Numeri 25:1-18

  • Israeri anoita chivi nevakadzi veMoabhi (1-5)

  • Finiyasi anouraya vatadzi (6-18)

25  VaIsraeri pavaigara muShitimu,+ vanhu vakatanga kuita unzenza* nevanasikana veMoabhi.+  Vakadzi vacho vaikoka vanhu kuti vauye kuzvibayiro zvavanamwari vavo,+ uye vanhu vakatanga kudya, vachipfugamira vanamwari vavo.+  Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari* wePeori,+ uye Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo.  Jehovha akati kuna Mozisi: “Tora vatungamiriri vese vevanhu ava, uvauraye wovarembedza pamberi paJehovha masikati machena, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kubve pana Israeri.”  Mozisi akabva ati kuvatongi vaIsraeri:+ “Mumwe nemumwe wenyu ngaauraye varume vekwake vakanamata Bhaari* wePeori.”+  Asi panguva iyoyo chaiyo, pakasvika mumwe muIsraeri achiuya kuhama dzake aine mumwe mukadzi wechiMidhiyani+ Mozisi akatarisa uye ungano yese yevaIsraeri yakatarisa, pavakanga vachichema vari pasuo retende rekusanganira.  Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana wemupristi Aroni paakazviona, akabva asimuka pakati peungano akabata pfumo.  Akabva atevera murume wechiIsraeri mutende, akabaya vaviri vacho, murume wechiIsraeri nemukadzi wacho, uyo waakabaya nepadumbu.* Denda raiva pavaIsraeri rakabva raguma.+  Vaya vakafa nedenda racho vakasvika 24 000.+ 10  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 11  “Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana waAroni mupristi adzora hasha dzangu pavaIsraeri nekuti aratidza kuti haadi kuona vanhu vasina kutendeka kwandiri pakati pavo.+ Ndokusaka ndisina kuzoparadza vaIsraeri kunyange zvazvo ndichida kuzvipira kwakazara.+ 12  Saka uti, ‘Ndiri kumupa sungano yangu yerugare. 13  Uye ichava sungano yeupristi ichagara iripo kwaari nevana vake vanomutevera,+ nekuti aratidza kuti haadi kuona vanhu vasina kutendeka kuna Mwari wake,+ uye ayananisira vaIsraeri.’” 14  Murume wechiIsraeri akaurayiwa pamwe chete nemukadzi wechiMidhiyani ainzi Zimri, mwanakomana waSaru, jinda reimba yemadzibaba evaSimiyoni. 15  Mukadzi wacho wechiMidhiyani akaurayiwa ainzi Kozbhi mwanasikana waZuri,+ mutungamiriri wemadzinza edzimba dzemadzibaba muMidhiyani.+ 16  Jehovha akazoti kuna Mozisi: 17  “Tambudza vaMidhiyani, uvauraye,+ 18  nekuti vari kukutambudzai nezviito zvavo zveunyengeri panyaya yepaPeori+ neyaKozbhi mwanasikana wejinda reMidhiyani, hanzvadzi yavo yakaurayiwa+ musi wakaitika denda rakonzerwa nenyaya yepaPeori.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “upfambi.”
Kana kuti “akazvisunganidza naBhaari.”
Kana kuti “vakazvisunganidza naBhaari.”
Kana kuti “nepanhengo dzake dzekubereka nadzo.”