Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 15

Kunamata Kunobvumirwa naMwari

Kunamata Kunobvumirwa naMwari
  • Zvitendero zvose zvinofadza Mwari here?

  • Tingaziva sei chitendero chechokwadi?

  • Ndivanaani vanamati vaMwari vechokwadi panyika mazuva ano?

1. Tichabatsirwa sei kana tikanamata Mwari zvakarurama?

JEHOVHA MWARI ane hanya nesu zvikuru uye anoda kuti tibatsirwe nomurayiro wake worudo. Kana tikamunamata zvakarurama, tichafara uye tichadzivisa matambudziko akawanda muupenyu. Iye achatikomborerawo uye achatibatsira. (Isaya 48:17) Zvisinei, kune zviuru zvezvitendero zvinoti zvinodzidzisa chokwadi pamusoro paMwari. Asi zvinosiyana zvikuru pane zvazvinodzidzisa pamusoro pokuti Mwari ndiani uye zvaanoda kwatiri.

2. Tingadzidza sei nzira yakarurama yokunamata Jehovha, uye muenzaniso upi unotibatsira kunzwisisa izvi?

2 Ungaziva sei nzira yakarurama yokunamata Jehovha? Haufaniri hako kudzidza uye kuenzanisa zvinodzidziswa nezvitendero zvose zvakawanda. Unongofanira kudzidza chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pokunamata kwechokwadi. Kuenzanisira: Munyika dzakawanda, mune dambudziko remari yokunyepera. Kudai waizopiwa basa rokuona kuti mari yokunyepera yakadaro ndeipi, waizozviita sei? Nokuziva nomusoro mari yose yokunyepera here? Kwete. Zvaizobatsira kushandisa nguva yako kuongorora mari chaiyo. Wava kuziva kuti mari chaiyo yakaita sei, waizogona kuziva yokunyepera. Saizvozvowo, patinodzidza maziviro atingaita chitendero chechokwadi, tinogonawo kuziva zvitendero zvenhema.

3. Maererano naJesu, tinofanira kuitei kana tichida kuti Mwari atifarire?

3 Zvinokosha kuti tinamate Jehovha nenzira yaanobvumira. Vanhu vakawanda vanodavira kuti zvitendero zvose zvinofadza Mwari, asi Bhaibheri haridzidzisi izvozvo. Hazvina kukwana kungozviti uri muKristu. Jesu akati: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” Saka, kuti tifarirwe naMwari, tinofanira kudzidza zvinoda Mwari kwatiri, tozviita. Jesu akadana vaya vasingaiti zvinoda Mwari kuti “vasingateereri mutemo.” (Mateu 7:21-23) Kufanana nemari yokunyepera, chitendero chenhema hachina ukoshi chaihwo. Zvakatoipa ndezvokuti chitendero chakadaro zvechokwadi chinokuvadza.

4. Mashoko aJesu ane chokuita nemigwagwa miviri anorevei, uye mugwagwa mumwe nomumwe unoenda kupi?

4 Jehovha anopa munhu wose ari panyika mukana wokuwana upenyu husingaperi. Zvisinei, kuti tive noupenyu husingagumi muParadhiso, tinofanira kunamata Mwari zvakakodzera uye iye zvino torarama nenzira yaanogamuchira. Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanoramba kuita izvozvo. Ndokusaka Jesu akati: “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Chitendero chechokwadi chinoita kuti tiwane upenyu husingaperi. Chitendero chenhema chinoita kuti tiparadzwe. Jehovha haadi kuti chero munhu upi zvake aparadzwe, ndokusaka ari kupa vanhu kwose kwose mukana wokudzidza nezvake. (2 Petro 3:9) Saka, manamatiro atinoita Mwari anoreva kuti zvichida tichawana upenyu kana kuti tichafa.

NZIRA YOKUZIVA NAYO CHITENDERO CHECHOKWADI

5. Tingaziva sei vaya vane chitendero chechokwadi?

5 ‘Mugwagwa unoenda kuupenyu’ ungawanika sei? Jesu akati chitendero chechokwadi chaizooneka noupenyu hwevanhu vacho. “Muchavaziva nezvibereko zvavo,” iye akadaro. “Muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka.” (Mateu 7:16, 17) Nemamwe mashoko, vaya vane chitendero chechokwadi vaizozivikanwa nezvavanotenda uye maitiro avo. Kunyange zvazvo vasina kukwana uye vachikanganisa, vanamati vechokwadi seboka vanoedza kuita zvinoda Mwari. Ngatikurukurei zvinhu zvitanhatu zvinoratidza vaya vane chitendero chechokwadi.

