Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shoko” raJehovha Ngarikuchengetedze

“Shoko” raJehovha Ngarikuchengetedze

“Shoko” raJehovha Ngarikuchengetedze

MUNA 490 B.C.E. pahondo yakakurumbira yokuMarathon, vanhu vokuAtene vaiva pakati pezviuru 10 ne20 vakarwisana neuto revaPezhiya raive rakakura chaizvo. Chainyanya kukosha paunyanzvi hwevaGiriki raiva boka remauto aifamba ari pedyo napedyo. Nhoo dzawo dzainge dzakavhara semadziro okudzivirira asina pokupinda napo, aine mapfumo anobudikira kunze akanongedzerwa. Boka remauto aifamba ari pedyo napedyo rakaita kuti mauto okuAtene akunde gurusvusvu remauto okuPezhiya zvinoshamisa.

VaKristu vechokwadi vari kurwa hondo yezvokunamata. Vanorwisana nevavengi vane simba—vatongi vasingaoneki vemamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino, avo vanotsanangurwa muBhaibheri se“vatongi venyika verima rino, . . . masimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12; 1 Johani 5:19) Vanhu vaMwari vanoramba vachikunda—asi kwete nesimba ravo voga. Kukudzwa kwose kunoenda kuna Jehovha, anovachengetedza uye anovarayira, sezvinotaurwa nePisarema 18:30 kuti: “Shoko raJehovha rakanatswa. Iye inhoo kuna vose vanopotera kwaari.”

Hungu, achishandisa “shoko” rake rakanatswa, riri muMagwaro Matsvene, Jehovha anodzivirira vashumiri vake vakavimbika kuti vasakuvadzwe mune zvokunamata. (Pisarema 19:7-11; 119:93) Nezvouchenjeri huri muShoko raMwari, Soromoni akanyora kuti: “Usahusiya, uye ihwo huchakuchengeta. Hude uye ihwo huchakuchengetedza.” (Zvirevo 4:6; Muparidzi 7:12) Uchenjeri hwaMwari hunotichengetedza sei kuti tisakuvadzwe? Funga nezvomuenzaniso wevaIsraeri vekare.

Vanhu Vakadzivirirwa Nouchenjeri hwaMwari

Mitemo yaJehovha yakadzivirira uye kutungamirira vaIsraeri muzvinhu zvose zvoupenyu. Somuenzaniso, mirayiro yezvokudya, youtsanana, uye yokuparadzaniswa kwevaiva nezvirwere zvinotapukira yakavadzivirira pazvirwere zvizhinji zvakaonesa ndondo mamwe marudzi. Sayenzi payakatozoziva utachiona muzana remakore rechi19 ndipo payakatanga kufambirana noMutemo waMwari. Mitemo youridzi hwevhu, kudzikinura, kudzima chikwereti, uye chimbadzo yakaita kuti vagarisane zvakanaka uye vave nepfuma yokuzvishandira. (Dheuteronomio 7:12, 15; 15:4, 5) Mitemo yaJehovha yakatobatsirawo kuti ivhu revaIsraeri rirambe rakapfuma! (Eksodho 23:10, 11) Mitemo yairambidza kunamata kwenhema yakachengetedza vanhu mune zvokunamata, ichivadzivirira pakutambudzwa nemadhimoni, pakubayira vana, uye pane zvimwe zvakaipa zvakawanda, tisingarevi nezvechiito chinoshoresa chokupfugamira zvidhori zvisina upenyu kwaiitwa nevanhu.—Eksodho 20:3-5; Pisarema 115:4-8.

Zviri pachena kuti “shoko” raJehovha rakaratidza kuti ‘harisi shoko risina zvarinobatsira’ kuvaIsraeri, asi raireva upenyu uye mazuva akawanda kune vose vairiteerera. (Dheuteronomio 32:47) Ndizvo zvazvakaitawo nhasi kune vanochengeta mashoko aJehovha, kunyange zvazvo vaKristu vasisiri pasi pesungano yoMutemo. (VaGaratiya 3:24, 25; VaHebheru 8:8) Kutaura zvazviri, panzvimbo pebumbiro remitemo, vaKristu vanotungamirirwa uye vanochengetedzwa nezvakawanda zviri muBhaibheri.

