Jeremiya 10:1-25
10 Inzwai shoko rataurwa naJehovha pamusoro penyu, haiwa imi imba yaIsraeri.
2 Zvanzi naJehovha:
“Musadzidza nzira yemamwe marudzi,+Uye musatyiswa nezviratidzo zvekudenga,Nekuti mamwe marudzi anotyiswa nazvo.+
3 Nekuti tsika dzemarudzi acho hadzisi chinhu.*
Unongova muti wesango unotemwa,Wogadzirwa nemaoko emhizha ichishandisa mudziyo wayo.+
4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe,+Vouroverera nezvipikiri nesando kuti urege kudonha.+
5 Haigoni kutaura kungofanana nedukununu rekutyisidzira shiri mumunda wemagaka;+Inotoita zvekutakurwa nekuti haigoni kufamba.+
Musaitya nekuti haikuvadzi,Kana kuita chero chinhu chakanaka.”+
6 Hapana akaita semi, haiwa Jehovha.+
Muri mukuru, uye zita renyu iguru uye rine simba.
7 Ndiani angarega kukutyai, haiwa imi Mambo wemarudzi,+ nekuti ndizvo zvakakodzera;Nekuti pakati pevakachenjera vese vemamwe marudzi uye pakati peumambo hwavo hwese,Hapana kana akaita semi.+
8 Vese havafungi uye mapenzi.+
Kurayirwa nemuti hakuna kana chiyamuro.*+
9 Sirivha yakaitwa nhetenhete inounzwa ichibva kuTashishi,+ uye goridhe kubva kuUfazi,Basa remhizha, remaoko emupfuri wesimbi.
Zvipfeko zvazvo ndezveshinda yebhuruu neshinda yepepuru.
Zvese zvakagadzirwa nevashandi vane unyanzvi.
10 Asi Jehovha ndiMwari zvechokwadi.
Ndiye Mwari mupenyu+ uye Mambo asingagumi.+
Nyika ichadengenyeka nekuda kwehasha dzake,+Uye hapana marudzi achatsungirira kutsamwa kwake.
11 * Muti kwavari:
“Vanamwari vasina kusika denga nenyikaVachaparara panyika uye pasi pedenga iri.”+
12 Ndiye akasika nyika nesimba rake,Iye akasimbisa nyika neuchenjeri hwake+Uye akatatamura denga nekunzwisisa kwake.+
13 Paanoita kuti inzwi rake rinzwike,Mvura iri kudenga inotinhira,+Uye anoita kuti makore asimuke* kubva kumigumo yenyika.+
Anogadzirira mvura inonaya mheni,*Uye anobudisa mhepo mumatura ake.+
14 Munhu wese ari kuita zvinhu asingafungi uye achiratidza kuti haana ruzivo.
Vapfuri vese vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+Nekuti mifananidzo yavo yesimbi* ndeyenhema,Uye haina mweya* mairi.+
15 Haisi chinhu,* ibasa rinoshorwa.+
Ichaparara pazuva rekutongwa kwayo.
16 Mugove waJakobho hauna kuita sezvinhu izvi,Nekuti ndiye Muumbi wezvinhu zvese,Uye Israeri ndiye mudonzvo wenhaka yake.+
Jehovha wemauto ndiro zita rake.+
17 Unganidza zvinhu zvako,Haiwa iwe mukadzi akakombwa.
18 Nekuti zvanzi naJehovha:
“Ndiri kuvhiriridzira* vagari vemunyika yacho kunze kwayo panguva ino,+Uye ndichaita kuti vatambudzike.”
19 Ndiri munhamo nekuda kwekukuvara* kwangu!+
Ronda rangu harirapiki.
Uye ndakati: “Chokwadi uhwu ndihwo urwere hwangu, uye ndinofanira kuhutsungirira.
20 Tende rangu raparadzwa, uye tambo dzetende rangu dzadamburwa dzese.+
Vanakomana vangu vandisiya, uye havasisipo.+
Hapasisina asara kuti atambanudze tende rangu kana kusungirira machira etende rangu.
21 Nekuti vafudzi vaita zveupenzi,+Uye havana kubvunza Jehovha.+
Ndokusaka vasina kuratidza njere,Uye makwai avo ese apararira.”+
22 Inzwai! Pane shoko riri kuuya!
Kutinhira kukuru kuri kubva kunyika yekuchamhembe,+Kuti maguta eJudha aitwe matongo, nzvimbo inogara hunguhwe.*+
23 Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yemunhu haisi yake.
Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.+
24 Haiwa Jehovha, ndiruramisei nemutongo,Asi kwete makatsamwa,+ kuti murege kundisiya ndisisiri chinhu.+
25 Dururirai hasha dzenyu pamarudzi asingakuteererei+Uye pamhuri dzisingadani zita renyu.
Nekuti vaparadza Jakobho,+Chokwadi, vamuparadza kusvika vamutsakatisa,+Uye vaita kuti nyika yake ive dongo.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “hadzibatsiri.”
^ Kana kuti “zvakunobatsira.”
^ ChiAramaiki ndicho chakatanga kushandiswa pakanyorwa vhesi 11.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadzira munobuda nemvura inonaya.”
^ Kana kuti “mhute isimuke.”
^ Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
^ Kana kuti “mweya wekufema.”
^ Kana kuti “Haibatsiri.”
^ Kana kuti “kupotsera.”
^ Kana kuti “kwekutyoka.”
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.