Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 13

Ona Upenyu Sezvinoita Mwari

Ona Upenyu Sezvinoita Mwari
  • Mwari anoona sei upenyu?

  • Mwari anoona sei kubvisa pamuviri?

  • Tinoratidza sei kuti tinoremekedza upenyu?

1. Ndiani akasika zvinhu zvose zvipenyu?

“CHOKWADI Jehovha ndiMwari,” akadaro muprofita Jeremiya. “Ndiye Mwari mupenyu.” (Jeremiya 10:10) Uyezve, Jehovha Mwari ndiye Musiki wezvinhu zvose zvipenyu. Zvisikwa zvokudenga zvakati kwaari: “Makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Zvakazarurwa 4:11) Paaiimba rwiyo rwokurumbidza Mwari, Mambo Dhavhidhi akati: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Saka, upenyu chipo chinobva kuna Mwari.

2. Mwari anoitei kuti atsigire upenyu hwedu?

2 Jehovha anotsigirawo upenyu hwedu. (Mabasa 17:28) Anotipa zvokudya zvatinodya, mvura yatinonwa, mhepo yatinofema, uye nyika yatinogara. (Mabasa 14:15-17) Jehovha akaita izvi nenzira inoita kuti upenyu hunakidze. Asi kuti tinakidzwe noupenyu zvizere, tinofanira kudzidza mitemo yaMwari, toiteerera.—Isaya 48:17, 18.

KURATIDZA KUTI TINOREMEKEDZA UPENYU

3. Mwari akaona sei kupondwa kwaAbheri?

3 Mwari anoda kuti tiremekedze upenyu—hwedu nohwevamwe. Somuenzaniso, kare mumazuva aAdhamu naEvha, mwanakomana wavo Kaini akatsamwira kwazvo munun’una wake Abheri. Jehovha akanyevera Kaini kuti hasha dzake dzaizoita kuti atadze zvakakomba. Kaini haana kuteerera nyevero iyoyo. “Akarwisa Abheri munun’una wake, akamuuraya.” (Genesisi 4:3-8) Jehovha akaranga Kaini nokuda kwokuponda munun’una wake.—Genesisi 4:9-11.

4. MuMutemo waMosesi, Mwari akasimbisa sei maonero akarurama anofanira kuitwa upenyu?

4 Zviuru zvemakore gare gare, Jehovha akapa vaIsraeri mitemo yaivabatsira kuti vamushumire zvinogamuchirika. Mitemo iyi zvayakapiwa pachishandiswa muprofita Mosesi, dzimwe nguva inonzi Mutemo waMosesi. Mumwe woMutemo waMosesi waiti: “Usaponda.” (Dheuteronomio 5:17) Izvi zvairatidza vaIsraeri kuti Mwari anokoshesa upenyu hwevanhu uye kuti vanhu vanofanira kukoshesa upenyu hwevamwe.

5. Tinofanira kuona sei kubvisa pamuviri?

5 Zvakadini noupenyu hwomwana asati aberekwa? Maererano noMutemo waMosesi, kukonzera rufu rwomwana akanga achiri mudumbu raamai kwakanga kusina kururama. Chokwadi, kunyange upenyu hwomwana asati aberekwa hunokosha kuna Jehovha. (Eksodho 21:22, 23; Pisarema 127:3) Izvi zvinoreva kuti kubvisa pamuviri kwakaipa.

6. Nei tisingafaniri kuvenga vamwe?

6 Kuremekedza upenyu kunosanganisira kuona vamwe vanhu zvakarurama. Bhaibheri rinoti: “Munhu wose anovenga hama yake muurayi, uye munoziva kuti hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.” (1 Johani 3:15) Kana tichida upenyu husingaperi, tinofanira kubvisa zvachose mumwoyo medu kuvenga vamwe chero kupi zvako, nokuti kuvenga ndiko kunokonzera kuita zvechisimba kwakawanda. (1 Johani 3:11, 12) Zvinokosha kuti tidzidze kudanana.