Vanhu Vanodzivirirwa Nezviri muBhaibheri

Mitemo inogona kushanda pazvinhu zvishoma uye inogona kuvapo kwenguva pfupi. Zvisinei, zvinhu zviri muBhaibheri, zvachiri chokwadi chinokosha, zvinowanzoshanda pazvinhu zvakawanda uye zvechigarire. Somuenzaniso, funga nezvezviri pana Jakobho 3:17, muchidimbu panoti: “Uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare.” Chokwadi ichocho chinokosha chinogona kudzivirira vanhu vaMwari sei nhasi?

Kuva akachena zvinoreva kuva netsika dzakanaka. Saka, vaya vanokoshesa kuva vakachena havangovavariri kuti varege unzenza chete, asiwo zvinhu zvinotungamirira kuunzenza, kusanganisira kufungidzira kuita zvepabonde uye kuona zvinonyadzisira. (Mateu 5:28) Saizvozvowo, kana vaviri vanenge vachidanana vakateerera mashoko eBhaibheri ari pana Jakobho 3:17, havazombojairani zvokuti vangasvika pakuita unzenza. Nemhaka yokuti vanotungamirirwa nezviri muBhaibheri, havafurirwi kuita zvounzenza, zvichida vachifunga kuti chero bedzi vasina kunyatsotyora mutemo, mufambiro wavo unotenderwa naJehovha. Vanoziva kuti Jehovha “anoona zvakaita mwoyo” oita maererano nazvo. (1 Samueri 16:7; 2 Makoronike 16:9) Vakangwara ava vanodzivirira nyama yavo pazvirwere zvakawanda zvinotapuriranwa pabonde zvakapararira zvikuru mazuva ano uyewo kudzivirira pfungwa dzavo kuti dzive dzakagadzikana.

Jakobho 3:17 inoti uchenjeri hwaMwari hunewo “rugare.” Tinoziva kuti, Satani anoedza kutibvisa kuna Jehovha nokuisa pfungwa dzechisimba mumwoyo yedu, pamwe achishandisa mabhuku asina kunaka, mafirimu, nziyo, uye mitambo yepakombiyuta—mimwe mitambo yacho inoita kuti vari kutamba vatevedzere utsinye uye kuponda zvisingafungidziriki! (Pisarema 11:5) Kubudirira kwaSatani kuri kuonekwa nokuparwa kwemhosva dzechisimba kuri kuwedzera. Nezvemhosva idzodzo, makore akapfuura pepanhau rokuAustralia rinonzi The Sydney Morning Herald rakatora mashoko aRobert Ressler, akatanga nechirevo chokuti “mhondi yemakoko.” Ressler akati mhondi dzaakabvunzurudza kuma1970 dzakafurirwa nezvinonyadzisira izvo “zvava kupfuurwa nokure nezvavako mazuva ano.” Nokudaro, Ressler akataura nezve“ramangwana risingafadzi—zana remakore idzva umo mhondi dzinouraya vanhu vakawanda dzinowedzera zvikuru.”

Zvechokwadi, mwedzi mishomanana izvi zvataurwa, mumwe murume aiva nepfuti akauraya vana 16 nomudzidzisi wavo pakireshi muDunblane, Scotland, asati azviuraya. Mumwedzi wakatevera mumwe mupengo aiva nepfuti akarakasha vanhu 32 muguta rakanyarara rokuTasmania rePort Arthur, Australia. Mumakore achangobva kupfuura United States yakatambudzwa nokupondwa kunoverengeka kwevana vechikoro, zvichiita kuti vanhu vokuAmerica vabvunze kuti, Nemhaka yei? Muna June 2001, Japan ndiyo yainyanya kutaurwa nezvayo munhau apo mumwe munhu anopenga akapinda muchikoro akabaya nebanga vana 8 vomugiredhi rokutanga nerechipiri vakafa uye akacheka vamwe vanhu 15. Kutaura chokwadi, zvinokonzera uipi hwakadai hazvinzwisisiki, asi chisimba chinoratidzwa mumafirimu chiri kuwedzera chinoonekwa sechimwe chinohukonzera. Munyori wenhau wokuAustralia anonzi Phillip Adams akati: “Kana kushambadza chinhu kweminiti imwe kuchiita kuti chinhu chitengwe zvinoshamisa, musandiudza kuti firimu remaawa maviri harichinji unhu.” Sezvineiwo, mumusha wemhondi yokuPort Arthur yaishandisa pfuti, mapurisa akawana mavhidhiyo 2 000 anoratidza chisimba uye zvinonyadzisira.

