Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Regumi Neshanu

Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura

Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura

1. Tine mingavai navabereki vedu, uye naizvozvo tinofanira kunzwa ndokuita sei kwavari?

“TEERERA baba vako vakakubereka; usazvidza [a]mai vako kana vachembera,” akapa zano kudaro murume akachenjera wekare kare. (Zvirevo 23:22) ‘Handingatongoiti izvozvo!’ ungadaro. Panzvimbo pokuzvidza vanaamai vedu—kana kuti vanababa vedu—vazhinjisa vedu tinonzwa tichivada zvikuru. Tinoziva kuti tinofanira kuvaonga zvikuru. Kutanga kwazvose, vabereki vedu vakatipa upenyu. Nepo Jehovha ari Manyuko oupenyu, pasina vabereki vedu tingadai tisimboripo. Hapana chinhu chatinogona kupa vabereki vedu chinokosha soupenyu humene. Ipapo, chimbofunga nezvokurega zvimwe zvinhu, tarisiro yokuitira hanya, ndyiko, uye ngwariro yorudo zvinobatanidzwa mukubetsera mwana kubvira muucheche kusvikira kukuva munhu mukuru. Kune mufungo sei, naizvozvo, kuti Shoko raMwari rinopa zano, kuti: “Kudza baba vako na[a]mai . . . kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika”!—VaEfeso 6:2, 3.

KUZIVA ZVINODIKANWA ZVEMIRANGARIRO

2. Vana vakura vanogona sei kubhadhara “zvakafanira” kuvabereki vavo?

2 Muapostora Pauro akanyorera vaKristu, kuti: “[Vana kana kuti vazukuru] ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.” (1 Timotio 5:4) Vana vakura vanopa izvi “zvakafanira” kupfurikidza nokuratidza kuonga nokuda kwamakore orudo, ebasa, uye etarisiro iyo vabereki vavo navanasekuru vakapedzera pavari. Imwe nzira vana vanogona kuita nayo ikoku iri kupfurikidza nokuziva kuti kufanana nomunhu ari wose zvake, vakuru vanoda rudo nekurudziro—kazhinji kazhinji zvikuru saizvozvo. Kufanana nesu tose, ivo vanoda kunzwa vachikosheswa. Vanoda kunzwa kuti upenyu hwavo hwakafanira.

3. Tinogona sei kukudza vabereki navanasekuru?

3 Naizvozvo tinogona kukudza vabereki vedu navanasekuru kupfurikidza nokuvaita kuti vazive kuti tinovada. (1 VaKorinte 16:14) Kana vabereki vedu vasiri kugara nesu, tinofanira kuyeuka kuti kunzwa kuti takadini kunogona kureva zvakawanda zvikuru kwavari. Tsamba inofadza, kuridza runhare, kana kuti shanyo zvinogona kuparira zvikuru mufaro wavo. Miyo, uyo anogara muJapan, akanyora apo akanga ava namakore 82 ezera, kuti: “Mwanasikana wangu [ane murume ari mushumiri anofambira] anondiudza, kuti: ‘Amai, ndapota “fambai” nesu.’ Anonditumira rudungwe rwokufamba kwavo kwakarongwa nenhamba yorunhare yevhiki nevhiki. Ndinogona kuvhura mapu yangu ndokuti: ‘Aa. Zvino vari apa!’ Nguva dzose ndinoonga Jehovha nokuda kwechikomborero chokuva nomwana akadaro.”

KUBATSIRA NEZVINODIKANWA ZVOKUNYAMA

4. Gamuchidzanwa rorudzidziso rwechiJudha rakakurudzira sei utsinye kuvabereki vakwegura?

4 Kukudza vabereki vomunhu kungabatanidzawo here kutarisira zvinodikanwa zvavo zvokunyama? Hungu. Kunowanzodaro. Muzuva raJesu vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vaitsigira gamuchidzanwa rokuti kana munhu akazivisa kuti mari yake kana kuti chinhu zvakanga zviri “chipo kuna Mwari,” aisunungurwa pamutoro wokuchishandisa kutarisira vabereki vake. (Mateo 15:3-6) Utsinye hwakadini! Chaizvoizvo, vatungamiriri vorudzidziso ivavo vakanga vachikurudzira vanhu kusakudza vabereki vavo asi kuvazvidza kupfurikidza nokuvanyima nenzira youdyire zvinodikanwa zvavo. Hatitongodi kuita izvozvo!—Dheuteronomio 27:16.