6, 7. Vashumiri vaMwari vanoona sei Bhaibheri, uye Jesu akaratidza sei muenzaniso pane izvi?

6 Vashumiri vaMwari vanotora zvavanodzidzisa muBhaibheri. Bhaibheri pacharo rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaainamata navo, kuti: “Pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13) Saka, zvinotendwa uye zvinoitwa muchitendero chechokwadi hazvitorwi pamaonero evanhu kana kuti tsika. Zvinobva muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri.

7 Jesu Kristu akaratidza muenzaniso wakakodzera nokutora zvaaidzidzisa muShoko raMwari. Achinyengetera kuna Baba vake vokudenga, iye akati: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Jesu aidavira Shoko raMwari, uye zvose zvaaidzidzisa zvaienderana neMagwaro. Kakawanda Jesu aiti: “Zvakanyorwa kuti.” (Mateu 4:4, 7, 10) Jesu aibva ataura mashoko orugwaro. Saizvozvowo, vanhu vaMwari mazuva ano havadzidzisi zvavanofunga. Vanodavira kuti Bhaibheri iShoko raMwari, uye vanotora zvavanodzidzisa pane zvarinotaura chete.

8. Kunamata Jehovha kunosanganisirei?

8 Vaya vari muchitendero chechokwadi vanongonamata Jehovha chete uye vanozivisa zita rake. Jesu akazivisa kuti: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Saka vashumiri vaMwari vanongonamata Jehovha chete. Kunamata uku kunosanganisira kuita kuti vanhu vazive zita raMwari wechokwadi uye zvaakaita. Pisarema 83:18 rinoti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Jesu akaratidza muenzaniso pakubatsira vamwe kuti vazive Mwari, sezvaakataura achinyengetera kuti: “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu.” (Johani 17:6) Saizvozvowo, vanamati vechokwadi mazuva ano vanodzidzisa vamwe zita raMwari, zvinangwa zvake, uye unhu hwake.

9, 10. VaKristu vechokwadi vanodanana munzira dzipi?

9 Vanhu vaMwari vanodanana zvechokwadi, vasingatarisiri kuwana zvimwe zvinhu. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) VaKristu vepakutanga vaidanana saizvozvo. Rudo rwatinonzi tive narwo naMwari haruna basa nezvipingamupinyi zvedzinza, zvenzanga, uye zvemarudzi uye runobatanidza vanhu muchisungo chisingadambuki chokuva hama dzechokwadi. (VaKorose 3:14) Nhengo dzezvitendero zvenhema hadzidanani sehama saizvozvo. Tinoziva sei izvozvo? Vanourayana pamusana pokuti vane rudzi kana kuti dzinza rakasiyana. VaKristu vechokwadi havashandisi zvombo kuti vauraye hama dzavo dzechiKristu kana kuti mumwe munhu. Bhaibheri rinoti: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wose asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uyewo ndizvo zvakaita uya asingadi hama yake. . . . Tinofanira kudanana; hatifaniri kuita saKaini, akabva kune akaipa, akaponda munun’una wake.”—1 Johani 3:10-12; 4:20, 21.

10 Chokwadi, rudo rwechokwadi runoreva zvinopfuura kusauraya vamwe. VaKristu vechokwadi vanoshandisa nguva yavo, simba, uye zvinhu kuti vabatsirane nokukurudzirana, vasingatarisiri kuwana zvimwe zvinhu. (VaHebheru 10:24, 25) Vanobatsirana panguva yenhamo, uye vanoitirana zvinhu nevamwe nokutendeseka. Chokwadi, vanoshandisa zano reBhaibheri muupenyu hwavo roku‘itira vose zvakanaka.’—VaGaratiya 6:10.