Vaya vanoomerera pane zviri muBhaibheri vanodzivirira pfungwa nemwoyo zvavo pamarudzi ose evaraidzo dzinokurudzira kuda kuita zvechisimba. Nokudaro, “mudzimu wenyika” hauwani nzvimbo mune zvavanofunga uye mune zvavanoda. Pane kudaro, vari ‘kudzidziswa nomudzimu [waMwari],” uye vanoedza kukudziridza kuda zvibereko zvacho, zvinosanganisira rugare. (1 VaKorinde 2:12, 13; VaGaratiya 5:22, 23) Izvi vanozviita nokudzidza Bhaibheri nguva dzose, kunyengetera, uye kufungisisa zvinovaka. Havashamwaridzaniwo nevanhu vanoda zvechisimba, asi vanosarudza kushamwaridzana nevaya, kufanana navo, vanoda nyika itsva yaJehovha ine rugare. (Pisarema 1:1-3; Zvirevo 16:29) Chokwadi, uchenjeri hwaMwari hunodzivirira chaizvo!

“Shoko” raJehovha Ngarichengetedze Mwoyo Wako

Paakaedzwa murenje, Jesu akaratidza Satani kuti aireva nhema achitaura nenzira yakarurama zviri muShoko raMwari. (Ruka 4:1-13) Zvisinei, haana kuitisana nharowo zvadzo naDhiyabhorosi dzokuda kuona akachenjera kupfuura mumwe. Nokuzvidzivirira achishandisa Magwaro, Jesu akataura zvichibva pamwoyo, ndosaka zano raDhiyabhorosi, rakanga ramboshanda chaizvo muEdheni, rakakundikana pana Jesu. Manomano aSatani achakundikanawo patiri kana tikazadza mwoyo yedu nemashoko aJehovha. Hapana chingakosha kupfuura ipapo, “nokuti [mumwoyo] ndimo mune matsime oupenyu.”—Zvirevo 4:23.

Uyezve, tinofanira kuramba tichichengetedza mwoyo wedu, tisingamboregi. Satani, zvaakakundikana murenje, haana kubva arega kuedza Jesu. (Ruka 4:13) Acharambawo akati nanga nanga nesu, achiedza mazano akasiyana-siyana kuti aputse kuvimbika kwedu. (Zvakazarurwa 12:17) Saka, ngatitevedzerei Jesu tichikudziridza chido chikuru cheShoko raMwari, panguva imwe chete tichiramba tichinyengeterera mudzimu mutsvene uye uchenjeri. (1 VaTesaronika 5:17; VaHebheru 5:7) Tikadaro, Jehovha anovimbisa vose vanovanda maari kuti havazokuvadzwi mune zvokunamata.—Pisarema 91:1-10; Zvirevo 1:33.

Shoko raMwari Rinochengetedza Ungano

Satani haangatadzisi “boka guru revanhu” rakafanotaurwa kuti ripone pakutambudzika kukuru. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Kunyange zvakadaro, achiri kuedza chaizvo neshungu kunyengedza vaKristu kuitira kuti zvichida vamwe varasikirwe nenyasha dzaJehovha. Zano racho rakashanda muIsraeri yekare uye rakaurayisa vanhu 24 000 pavakanga vava kutoda kupinda muNyika Yakapikirwa. (Numeri 25:1-9) Ichokwadi kuti vaKristu vanoita chivi vanoratidza kupfidza kwechokwadi vanobatsirwa norudo kuitira kuti vadzorerwe mukunamata. Asi vatadzi vasingapfidzi, vakadai saZimri wekare, vanoisa tsika uye kunamata kwevamwe pangozi. (Numeri 25:14) Kungofanana nemauto ari kufamba ari pedyo napedyo arasa nhoo dzawo, vanozviisa pangozi ivo nevamwe vavo.

