuita chinodikanwa. Kunze kwezvo, mutezo mumwe nomumwe wemhuri ungakarira kurangarirwa kwakafanana kana iwo ukarwara.—Mateo 7:12.

6. Kuitai pane dzimwe nguva kunoonwa kana mumwe mutezo wemhuri ukarohwa nechirwere chakakomba, chinogara?

6 Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana chirwere chacho chakakomba zvikuru uye kudzongonyedza kwacho kuri kukuru uye kwenguva refu? Somuenzaniso, zvakadini kana mumwe munhu ari mumhuri akaomeswa mitezo yomuviri nesitiroko, akaremadzwa nechirwere chokurasika kwepfungwa, kana kuti akaneteswa nechimwe chirwere chakati? Kana kuti zvakadini kana mumwe mutezo wemhuri uchitambudzwa nechirwere chendangariro, zvakadai sokusashanda zvakanaka kwepfungwa? Kuita kwokutanga kunozivikanwa navose kunzwira tsitsi—kusuruvara kuti mudiwa ari kutambura zvikuru kwazvo. Zvisinei, kunzwira tsitsi kungateverwa nokumwe kuita. Sezvo mitezo yemhuri ichizviwana imene ichitapurwa zvikuru kwazvo uye rusununguko rwayo rwakaganhurirwa nechirwere chomunhu mumwe, ingasvika pakunzwa pfundepfunde. Ingashamisika, kuti: “Neiko ikoku kuchifanira kuitika kwandiri?”

7. Mudzimai waJobho akaita sei kuchirwere chake, uye chii icho sezviri pachena iye akakanganwa?

7 Chimwe chinhu chakafanana chinoratidzika kuva chakapinda mundangariro yomudzimai waJobho. Yeuka, akanga atotambura kurasikirwa navana vake vakura. Sezvo zviitiko izvozvo zvaiva nengwavaira zvakaoneka, iye pasina panikiro akanzwa achishatiriswa zvikuru nenzira inofambira mberi. Pakupedzisira, sezvo akaona murume wake aichimbova anoshingaira naane simba achitambudzwa nehosha inorwadza, inosemesa, anoratidzika kuva akakanganwa chinhu chinokosha icho chakafukidza ngwavaira dzose—ukama uhwo iye nomurume wake vaiva nahwo naMwari. Bhaibheri rinoti: “Ipapo mukadzi [waJobho] akati kwaari: Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.”—Jobho 2:9.

8. Apo mumwe mutezo wemhuri unenge uchirwara zvikuru, rugwaroi ruchabetsera mimwe mitezo yemhuri kuchengeta murangariro wakafanira?

8 Vakawanda vanonzwa vakangaidzwa, kunyange vatsamwa, apo upenyu hwavo hunochinjwa zvikuru nechirwere chomumwe munhuwo zvake. Zvisinei, muKristu anorangarira pamusoro pamamirire ezvinhu acho anofanira kuziva pakupedzisira kuti iwaya anomupa mukana wokuratidza uchokwadi hworudo rwake. Rudo rwechokwadi “rune mwoyo murefu, rune mwoyo munyoro; . . . [uye] haruzvitsvakiri zvarwo; . . . runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.” (1 VaKorinte 13:4-7) Panzvimbo pokubvumira mirangariro yakaipa kudzora, naizvozvo, kunokosha kuti tiite unani hwedu kuidzora.—Zvirevo 3:21.

9. Ivimbisoi dzinogona kuitwa kubetsera mhuri mumudzimu nomumurangariro apo mumwe mutezo unenge uchirwara zvakakomba?

9 Chii chinogona kuitwa kutaviridza garikano yomudzimu neyemirangariro yemhuri apo mumwe wemitezo yayo anenge achirwara zvakakomba? Chokwadika, chirwere chimwe nechimwe chinoda kutarisirwa kwacho chimene kwakati nokurapwa, uye kungasava kwakafanira muchinyorwa chino kurumbidza miitiro ipi neipi yokurapa kana kuti miitiro yokutarisira pamusha. Kunyange zvakadaro, mupfungwa yomudzimu, Jehovha “unosimudza vose vakakotamiswa pasi.” (Pisarema 145:14) Mambo Dhavhidhi akanyora, kuti: “Wakakomborerwa une hanya navarombo; Jehovha uchamurwira nomusi wezvakaipa. . . . Jehovha achamutsigira panhoo yourwere.” (Pisarema 41:1-3) Jehovha anochengeta vabatiri vake vari vapenyu mumudzimu, kunyange apo vanoedzwa mumirangariro kupfuura simba ravo vamene. (2 VaKorinte 4:7) Mitezo yemhuri yakawanda inotarisana nechirwere chakakomba mumhuri yayo yakadzokorora mashoko owezvamapisarema, anoti: “Ndinotambudzika kwazvo; ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu.”—Pisarema 119:107.