7. Ndedzipi dzimwe tsika dzinoratidza kusaremekedza upenyu?

7 Zvakadini nokuremekedza upenyu hwedu pachedu? Vanhu havawanzodi kufa, asi vamwe vanoisa upenyu pangozi nokuda kwemafaro. Somuenzaniso, vakawanda vanoshandisa fodya, vanosvuta mbanje, kana kuti vanoshandisa zvinhu zvinodhaka kuti vavaraidzwe. Zvinhu zvakadaro zvinokuvadza muviri uye zvinowanzouraya vanozvishandisa. Munhu ane tsika yokushandisa zvinhu izvi haaoni upenyu sohutsvene. Tsika idzi hadzina kuchena kuna Mwari. (VaRoma 6:19; 12:1; 2 VaKorinde 7:1) Kuti tishumire Mwari zvinogamuchirika, tinofanira kurega tsika dzakadaro. Kunyange zvazvo kuita izvozvo kungava kwakaoma zvikuru, Jehovha anogona kutipa rubatsiro runodiwa. Uye anokoshesa zvatinoedza kuita kuti tibate upenyu sechipo chinokosha chinobva kwaari.

8. Nei tichifanira kugara tichifunga nezvokuchengeteka kwoupenyu?

8 Kana tichiremekedza upenyu, tichagara tichifunga nezvokuhuchengetedza. Hatizovi vasina hanya uye hatizozviisi pangozi nokuda kwemafaro chete. Tichadzivisa kutyaira motokari kune ngozi uye mitambo yechisimba kana kuti ine ngozi. (Pisarema 11:5) Mutemo waMwari nokuda kwevaIsraeri vekare waiti: “Kana ukavaka imba itsva [ine denga rakati sandara], unofanira kugadzirawo karusvingo kanodzivirira padenga reimba yako, kuti urege kuisa mhosva yeropa paimba yako nokuti mumwe munhu angawa achibva pariri.” (Dheuteronomio 22:8) Maererano nomurayiro wakataurwa mumutemo iwoyo, ita kuti pamasitepisi omumusha mako pagare pasina zvinhu zvinopingirisha kuitira kuti mumwe munhu arege kupunzika, akakuvadzwa zvakakomba. Kana uine motokari, iva nechokwadi chokuti yakakodzera kuti ifambiswe mumugwagwa. Usaita kuti musha wako kana kuti motokari yako ive ngozi kwauri kana kuti kune vamwe.

9. Kana tichiremekedza upenyu, tichabata sei mhuka?

9 Zvakadini noupenyu hwemhuka? Ihwowo hutsvene kuMusiki. Mwari anobvumira kuuraya mhuka kuti tiwane nyama uye zvokupfeka kana kuti kudzivirira vanhu pangozi. (Genesisi 3:21; 9:3; Eksodho 21:28) Zvisinei, kuitira mhuka utsinye kana kuti kudziurayira kunakidzwa hakuna kururama uye izvozvo kusaremekedza zvachose utsvene hwoupenyu.—Zvirevo 12:10.

KUREMEKEDZA ROPA

10. Mwari akaratidza sei kuti upenyu neropa zvakabatana?

10 Pashure pokunge Kaini auraya munun’una wake Abheri, Jehovha akaudza Kaini kuti: “Ropa romunun’una wako riri kushevedzera kwandiri riri panyika.” (Genesisi 4:10) Mwari paakataura nezveropa raAbheri, akanga achitaura nezvoupenyu hwaAbheri. Kaini akanga auraya Abheri, uye zvino Kaini aifanira kurangwa. Zvaiita sokuti ropa raAbheri, kana kuti upenyu, rakanga richishevedzera kuna Jehovha kuti aruramisire. Kubatana kwoupenyu neropa kwakazoratidzwazve pashure peMafashamo omunguva yaNoa. Mafashamo asati auya, vanhu vaingodya michero chete, miriwo, zviyo, uye nzungu. Pashure peMafashamo, Jehovha akaudza Noa nevanakomana vake kuti: “Mhuka dzose mhenyu dzinofamba dzingava zvokudya zvenyu. Ndinokupai dzose, sezvandakaita zvinomera zvakasvibirira.” Zvisinei, Mwari akavarambidza izvi: “Nyama bedzi ine mweya wayo [kana kuti, upenyu]—iro ropa rayo—musaidya.” (Genesisi 1:29; 9:3, 4) Zviri pachena kuti Jehovha anobatanidza chaizvo upenyu neropa rechisikwa.

