Jeremiya 10:1-25

  • Vanamwari vemarudzi vanoenzaniswa naMwari mupenyu (1-16)

  • Kuparadzwa uye kutapwa zvava pedyo (17, 18)

  • Jeremiya anoshungurudzika (19-22)

  • Muprofita wacho anonyengetera (23-25)

    • Munhu haagoni kururamisa nhanho dzake (23)

10  Inzwai shoko rataurwa naJehovha pamusoro penyu, haiwa imi imba yaIsraeri.  Zvanzi naJehovha: “Musadzidza nzira yemamwe marudzi,+Uye musatyiswa nezviratidzo zvekudenga,Nekuti mamwe marudzi anotyiswa nazvo.+   Nekuti tsika dzemarudzi acho hadzisi chinhu.* Unongova muti wesango unotemwa,Wogadzirwa nemaoko emhizha ichishandisa mudziyo wayo.+   Vanoushongedza nesirivha negoridhe,+Vouroverera nezvipikiri nesando kuti urege kudonha.+   Haigoni kutaura kungofanana nedukununu rekutyisidzira shiri mumunda wemagaka;+Inotoita zvekutakurwa nekuti haigoni kufamba.+ Musaitya nekuti haikuvadzi,Kana kuita chero chinhu chakanaka.”+   Hapana akaita semi, haiwa Jehovha.+ Muri mukuru, uye zita renyu iguru uye rine simba.   Ndiani angarega kukutyai, haiwa imi Mambo wemarudzi,+ nekuti ndizvo zvakakodzera;Nekuti pakati pevakachenjera vese vemamwe marudzi uye pakati peumambo hwavo hwese,Hapana kana akaita semi.+   Vese havafungi uye mapenzi.+ Kurayirwa nemuti hakuna kana chiyamuro.*+   Sirivha yakaitwa nhetenhete inounzwa ichibva kuTashishi,+ uye goridhe kubva kuUfazi,Basa remhizha, remaoko emupfuri wesimbi. Zvipfeko zvazvo ndezveshinda yebhuruu neshinda yepepuru. Zvese zvakagadzirwa nevashandi vane unyanzvi. 10  Asi Jehovha ndiMwari zvechokwadi. Ndiye Mwari mupenyu+ uye Mambo asingagumi.+ Nyika ichadengenyeka nekuda kwehasha dzake,+Uye hapana marudzi achatsungirira kutsamwa kwake. 11  * Muti kwavari: “Vanamwari vasina kusika denga nenyikaVachaparara panyika uye pasi pedenga iri.”+ 12  Ndiye akasika nyika nesimba rake,Iye akasimbisa nyika neuchenjeri hwake+Uye akatatamura denga nekunzwisisa kwake.+ 13  Paanoita kuti inzwi rake rinzwike,Mvura iri kudenga inotinhira,+Uye anoita kuti makore asimuke* kubva kumigumo yenyika.+ Anogadzirira mvura inonaya mheni,*Uye anobudisa mhepo mumatura ake.+ 14  Munhu wese ari kuita zvinhu asingafungi uye achiratidza kuti haana ruzivo. Vapfuri vese vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+Nekuti mifananidzo yavo yesimbi* ndeyenhema,Uye haina mweya* mairi.+ 15  Haisi chinhu,* ibasa rinoshorwa.+ Ichaparara pazuva rekutongwa kwayo. 16  Mugove waJakobho hauna kuita sezvinhu izvi,Nekuti ndiye Muumbi wezvinhu zvese,Uye Israeri ndiye mudonzvo wenhaka yake.+ Jehovha wemauto ndiro zita rake.+ 17  Unganidza zvinhu zvako,Haiwa iwe mukadzi akakombwa. 18  Nekuti zvanzi naJehovha: “Ndiri kuvhiriridzira* vagari vemunyika yacho kunze kwayo panguva ino,+Uye ndichaita kuti vatambudzike.” 19  Ndiri munhamo nekuda kwekukuvara* kwangu!+ Ronda rangu harirapiki. Uye ndakati: “Chokwadi uhwu ndihwo urwere hwangu, uye ndinofanira kuhutsungirira. 20  Tende rangu raparadzwa, uye tambo dzetende rangu dzadamburwa dzese.+ Vanakomana vangu vandisiya, uye havasisipo.+ Hapasisina asara kuti atambanudze tende rangu kana kusungirira machira etende rangu. 21  Nekuti vafudzi vaita zveupenzi,+Uye havana kubvunza Jehovha.+ Ndokusaka vasina kuratidza njere,Uye makwai avo ese apararira.”+ 22  Inzwai! Pane shoko riri kuuya! Kutinhira kukuru kuri kubva kunyika yekuchamhembe,+Kuti maguta eJudha aitwe matongo, nzvimbo inogara hunguhwe.*+ 23  Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yemunhu haisi yake. Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.+ 24  Haiwa Jehovha, ndiruramisei nemutongo,Asi kwete makatsamwa,+ kuti murege kundisiya ndisisiri chinhu.+ 25  Dururirai hasha dzenyu pamarudzi asingakuteererei+Uye pamhuri dzisingadani zita renyu. Nekuti vaparadza Jakobho,+Chokwadi, vamuparadza kusvika vamutsakatisa,+Uye vaita kuti nyika yake ive dongo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “hadzibatsiri.”
Kana kuti “zvakunobatsira.”
ChiAramaiki ndicho chakatanga kushandiswa pakanyorwa vhesi 11.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadzira munobuda nemvura inonaya.”
Kana kuti “mhute isimuke.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “mweya wekufema.”
Kana kuti “Haibatsiri.”
Kana kuti “kupotsera.”
Kana kuti “kwekutyoka.”
Iyi imhuka yakada kufanana negava.