MUDZIMU UNOPORESA

10, 11. (a) Chii chinokosha kana mhuri ichizogonana nenzira inobudirira nechirwere? (b) Mumwe mukadzi akagonana sei nechirwere chomurume wake?

10 “Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake,” chinodaro chimwe chirevo cheBhaibheri, “asi mweya wakaputsika ungamutswa naani?” (Zvirevo 18:14) Katyamaro inogona kutambudza mudzimu wemhuri pamwe chete no“mweya womunhu.” Bva, “mwoyo wakagadzikana ndiwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Kana mhuri ichigonana nenzira inobudirira nechirwere chakakomba kana kuti kwete kunotsamira pamwero mukuru pachimiro chendangariro, kana kuti mudzimu, wemitezo yayo.—Enzanisa naZvirevo 17:22.

11 Mumwe mukadzi wechiKristu aifanira kutsungirira kuona murume wake achikuvadzwa nesitiroko makore matanhatu bedzi pashure pokunge varoorana. “Kutaura kwomurume wangu kwakatapurwa zvakashata, uye kwakava kunodokuva kusingabviri kukurukura naye,” iye akayeuka kudaro. “Nhamo yendangariro yokuedza kunzwisisa zvaakanga achiparapatika kutaura yakanga iri huru zvikuru.” Fungidzirawo marwadzo nekangaidziko izvo murume wacho anofanira kuva akanzwa. Chii chakaita varoorani vacho? Kunyange zvazvo vaigara kure neungano yechiKristu, hanzvadzi yacho yakaita unane hwayo kuti irambe yakasimba mumudzimu kupfurikidza nokuramba ichiwirirana namashoko ose azvino uno esangano pamwe chete nomugove unopfuurira wezvokudya zvomudzimu mumagazini eNharireyomurindi neMukai! Ikoku kwakaipa simba romudzimu rokutarisira murume wayo aidiwa kutozosvikira parufu rwake makore mana gare gare.

12. Sezvinoonwa muchiitiko chaJobho, ibetseroi iyo anorwara pane dzimwe nguva anopa?

12 Muchiitiko chaJobho akanga ari iye, mutambudzwi, akaramba akasimba. “Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” akabvunza mudzimai wake kudaro. (Jobho 2:10) Hakushamisi kuti mudzidzi Jakobho gare gare akadudza Jobho somuenzaniso wakatanhamara weshiviriro netsungiriro! Pana Jakobho 5:11 tinorava, kuti: “Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” Nenzira yakafanana nhasi, muzviitiko zvakawanda chimiro chendangariro choushingi chomutezo wemhuri unorwara chakabetsera vamwe vari mumhuri kuchengeta murangariro wakanaka.

13. Kuenzanisai kusingafaniri kuitwa nemhuri iri kutambura chirwere chakakomba?

13 Vakawanda zvikurusa avo vaifanira kubata nechirwere mumhuri vanobvuma kuti pakutanga ndokwenguva dzose kuti mitezo yemhuri ive nenguva yakaoma yokutarisana namaidi. Vanoonesawo kuti nzira iyo munhu anosvika nayo pakurangarira mamirire ezvinhu inokosha zvikuru. Chinjo negadziridzo mumuraramiro wemhuri zvingave zvakaoma pakutanga. Asi kana munhu achiita chaizvoizvo nhamburiko, anogona kuchinjira kumamirire ezvinhu matsva. Mukuita saizvozvo, kunokosha kusaenzanisa mamirire edu ezvinhu naayo avamwe vasina chirwere mumhuri, tichifunga kuti upenyu hwavo huri nani zvikuru uye kuti ‘hakuna kunaka zvikuru!’ Chaizvoizvo, hapana munhu anoziva zvirokwazvo mitoro iyo ine vamwe yokutakura. VaKristu vose vanowana nyaradzo mumashoko aJesu, anoti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.”—Mateo 11:28.

KUISA ZVOKUTANGA PAKUTANGA

14. Zvokutanga zvakafanira zvinogona sei kuiswa?

14 Mukutarisana nechirwere chakakomba, mhuri ingaita zvakanaka kuyeuka mashoko akafuridzirwa, anoti: “Pasingaranganwi mano anokona.” (Zvirevo 15:22) Mitezo yemhuri ingaungana here ndokukurukura mamirire ezvinhu akaparirwa nechirwere chacho? Zvirokwazvo kungava kwakafanira kuita saizvozvo nokunyengetera nokutendeukira kuShoko raMwari nokuda kwenhungamiro. (Pisarema 25:4) Chii chinofanira kurangarirwa mukurukurirano yakadaro? Eya, pane zvisarudzo zvokurapisa, zvemari, uye zvemhuri zvinofanira kuitwa. Ndiani achagovera tarisiro huru? Mhuri inogona sei kubatira pamwe chete kutsigira tarisiro iyoyo? Gadziriro dzinoitwa dzichatapura sei mutezo mumwe nomumwe wemhuri? Zvinodikanwa zvomudzimu nezvimwe zvomutarisiri mukuru zvichatarisirwa sei?