5. Pasinei zvapo negadziriro dzinoitwa nehurumende dzedzimwe nyika, neiko kukudza vabereki vako pane dzimwe nguva kuchibatanidza kuvapa betsero yemari?

5 Munyika zhinji nhasi, zvirongwa zvenzanga zvinotsigirwa nehurumende zvinogovera zvakati kuti zvezvinodikanwa zvokunyama zvavakweguru, zvakadai sezvokudya, zvokupfeka, uye pokugara. Mukuwedzera kuna izvozvo, vakweguru vamene vangave vakakwanisa kuita gadziriro yakati nokuda kwoukweguru hwavo. Asi kana gadziriro idzodzi dzikapera kana kuti dzikabvumikisa kuva dzisina kukwana, vana vanokudza vabereki vavo kupfurikidza nokuita chavanogona kuti vagovere zvinodikanwa zvavabereki. Kutaura idi, kutarisira vabereki vakwegura ufakazi hwokuzvipira kwoumwari, ndiko kuti, kuzvipira kwomunhu kuna Jehovha Mwari, Muvambi wegadziriro yemhuri.

RUDO NOKUREGA ZVIMWE ZVINHU

6. Igadziriroi dzokugara dzakaita vamwe kuti vatarisire zvinodikanwa zvavabereki vavo?

6 Vana vakura vazhinji vakapa zvinodikanwa zvavabereki vavo ndonda norudo nokurega zvimwe zvinhu. Vamwe vakapinza vabereki vavo mumisha mavo vamene kana kuti vakatama kuti vave pedyo navo. Vamwe vakatama kuti vagare navabereki vavo. Kazhinji kazhinji, gadziriro dzakadaro dzakabvumikisa kuva chikomborero kuvose vari vaviri vabereki navana.

7. Neiko kwakanaka kusaita nechimbichimbi mukuita zvisarudzo pamusoro pavabereki vakwegura?

7 Pane dzimwe nguva, kunyange zvakadaro, kutama kwakadaro hakuna migumisiro yakanaka. Neiko? Zvichida nemhaka yokuti zvisarudzo zvinoitwa nechimbichimbi zvikuru kana kuti zvinovakirwa pamawara bedzi bedzi. “Wakangwara unongwarira mafambire ake,” Bhaibheri rinonyevera kudaro nenzira yokuchenjera. (Zvirevo 14:15) Somuenzaniso, ngatitii amai vako vakwegura vari kuva nechinetso chokugara vari voga uye unofunga kuti ivo vangabetserwa nokutama kuuya kuzogara newe. Mukurangarira nokuchenjera zviito zvako, ungarangarira zvinotevera: Ndezvipi zviri zvinodikanwa zvavo chaizvoizvo? Kune here werofeya dzisiri dzehurumende kana kuti dzinotsigirwa nehurumende idzo dzinopa imwe mhinduro inogamuchirika? Vanoda kutama here? Kana vachida, upenyu hwavo huchatapurwa munzirai? Vachafanira kusiya shamwari shure here? Ikoku kungavatapura sei mumirangariro? Wakataura here zvinhu izvozvi navo? Chiito chakadaro chingakutapura sei, mukwanyina wako, vana vako umene? Kana amai vako vachida tarisiro, ndiani achaigovera? Mutoro wacho unogona kugoveranwa here? Wakakurukura nhau yacho navose vanobatanidzwa zvakananga here?