11. Mwari akarambidza kushandiswa kweropa kupi kubvira munguva yaNoa?

11 Tinoratidza kuremekedza ropa nokusaridya. MuMutemo uyo Jehovha akapa vaIsraeri, akarayira kuti: “Munhu wose . . . anobata mhuka kana kuti shiri inodyiwa paanenge achivhima, anofanira kudurura ropa rayo orifukidza neguruva. . . . Ndakati kuvanakomana vaIsraeri: ‘Hamufaniri kudya ropa renyama chero ipi zvayo.’” (Revhitiko 17:13, 14) Murayiro waMwari wokusadya ropa remhuka wakatanga kupiwa Noa makore 800 akanga apfuura, wakanga uchiri kushanda. Maonero aiita Jehovha akanga akajeka: Vashumiri vake vaigona kudya nyama yemhuka asi kwete ropa. Vaifanira kudururira ropa racho pasi—chokwadi, kudzosera upenyu hwechisikwa chacho kuna Mwari.

12. Murayiro upi une chokuita neropa wakapiwa nomudzimu mutsvene muzana remakore rokutanga uye uchiri kushanda mazuva ano?

12 Murayiro wakafanana uripowo pavaKristu. Vaapostora nevamwe varume vaitungamirira pakati pevateveri vaJesu muzana remakore rokutanga vakaungana kuti vasarudze kuti mirayiro ipi yaifanira kuteererwa nevanhu vose vaiva muungano yechiKristu. Vakagumisa kuti: “Mudzimu mutsvene nesu tasarudza kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kwezvinhu izvi zvakakodzera, kuti murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ropa, zvinhu zvakadzipwa [kurega ropa riri munyama] uye ufeve.” (Mabasa 15:28, 29; 21:25) Saka tinofanira ‘kuramba tichirega ropa.’ Kuna Mwari, kuita kwedu izvozvo kunokosha kufanana nokudzivisa kwatinoita kunamata zvidhori uye unzenza.

Kudai chiremba wako aizokuudza kuti urege doro, waizoripinza mutsinga dzako here?

13. Enzanisira nei murayiro wokurega ropa uchisanganisira kuwedzerwa ropa.

13 Murayiro wokurega ropa unosanganisira kuwedzerwa ropa here? Hungu. Kuenzanisira: Ngatitii chiremba aizokuudza kuti urege doro. Izvozvo zvaizongoreva kuti haufaniri kunwa doro asi kuti unogona kuripinza mutsinga dzako here? Chokwadika, kwete! Saizvozvowo, kurega ropa kunoreva kusatomboripinza mumiviri yedu. Saka murayiro wokurega ropa unoreva kuti hatizobvumiri chero munhu upi zvake kupinza ropa mutsinga dzedu.

14, 15. Kana vanachiremba vakati muKristu anofanira kuwedzerwa ropa, iye angaitei, uye nei?

14 Zvakadini kana muKristu akakuvara chaizvo kana kuti achifanira kuvhiyiwa zvakanyanya? Ngatitii vanachiremba vanoti anofanira kuwedzerwa ropa, kana zvikasadaro achafa. Chokwadi, muKristu angasada kufa. Achiedza kuchengetedza chipo chinokosha chaMwari choupenyu, angabvuma kumwe kurapa kusingasanganisiri kushandiswa kweropa kusina kukodzera. Saka, angatsvaka kurapa kwakadaro kana kuchiwanika uye angabvuma zvimwe zvingashandiswa zvakasiyana-siyana pane kubvuma ropa.

15 MuKristu angatyora mutemo waMwari kuti angorebesa upenyu zvishoma mumamiriro ano ezvinhu here? Jesu akati: “Munhu wose anoda kuponesa mweya wake [kana kuti, upenyu] acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu achauwana.” (Mateu 16:25) Hatidi kufa. Asi kudai taizoedza kuponesa upenyu hwedu hwepanguva ino nokutyora mutemo waMwari, taizova mungozi yokurasikirwa noupenyu husingaperi. Saka, kuchenjera kuti tivimbe nokururama kwomutemo waMwari, tiine chivimbo chizere chokuti kana tikaurayiwa nechero chii zvacho, Mupi wedu woUpenyu achatiyeuka paanomutsa vanhu, otidzosera chipo chinokosha choupenyu.—Johani 5:28, 29; VaHebheru 11:6.