15. Itsigiroi iyo Jehovha anogovera nokuda kwemhuri dzinotambura chirwere chakakomba?

15 Kunyengeterera zvapachokwadi nhungamiro yaJehovha, kufungisisa Shoko rake, uye kutevera noushingi nzira inoratidzirwa neBhaibheri kazhinji kazhinji zvinoguma nezvikomborero zvinopfuura kariro dzedu. Hosha yomutezo wemhuri unorwara nguva dzose ingasaderera. Asi kutsamira pana Jehovha nguva dzose kunotungamirira kumugumisiro wakanakisisa mumamiriro ezvinhu api naapi. (Pisarema 55:22) Wezvamapisarema akanyora, kuti: “Ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira. Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.”—Pisarema 94:18, 19; onawo Pisarema 63:6-8.

KUBETSERA VANA

16, 17. Mapfundoi anogona kusimbiswa pakukurukura navaduku chirwere chomumwe mwana?

16 Chirwere chakakomba chinogona kuparira vana chinetso mumhuri. Kunokosha kuti vabereki vabetsere vana kunzwisisa zvinodikanwa zvamuka uye zvavangaita kuti vabetsere. Kana uyo arwara ari mwana, vana vanofanira kubetserwa kunzwisisa kuti ngwariro yomuraudzo netarisiro izvo anorwara ari kugamuchira hakurevi kuti vamwe vana vanodiwa zvishomanene. Panzvimbo pokubvumira pfundepfunde kana kuti makwikwi kutanga, vabereki vanogona kubetsera vamwe vana kusanobatana nomumwe nomumwe ndokuva nechidakadaka chechokwadi sezvavanobatira pamwe mukutarisira mamirire ezvinhu akaparirwa nechirwere.

17 Vana vaduku kazhinji kazhinji vachabvuma nokudisa zvikuru kana vabereki vakafadza mirangariro panzvimbo petsananguro refu kana kuti dzakaoma kunzwisisa pamusoro pokurapwa. Naizvozvo vangagona kupiwa pfungwa yakati yeicho mutezo wemhuri unorwara uri kupfuura nomachiri. Kana vana vakasimba vachiona kuti chirwere chinodzivisa sei anorwara kuita zvakawanda zvezvinhu izvo ivo vamene vanorerutsa, sezvingabvira ivo vamene vachava ne“chidakadaka chouhama” nokuva “vane tsitsi zvikuru.”—1 Petro 3:8NW.

18. Vana vakura vanogona sei kubetserwa kunzwisisa zvinetso zvinoparirwa nechirwere, uye ikoku kunogona sei kuva kwebetsero kwavari?

18 Vana vakura vanofanira kubetserwa kuziva kuti mamirire ezvinhu akaoma aripo uye anoda kurega zvimwe zvinhu kunoitwa nomunhu ari wose ari mumhuri. Nemari yokubhadhara chiremba nezvikwereti zvokurapwa zvokubhadhara, kungasabvirira vabereki kugovera vamwe vana sezvavangada. Vana vachashatirirwa ikoku ndokunzwa kuti vari kunyimwa here? Kana kuti vachanzwisisa here mamirire ezvinhu ndokuva vanodisa kurega zvinhu kunodikanwa? Zvakawanda zvinotsamira panzira iyo nhau yacho inokurukurwa nayo uye mudzimu unonyandurwa mumhuri. Zvirokwazvo, mumhuri dzakawanda chirwere chomumwe mutezo wemhuri chakabetsera mukurovedza vana kutevera zano raPauro rokuti: “Musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.”—VaFiripi 2:3, 4.

NZIRA YOKURANGARIRA NAYO KURAPWA

19, 20. (a) Mitoroi iyo misoro yemhuri inotakura apo mumwe mutezo wemhuri unenge uchirwara? (b) Kunyange zvazvo risiri bhuku rinoshandiswa mune zvokurapa, Bhaibheri rinogovera nhungamiro mukutarisira chirwere munzirai?

19 VaKristu vakadzikama havarambi kurapwa chero bedzi kusingapesani nomutemo waMwari. Apo mumwe mutezo wemhuri yavo unorwara, vanodisa kutsvaka betsero yokunyaradza kutambura kwaanorwadziwa. Zvisinei, pangava nemirangariro yavanachiremba inorwisana inofanira kuyerwa. Mukuwedzera, mumakore achangobva kupfuura hosha itsva nezvirwere zvave zvichiitika kamwe kamwe, uye nokuda kwezvakawanda zvaizvozvi, hakuna mutoo unowanzogamuchirwa wokurapa. Kunyange nzvero dzakarurama pane dzimwe nguva dzakaoma kuwana. Chii, ipapoka, icho muKristu anofanira kuita?