8. Ndivanaani vaungakwanisa kubvunza pakusarudza nzira yokubetsera nayo vabereki vako vakwegura?

8 Sezvo mutoro wokutarisira uchibatanidza vana vose vari mumhuri, kungava kuchenjera kuva nomusangano wemhuri kuitira kuti vose vagogoverana mukuita zvisarudzo. Kutaura kuvakuru vari muungano yechiKristu kana kuti kushamwari dzakatarisana namamirire ezvinhu akafanana kungavawo kunobetsera. “Pasingaranganwi mano anokona,” rinonyevera kudaro Bhaibheri, “asi kuna varayiri vazhinji ndokwaanosimbiswa.”—Zvirevo 15:22.

IVA ANONZWIRA TSITSI NAANONZWISISA

9, 10. (a) Pasinei zvapo noukweguru hwavo, irangariroi inofanira kupiwa kuvakweguru? (b) Pasinei zvapo nenhano dzipi kana dzipi idzo mwana akura anoitira vabereki vake, chii chaanofanira kuvapa nguva dzose?

9 Kukudza vabereki vedu vakwegura kunoda kunzwira tsitsi nokunzwisisa. Sezvo kukwegura kunounza migumisiro yakakomba, vakuru vangakuwana kwakaoma nenzira inowedzera kufamba, kudya, uye kuyeuka. Vangada betsero. Kazhinji kazhinji vana vanova vanonyanyodzivirira ndokuedza kugovera nhungamiro. Asi vakweguru vanhu vakuru vane nduramo youchenjeri hwakaunganidzwa noruzivo rwokuzviwanira, nduramo yokuzvitarisira vamene nokuita zvisarudzo zvavo vamene. Kuzivikanwa kwavo nokuzviremekedza zvingananga pamabasa avo savabereki navanhu vakuru. Vabereki vanorangarira kuti vanofanira kuita kuti upenyu hwavo hudzorerwe navana vavo vangava vanoodzwa mwoyo kana kuti vakatsamwa. Vamwe vanoshatirirwa ndokudzivisa dzavangaona senhamburiko dzokuvatorera kuzvimirira kwavo.

10 Hakuna mhinduro dziri nyore kuzvinetso zvakadaro, asi mutsa kubvumira vabereki vakwegura kuzvitarisira vamene ndokuita zvisarudzo zvavo vamene kusvikira patambanuko inobvira. Kuchenjera kusaita chisarudzo pamusoro pechiri chakanakisisa nokuda kwavabereki vako pasina kutanga kutaura kwavari. Vangave vakarasikirwa nezvakawanda. Vabvumire kuchengeta zvavachinazvo. Ungawana kuti ukaedza zvishoma kudzora upenyu hwavabereki vako, ukama hwako navo huchava huri nani zvikuru. Vachava vanofara zvikuru, ndozvauchaitawo. Kunyange kana kuri madikanwa kuomerera pazvimwe zvinhu nokuda kwenakirwo yavo, kukudza vabereki vako kunoda kuti uvape chiremera noruremekedzo zvavakafanirwa nazvo. Shoko raMwari rinopa zano, kuti: “Unofanira kusimukira vachena vhudzi, nokukudza mutana.”—Revhitiko 19:32.

KUCHENGETA CHIMIRO CHENDANGARIRO CHAKARURAMA

11-13. Kana ukama hwomwana akura navabereki vake hwave husina kunaka munguva yakapfuura, anogona sei kungotarisira denho yokuvatarisira muukweguru hwavo?

11 Pane dzimwe nguva chinetso icho vana vakura vanotarisana nacho mukukudza vabereki vavo vakwegura chinobatanidza ukama uhwo vaiva nahwo navabereki vavo munguva dzapakuvamba zvikuru. Zvichida baba vako vaisava noushamwari uye vasina rudo, amai vako vaidzvinyirira uye vaiva nehasha. Ungave uchiri kunzwa wakavhiringidzika, wakatsamwa, kana kuti uchirwadzwa nemhaka yokuti vakanga vasiri vabereki avo waida kuti vave. Unogona kukurira mirangariro yakadaro here? *

12 Basse, uyo akakurira muFinland, anorondedzera, kuti: “Baba vangu vokurera vakanga vari muSS muNazi Germany. Vaisatana kushatirwa, uye ipapo vaiva nengozi. Vairova amai vangu kakawanda ini ndiripo. Pane imwe nguva apo vakanga vakanditsamwira, vakakanda bhande ravo ndokundirova muchiso nesimbi yaro. Yakandirova zvakasimba kwazvo zvokuti ndakawira pamubhedha.”

