Isaya 33:1-24
33 Une nhamo iwe muparadzi asina kumboparadzwa;+Iwe mutengesi asina kumbotengeswa!
Pauchapedza kuparadza, uchaparadzwa.+
Pauchapedza kutengesa vamwe, uchatengeswa.
2 Haiwa Jehovha, tinzwirei nyasha.+
Takatarisira kwamuri.
Ivai ruoko rwedu*+ mangwanani ega ega,Chokwadi ivai ruponeso rwedu munguva yekutambudzika.+
3 Marudzi anotiza paanonzwa zhowezhowe.
Pamunosimuka, marudzi anopararira.+
4 Zvinhu zvenyu zvichapambwa zvichiunganidzwa, sekuunganidza kunoita mhashu dzinodya dzisingasiye chinhu;Vanhu vachamhanyira pazviri semhashu dzakawanda.
5 Jehovha achakwidziridzwa,Nekuti anogara kumusoro.
Achaita kuti Ziyoni rizare nekuteerera mutemo uye kururama.
6 Ndiye anodzikamisa zvinhu panguva yako;Ruponeso rukuru,+ uchenjeri hwakadzama, ruzivo rwakawanda, uye kutya Jehovha,+Ndiyo pfuma yake.
7 Inzwai! Magamba avo ari kushevedzera ari mumugwagwa;Nhume dzerugare dziri kuchema chaizvo.
8 Migwagwa mikuru haichafambwi;Hapana ari kufamba netunzira tudiki.
Aputsa* sungano;Aramba maguta;Haana basa nemunhu.+
9 Nyika iri kuchema* uye iri kusvava.
Rebhanoni yanyadziswa;+ yaora.
Sharoni yaita segwenga,Uye Bhashani neKameri zviri kuzunza mashizha azvo.+
10 “Iye zvino ndichasimuka,” anodaro Jehovha,“Iye zvino ndichazvikwidziridza;+Iye zvino ndichaita kuti ndikudzwe.
11 Munobata pamuviri peuswa hwakaoma, mobereka mashanga.
Mafungiro enyu achakuparadzai sezvinoita moto.+
12 Marudzi achaita semadota anosara panotsva raimu.
Vachapiswa nemoto seminzwa yakatemwa.+
13 Imi muri kure, inzwai zvandichaita!
Uye imi muri pedyo, bvumai kuti ndine simba!
14 Vatadzi vari muZiyoni vari kutya;+Vapanduki vari kudedera vachiti:
‘Ndiani wedu angagara pane moto unoparadza?+
Ndiani wedu angagara nemarimi emoto asingadzimiki?’
15 Munhu anoramba achifamba mukururama,+Uya anotaura zvakarurama,+Uya anoramba mubereko unobva pakubiridzira uye pakusatendeka,Uya ane maoko anoramba kutambira chiokomuhomwe pane kuchitora,+Uya anovhara nzeve yake kuti isanzwa vanotaura nezvekudeura ropa,Uye anovhara maziso ake kuti asaona zvakaipa,
16 Achagara munzvimbo dzakakwirira;Nzvimbo yake yekupotera* ichava munhare* dzine matombo,Achapiwa chingwa,Uye mvura yake haizomboperi.”+
17 Maziso ako achaona mambo mukubwinya kwake;Achaona nyika iri kure.
18 Mumwoyo mako uchayeuka* kutyisa kwazvaiita uchiti:
“Munyori ari kupi?
Uya aiyera mutero ari kupi?+
Uya aiverenga shongwe ari kupi?”
19 Hauzooni zvakare vanhu vasina ruremekedzo,Vanhu vane mutauro wakaoma kunzwisisa,*Vane rurimi runokakama rwausinganzwisisi.+
20 Tarisa Ziyoni, iro guta remitambo yedu!+
Maziso ako achaona Jerusarema senzvimbo yekugara ine runyararo,Setende risingazobviswi pariri.+
Hoko dzaro hadzizombodzurwi,Uye hapana tambo dzaro dzichadamburwa.
21 Asi ikoko, Jehovha, iye Mukuru,Achava nzvimbo ine nzizi nemigero yakafara kwatiri,Isingazosvikwi neboka rezvikepeUye isina ngarava huru dzichapfuura nepairi.
22 Nekuti Jehovha ndiye Mutongi wedu,+Jehovha ndiye Anotipa Mutemo,+Jehovha ndiye Mambo wedu;+Ndiye achatiponesa.+
23 Tambo dzako dzichange dzisina kukaka;Hadzikwanisi kutsigira bango refu rengarava rinoenda mudenga kana kutambanudza seiri rengarava.
Panguva iyoyo pachagovanwa zvinhu zvakawanda zvinenge zvapambwa;Kunyange vakaremara vachatora zvinhu zvizhinji.+
24 Uye hakuna mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.”+
Vanhu vachagara munyika yacho vacharegererwa kukanganisa kwavo.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “simba redu.”
^ Pari kureva muvengi.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “iri kuoma.”
^ Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ Kana kuti “uchafungisisa.”
^ ChiHeb., “wakadzama.”