11. Nei zvichikosha kubvuma Jesu Kristu senzira yaMwari yokuponesa nayo vanhu?

11 VaKristu vechokwadi vanobvuma Jesu Kristu senzira yaMwari yokuponesa nayo vanhu. Bhaibheri rinoti: “Hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mabasa 4:12) Sezvatakaona muChitsauko 5, Jesu akapa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwevanhu vanoteerera. (Mateu 20:28) Uyewo, Jesu ndiye Mambo akagadzwa waMwari muUmambo hwokudenga huchatonga nyika yose. Uye Mwari anoda kuti titeerere Jesu uye tishandise zvaakadzidzisa kana tichida upenyu husingaperi. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu.”—Johani 3:36.

12. Kusava wenyika kunosanganisirei?

12 Vanamati vechokwadi havasi venyika. Paakanga achitongwa ari pamberi pomutongi weRoma, Pirato, Jesu akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Zvisinei nokuti vanogara munyika ipi, vateveri vaJesu vechokwadi vanhu vanotongwa noUmambo hwake hwokudenga uye vanoramba vasina kwavanotsigira munyaya dzezvematongerwo enyika. Havabatanidzwi mukurwisana kwayo. Zvisinei, vanamati vaJehovha havapindiri pane izvo vamwe vanosarudza kuita pakubatana nebato rezvematongerwo enyika, kuwana chinzvimbo, kana kuti kuvhota. Uye kunyange zvazvo vanamati vaMwari vechokwadi vasina kwavanotsigira mune zvematongerwo enyika, ivo vanoteerera mutemo. Nei? Nokuti Shoko raMwari rinovarayira ‘kuzviisa pasi’ pe“masimba makuru” ehurumende. (VaRoma 13:1) Kana zvinodiwa naMwari zvapesana nezvinodiwa nevezvematongerwo enyika, vanamati vechokwadi vanotevera muenzaniso wevaapostora, avo vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29; Mako 12:17.

13. Vateveri vaJesu vechokwadi vanoona sei Umambo hwaMwari, uye nokuda kwaizvozvo vanoitei?

13 Vateveri vaJesu vechokwadi vanoparidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo tariro chete yevanhu. Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Panzvimbo pokukurudzira vanhu kuvimba nevatongi vevanhu kuti vagadzirise matambudziko avo, vateveri vaJesu Kristu vechokwadi vanozivisa Umambo hwaMwari hwokudenga setariro chete yevanhu. (Pisarema 146:3) Jesu akatidzidzisa kunyengeterera hurumende iyoyo yakakwana paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Shoko raMwari rakafanotaura kuti Umambo uhwu hwokudenga “huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [huripo iye zvino], uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:44.

14. Nderipi boka rechitendero raunofunga kuti rinoita zvinodiwa pakunamata kwechokwadi?

14 Kubva pane zvatichangobva kukurukura, zvibvunze kuti: ‘Iboka ripi rechitendero rinotora zvose zvarinodzidzisa muBhaibheri uye rinozivisa zita raJehovha? Iboka ripi rinoratidza rudo runodiwa naMwari, rinotenda muna Jesu, risingaiti zvenyika, uye rinozivisa kuti Umambo hwaMwari ndihwo tariro yechokwadi chete yevanhu? Pamapoka ose ezvitendero ari panyika, nderipi rinoita izvi zvose zvinodiwa?’ Chokwadi chinoratidza pachena kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo boka racho.—Isaya 43:10-12.

UCHAITEI?

15. Kuwedzera pakutenda kuti iye aripo, ndezvipi zvimwe zvinodiwa naMwari?

15 Kungotenda muna Mwari hakuna kukwana kuti timufadze. Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti kunyange madhimoni anotenda kuti Mwari aripo. (Jakobho 2:19) Kunyange zvakadaro, zviri pachena kuti haaite zvinoda Mwari uye iye haaafariri. Kuti tifarirwe naMwari, hatingofaniri kutenda chete kuti aripo, asi tinofanirawo kuita zvaanoda. Tinofanira kusiyanawo nechitendero chenhema, togamuchira kunamata kwechokwadi.