20 Kunyange zvazvo mumwe munyori weBhaibheri akanga ari chiremba uye muapostora Pauro akapa zano rokurapa rinobetsera kushamwari yake Timotio, Magwaro inhungamiro yetsika neyomudzimu, kwete bhuku rinoshandiswa mune zvokurapa. (VaKorose 4:14; 1 Timotio 5:23) Nokudaro, munhau dzokurapa, misoro yemhuri yechiKristu inofanira kuita zvisarudzo zvayo imene zvakadzikama. Zvichida ingarangarira kuti ingada kuwana murangariro unopfuura mumwe wavanachiremba. (Enzanisa naZvirevo 18:17.) Zvirokwazvo ichada betsero yakanakisisa inowanika nokuda kwomutezo wayo wemhuri unorwara, uye mizhinjisa inotsvaka iyoyi pakati pavanachiremba venguva dzose. Vamwe vanonzwa zvakanaka zvikuru nokumwe kurapa. Ikokuwo chisarudzo chomunhu oga. Zvisinei, pakutarisira zvinetso zvoutano, vaKristu havaregi kuita kuti ‘shoko raMwari rive mwenje kutsoka dzavo uye chiedza kunzira yavo.’ (Pisarema 119:105) Vanopfuurira kutevera nhungamiro dzinooneswa muBhaibheri. (Isaya 55:8, 9) Nokudaro, vanodzivisa unyanzvi hwokuongorora hunoratidzira kudavira midzimu, uye vanodzivisa kurapa kunopunza nheyo dzeBhaibheri.—Pisarema 36:9; Mabasa 15:28, 29; Zvakazarurwa 21:8.

21, 22. Mumwe mukadzi weAsia akarangarira sei pamusoro peimwe nheyo yeBhaibheri, uye chisarudzo chaakaita chakabvumikisa sei kuva chakarurama mumamirire ake ezvinhu?

21 Rangarira chiitiko chomumwe mukadzi muduku weAsia. Nguva shomanene pashure pokunge avamba kuziva Bhaibheri somugumisiro wokufunda nomumwe weZvapupu zvaJehovha, akasununguka nguva isati yasvika mwanasikana uyo aiyera magiramu 1 470 bedzi. Mukadzi wacho akaodzwa mwoyo apo chiremba akamuudza kuti mwana wacho aizoremara zvakakomba uye haasati aizotongokwanisa kufamba. Akamupa zano rokupa mwana wacho kusangano rinochengeta zvirema. Murume wake akanga asina chokwadi pamusoro penhau yacho. Ndikunaani kwaaigona kutendeukira?

22 Iye anoti: “Ndinoyeuka ndichidzidza muBhaibheri kuti ‘vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ituso.’” (Pisarema 127:3) Iye akasarudza kuendesa iyi “nhaka” kumusha nokuitarisira. Zvinhu zvakanga zvakaoma pakutanga, asi nebetsero yeshamwari dzechiKristu dzomuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha, mukadzi wacho akakwanisa kutarisira nokugovera mwana tsigiro chaiyo yaidikanwa. Makore gumi namaviri gare gare, mwana wacho akanga oenda kumisangano kuHoro yoUmambo uye achifarikanya songaniro yavaduku ikoko. Amai vacho vanotsinhira, kuti: “Ndinoonga kwazvo kuti nheyo dzeBhaibheri dzakandisunda kuita chiri chakarurama. Bhaibheri rakandibetsera kuchengeta hana yakachena pamberi paJehovha Mwari nokusava nokuzvidemba kungadai kwakava neni rutivi rwose rwoupenyu hwangu.”

23. Bhaibheri rinopa nyaradzoi nokuda kwavanorwara uye nokuda kwaavo vanovatarisira?

23 Chirwere hachisati chichizova nesu nokusingaperi. Muporofita Isaya akanongedzera mberi kunguva apo “[kusina, NW] ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Chipikirwa ichocho chichazadzikwa munyika itsva iri kusvika nokukurumidza. Kutozosvikira panguva iyeyo, zvisinei, tinofanira kurwisana nechirwere norufu. Nomufaro, Shoko raMwari rinotipa nhungamiro nebetsero. Mitemo mikuru yomufambiro iyo Bhaibheri rinogovera haigumi, uye inopfuura mirangariro inochinja nguva dzose yavanhu vasina kukwana. Nokudaro, munhu akachenjera anobvumirana nowezvamapisarema uyo akanyora, kuti: “Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. . . . Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, kuti zvakarurama kwazvo. . . . Pakuzvichengeta pane mubayiro mukuru.”—Pisarema 19:7, 9, 11.