Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?

Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?

CHISIKWA chomudzimu chinonzi Mikaeri hachiwanzotaurwi muBhaibheri. Zvisinei, pachinotaurwa, chinenge chichibishaira. Mubhuku raDhanieri, Mikaeri anenge achirwa nengirozi dzakaipa; mutsamba yaJudha, anenge achiita nharo naSatani; uye muna Zvakazarurwa, anenge achirwa naDhiyabhorosi nemadhimoni ake. Nokudzivirira kutonga kwaJehovha uye kurwisa vavengi vaMwari, Mikaeri anorarama maererano nezvinorehwa nezita rake—“Ndiani Akaita saMwari?” Asi Mikaeri ndiani?

Dzimwe nguva, vanhu vanozivikanwa nemazita anopfuura rimwe chete. Somuenzaniso, tateguru Jakobho anozivikanwawo saIsraeri, uye muapostora Petro saSimoni. (Genesisi 49:1, 2; Mateu 10:2) Saizvozvowo, Bhaibheri rinoratidza kuti Mikaeri nderimwe zita raJesu Kristu, asati ararama pano pasi uye pashure pokurarama kwake pasi pano. Ngatifungei nezvezvikonzero zvinobva muMagwaro nei tichidaro.

Ngirozi huru. Shoko raMwari rinotaura nezvaMikaeri “ngirozi huru.” (Judha 9) Ona kuti Mikaeri anonzi ngirozi huru. Izvi zvinoratidza kuti panongova nengirozi imwe chete yakadaro. Kutaura chokwadi, mashoko okuti “ngirozi huru” anowanika muBhaibheri achitaura nezvomunhu mumwe chete, kwete vakawanda. Uyezve, Jesu ane chokuita nenzvimbo yengirozi huru. NezvaIshe Jesu Kristu akamutswa, 1 VaTesaronika 4:16 inoti: “Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru.” Saka inzwi raJesu rinotsanangurwa seriya rengirozi huru. Naizvozvo rugwaro urwu runoratidza kuti Jesu pachake ndiye ngirozi yacho huru, Mikaeri.

Mutungamiriri weuto. Bhaibheri rinotaura kuti “Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni . . . nengirozi dzayo.” (Zvakazarurwa 12:7) Saka, Mikaeri ndiye Mutungamiriri weuto rengirozi dzakatendeka. Bhuku raZvakazarurwa rinotsanangura Jesu soMutungamiriri weuto rengirozi dzakatendeka. (Zvakazarurwa 19:14-16) Uye muapostora Pauro anotaura zvakananga nezva“Ishe Jesu” ne“ngirozi dzake dzine simba.” (2 VaTesaronika 1:7) Naizvozvo Bhaibheri rinotaura nezvaMikaeri ne“ngirozi dzake” uye Jesu ne“ngirozi dzake.” (Mateu 13:41; 16:27; 24:31; 1 Petro 3:22) Sezvo Shoko raMwari pasina parinoratidza kuti pane mauto maviri engirozi dzakatendeka kudenga—rimwe rinotungamirirwa naMikaeri uye rimwe rinotungamirirwa naJesu—zvine musoro kugumisa kuti Mikaeri ndiye chete Jesu Kristu pabasa rake rokudenga. *

^ ndima 1 Mamwe mashoko anoratidza kuti zita rokuti Mikaeri rinoshanda kuMwanakomana waMwari anowanika muVhoriyamu 2, mapeji 393-4, yebhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.