16. Munhu anofanira kuitei kana achibatanidzwa muchitendero chenhema?

16 Muapostora Pauro akaratidza kuti hatifaniri kubatanidzwa mukunamata kwenhema. Akanyora kuti: “‘Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’” (2 VaKorinde 6:17; Isaya 52:11) Saka vaKristu vechokwadi vanodzivisa chero chinhu chipi zvacho chine chokuita nokunamata kwenhema.

17, 18. “Bhabhironi Guru” chii, uye nei vanhu vachifanira kukurumidza ‘kubuda mariri’?

17 Bhaibheri rinoratidza kuti zvitendero zvose zvenhema zvakawanda chikamu che“Bhabhironi Guru.” * (Zvakazarurwa 17:5) Zita iroro rinotiyeuchidza nezveguta reBhabhironi rekare, makatangira kunamata kwenhema pashure peMafashamo omunguva yaNoa. Dzidziso dzakawanda uye tsika dzakakurumbira iye zvino muchitendero chenhema zvakatanga kare kare muBhabhironi. Somuenzaniso, vaBhabhironi vainamata vanamwari vatatu vatatu. Mazuva ano, dzidziso huru yezvitendero zvakawanda ndeyoUtatu. Asi Bhaibheri rinodzidzisa zviri pachena kuti kunongova naMwari mumwe chete wechokwadi, Jehovha, uye kuti Jesu Kristu Mwanakomana wake. (Johani 17:3) VaBhabhironi vaidavirawo kuti vanhu vane mweya usingafi unobuda mumuviri pashure pokufa uye unogona kutambura uri munzvimbo yokutambudzirwa. Mazuva ano, kutenda mumweya usingafi kana kuti mudzimu uyo unogona kutambura uri muhero ine moto kunodzidziswa nezvitendero zvakawanda.

18 Kunamata kwekare kweBhabhironi zvakwakapararira panyika pose, Bhabhironi Guru remazuva ano rinogona kuzivikanwa zvakakodzera soumambo hwenyika hwechitendero chenhema. Uye Mwari akafanotaura kuti umambo uhwu hwechitendero chenhema huchangoerekana hwaguma. (Zvakazarurwa 18:8) Unoona here nei zvichikosha kuti usiyane nechikamu chose cheBhabhironi Guru? Jehovha Mwari anoda kuti ukurumidze ‘kubuda mariri’ pachine nguva.—Zvakazarurwa 18:4.

Nokushumira Jehovha pamwe nevanhu vake, uchawana zvakawanda kwazvo kupfuura zvaungarasikirwa nazvo

19. Uchawanei nokushumira Jehovha?

19 Somugumisiro wokusarudza kwako kubuda muchitendero chenhema, vamwe vangasarudza kurega kushamwaridzana newe. Zvisinei, nokushumira Jehovha pamwe nevanhu vake, uchawana zvakawanda kwazvo kupfuura zvaungarasikirwa nazvo. Kufanana nevadzidzi vaJesu vepakutanga vakasiya zvimwe zvinhu kuti vamutevere, uchava nehama nehanzvadzi dzakawanda dzaunonamata nadzo. Uchava nhengo yemhuri huru iri munyika yose ine mamiriyoni evaKristu vechokwadi, vanokuda zvechokwadi. Uye uchava netariro inoshamisa youpenyu husingaperi “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.” (Mako 10:28-30) Zvichida pashure penguva yakati, vaya vakakuramba nokuda kwezvaunotenda vachadzidza zvinodzidziswa neBhaibheri, vova vanamati vaJehovha.

20. Vaya vari muchitendero chechokwadi vachaitirwei munguva yemberi?

20 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari achakurumidza kugumisa mamiriro ezvinhu akaipa aripo, oatsiva nenyika itsva yakarurama inenge ichitongwa noUmambo hwake. (2 Petro 3:9, 13) Chokwadi iyoyo ichange iri nyika yakanaka kwazvo! Uye mumamiriro ezvinhu matsva iwayo akarurama, muchange muine chitendero chimwe chete, kunamata kwechokwadi kumwe chete. Hakusi kuchenjera here kuti utore matanho anodiwa kuti ubatane nevanamati vechokwadi iye zvino chaiye?

^ ndima 17 Kuti uwane mamwe mashoko nei Bhabhironi Guru richimiririra umambo hwenyika hwechitendero chenhema, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 219-20.