13 Bva, kwakanga kune rumwe rutivi rwounhu hwavo. Basse anowedzera, kuti: “Pane rumwe rutivi, vaishanda zvakaoma zvikuru uye vaisaregeredza mukutarisira mhuri mune zvokunyama. Vaisatongondiratidzira chidakadaka choubaba, asi ndaiziva kuti vakanga vakuvadzwa mumirangariro. Amai vavo vakanga vavadzinga apo vakanga vari mukomana muduku. Vakakura vachirwa uye vakapinda muhondo vari jaya. Ndaigona kunzwisisa kusvikira pamwero wakati uye handina kuvashora. Apo ndakakura, ndakada kuvabetsera zvikuru sezvandaigona kusvikira parufu rwavo. Kwakanga kusiri nyore, asi ndakaita zvandaigona. Ndakaedza kuva mwanakomana akanaka kusvikira vafa, uye ndinofunga kuti vakandigamuchira saakadaro.”

14. Rugwaroi rwunoshanda mumamirire ose ezvinhu, kubatanidza ayo anomuka mukutarisira vabereki vakwegura?

14 Mumamirire ezvinhu emhuri, somuzvimwe zvinhu, zano reBhaibheri rinoshanda, rinoti: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.”—VaKorose 3:12, 13.

VATARISIRI VANODAWO TARISIRO

15. Nei kutarisira vabereki pane dzimwe nguva kuchinetsa?

15 Kutarisira mubereki ndonda ibasa rakaoma, rinobatanidza mabasa akawanda, mutoro mukuru, uye maawa akawanda. Asi rutivi rwakaoma zvikurusa runowanzova rwemirangariro. Kunorwadza kucherekedza vabereki vako vachirasikirwa noutano hwavo, yeuko, uye kuzvimirira. Sandy, uyo anobva kuPuerto Rico, anorondedzera, kuti: “Amai vangu vakanga vachikosha mumhuri yedu. Kwakanga kuchirwadza zvikuru kuvatarisira. Kutanga vakatanga kugamhina; ipapo vaida tsvimbo, ipapo mutondoro, ipapo wheelchair. Pashure paikoko vakadzikira zvikuru kutozosvikira vafa. Vakava nekenza papfupa nokuda tarisiro yenguva dzose—masikati nousiku. Taivashambidza uye kuvadyisa ndokuvaravira. Kwakanga kwakaoma zvikuru—zvikurukuru mumirangariro. Apo ndakaziva kuti amai vangu vakanga vofa, ndakachema nemhaka yokuti ndaivada zvikuru kwazvo.”

16, 17. Izanoi ringabetsera mutarisiri kuchengeta murangariro wakadzikama wezvinhu?

16 Kana ukazviwana umene uri mumamirire ezvinhu akafanana, chii chaunogona kuita kuti ugonane nawo? Kuteerera Jehovha kupfurikidza nokurava Bhaibheri nokutaura kwaari kupfurikidza nomunyengetero zvichakubetsera zvikuru kwazvo. (VaFiripi 4:6, 7) Nenzira inoshanda, iva nechokwadi chokuti unodya zvokudya zvinovaka muviri uye edza kurara zvakakwana. Kupfurikidza nokuita ikoku, uchakwanisa zviri nani, mose muri muviri mumirangariro nomumuviri, kutarisira mudiwa wako. Zvichida unogona kuronga kuzorora panhambo nenhambo mubasa rezuva nezuva. Kunyange kana zororo risingabviri, kuchiri kuchenjera kuronga nguva yakati yenhandaro. Kuti uwane nguva yokuenda, unokwanisa kuronga kuti mumwe munhu agare nomubereki wako anorwara.