16. Vashumiri vaMwari vanotsunga kuitei pamusoro peropa?

16 Mazuva ano, vashumiri vaMwari vakatendeka vanotsunga kutevera zvaanorayira pamusoro peropa. Havazodyi ropa chero ripi zvaro. Uyewo havazoribvumi nokuda kwezvikonzero zvokurapa. * Vane chokwadi chokuti Musiki weropa anoziva zvakavanakira. Unodavira here kuti ndizvo zvaanoita?

KUSHANDISWA KWEROPA KUMWE CHETE KWAKAKODZERA

17. KuvaIsraeri vekare, ndokupi kwaiva kushandiswa kweropa kumwe chete kwaigamuchirwa naJehovha Mwari?

17 Mutemo waMosesi waisimbisa kushandiswa kweropa kumwe chete kwakakodzera. Nezvokunamata kwaidiwa kuvaIsraeri vekare, Jehovha akarayira kuti: “Mweya [kana kuti, upenyu] wenyama uri muropa, uye ini ndakariisa pamusoro peatari kuti imi muyananisire mweya yenyu, nokuti ropa ndiro rinoyananisira.” (Revhitiko 17:11) VaIsraeri pavaitadza, vaigona kukanganwirwa nokubayira mhuka uye kuita kuti rimwe ropa rayo riiswe paatari yaiva patebhenekeri kana kuti gare gare patemberi yaMwari. Kushandiswa kweropa kumwe chete kwakanga kwakakodzera kwaiva pakubayira zvibayiro kwakadaro.

18. Ndezvipi zvinhu zvatinobatsirwa nazvo uye zvikomborero zvatinowana kubva mukuteurwa kweropa raJesu?

18 VaKristu vechokwadi havasi pasi poMutemo waMosesi, saka havabayiri zvibayiro zvemhuka uye havaisi ropa remhuka paatari. (VaHebheru 10:1) Zvisinei, kushandiswa kweropa paatari mumazuva evaIsraeri vekare kwaimirira chibayiro chinokosha choMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Sezvatakadzidza muChitsauko 5 chebhuku rino, Jesu akatipa upenyu hwake hwomunhu nokubvumira kuti ropa rake riteurwe sechibayiro. Akabva akwira kudenga uye kamwe chete zvachose akapa Mwari kukosha kweropa rake rakateurwa. (VaHebheru 9:11, 12) Izvozvo zvakaita kuti tikwanise kukanganwirwa zvivi zvedu uye zvakaita kuti pave nomukana wokuwana upenyu husingaperi. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Kushandiswa kweropa ikoko kwakaratidza kuti kunokosha zvakanyanya! (1 Petro 1:18, 19) Tinokwanisa kuponeswa chete nokutenda kukosha kweropa raJesu rakateurwa.

Ungaremekedza sei upenyu uye ropa?

19. Chii chatinofanira kuita kuti tive va“kachena paropa revanhu vose”?

19 Tinogona kuonga zvikuru Jehovha Mwari nokuda kwechipo choupenyu chinoratidza rudo! Uye izvozvo hazvifaniri kutikurudzira kuudza vamwe nezvomukana uripo wokuwana upenyu husingaperi nokuda kwokutenda chibayiro chaJesu here? Kuratidza kuva nehanya noupenyu hwevamwe vanhu sezvinoita Mwari kuchaita kuti tiite izvi nechido uye tichishingaira. (Ezekieri 3:17-21) Kana tikashingairira kuita basa iri, tichakwanisa kutaura sezvakaitwa nomuapostora Pauro kuti: “Ndakachena paropa revanhu vose, nokuti handina kurega kukuudzai zvose zvakasarudzwa naMwari.” (Mabasa 20:26, 27) Kuudza vanhu nezvaMwari uye zvinangwa zvake inzira yakanaka kwazvo yokuratidza kuti tinoremekedza zvikuru upenyu uye ropa.

^ ndima 16 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nokumwe kurapa kungashandiswa pane kuwedzerwa ropa, ona mapeji 13-17 ebhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.