Zvirevo 4:1-27
4 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa;+Teererai kuti mugonzwisisa,
2 Nekuti ndichakurayiridzai zvakanaka;Musasiya kudzidzisa kwangu.*+
3 Ndaiva mwanakomana chaiye kuna baba vangu+Uye ndaidiwa chaizvo naamai vangu.+
4 Baba vaindidzidzisa vachiti: “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu.+
Chengeta mirayiro yangu urambe uchirarama.+
5 Wana uchenjeri, wana mwoyo unonzwisisa.+
Usakanganwa, uye usatsauka pane zvandinotaura.
6 Usahusiya, uye huchakudzivirira.
Hude, uye huchakuchengetedza.
7 Uchenjeri ndihwo hunokosha* kupfuura zvimwe zvese,+ saka wana uchenjeri,Uye pazvese zvaunowana, wana mwoyo unonzwisisa.+
8 Hukoshese kwazvo, uye huchakukwidziridza.+
Huchakukudza nekuti unohumbundira.+
9 Huchaisa mumusoro mako chishongo chinoyevedza;Huchakupfekedza korona yerunako.”
10 Teerera, mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinotaura,Uye makore eupenyu hwako achava mazhinji.+
11 Ndichakurayiridza munzira yeuchenjeri;+Ndichakutungamirira mumakwara ekururama.+
12 Paunofamba, hapana chinozokanganisa nhanho dzako;Uye kana ukamhanya, hauzogumburwi.
13 Batisisa kurayirwa; usakuregedza.+
Kuchengetedze, nekuti ndihwo upenyu hwako.+
14 Usapinda mugwara revakaipa,Uye usafamba munzira yevanhu vakaipa.+
15 Siyana nayo, usafamba nayo;+Buda mairi, uye ipfuure.+
16 Nekuti havagoni kurara kana vasina kuita zvakaipa.
Vanoshaya hope kana vasina kuwisira mumwe munhu pasi.
17 Vanodya chingwa cheuipi,Uye vanonwa waini yemhirizhonga.
18 Asi gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chemangwananiChinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.+
19 Nzira yevakaipa yakaita serima;Havazivi chinoita kuti vagumburwe.
20 Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu;Nyatsoteerera* zvandinotaura.
21 Usabvisa pfungwa dzako pazviri;Zvichengete zviri mukatikati memwoyo wako,+
22 Nekuti izvo upenyu kune vaya vanozviwana+Uye utano kumiviri* yavo yese.
23 Chengetedza mwoyo wako kupfuura zvinhu zvese zvaunochengetedza,+Nekuti mauri ndimo mune zvitubu zveupenyu.
24 Isa kutaura kusina kururama kure newe,+Uye kutaura kwekunyengera ngakugare kure newe.
25 Maziso ako anofanira kunyatsotarisa mberi;Ramba wakangotarisa mberi kwako.+
26 Gadzirira tsoka dzako nzira yakati chechetere,*+Uye uchava nechokwadi nenzira dzako dzese.
27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.+
Bvisa tsoka dzako pane zvakaipa.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mutemo wangu.”
^ Kana kuti “chinhu chikuru.”
^ ChiHeb., “Rerekera nzeve yako kune.”
^ ChiHeb., “kunyama.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Nyatsofunga nezvenzira yetsoka dzako.”