Isaya 43:1-28

  • Jehovha anounganidzazve vanhu vake (1-7)

  • Vanamwari ngavaratidze kuti vakarurama (8-13)

    • “Imi muri zvapupu zvangu” (10, 12)

  • Kusunungurwa muBhabhironi (14-21)

  • “Ngatipinzei nyaya yedu mudare” (22-28)

43  Zvanzi naJehovha,Musiki wako, haiwa iwe Jakobho, iye akakuumba, haiwa iwe Israeri:+ “Usatya, nekuti ndakakudzikinura.+ Ndakakushevedza nezita rako. Uri wangu.  2  Paunopfuura nemumvura, ndichava newe,+Uye paunopfuura nemunzizi, hadzizokuyeredzi.+ Paunofamba nemumoto, hauzopiswi,Uye rimi remoto harizokubvuraudzi.  3  Nekuti ndini Jehovha Mwari wako,Iye Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako. Ndakapa Ijipiti kuti ive rudzikinuro rwako,Itiopiya neSebha panzvimbo pako.  4  Nekuti wakava anokosha kwandiri,+Waikudzwa, uye ndakakuda.+ Saka ndichapa vanhu panzvimbo pakoUye marudzi panzvimbo peupenyu hwako.*  5  Usatya, nekuti ndinewe.+ Ndichaunza vana* vako kubva kumabvazuvaUye ndichakuunganidza kubva kumavirira.+  6  Ndichati kuchamhembe, ‘Varegedze!’+ Uye kumaodzanyemba, ‘Usavadzivisa. Uyai nevanakomana vangu kubva kure, uye vanasikana vangu kubva kumigumo yenyika,+  7  Iye munhu wese anoshevedzwa nezita rangu+Uye wandakasikira kukudzwa kwangu,Wandakaumba uye wandakaita.’+  8  Budisai rudzi rune maziso asi ruri mapofu,Uye rune nzeve asi ruri matsi.+  9  Vanhu vese ngavaungane panzvimbo imwe chete,Uye marudzi ngaaungane.+ Ndiani pakati pawo angataura izvi? Kana kuti iwo angaita kuti tinzwe zvinhu zvekutanga* here?+ Ngaaunze zvapupu zvawo kuti aratidze kuti akarurama,Kana kuti ngaanzwe ati, ‘Ndicho chokwadi!’”+ 10  “Imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Mushumiri wangu wandakasarudza,+Kuti muzive uye mutende mandiri,*Monzwisisa kuti ndini iye mumwe chete.+ Hapana mumwe Mwari akanditangira,Uye hapana mumwe akazotevera.+ 11  Ini ndini Jehovha,+ uye hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.”+ 12  “Ndini ndakazivisa, ndakaponesa uye ndakaita kuti zvizivikanwePakwakanga kusina mwari wekumwe pakati penyu.+ Saka muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye ini ndini Mwari.+ 13  Uyewo, ndinongoramba ndiri iye mumwe chete;+Uye hapana anogona kubvuta chinhu muruoko rwangu.+ Pandinoita chimwe chinhu, ndiani angachitadzisa kuitika?”+ 14  Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri:+ “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi ndichiitira imi, ndowisira pasi mazariro* ese emagedhi,+Uye vaKadheya vachashevedzera vachishungurudzika vari mungarava dzavo.+ 15  Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu,+ Musiki waIsraeri,+ Mambo wenyu.”+ 16  Zvanzi naJehovha,Iye ari kugadzira nzira mugungwaKunyange gwara mumvura isina kugadzikana,+ 17  Iye anobudisa ngoro yehondo nebhiza,+Uto pamwe chete nevarwi vane simba: “Vacharara pasi uye havazomuki.+ Vachadzimwa; vachadzimwa vachiita zvekudimburwa setambo iri kubvira.” 18  “Musayeuka zvinhu zvekare,Uye musaramba muchifunga zvinhu zvakapfuura. 19  Onai! Ndiri kuita chinhu chitsva;+Kunyange iye zvino chatovapo. Hamusi kuchiona here?Ndichagadzira nzira inopfuura nemurenje+Uye nzizi dzinopfuura nemugwenga.+ 20  Mhuka yemusango ichandikudza,Hunguhwe* nemhou,Nekuti ndinoita kuti murenje muve nemvura,Mugwenga muve nenzizi,+Kuti vanhu vangu vandakasarudza+ vanwe, 21  Ivo vanhu vandakazviumbiraKuti vazivise kurumbidzwa kwangu.+ 22  Asi hauna kudana kwandiri, haiwa iwe Jakobho,+Nekuti wakaneta neni, haiwa iwe Israeri.+ 23  Hauna kundiunzira makwai ezvibayiro zvako zvinopiswaKana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukumanikidza kuti undiunzire chipo,Uye handina kukunetesa nekukuudza kuti undipe zvinonhuhwirira zvichena.+ 24  Hauna kunditengera tsanga dzinonhuhwirira nemari yako,Uye hauna kundigutsa nemafuta ezvibayiro zvako.+ Asi wakatondiremedza nezvivi zvako,Ukandinetesa nekukanganisa kwako.+ 25  Ini ndini iye ari kudzima kudarika kwako*+ ndichiitira zita rangu,+Uye handizoyeuki zvivi zvako.+ 26  Ndiyeuchidze; ngatipinzei nyaya yedu mudare;Taura divi rako panyaya yacho kuti uratidze kuti wakarurama. 27  Tateguru vako vekutanga vakatadza,Uye vatauriri* vako vakandipandukira.+ 28  Saka ndichasvibisa machinda enzvimbo tsvene,Uye ndichaita kuti Jakobho aparadzweUye ndichaita kuti Israeri atukwe.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “pemweya wako.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Zvichida pari kureva kuti zvinhu zvichatanga kuuya mune ramangwana.
^ Kana kuti “muvimbe neni.”
^ Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.
^ Kana kuti “mabasa ako ekupanduka.”
^ Zvichida pari kureva vadzidzisi veMutemo.