Jobho 19:1-29
19 Jobho akapindura achiti:
2 “Mucharamba muchishungurudza mweya wangu*+ kusvikira riini,Muchindipwanya nemashoko?+
3 Mandituka* kagumi aka;Hamunyari kundibata zveutsinye.+
4 Uye kana paine chandakakanganisa zvechokwadi,Chivi changu chichangoramba chiri changu.
5 Kana mukaramba muchizvikwidziridza pamusoro pangu,Muchiona sekuti zvakakodzera kuti munditsoropodze,
6 Ibvai maziva kuti Mwari ndiye akanditsausa,Uye akandibata mumambure ake ekuvhimisa.
7 Onai! Ndinoramba ndichishevedzera kuti, ‘Ndakuvadzwa!’ asi handipindurwi;+Ndinoramba ndichichemera kubatsirwa, asi hapana anonditonga zvakarurama.+
8 Akavhara nzira yangu nerusvingo rwematombo, uye handikwanisi kupfuura;Akaita kuti migwagwa yangu ive rima rega rega.+
9 Akabvisa kukudzwa kwanguUye akabvisa korona mumusoro mangu.
10 Anondipwanya kumativi ese kusvikira ndaparara;Anodzura tariro yangu semuti.
11 Anondivirukira nehasha,Uye anondiona semuvengi wake.+
12 Mauto ake anoungana ondikomba,Uye anodzika musasa akakomberedza tende rangu.
13 Akadzingira hama dzangu kure neni,Uye vaya vanondiziva vandisiya.+
14 Shamwari dzangu dzepedyo* hadzisisipo,Uye vaya vandainyatsoziva vandikanganwa.+
15 Vaenzi vari mumba mangu+ nevarandasikana vangu vanondiona semumwe munhuwo zvake;Vanondiona semubvakure.
16 Ndinoshevedza mushandi wangu, asi haadavire;Ndinomukumbira nemuromo wangu kuti andinzwire tsitsi.
17 Mweya unobuda mukanwa mangu wava kusemesa mudzimai wangu,+Uye ndava kunhuhwira vana vaamai vangu chaivo.
18 Kunyange vana vadiki vanondizvidza;Pandinosimuka, vanotanga kudanidzira vachindinyomba.
19 Shamwari dzangu dzepedyo dzese dzinondisema,+Uye vaya vandaida vandipandukira.+
20 Mapfupa angu anamatirana neganda rangu nenyama yangu,+Uye ndinopona nepaburi retsono.*
21 Ndinzwireiwo tsitsi, shamwari dzangu, ndinzwireiwo tsitsi,Nekuti ndabatwa neruoko rwaMwari.+
22 Munorambireiko muchinditambudza sezviri kuitwa naMwari,+Muchingondirwisa musingazorori?*+
23 Dai mashoko angu ainyorwa hawo pasi,Dai ainyorwa mubhuku!
24 Dai aiita zvekutemerwa padomboNechinyoreso chesimbi nemutobvu!
25 Nekuti ndinonyatsoziva kuti mudzikinuri wangu+ mupenyu;Achazouya, omira pamusoro penyika.*
26 Pashure pekunge ganda rangu raparadzwa saizvozvo,Ndichiine nyama yangu, ndichaona Mwari,
27 Wandichazvionera ndega,Wandichaona nemaziso angu, kwete emumwe munhu.+
Asi mukatikati mangu zviri kundikurira.*
28 Nekuti munoti, ‘Tiri kumutambudza pakudii?’+
Sezvo mudzi wedambudziko racho ndiri ini.
29 Ityai bakatwa,+Nekuti bakatwa rinoranga vakanganisa;Munofanira kuziva kuti kune mutongi.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “muchindishungurudza.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana Mweya.
^ Kana kuti “Manditsoropodza.”
^ Kana kuti “Hama dzangu.”
^ ChiHeb., “neganda repamazino angu.”
^ ChiHeb., “Musingagutswi nenyama yangu.”
^ ChiHeb., “pamusoro peguruva.”
^ Kana kuti “itsvo dzangu dzaneta mukatikati mangu.”