Numeri 25:1-18
25 VaIsraeri pavaigara muShitimu,+ vanhu vakatanga kuita unzenza* nevanasikana veMoabhi.+
2 Vakadzi vacho vaikoka vanhu kuti vauye kuzvibayiro zvavanamwari vavo,+ uye vanhu vakatanga kudya, vachipfugamira vanamwari vavo.+
3 Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari* wePeori,+ uye Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo.
4 Jehovha akati kuna Mozisi: “Tora vatungamiriri vese vevanhu ava, uvauraye wovarembedza pamberi paJehovha masikati machena, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kubve pana Israeri.”
5 Mozisi akabva ati kuvatongi vaIsraeri:+ “Mumwe nemumwe wenyu ngaauraye varume vekwake vakanamata Bhaari* wePeori.”+
6 Asi panguva iyoyo chaiyo, pakasvika mumwe muIsraeri achiuya kuhama dzake aine mumwe mukadzi wechiMidhiyani+ Mozisi akatarisa uye ungano yese yevaIsraeri yakatarisa, pavakanga vachichema vari pasuo retende rekusanganira.
7 Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana wemupristi Aroni paakazviona, akabva asimuka pakati peungano akabata pfumo.
8 Akabva atevera murume wechiIsraeri mutende, akabaya vaviri vacho, murume wechiIsraeri nemukadzi wacho, uyo waakabaya nepadumbu.* Denda raiva pavaIsraeri rakabva raguma.+
9 Vaya vakafa nedenda racho vakasvika 24 000.+
10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi:
11 “Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana waAroni mupristi adzora hasha dzangu pavaIsraeri nekuti aratidza kuti haadi kuona vanhu vasina kutendeka kwandiri pakati pavo.+ Ndokusaka ndisina kuzoparadza vaIsraeri kunyange zvazvo ndichida kuzvipira kwakazara.+
12 Saka uti, ‘Ndiri kumupa sungano yangu yerugare.
13 Uye ichava sungano yeupristi ichagara iripo kwaari nevana vake vanomutevera,+ nekuti aratidza kuti haadi kuona vanhu vasina kutendeka kuna Mwari wake,+ uye ayananisira vaIsraeri.’”
14 Murume wechiIsraeri akaurayiwa pamwe chete nemukadzi wechiMidhiyani ainzi Zimri, mwanakomana waSaru, jinda reimba yemadzibaba evaSimiyoni.
15 Mukadzi wacho wechiMidhiyani akaurayiwa ainzi Kozbhi mwanasikana waZuri,+ mutungamiriri wemadzinza edzimba dzemadzibaba muMidhiyani.+
16 Jehovha akazoti kuna Mozisi:
17 “Tambudza vaMidhiyani, uvauraye,+
18 nekuti vari kukutambudzai nezviito zvavo zveunyengeri panyaya yepaPeori+ neyaKozbhi mwanasikana wejinda reMidhiyani, hanzvadzi yavo yakaurayiwa+ musi wakaitika denda rakonzerwa nenyaya yepaPeori.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “upfambi.”
^ Kana kuti “akazvisunganidza naBhaari.”
^ Kana kuti “vakazvisunganidza naBhaari.”
^ Kana kuti “nepanhengo dzake dzekubereka nadzo.”