Saka, Bhaibheri rinorayira kuti: “Murege kufambidzana nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro. . . . Bvisai munhu akaipa pakati penyu.” (1 VaKorinde 5:11, 13) Haubvumi here kuti “shoko” iri rokuchenjera rinobatsira kuchengetedza ungano yechiKristu kuti irambe yakachena mutsika uye mune zvokunamata?

Kusiyana neizvi, machechi akawanda echiKristudhomu pamwe chete nevaya vakaramba kutenda vanoona ndima dzeBhaibheri dzinopesana netsika dzemadiro dzazvino uno sedzisisashandi. Saka, vanopembedza zvivi zvose zvakakomba, kunyange zvinoitwa nevafundisi. (2 Timoti 4:3, 4) Zvisinei, ona kuti Zvirevo 30:5, inotaurawo nezve“shoko” raJehovha rakaita senhoo, inoteverwa nomurayiro uri Zvi 30 mundima 6 unoti: “Usawedzera chinhu pamashoko [aMwari], kuti arege kukutsiura, uye kuti urege kunzi uri murevi wenhema.” Chokwadi, vaya vanochinja zviri muBhaibheri varevi venhema chaivo mune zvokunamata—vane mhosva huru kupfuura vamwe vose vanoreva nhema! (Mateu 15:6-9) Saka, ngationgei chaizvo kuti tiri musangano rinoremekedza zvikuru Shoko raMwari.

Kudzivirirwa No“kunhuhwirira Kwakanaka”

Nokuti vanhu vaMwari vanonamatira kuBhaibheri uye vanoudzawo vamwe mashoko aro anonyaradza, vanobudisa “kunhuhwirira kwakanaka” kwoupenyu kunofadza Jehovha kunoita sokwezvinonhuhwirira. Asi kuvamwe vasina kururama, vanotakura mashoko iwayo vanobudisa “hwema hunouraya hwokuparadzwa,” maererano neshanduro yaJ. B. Phillips. Chokwadi, pfungwa yokufananidzira yokunzwa hwema yevakaipa yakavhiringidzwa nemamiriro ezvinhu enyika yaSatani zvokuti vanonzwa vasina kusununguka kana kutoshatirwa pavanenge vari pane vari kubudisa “kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu.” Nokune rimwe divi, vaya vari kushingaira kuparadzira mashoko akanaka vanova “hwema hwakanaka hwaKristu pakati peavo vari kuponeswa.” (2 VaKorinde 2:14-16) Vane mwoyo yakarurama ivavo vanowanzosemeswa nounyengeri uye nhema dzechitendero zviri muchitendero chenhema. Saka, patinovhura Shoko raMwari tovaudzawo mashoko oUmambo, vanonzwa vaswedera kuna Kristu uye vanotoda kudzidza zvakawanda.—Johani 6:44.

Saka usaore mwoyo kana vamwe vakasafarira mashoko oUmambo. Pane kudaro, ona “kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu” senzira yokudzivirirwa nayo mune zvokunamata inodzinga vanhu vakawanda vanogona kuzokonzera njodzi munzvimbo inogara vanhu vaMwari, asi kuchikwezva vaya vane mwoyo yakanaka.—Isaya 35:8, 9.

Nemhaka yokuti mauto echiGiriki kuMarathon aiswedera pedyo napedyo uye aibata nhoo dzawo zvakasimba, akakunda pasinei nezvinetso zvakawanda. Saizvozvowo, Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvinovimbiswa kunyatsokunda muhondo yazvo yezvokunamata, nokuti iyoyo ndiyo “nhaka” yazvo. (Isaya 54:17) Nokudaro, mumwe nomumwe wedu ngaatizire kuna Jehovha nokuramba “akabatisisa shoko roupenyu.”—VaFiripi 2:16.

[Mifananidzo iri papeji 31]

‘Uchenjeri hunobva kumusoro hwakachena, uyewo hune rugare’