17 Hakusi kwechienzi kuti vatarisiri vakura vave nekariro dzisina mufungo pamusoro pavo vamene. Asi usanzwa une mhaka yeizvo usingagoni kuita. Mumamwe mamirire ezvinhu ungada kuronzesa mudiwa wako kuti atarisirwe nomusha unotarisira chembere. Kana uri mutarisiri, zviisire umene kariro dzine mufungo. Unofanira kudzikamisa zvinodikanwa kwete bedzi zvavabereki vako asiwo zvavana vako, mukwanyina wako, uye iwe umene.

SIMBA RINOPFUURA RENGUVA DZOSE

18, 19. Chipikirwai chetsigiro chakaita Jehovha, uye ndichakaitikai chinoratidza kuti anochengeta ichi chipikirwa?

18 Kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri, Jehovha anogovera nenzira yorudo nhungamiro iyo inogona kuyamura zvikuru kwazvo mumwe munhu mukutarisira vabereki vokwegura, asi iyoyo haisati iri betsero bedzi yaanogovera. “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari,” akanyora kudaro wezvamapisarema achifuridzirwa. “Uchanzwawo kudanidzira kwavo, ndokuvaponesa.” Jehovha achaponesa, kana kuti achachengeta, vakatendeka vake kunyange mumamirire ezvinhu akaoma zvikurusa.—Pisarema 145:18, 19.

19 Myrna, ari muPhilippines, akaziva ikoku pakutarisira amai vake, avo vakaitwa ndonda nesitiroko. “Hakuna chimwe chinhu chinoodza mwoyo zvikuru chinopfuura kuona mudiwa wako achitambura, asingakwanisi kukuudza panorwadza,” anonyora kudaro Myrna. “Kwakanga kwakafanana chaizvo nokuvaona vachinyura zvishoma nezvishoma, uye kwakanga kusina chinhu chandaigona kuita. Ndaipfugama kakawanda ndokutaura kuna Jehovha pamusoro pokuti ndakanga ndaneta sei. Ndakadanidzira saDhavhidhi, uyo akakumbira Jehovha kuti aise misodzi yake mubhodhoro ndokumuyeuka. [Pisarema 56:8] Uye seizvo Jehovha akapikira, iye akandipa simba randaida. ‘Jehovha akasvika pakuva sechitsigiro changu.’”—Pisarema 18:18.

20. Zvipikirwai zveBhaibheri zvinobetsera vatarisiri kuti varambe vane tariro, kunyange kana munhu wavari kutarisira akafa?

20 Kwakataurwa kuti kutarisira vabereki vokwegura i“nhau isina mugumo unofadza.” Pasinei zvapo nenhamburiko dzakanakisisa dzokutarisira, vakura vangafa, sezvakaita amai vaMyrna. Asi avo vanovimba naJehovha vanoziva kuti rufu harusi mugumo wazvose. Muapostora Pauro akati: “Ndine tariro kuna Mwari, . . . kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Avo vakarasikirwa navabereki vakwegura murufu vanowana nyaradzo mutariro yorumuko pamwe chete nechipikirwa chenyika itsva inofadza inoitwa naMwari umo “rufu rusati ruchizovamozve.”—Zvakazarurwa 21:4NW.

21. Migumisiroi yakanaka inobva mukukudza vabereki vakwegura?

21 Vabatiri vaMwari vanoremekedza zvikuru vabereki vavo, kunyange zvazvo ivava vangave vakwegura. (Zvirevo 23:22-24) Vanovakudza. Mukuita saizvozvo, vanowana izvo chirevo chakafuridzirwa chinotaura, kuti: “Baba vako na[a]mai vako ngavafare.” (Zvirevo 23:25) Uye zvikurusa, avo vanokudza vabereki vavo vakwegura vanofadzawo ndokukudza Jehovha Mwari.

^ ndima 11 Pano hatisi kukurukura mamirire ezvinhu umo vabereki vakanga vane mhaka yokushandiswa zvisakafanira zvikuru kwesimba ravo nechivimbo, kusvikira kukurangarirwa kuva nemhaka youtsotsi.